32
JUNE 1, 2012 BHAIBHERI Rakasiyana Papi Nemamwe Mabhuku? 8 NHARIREYOMURINDI Y OKUZIVISA UMAMBO HWAJ EHOVHA

BHAIBHERI - JW.ORGdownload.jw.org/files/media_magazines/53/wp_CA_20120601.pdf · Bha-ibheri rakasiyana papi nemamwe mabhuku ose? ... Bhaibheri hunonyatsodonongodza zvichaitika uye

  • Upload
    ngotram

  • View
    214

  • Download
    0

Embed Size (px)

Citation preview

JUNE 1, 2012

BHAIBHERIRakasiyana PapiNemamwe Mabhuku?

8

NHARIREYOMURINDIYOKUZIVISA UMAMBO HWAJEHOVHA

CHINANGWA CHEMAGAZINI INO, Nharireyomurindi, ndechokurumbidza Jehovha Mwari, Mutongi Mukuruwezvinhu zvose. Sezvo makarekare nharire dzaiita kuti murindi aone zviri kuitika kure, magazini ino inoratidzakuti zviri kuitika munyika zviri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri. Inonyaradza vanhu vose nemashoko akanakaokuti Umambo hwaMwari, uhwo hunoreva hurumende chaiyo iri kudenga, hwava pedyo kugumisa uipi hwosehwochinja pasi rino kuti rive Paradhiso. Inokurudzira vanhu kuti vatende muna Jesu Kristu, uyo ari kutonga iyezvino saMambo weUmambo hwaMwari uye akafira kuti tikwanise kuwana upenyu husingaperi. Magazini ino,yagara ichibudiswa neZvapupu zvaJehovha kubvira muna 1879, uye haisi yezvematongerwo enyika. Zvainotaurazvose zvinobva muBhaibheri.Magazini ino haitengeswi. Imwe yemabhuku anoshandiswa pabasa rokudzidzisa Bhaibheri munyika yose uye basa iri rinotsigirwa nezvipo zvokuzvidira. Magwaro anobvamuShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, kunze kwokunge pataurwa kuti pane pamwe paatorwa.

NHARIREYOMURINDIYOKUZIVISA UMAMBO HWAJEHOVHA

Avhareji Yokudhinda Magazini ImweNeimwe: 42 182 000 MUMITAURO 194

JUNE 1, 2012

NYAYA DZICHAKURUKURAMUSORO URI PAKAVHA

3 Rakangofanana NemamweMabhuku Here?

4 Uprofita Hwose Hunozadzika5 Rine Nhoroondo Dzechokwadi,

Kwete Ngano6 Rakarurama Mune Zvesayenzi

7 Mabhuku Anobvumirana8 Mazano Aro Anoshanda

Mazuva Ano9 “Kuti Vawane Upenyu Husingaperi”

NYAYA DZINOGARA DZICHIBUDA14 Swedera Pedyo naMwari

—‘Mweya Wenyu Uchakotamira PamusoroPangu’

15 Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .Nei Zvapupu zvaJehovhaZvichiparidza Paimba Neimba?

16 Dzidza Kubva muShoko raMwari—Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari?

24 Tsamba Inobva kuIreland26 Waizviziva Here?30 Dzidzisai Vana Venyu

—Akanga Akaoma Musoro Asi AkazogumaAva Kuteerera

DZIMWEWO NYAYA10 Coverdale Munhu Akadhindisa Bhaibheri

Rakazara Rokutanga muChirungu12 Jehovha Akasvinudza Maziso Angu18 Kutamburira Mashoko Akanaka muTesaronika22 Ungararama Sei Nemari Shoma Pane

Yawaimbotambira?27 Shoko Rokuti “Hazvitomboiti!”—Rinorevei?

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 3

HAASI munhu wose anobvuma kuti Bhai-bheri rinobatsira pane zvose. Ko iwe uno-

tiwo kudii? Patsanangudzo dziri pasi apa ndei-pi yaunoti inonyatsoenderana nemaonero au-noita Bhaibheri?

˙ Nderimwe remabhuku anokosha˙ Ibhuku rinokosha sezvinongoitawo ma-

mwe mabhuku matsvene˙ Ibhuku rengano asi rinodzidzisa tsika dza-

kanaka˙ IShoko raMwariMumwe mubvunzo ndewokuti, Maonero

aunoita nyaya iyi ane basa here? Chimbofungazvinotaurwa neBhaibheri pamusoro paro zvo-kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvaka-nyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungiri-ra kwedu uye nokunyaradza kunobva muMa-gwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Saka apaBhaibheri riri kutaura kuti rakanyorerwa kutiritirayiridze, ritinyaradze uye ritipe tariro.

Saka kudai Bhaibheri riri bhuku rakafanananemamwe mabhuku kana kuti rimwe rema-bhuku matsvene, waizovimba naro here kutirikurayiridze kana kutungamirira vomumhurimako, kunyanya kana zvarinotaura zvakasiya-na nezvaunofunga kuti zvakarurama? Dai riribhuku rengano raizokunyaradza here kana ku-kupa tariro?

Kune mamiriyoni evanhu ari kudzidza Bhai-bheri ari kugutsikana kuti iShoko raMwari ra-kasiyana nemamwe mabhuku ose. Nei? Bha-ibheri rakasiyana papi nemamwe mabhukuose? Tinokukumbira kuti uverenge nyaya dzi-notevera kuti uone zvinhu zvishanu zvinosiya-nisa Bhaibheri nemamwe mabhuku.

RakangofananaNemamweMabhukuHere?

“Rugwaro rwoserwakafuridzirwa naMwariuye runobatsira . . . , kutimunhu waMwari akwanisezvizere, akashongedzerwazvakakwana kuita mabasaose akanaka.”—2 TIMOTI 3:16, 17.

4

BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI? Zvi-nhu zvaiprofitwa makare-kare zvainyatsozivikanwa kuti zvakangazvisina kujeka, uye pane zvaitaurwa zvacho zvishoma ndizvo zvaii-tika. Nanhasi ndizvo zvichiri kungoitika pane zvinofemberwa ne-vanhu. Vanhu vanoongorora zviri kuitika kuti zvivabatsire kufu-ngidzira remangwana. Havatombokwanisi kunyatsotaura kana ku-fungidzira zvichaitika pachine mazana emakore. Asi uprofita hwe-Bhaibheri hunonyatsodonongodza zvichaitika uye hwagara hu-chizadzika, huchitozivisa “kubva panguva yekare-kare zvinhu zvi-chigere kuitwa.”—Isaya 46:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.MUENZANISO: Muzana remakore rechitanhatu B.C.E., muprofitaDhanieri akaona chiratidzo chokukunda kwaizoita Girisi uma-mbo hweMedhiya nePezhiya. Uprofita hwacho hwakataurawo ku-ti mambo weGirisi ‘paaizongova nesimba’ umambo hwake hwai-zoparara. Mambo uyu aizotsiviwa nani? Dhanieri akanyora kuti:“Umambo huna huchabva murudzi rwake huchamuka, asi kwetenesimba rake.”—Dhanieri 8:5-8, 20-22.ZVINOTAURWA NEVAONGORORI VENHOROONDO DZEKARE:Papera makore anopfuura 200 Dhanieri afa, Alexander ainge aka-kurumbira ndiye akazova mambo weGirisi. Mushure memakore10, Alexander akakunda Umambo hweMedhiya nePezhiya uyeakanga ava kutonga kusvikira kuRwizi rwaIndus (rwuri munyikayePakistan). Asi akafa achingova nemakore 32 chete. UmambohwaAlexander hwakazoparara pahondo yakarwiwa pedyo neIpsusmuAsia Minor. Vanhu vanavakakunda muhondoyachovakazogo-vana Umambo hweGirisi. Asi pavari vose hapana akava nesimbarakafanana neraiva naAlexander.UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku rine uprofita hunozadzikaseizvi? Izvi hazviratidzi kuti Bhaibheri rakasiyana nemamwe ma-bhuku here?

UPROFITA HWOSEHUNOZADZIKA“Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko oseakanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamurirakakundikana.”—JOSHUA 23:14.

“Bhaibheri rine uprofita. . . hwakawanda chaizvozvokuti hazvingatomboiti

zvachose kuti zvinzihunozadzika netsaona.”

—BHUKU RINONZI A LAWYEREXAMINES THE BIBLE, RAKANYORWA

NAIRWIN H. LINTON

˘RobertH

ardingPicture

Library/SuperStock

NHARIREYOMURINDIYOKUZIVISA UMAMBO HWAJEHOVHA

Ungada mamwe mashoko kana kuti kudzi-dza Bhaibheri pamusha pako usingabhadharihere? Tapota tumira chikumbiro chako kuJe-hovah’s Witnesses, uchishandisa kero yakako-dzera pane dziri pasi apa.

America, United States of: 25 Columbia Heights, Brooklyn,NY 11201-2483. Australia: PO Box 280, Ingleburn, NSW1890. Britain: The Ridgeway, London NW7 1RN. Canada:PO Box 4100, Georgetown, ON L7G 4Y4. Germany: 65617Selters. Japan: 4-7-1 Nakashinden, Ebina City, Kanagawa-Pref, 243-0496. Kenya: PO Box 21290, Nairobi 00505. Mala-wi: PO Box 30749, Lilongwe 3. Mozambique: PO Box 2600,1100 Maputo. Nigeria: PMB 1090, Benin City 300001, EdoState. South Africa: Private Bag X2067, Krugersdorp, 1740.Zambia: PO Box 33459, 10101 Lusaka. Zimbabwe: PrivateBag WG-5001, Westgate.

Nharireyomurindi (ISSN 0043-1087) inobudiswa kaviri pa-mwedzi neWatchtower Bible and Tract Society of New York,Inc.; L. Weaver, Jr., President; G. F. Simonis, Secretary-Trea-surer; 25 Columbia Heights, Brooklyn, NY 11201-2483.Printed in South Africa by Watch Tower Bible and Tract So-ciety, 1 Robert Broom Drive East, Rangeview, Krugersdorp,1739. � 2012 Watch Tower Bible and Tract Society ofPennsylvania. Kudhinda kana kukopa pasina mvumo hazvi-bvumirwi.

Vol. 133, No. 11 Semimonthly SHONA

8

BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI?Ngano uye dzimwe nyaya dzekare dzine zvinhu zvokufungidzirauye hadzitauri kwakaitika zvinhu zvacho, misi uye mazita eva-nhu. Asi Bhaibheri rinodonongodza zvinhu zvakawanda zvakaiti-ka izvo zvinoita kuti muverengi agutsikane kuti zvarinotaura“ichokwadi.”—Pisarema 119:160.MUENZANISO: Bhaibheri rinotaura kuti “Nebhukadhinezarimambo weBhabhironi . . . akatapa [Mambo weJudha] Jehoyakiniakamuendesa kuBhabhironi.” Pave paya “Evhiri-merodhaki ma-mbo weBhabhironi, mugore raakava mambo, akasimudza muso-ro waJehoyakini mambo waJudha, akamubudisa muimba yeva-sungwa.” Uyewo Jehoyakini “aipiwa mugove wake wezvokudyanamambo nguva dzose, zuva nezuva sezvaaifanira kupiwa, mazu-va ose oupenyu hwake.”—2 Madzimambo 24:11,15; 25:27-30.ZVAKAWANIKWA NEVANOCHERA MATONGO: Pamatongo eBha-bhironi rekare, vanochera matongo vakawana magwaro ehuru-mende anoratidza kuti ndeepanguva yaitonga Nebhukadhineza-ri II. Magwaro acho anotaura nezvemugove waipiwa vashandinevasungwa vaigara muBhabhironi. Anotaurawo nezva“Yaukin[Jehoyakini],” aiva mambo weYahud (Judha),” uye mhuri yake.Ko Evhiri-merodhaki anonzi akatsiva Nebhukadhinezari pachi-garo akamborarama here? Chimwe chiumbwa chakawanikwapedyo neguta rinonzi Susa chaiva chakanyorwa kuti: “Muzi-nda waAmil-Marduk [Evhiri-merodhaki], Mambo weBhabhironi,mwanakomana waNebhukadhinezari, Mambo weBhabhironi.”UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku rinonyatsotaura zvinhuzvakarurama parinotaura zvakaitika kare sezvinoita Bhaibheri?Izvi hazviratidzi kuti Bhaibheri rakasiyana nemamwe mabhukuhere?

RINE NHOROONDODZECHOKWADI,

KWETE NGANO“Ndakatsvaka zvinhu zvose nenzira yakarurama kubvira

pakutanga.”—RUKA 1:3.

“Parinotaura nguvanenzvimbo dzakaitikazvinhu, Bhaibherirakarurama uye rakavimbikakupfuura zvimwe zvinyorwazvekare.”—BHUKU RINONZI ASCIENTIFIC INVESTIGATION OF THEOLD TESTAMENT, RAKANYORWANAROBERT D. WILSON

GWARO ROKUBHABHIRONIRINOTAURA NEZVAJEHOYAKINIMAMBO WAJUDHA

˘bpk,Berlin/VorderasiatischesM

useum,SM

B/OlafM

.Tessmer/ArtResource,N

Y

ZVINO YAVA KUBUDISWA MUMITAURO 194:Acholi, Afrikaans, Albanian, Amharic, Arabic, Arme-nian, Armenian (West), Aymara,� Azerbaijani, Azerbai-jani (Cyrillic), Baoule, Bengali, Bicol, Bislama, Bulgar-ian, Cambodian, Catalan, Cebuano, Chichewa, Chinese(Chakapfaviswa), Chinese (Traditional)� (audio Man-darin only), Chitonga, Chitumbuka, Chuukese, Cibem-ba, Croatian, Czech,� Danish,� Dutch,�� Efik, English,���Estonian, Ewe, Fijian, Finnish,� French,��� Ga, Garifu-na, Georgian, German,��� Greek, Greenlandic, Guara-ni,�� Gujarati, Gun, Haitian Creole, Hausa, Hebrew, Hili-gaynon, Hindi, Hiri Motu, Hungarian,�� Icelandic, Igbo,Iloko, Indonesian, Isoko, Italian,�� Japanese,�� Kannada,

Kazakh, Kikaonde, Kikongo, Kikuyu, Kiluba, Kimbundu,Kinyarwanda, Kirghiz, Kiribati, Kirundi, Kongo, Korean,��Kwangali, Kwanyama, Latvian, Lingala, Lithuanian, Lu-ganda, Lunda, Luo, Luvale, Macedonian, Malagasy, Mal-ayalam, Maltese, Marathi, Marshallese, Mauritian Creole,Maya, Mixe, Mizo, Mongolian, Moore, Myanmar, Nahu-atl (Northern Puebla), Ndebele, Ndonga, Nepali, Nga-bere, Niuean, Norwegian,� Nyaneka, Nzema, Oromo,Otetela, Palauan, Pangasinan, Papiamento (Aruba), Pa-piamento (Curacao), Persian, Polish,�� Ponapean, Portu-guese,��� Punjabi, Quechua (Ancash), Quechua (Ayacu-cho), Quechua (Bolivia),� Quechua (Cuzco), Quichua,Rarotongan, Romanian,Russian,�� Samoan, Sango, Sepe-

di, Serbian, Serbian (Roman), Sesotho, Seychelles Creole,Shona, Silozi, Sinhala, Slovak, Slovenian, Solomon IslandsPidgin, Spanish,��� Sranantongo, Swahili, Swati, Swed-ish,� Tagalog,� Tahitian, Tamil, Tatar, Telugu, Tetum, Thai,Tigrinya, Tiv, Tok Pisin, Tongan, Totonac, Tshiluba, Tshwa,Tsonga, Tswana, Turkish, Tuvaluan, Twi, Tzotzil, Ukraini-an, Umbundu, Urdu, Uruund, Venda, Vietnamese, Walli-sian, Waray-Waray, Wolaita, Xhosa, Yapese, Yoruba, Zan-de, Zapotec (Isthmus), Zulu

� Braille inowanikawo.� CD inowanikawo.� MP3 CD-ROM inowanikawo.� Yokuteerera inowanikawo pawww.jw.org.

6 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI? Ma-bhuku ekare anowanzotaura zvinhu zvisina kuvimbika uye zvinengozi izvo zvakabudiswa pachena nevesayenzi kuti ndezvenhema.Uyewo vanyori vemabhuku vari kugara vachinatsurudza mabhukuavo kuti aenderane nezvinenge zvava kuzivikanwa panguva iyoyo.Asi Bhaibheri rakasiyana nemabhuku iwayo pakuti rinoti rakanyo-rwa neMusiki uyo ane Shoko “rinogara nokusingaperi.”—1 Petro1:25.MUENZANISO: Mutemo waMosesi waiti vaIsraeri vaifanira kufu-shira tsvina yavo “kunze kwomusasa.” (Dheuteronomio 23:12, 13)Vaifanira kugeza muviri uye kuchenesa nguo dzavo nemvura kanavachinge vabata munhu akafa kana kuti mhuka yakafa. (Revhitiko11:27, 28; Numeri 19:13,19) Vanhu vaiva nemaperembudzi vaiiswakwavo vega kusvikira vava nechokwadi chokuti havachapomeri va-mwe.—Revhitiko 13:1-8.ZVINOTAURWA NEVEZVOKURAPA VEMAZUVA ANO: Kuva nezvi-mbudzi zvakakodzera, kugeza maoko uye kugarisa munhu ane chi-rwere chinotapukira kwake ega, inzira dzinoshanda chaizvo paku-rwisa zvirwere. Sangano rinonzi U.S. Centers for Disease Controland Prevention (CDC) rinoti kana pasina chimbudzi kana kutiimwe nzira yakakodzera yokurasa tsvina: “Itira tsvina kure nepanemvura nemamita anenge 30 woifushira.” Sangano reWorld HealthOrganization rinoti kana vanhu vakarasa tsvina zvakakodzera, zvi-noderedza chirwere chemanyoka nezvikamu 36 kubva muzana.Mumakore asingasviki 200 apfuura, vanachiremba vakaona kutivaipomera varwere vavo zvirwere nokuti vaisageza maoko avo mu-shure mokubata zvitunha. Sangano reCDC rinoti kugeza maokondiyo “chete nzira inonyanya kushanda yokuti uzvidzivirire paku-batwa nezvirwere.” Ko nyaya yokuisa munhu ane maperembudzikana kuti zvimwe zvirwere zvinotapuriranwa kwake oga? Munguvapfupi yapfuura magazini inonzi Saudi Medical Journal yakati: “De-nda parinenge richitanga, kuisa murwere kwake oga ndiyo nzirachete ingashanda pakumisa zvirwere zvinotapuriranwa.”UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku dzvene rekare rine mashokoanobvumirana nesayenzi yemazuva ano? Izvi hazviratidzi kutiBhaibheri ibhuku rakasiyana nemamwe mabhuku here?

RAKARURAMA MUNEZVESAYENZI“Handina kukunyorera kusvikira panguva inohere ndichikupa mazano nezivo, kuti ndikuratidzeuchokwadi hwemashoko echokwadi, kuti ndidzoreremashoko echokwadi?”—ZVIREVO 22:20, 21.

“Hapana mubvunzo kutimunhu wose anoverenga

nezvematanho okudzivirirautano epanguva yaMosesi

anoshamiswa nawo.”—BHUKU RINONZI MANUAL OF

TROPICAL MEDICINE, RAKANYORWANAVANACHIREMBA VANOTI ALDO

CASTELLANI NAALBERT J. CHALMERS

BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI?Zvinyorwa zvekare zvinenge zvakatonyorwa panguva imwe che-te kazhinji zvinopikisana. Kashoma kuti mabhuku akanyorwanevanhu vakasiyana, munzvimbo dzakasiyana uye panguvadzakasiyana, abvumirane. Asi Bhaibheri rinotaura kuti mabhu-ku aro ose 66 akanyorwa nemunhu mumwe chete uye anotaurachinhu chimwe chete.—2 Timoti 3:16.MUENZANISO: Mufudzi womuzana remakore rechi16 B.C.E.Mosesi, akanyora mubhuku rokutanga reBhaibheri kuti paizovane“mwana” aizoponesa vanhu. Bhuku iri rakazotaurawo kutimwana wacho aizova wedzinza raAbrahamu, Isaka naJakobho.(Genesisi 3:15; 22:17, 18; 26:24; 28:14) Kwapera makore anenge500 muprofita Natani akaratidza kuti mwana acho aizobva ne-kudzinza raDhavhidhi roumambo. (2 Samueri 7:12) Papera ma-kore 1 000, muapostora Pauro akatsanangura kuti mwana wa-cho aizoumbwa naJesu neboka revateveri vake. (VaRoma 1:1-4;VaGaratiya 3:16, 29) Pakazopera zana remakore rokutanga C.E.,bhuku rokupedzisira reBhaibheri rakaprofita kuti vanhu ava va-kasarudzwa vaizoparidza nezvaJesu pasi pano, vaizomutsirwakudenga votonga naye kwemakore 1 000. Mwana uyu, kurevaJesu nevateveri vake, achaparadza Dhiyabhorosi oponesa va-nhu.—Zvakazarurwa 12:17; 20:6-10.ZVINOTAURWA NEVAONGORORI VEBHAIBHERI: Mushure mo-kunge Louis Gaussen anyatsoongorora mabhuku 66 eBhaibhe-ri, akanyora kuti akabayiwa mwoyo “nekubvumirana kunosha-misa kwebhuku iri, rakatora makore 1 500 richinyorwa neva-nyori vakawanda kudaro vaiva nechinangwa chimwe chete.”Akatiwo “chinangwa chacho chaiva chokubudisa pachena nho-roondo yokudzikinurwa kwevanhu pachishandiswa Mwanako-mana waMwari.”—Bhuku rinonzi Theopneusty—The PlenaryInspiration of the Holy Scriptures.UNOFUNGEI? Ungatarisira here kuti bhuku rakapedza makoreanopfuura 1 500 richinyorwa nevarume 40 vakasiyana-siyana,ribvumirane pane zvose? Izvi hazviratidzi here kuti Bhaibherirakasiyana nemamwe mabhuku ose?

MABHUKUANOBVUMIRANA

“Uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipizvayo nevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna

Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimumutsvene.”—2 PETRO 1:21.

“Kana mabhuku ayaakabatanidzwa anou-mba bhuku rimwechete . . . Munyika yosehapana rimwe bhukurakafanana naro.”—BHUKU RINONZITHE PROBLEM OF THE OLDTESTAMENT, RAKANYORWANAJAMES ORR

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 7

8 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDI-NI? Mamwe mabhuku anogona hawo kunzi akanaka asi haa-kodzeri kuratidza vanhu gwara muupenyu. Uyewo mabhukuemirayiridzo emazuva ano anogara achinatsurudzwa. AsiBhaibheri rinotaura kuti “zvinhu zvose zvakanyorwa kare[zviri mariri] zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe.”—VaRoma15:4.MUENZANISO: Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku re-zvekurapa, rine mazano anobatsira kuti munhu ave noutanohwakanaka uye asashushikana mupfungwa. Somuenzaniso,rinotaura kuti “mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviriwenyama.” (Zvirevo 14:30) Bhaibheri rinonyeverawo kuti:“Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaa-noda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.”(Zvirevo 18:1) Rinotaurawo kuti “kupa kune mufaro mukurukupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.ZVAKAWANIKWA NEVANOTSVAKURUDZA: Pfungwa dzaka-gadzikana, ushamwari hwetsika nditsikewo uye kuva nerupokunogona kuvandudza utano hwako. Magazini inonzi TheJournal of the American Medical Association inoti: “Varumevanonyanya kufufutirwa nehasha vane mukana wakapetwanekaviri wokurohwa nesitiroko pane varume vanozvidzora.”Imwe ongororo yemakore gumi yakaitwa kuAustralia yaka-budisa kuti vanhu vakura “vane shamwari nevanhu vavano-taura navo zvinhu zviri kutsi kwemwoyo yavo” vanogonakurarama kwenguva yakareba kupfuura vaya vasina. Uyemuna 2008 vatsvakurudzi vekuCanada nevekuUnited Statesvakaona kuti “kupa vamwe mari kunoita kuti munhu afarepane kungoidya ega.”UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku rinopa mazano ezvo-kurapa rakanyorwa makore 2 000 akapfuura raungavimbanaro? Izvi hazviratidzi here kuti Bhaibheri ibhuku rakasiya-na nemamwe?

MAZANO AROANOSHANDAMAZUVA ANO“Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzirayangu.”—PISAREMA 119:105.

“Ndinofarira Bhaibherichaizvo . . . nokuti rinopa

mazano akanakachaizvo ezvekurapa.”

—ZVAKATAURWA NACHIREMBAAINZI HOWARD KELLY, M.D., MUMWEWEVAKATANGA YUNIVHESITI INONZI

THE JOHNS HOPKINS UNIVERSITYSCHOOL OF MEDICINE

RUZIVO runogona kuponesa upenyu. Nouhouaiva nemwedzi gumi yokuberekwa paakatanga

kurwara, uye amai vake avo vaishandira bazi rezve-utano muNiger vaiziva zvavaifanira kuita. Vaka-mugadzirira mvura ine shuga nemunyu kuti anwekuitira kuti adzorere mvura yakanga yarasika mu-muviri. Sangano reUNICEF rinoti nemhaka “ye-zvakakurumidza kuitwa nemukadzi uyu uye neru-zivo rwake rwezvoutano, mwana wacho akakuru-midza kupora.”

Kuziva Bhaibheri kunogonawo kuponesa upe-nyu hwevanhu. Munyori wokutanga weBhaibheriMosesi akati: “Nokuti harisi shoko risina zvarino-batsira kwamuri, asi rinoreva upenyu hwenyu, uyeneshoko iri mungaita kuti mazuva enyu ave ma-zhinji.” (Dheuteronomio 32:47) Ndizvo here kutiBhaibheri rinogona kuita kuti tirarame kwenguvayakareba? Rinoita sei kuti tive noupenyu?

Nyaya shanu dzapfuura pane dzino dzakateve-dzana dzaratidza kuti Bhaibheri ibhuku rakasiyananemamwe nemhaka yokuti rine uprofita hwatino-gona kuvimba nahwo, nhoroondo dzaro ndedze-chokwadi, rakarurama panyaya dzesayenzi, rino-bvumirana uye rine mazano anoshanda. Izvi zvi-noratidza kuti Bhaibheri rakasiyana nemamwe

mabhuku. Saka kana richiti rinogona kukuratidzazvaungaita kuti urarame nokusingaperi, hazvinakukodzera here kuti unyatsoridzidza?

Tinokukurudzira kuti udzidze kuti kuwana zivoyakarurama yeBhaibheri kungaita sei kuti udekaremupfungwa iye zvino uye kuti uzofara mune re-mangwana. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kuku-ratidza kuti ungawana sei ruzivo rwakadaro.

“KUTI VAWANEUPENYUHUSINGAPERI”

“Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imiMwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—JOHANI 17:3.

Bhaibheri rakasiyanawo nemamwe mabhukupakuti ndiro chete rinopindura zvinogutsamibvunzo inokoshayakadai sokuti:

˙ Takasikirwei?˙ Nei kuine

matambudzikoakawanda kudai?

˙ Ndichazomboonahere hama dzangudzakafa?

Unogona kuwana mhindurodzeBhaibheri dzemibvunzoiyi mubhuku iri rakabudiswaneZvapupu zvaJehovha.

BHAIBHERIRINOMBODZIDZISEI

Chaizvo?

10 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

BHAIBHERI rakazara rakatanga kudhindwamuChirungu rakanga risina zita romunhu

akaita kuti ridhindwe. Akarishandura ndiMilesCoverdale, uye shanduro yake iyi yakadhindwamuna 1535. Panguva iyoyo, shamwari yakeWilliam Tyndale aiva mujeri, asungirwa kusha-ndura Bhaibheri. Tyndale akazourayiwa gorerakatevera racho.

Zvimwe zvakashandurwa naCoverdale aizvi-tora pane zvakanga zvashandurwa naTyndale.Sei Coverdale akakwanisa kudhindisa shandu-ro yake asingaurayiwi, nepo mazuva iwayo va-mwe vashanduri veBhaibheri vaiurayiwa? Cov-erdale akazopedzisira abudirira kuitei?

Matangiro AzvakaitaMiles Coverdale angangodaro akaberekwa

mugore ra1488 kuYorkshire, England. Akaitazvidzidzo zvake kuCambridge University aka-gadzwa kuva mupristi weRoma muna 1514.Mudzidzisi wake ainzi Robert Barnes ndiye aka-mukurudzira kuchinja maitirwo aiitwa zvinhumuchechi yeRoma. Barnes akatizira kuEuropemuna 1528. Kwapera makore gumi nemavi-ri, Barnes akapisirwa padanda nevatungamiririvechechi yeRoma.

Pakazosvika 1528, Coverdale akanga atangakuparidza muchechi yeRoma achitaura kutizvayaiita zvokunamata zvidhori, kureurura uyeMisa, zvakanga zvisiri muMagwaro. Akabvaabuda muEngland panguva iyoyo ava kutyiraupenyu hwake, achibva apedza makore mano-mwe asimo.

Coverdale akanogara naWilliam Tyndale ku-Hamburg muGermany. Vakashanda vose kuti

vabudise Bhaibheri raigona kuverengwa neva-nhu. Panguva iyi, Coverdale akadzidza zvaka-wanda kuna Tyndale nezvounyanzvi hwoku-shandura Bhaibheri.

Nguva YokuchinjaIzvi pazvaiitika, zvinhu zvakanga zvichi-

chinja muEngland. Muna 1534, Mambo we-England ainzi Henry VIII akanyatsozvidza pa-chena chiremerera chapapa wechechi yeRoma.Aitsigirawo pfungwa yokuita kuti Bhaibheri ri-gone kuverengwa nevanhu vose vaigona Chi-rungu. Nokufamba kwenguva, Coverdale aka-bva atanga kuita basa rokurishandura. Cover-dale ainyatsogona Chirungu asi pachiHebhe-ru nechiGiriki akanga asingasviki pashamwariyake yaimudzidzisa, Tyndale. Coverdale aka-dzokorora shanduro yakanga yaitwa naTynda-le, achiishandura kubva muchiLatin nechiGer-man.

Bhaibheri raCoverdale rakadhindwa muEu-rope muna 1535, Tyndale achibva azourayiwagore rakatevera racho. Raiva nemashoko aiitakakuremekedza Mambo Henry asi ari okuba-ta kumeso. Coverdale akavimbisa Henry kutiBhaibheri racho rakanga risina mashoko omu-zasi aTyndale, ayo aiva nemamwe mashoko ai-onekwa seasina kunaka, aisanganisira dzidzisodzechechi yeRoma dzisiri mumagwaro. SakaHenry akabvuma kuti Bhaibheri racho ribudi-swe. Zvinhu zvakanga zvatanga kuchinja.

Muna 1537, shanduro mbiri dzeBhaibhe-ri raCoverdale dzakatangazve kudhindwa mu-England. Mugore iroro, Mambo Henry akabvu-ma kuti shanduro yainzi Matthew’s Bible idhi-

CoverdaleMunhu AkadhindisaBhaibheri RakazaraRokutanga muChirungu

Kubvamubhuku

rinonziOurEnglish

Bible:ItsTranslationsandTranslators

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 11

ndwe. Shanduro iyi yakadhindirwa kuguta re-Antwerp muBelgium yaiva mubatanidzwa we-Bhaibheri raTyndale neraCoverdale.

Thomas Cromwell, chipangamazano muku-ru waMambo Henry, akabva angoona kutishanduro yeMatthew’s Bible yaifanira kuva-ndudzwa, uye aitsigirwa nabhishopu muku-ru weCanterbury. Saka akakumbirazve Cover-dale kuti adzokorore kushandura Bhaibheri ra-cho rose. Mambo Henry akapa mvumo yokutishanduro iyi idhindwe muna 1539 uye akatimaBhaibheri acho aiswe mumachechi kuti va-nhu vose vakwanise kuaverenga. Bhaibheri irirainzi Great Bible nemhaka yokukura kwaro.Munyika yacho yose vanhu vakafara chaizvokuva neBhaibheri iri.

Nhaka yaCoverdaleHenry VIII afa uye mutsivi wake Edward VI

agadzwa pachigaro, Coverdale akagadzwa kuvabhishopu weExeter muna 1551. Zvisinei, Ma-mbokadzi weChechi yeRoma Mary paakatsivaEdward pachigaro muna 1553, Coverdale aito-fanira kutizira kuDenmark. Akazotamira ku-Switzerland, kwaakaramba achishandira. Aka-budisawo shanduro nhatu dzeChirungu dzeya-va kunzi Testamende Itsva nevakawanda, idzodzaiva nemashoko echiLatin aibatsira vafundi-si pazvidzidzo zvavo.

Chinhu chaisatarisirwa chakaitwa naCover-dale kusiya zita raMwari rokuti “Jehovha” mu-shanduro yake. Tyndale akashandisa zita ra-Mwari kanodarika ka20 mushanduro yake ye-Magwaro echiHebheru. Mubhuku rinonzi Cov-erdale and His Bibles, J. F. Mozley anoti: “Muna

1535 Coverdale akaramba zvachose kushandi-sa shoko rokuti [Jehovha].” Asi akazoshandisazita raMwari rokuti Jehovha katatu muGreat Bi-ble.

Zvisinei, Bhaibheri raCoverdale ndiro Bhai-bheri reChirungu rakatanga kushandisa zita ra-Mwari rakanyorwa riri mumabhii mana echi-Hebheru kwekutanga kwaro. Izvi zvinokoshanokuti ndiro raiva Bhaibheri rakatanga kuro-nga mabhuku ose eApokirifa pawo oga panekuasiya akasangana-sangana nemabhuku eMa-gwaro echiHebheru.

Mashoko akawanda aCoverdale akazosha-ndiswawo nevashanduri vakazoshandura pa-va paya. Somuenzaniso, akashandisa mashokookuti “mupata womumvuri worufu” pana Pisa-rema 23 ndima 4. Muzvinafundo S. L. Green-slade anoti mashoko okuti “mutsa worudo”ari mundima 6 “anonyatsosiyanisa kuda va-nhu kunoshamisa kunoitwa naMwari nerudo-wo zvarwo kana kunzwira ngoni.” ShanduroyeNew World Translation of the Holy Scrip-tures—With References inoshandisa shoko iroro,ichiwedzera mashoko omuzasi okuti: “Kanakuti, ‘rudo rwokuvimbika.’”

Bhuku rinonzi The Bibles of England rinotau-ra kuti pakabudiswa Bhaibheri raCoverdale ri-nonzi Great Bible “ndopakaperawo basa roserokuita kuti pave neBhaibheri reChirungu . . .kubva Tyndale paakatanga basa rake rokusha-ndura Testamende Itsva.” Shanduro yaCover-dale ndiyoyakaita kuti vanhu vanotaura Chiru-ngu vakararama panguva yake vakwanise kuve-renga Bhaibheri mururimi rwaamai.

KURUBOSHWE, ZITA RAMWARI RAKANYORWA PAPEJI YOKUTANGA MUSHANDURO YA1537

Mufananidzo

wakatorw

am

ubhukurinonziThe

Holy

ScripturesoftheO

ldeand

New

eTestam

enteW

iththe

Apocripharakanyorw

anaM

ylesCoverdale

12 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

NDAKABEREKWA musi wa2 February 1958,muruwa rweKasaı Oriental, kuDemocratic

Republic of the Congo (DRC). Baba vangu vaka-shaya ndiine makore mapfumbamwe, ndikare-rwa nomukoma wangu kusvika ndakura.

Pandakapedza chikoro ndakawana basa pairi-mwa miti inogadziriswa rabha. Rimwe zuva arimangwanani mugore ra1989, ndichinyora-nyo-ra zvinhu zvebasa ndiri muhofisi yangu, rimarakangoerekana randiti kumeso tiba. Ndaka-mbofunga kuti magetsi ainge aenda asi ndoku-zonzwa jenareta richirira uye ndikayeuka kuti ai-va mangwanani. Ndakarohwa nehana pandaka-ona kuti handichaoni kunyange zvandakangandichinyora!

Ndakashevedza mumwe wevarume vandai-shanda navo ndokubva andiendesa kuna chire-mba wepachipatara chepabasa. Chiremba wa-cho akanditi ndaitofanira kuendeswa kuna chi-remba mukuru aiva muguta. Akaonawo kutimaziso angu aiva akuvara uye kuti ndaitofanirakukurumidza kurapwa, saka akandiendesa ku-guta guru reKinshasa.

Kugara muKinshasaPandaiva kuKinshasa, ndakaona vanachire-

mba vemaziso vakawanda asi hapana akakwani-sa kundibatsira. Papera mazuva 43 ndiri muchi-

patara, vanachiremba vakazondiudza kuti ndai-sazoona kwoupenyu hwangu hwose! Hama dza-ngu dzakandiendesa kumachechi akasiyana-si-yana ainzi anoporesa asi zvakashaya basa.

Ndakapedzisira ndisisina tariro yokuzoona-zve. Zvose zvakanga zvava kuitika muupenyuhwangu zvaindiodza mwoyo. Somuenzanisopandakava bofu, basa rakabva rapera. Mudzi-mai wangu akanditiza, akatora zvose zvataivanazvo mumba. Ndakanga ndava kunyara ku-buda panze kunyange kunotandarawo neva-mwe. Ndakanga ndisisadi kushamwaridzana ne-vanhu uye ndaingoswera ndiri mumba. Ndaka-nga ndava zindoga, ndichizviona sendisingaba-tsiri zvachose.

Ndakaedza kuzviuraya kaviri. Pechipiri pachondipo parondedzerwa patangira nyaya ino. Ka-mwe kamwana keukama ndiko kakandiponesa.Pandaigeza kakatora kapu yaiva nomucheturandokubva kauteurira pasi kasingatoziviwo ku-ti waiva mushonga. Ndinototenda kuti haka-na kunwa mushonga wacho. Ndapedza kugezandakashaya kapu yacho. Ndakazoudza vomu-mhuri mangu kuti sei ndakanga ndichitsvakakapu iyi uye zvandakanga ndaronga kuita.

Ndinotenda Mwari uye hama dzangu kuti va-kandibatsira. Kuzviuraya kwandaida kuita haku-na kuzobudirira.

JEHOVHA AKASVINUDZA

MAZISOANGUYAKATAURWA NAPATRICE OYEKA

Zuva rakanga rava kudoka. Zvandiri bofu, ndakanga ndaswerandichiteerera redhiyo ndiri ndoga idzo pfungwa dzichingopishana,zvokuti ndakafunga kuti zvaiva nani kuzviuraya pane kutambura seizvi.Ndakadira muchetura mukapu yemvura ndokuigadzika patafura.Ndaida kugeza kokupedzisira ndopfeka hembe dzakanaka, ndozonwamuchetura uyu kuti ndibve ndazorora hangu. Chii chakaita kuti ndidekuzviuraya? Zvakazofamba sei kuti ndisvike nhasi ndichiri mupenyundichikwanisa kutorondedzera nyaya iyi?

Kufarazve MuupenyuRimwe zuva uri musi weSvondo mugore

ra1992 pandaiva pamba ndichisvuta fodya, Zva-pupu zvaJehovha zviviri zvakasvika pamba zvi-chiparidza. Pavakaona kuti ndakanga ndiri bo-fu, vakandiverengera Isaya 35:5 inoti: “Panguvaiyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nze-ve dzematsi dzichavhurwa.” Ndakafara zvokufa-ra zviya pandakanzwa mashoko aya! Kusiyananemachechi andakanga ndambopinda, Zvapu-pu hazvina kuti zvaigona kundiporesa. Asi zva-kanditsanangurira kuti kana ndikaziva Mwarindaigona kuzoonazve munyika itsva yaanovi-mbisa. (Johani 17:3) Ndakabva ndangotanga ku-dzidza Bhaibheri neZvapupu tichishandisa bhu-ku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingape-ri muParadhiso Pasi Pano. Ndakatangawo kupi-nda misangano yechiKristu yaiitirwa paImbayoUmambo yaiva pedyo uye ndakachinja mara-ramiro angu. Ndakarega kusvuta.

Asi kusaona kwaiita kuti ndisafambira mberipakunamata. Saka ndakaenda kune rimwe sa-ngano remapofu kuti ndinodzidziswa kuvere-nga nokunyora ndichishandisa Braille. Izvi zva-kaita kuti ndiwanewo zvokuita paImba yoUma-mbo paidzidziswa vamwe zvine chokuita noku-paridzira. Pasina nguva ndakanga ndava kupari-dza munharaunda yandaigara. Ndakatanga ku-farazve muupenyu. Ndakaramba ndichifambiramberi pakunamata ndikatsaurira upenyu hwa-ngu kuna Jehovha. Ndakabhabhatidzwa musiwa7 May 1994.

Ndakawedzera kuda Jehovha uye vanhu sa-ka ndakava nechido chokuparidzira nguvadzose. Ndakatanga kushanda somuparidzi we-nguva yakazara, anonzi piyona wenguva dzosemusi wa1 December 1995. Ndinewo ropafa-dzo yokushumira somukuru muu-ngano yedu kubvira muna Febru-ary 2004. Dzimwe nguva ndino-kumbirwa kuti ndinopa huruku-ro dzomuBhaibheri kune dzimweungano dziri pedyo nekwandino-gara. Zvikomborero zvose izvi zvi-nowedzera mufaro wangu uye zvi-

noita kuti ndione kuti hapana urema hungatita-dzisa kuzadzisa chido chedu chokushumira Je-hovha Mwari.

Jehovha Akandipa “Maziso”Sezvandambotaura, mudzimai wangu aka-

nditiza pandakava bofu. Asi ndakawanazve chi-mwe chikomborero kubva kuna Jehovha. Zvi-noita sokuti akandipa maziso. Anny Mavambuuyo akabvuma kuroorwa neni pasinei nokutindiri bofu, ndiye atova maziso angu. Sezvo iyeariwo muparidzi wenguva yakazara, anogaraachindiperekedza kunoparidzira, uye kana ndii-ne hurukuro anondiverengera pari kubva ma-shoko acho ini ndozvinyora neBraille. Mudzi-mai wangu chikomborero chaicho kwandiri.Zvaari uye zvaanoita zvakaita kuti ndione kutimashoko ari pana Zvirevo 19:14 ndeechokwadianoti: “Imba nepfuma inhaka inobva kumadzi-baba, asi mudzimai akangwara anobva kuna Je-hovha.”

Jehovha akatikomborerawo nevana vaviri,mukomana nemusikana. Ndinoshuva kuzoonazviso zvavo patinenge tava muParadhiso! Chi-mwe chikomborero ndechokuti mukoma wa-ngu, uyo akatiitira mutsa akatibvumidza kugarapamba pake, akabvumawo kudzidza Bhaibhe-ri uye akabhabhatidzwa! Tose tiri muunganoimwe chete.

Pasinei nokuti handioni, chido changu nde-chokuita zvakatowanda pakushumira Mwarinokuti akandikomborera chaizvo. (Maraki 3:10)Zuva nezuva ndinonyengetera kuti Umambohwake huuye hubvise matambudziko ose ari pa-nyika. Kubvira pandakatanga kuziva Jehovha,ndinonyatsoona kuti: “Chikomborero chaJeho-vha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri ku-rwadziwa pamwe chete nacho.”—Zvirevo 10:22.

Ndichipa hurukuroyomuBhaibheri;

ndiine mhuri yangunomukoma wangu.

14 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

KAZHINJI munhu anozvininipisa anofarirwa ne-vanhu. Asi munyika ino zvakaoma kuwana va-

nhu vanonyatsozvininipisa kunyanya kana vanemasimba kupfuura vamwe. Ko Jehovha Mwariuyo ane simba risina anoenzana naro anozvinini-pisa here? Ngatimboongororai mashoko aJeremi-ya ari pana Mariro 3:20, 21.—Verenga.

Jeremiya akanyora bhuku raMariro zvinhu pa-zvakanga zvisina kumira zvakanaka muIsraeri.Akanga achangobva kuona guta raaida reJerusa-rema richiparadzwa nevaBhabhironi uye izvi zva-kamurwadza kusvika pokupedzisira. Muprofitauyu ainetseka aiziva kuti zvainge zvakakodzera ku-ti Mwari arange vaIsraeri nemhaka yezvivi zvavo.Asi Jeremiya akanga asisina tariro here? Aiona so-kuti Jehovha aiva kure chaizvo zvokutadza kuonakuti vanhu vake vainge vapfidza ovanyaradza he-re? Inzwa Jeremiya paari kutaura achimiririra va-Israeri.

Jeremiya anotarisira kuti zvinhu zvichanaka ku-nyange zvazvo vakawanda vachinetseka chaizvo.Anochema kuna Jehovha achiti: “Chokwadi mwe-ya wenyu� [kureva Jehovha pachake] uchayeuka,wokotamira pamusoro pangu.” (Ndima 20) Jere-miya ane chivimbo chizere. Anoziva kuti Jehovhahaazomukanganwi iye nevamwe vanhu vaMwarivaratidza kupfidza. Saka Mwari wemasimbaoseachaitei?—Zvakazarurwa 15:3.

Jeremiya ane chokwadi chokuti Jehovha ‘acha-kotamira’ vaya vanopfidza zvechokwadi. Masho-ko iwayo anotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha ndi-

� Vanyori vekare vakachinja mashoko endima iyi kuti ati“mweya wangu,” kuti zviite sokuti mashoko acho airevaJeremiya. Hapana mubvunzo kuti vaiona sezvisingaiti ku-taura kuti mweya vachireva Mwari, shoko rinotaurwa ne-Bhaibheri richireva zvisikwa zvepano pasi. Asi kakawandaBhaibheri rinotsanangura Mwari nenzira inoita kuti zvivenyore kuti timunzwisise. Saka kana shoko rokuti “mweya”richigona kureva “upenyu hwedu,” mashoko okuti “mwe-ya wenyu” anoreva kuti “imi.”

Mwari anonzwira tsitsi. Jehovha ‘Wokumusoroso-ro kwenyika yose,’ achaita seadzika kana kuti ako-tama osimudza vanamati vake kubva mumamiriroezvinhu akaderera avari otanga kuvafarirazve. (Pi-sarema 83:18) Jeremiya anosimbiswa netariro iyiuye anonyevenutswa marwadzo ari pamwoyo pa-ke. Muprofita uyu akavimbika akatsidza kurambaakamirira kusvikira nguva yaJehovha yakwana yo-kuti anunure vanhu vake vapfidza.—Ndima 21.

Mashoko akanyorwa naJeremiya anotidzidzisazvinhu zviviri nezvaJehovha. Chokutanga, anozvi-ninipisa. (Pisarema 18:35) Kunyange zvazvo ‘anesimba rakakwirira,’ Jehovha akagadzirira kuzvide-redza kuti aite seaenzana nesu kuti atibatsire kana

tichinetseka. (Jobho 37:23; Pisarema 113:5-7) Izvo-zvo hazvinyaradzi here? Chechipiri, Jehovha ndi-Mwari ane ngoni ‘akagadzirira kukanganwira’ va-tadzi vanopfidza ovagamuchira zvekare. (Pisare-ma 86:5) Kazhinji munhu anozvininipisa anengeaine ngoni.

Tinoonga chaizvo kuti Jehovha haana kufanananevatongi vakaoma musoro uye vasinganzwi ku-chema kwevamwe nemhaka yokuzvikudza kwavo.Haunzwi here uchida kudzidza zvakawanda ne-zvaMwari uyu anozvininipisa uyo akagadzirira ku-zvikotamisa kuti aite kuti vanamati vake vari kune-tseka vave netariro?

SWEDERA PEDYO NAMWARI

‘Mweya WenyuUchakotamira Pamusoro Pangu’

���������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������

NDIMA DZEBHAIBHERI DZAMUNOGONAKUVERENGA MUNA JUNE:

˛ Jeremiya 51–Ezekieri 5��������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������������

Jehovha akagadzirira kuzvidere-dza kuti aite seaenzana nesu kutiatibatsire kana tichinetseka

ˇ MuBhaibheri mune murayiro waJesu kuvadzi-dzi vake wokuti: “Naizvozvo endai munoita kutivanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchiva-dzidzisa.” (Mateu 28:19, 20) Murayiro uyu uno-shanda kuvaKristu vose here? Vadzidzi vaJesu ve-pakutanga vaiziva kuti unoshanda kuvaKristu vo-se. Somuenzaniso, muapostora Petro akanyorakuti: “[Jesu] akatirayira kuparidzira vanhu noku-pupura kwazvo.” (Mabasa 10:42) Muapostora Pa-uro akanyora kuti: “Nokuti ndinofanira kuzviita.Chokwadi, ndine nhamo kana ndikasazivisa ma-shoko akanaka!”—1 VaKorinde 9:16.

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakate-ererawo murayiro waJesu sezvaiita Pauro naPetro.Basa rokuparidza ndiro rainyanya kukosha muu-penyu hwavo. (Mabasa 5:28-32, 41, 42) Mazuvaano Zvapupu zvaJehovha zviri kuedzawo kuita sai-zvozvo. Vanoparidza nezve“Umambo hwokuma-tenga,” sezvaingoitwawo naJesu.—Mateu 10:7.

Mashoko oUmambo anofanira kuparidzwa ku-na vanaani? Jesu akati anofanira kuparidzwa ku-munhu wose ari panyika. Akaudza vadzidzi vakekuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira ku-rutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8)Akagara ataura zvaizoitika mugumo usati wasvikaachiti: “Aya mashoko akanaka oumambo achapa-ridzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupukumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Saka vaKristu vo-muzana remakore rekutanga vaiedza chaizvo ku-paridzira vanhu vose, kwete shamwari dzepedyochete kana kuti vanhu vakanga vasina chitenderochavanopinda. (VaKorose 1:23; 1 Timoti 2:3, 4)Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zviri kuedzawokuparidzira vanhu vose.�

Inzira ipi inonyanya kubudirira pakuparidzamashoko oUmambo? Jesu uyo aiziva nzira dzo-kuwana nadzo vanhu vakawanda akatuma va-

� Iye zvino Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza munyika236. Gore rakapera vakaparidza kwemaawa anosvika mabhi-riyoni 1,7 uye vaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinosvika ma-bhiriyoni 8,5 mupasi rose.

dzidzi vake kuti vanopari-dza mumaguta, mumaruwauye mumisha. (Mateu 10:7,11, 12) Pashure pokunge Je-su afa uye amutswa, vadzi-dzi vake vakaramba vachi-paridza “paimba neimba.”(Mabasa 5:42) Vaitevedze-rawo Jesu pavaiparidza po-se paiwanikwa vanhu uyemunzvimbo dzaiva nevanhuvakawanda. (Johani 4:7-26;18:20; Mabasa 17:17) Mazu-va ano Zvapupu zvaJehovhazvinoshandisawo nzira idzodzo kuti zviparidzirevanhu vose.

Jesu akaratidza kuti haasi munhu wose aizotee-rera. (Mateu 10:14; 24:37-39) Asi izvozvo zvinofa-nira kuita kuti vaKristu vasaparidza here? Funganezvemuenzaniso uyu: Ngatitii uri mumwe we-vanhu vari kununura vanhu pashure pokude-ngenyeka kwenyika. Waizorega kutsvaka vamwevanhu uchiti pangowanikwa vanhu vashomananavapenyu pashure pekanguva here? Kwete. Kanapaine tarisiro yokuwana mumwe, waizorambauchitsvaka. Saizvozvowo, Jesu akarayira vadzidzivake kuti varambe vachishingirira kana pachinetariro yokuwana munhu angagamuchira masho-ko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari.(Mateu 10:23; 1 Timoti 4:16) Zvapupu zvaJehovhapazvinotsvaka vakadaro paimba neimba, zvinora-tidza kuti zvinoda Mwari nevavakidzani vazvo,avo vachawana upenyu kana vakanzwa uye vaka-teerera shoko roUmambo.—Mateu 22:37-39; 2 Va-Tesaronika 1:8.

Magazini yauri kuverenga iyi inozivisa shokoiroro roUmambo riri muBhaibheri. Kana uchidakunzwa zvakawanda, tapota taura neZvapupuzvaJehovha pazvichazoshanyazve, kana kuti nyo-rera vanobudisa magazini ino.

VAVERENGI VANOBVUNZA KUTI . . .

Nei Zvapupu zvaJehovhazvichiparidza paimba neimba?

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 15

1. Nei Mwari akazvipa zita?Hapana mubvunzo kuti unoda kudanwa nezita ra-

ko pane kudanwa nerokuremekedza rakadai soku-ti, “mudzidzisi” “medhemu,” “murume kana kutimukadzi.” Zita rako rinokusiyanisa nevamwe. Mwa-ri anodanwa nemazita okuremekedza akadai sokuti“Changamire Ishe,” “Mwari Wemasimbaose,” uye‘Musiki Mukuru.’ (Genesisi 15:2; 17:1; Muparidzi12:1) Asi akazvipa zita chairo kuti zvitibatsire kuva no-ukama hwepedyo naye. MuchiShona zita iroro ndiJe-hovha.—Verenga Isaya 42:8.

Kunyange zvazvo vashanduri vakawanda veBhai-bheri vakatsiva zita raMwari nemazita akadai sokuti“Mwari” uye “Ishe,” zita rake chairo rinowanikwa ka-noda kusvika ka7 000 muzvinyorwa zvepakutangazveBhaibheri zvechiHebheru. Zvakajeka kuti Mwarianoda kuti zita rake rizivikanwe.—Verenga Isaya 12:4.

2. Nei zvichikosha kuti tizive zitaraMwari?

Kuziva zita raMwari hakurevi kungogona kuridanachete. Asi kunoreva kuva noukama hwepedyo naye.Zita rokuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvive Se-zvaanoda.” Iyi ivimbiso yokuti Mwari achaita zvosezvinodiwa kuti azadzise chinangwa chake. Saka kuzi-va zita raMwari kunoreva kuti unofanira kunge uchi-tenda kuti achazadzisa zvaakavimbisa. (Pisarema 9:10) Kutenda kwevanhu vanoziva uye vanoshandisazita raMwari kunoita kuti vavimbe naye vomuisa po-kutanga muupenyu hwavo. Jehovha Mwari achadzi-virira vanhu vakadaro.—Verenga Pisarema 91:14.

DZIDZA KUBVA MUSHOKO RAMWARI

NeiTichifanira KushandisaZita raMwari?

Nyaya ino inokurukura mibvunzoingave yakakunetsa uye inokuratidzapaungawana mhinduro dzachomuBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovhazvichafara kukurukura newe mhindurodzemibvunzo iyi.

Zita raMwari muchinyorwachechiHebheru chekare

17

3. Nei Mwari achida kuti zita rakerizivikanwe?

Mwari anoda kuti vanhu vamuzive nezita nokutiizvozvo zvinovabatsira. Zvinoita kuti vave shamwaridzaMwari, vova netariro yokurarama nokusingaperi.Ndosaka Jehovha achida kuti tiudze vanhu zita rake!—Verenga Johani 17:3; VaRoma 10:13,14.

Jesu akaudza vanhu zita raMwari paaivadzidzisanezvaMwari uye mitemo yake nezvaachavaitira. Ma-zuva ano vateveri vaJesu vachiri kuita basa rokuzivisazita raMwari munyika yose. Vanoita izvozvo vakabata-na sevanhu “vezita rake [Mwari].”—Verenga Maba-sa 15:14; Johani 17:26.

4. Mwari achakudza sei zita rake?Jehovha Mwari anoda kukudza zita rake nokuti rava

nenguva richicherwa. Somuenzaniso vamwe vanhuvanoti Jehovha haana kusika zvinhu, saka hatifanirihedu kumuteerera. Vamwe vanoti haana hanya nesuuye ndiye ari kukonzera kutambura kwevanhu. Va-nhu vakadaro vari kuchera zita raMwari. Asi havazo-rambi vachirichera nokusingaperi. Mwari achapara-dza vanhu vanozvidza zita rake.—Verenga Pisarema83:17,18.

Jehovha achakudza zita rake paachashandisa Uma-mbo hwake kugumisa utongi hwose hwevanhu oitakuti panyika pavezve norunyararo pasisina chokutya.(Dhanieri 2:44) Munguva pfupi iri kuuya, vanhu vosevachaziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.—Verenga Ezekieri 36:23; Mateu 6:9.

Saka unofanira kuitei? Dzidza Bhaibheri uye garauchiwadzana nevanhu vanoda Jehovha kuti uve nou-kama hwepedyo naye. Jehovha achayeuka vashumirivake vakatendeka paachakudza zita rake.—Maraki3:16.

Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 1 chebhukuiri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

BHAIBHERIRINOMBODZIDZISEI

Chaizvo?

18 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

MUNENGE mugore ra50 C.E., Pauro nomu-mwe waaifamba naye ainzi Sirasi vaka-

svika kuTesaronika. Vaiva parwendo rwechipirirwaPauro rwoumishinari, uye apa ndipo pava-katanga kuendesa mashoko akanaka nezvaKri-stu kune yava kunzi Europe mazuva ano.

Pavakasvika kuTesaronika, hapana mubvu-nzo kuti vakanga vachiri kuyeuka kurohwa no-kusungwa kwavakamboitwa kuFiripi, guta gu-ru rokuMakedhoniya. Pauro akatozoudza vaTe-saronika kuti paaivashanyira, akanga aparidza‘mashoko akanaka aMwari achitamburira kwa-zvo.’ (1 VaTesaronika 2:1, 2) Zvinhu zvaizova na-ni here muTesaronika? Vanhu vomuguta iri vai-zoita sei pavaizoparidzirwa? Vaizozvifarira here?Ngatimbotangai nokuongorora guta iroro re-kare.

Guta RakambonetsaZita rokutiTesaronika pacharo, iro rakabva pa-

mashoko maviri echiGiriki anoreva kuti “va-nhu vokuTesaronika” uye “kukunda,” rino-reva kurwisana. Zvinofungidzirwa kuti muna352 B.C.E., Mambo weMakedhoniya ainzi Phi-lip II, baba vamambo aiva akakurumbira Alex-ander, vakakunda rimwe dzinza raiva muGreece

kuThessaly. Zvinonzi senzira yokuyeuka kuku-nda ikoko, vakapa mumwe wevanasikana vavozita rokuti Thessalonice. Mwanasikana uyu aka-zoroorwa naCassander. Cassander ndiye akatsi-va Alexander hanzvadzi yaThessalonice pachi-garo. Munenge muna 315 B.C.E., Cassander aka-vaka guta kumadokero kweChalcidice Peninsulaakaritumidza zita romudzimai wake. Nhoroo-ndo yezvakaitika inoratidza kuti guta reTesaro-nika rakarwiswa rarwiswazve.

Guta reTesaronika raiva rakabudirirawo. Mu-guta iri maiva nechimwe chezviteshi zvengaravazvakanaka kwazvo zvomugungwa rinonzi Aege-an Sea. Munguva dzevaRoma, paivawo nomu-gwagwa wakakurumbira waipfuura nomugutairi wainzi Via Egnatia. Guta reTesaronika zvarai-va panzvimbo yakanaka kudaro, pedyo negu-ngwa uye nemugwagwa wakanaka, raiva imweyenzvimbo dzaitengeserwa zvinhu nevaRoma.Nokupindana kwaiita makore, vanhu vokuGer-many, Asia, Italy neTurkey vaichiva guta iri ne-mhaka yokubudirira kwaro. Vamwe vacho vaka-rwisa guta racho vakaritora uye pakadeurwa ro-pa revanhu. Iye zvino ngatimboongororai ku-shanya kwakaita Pauro, paakatanga kutamburi-ra kuti aparidze mashoko akanaka.

KUTAMBURIRA MASHOKO AKANAKA

muTesaronikaGuta reTesaronika, rava kunzi Thessalonıki kana kuti Salonika, iguta rakabudirira rinechiteshi chengarava riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweGreece. Iguta rinenhoroondo inokosha yevaKristu vemuzana remakore rokutanga, kunyanya muushumirihwaPauro, muapostora wechiKristu kune mamwe marudzi.—MABASA 9:15; VAROMA 11:13.

Head

medallion:˘

Bibliothequenationale

deFrance;stone

inscription:ThessalonicaArchaeologicalM

useum,copyrightH

ellenicM

inistryofCulture

andTourism

Thessalonica

THESSALY

AmphipolisPhilippi

Beroea

Via Egnatia

ATHENS

MA C E D O N I A

A e g e a nS e a

Kusvika kwaPauro kuTesaronikaPauro paaisvika muguta idzva, aiwanzotanga

kutaura nevaJudha nokuti vaiziva Magwaro, sa-ka izvi zvaigona kuvabatsira kunzwisisa masho-ko akanaka uye zvaiita kuti vawane pokutangi-ra kuakurukura. Imwe nyanzvi inoti, zvichidatsika yaaiita iyi inoratidza kuti Pauro aiva neha-nya nevanhu vokumusha kwake kana kuti aidakushandisa vaJudha nevanhu vaitya Mwari se-pokutangira basa rake kune vemamwe marudzi.—Mabasa 17:2-4.

Saka Pauro paakasvika kuTesaronika, akata-nga apinda musinagogi, “akakurukurirana na-vo [vaJudha] achishandisa Magwaro, achitsana-ngura uye achiratidza nezvakanyorwa kuti zva-kanga zvakakodzera kuti Kristu atambure uyekuti amuke kubva kuvakafa, uye achiti: ‘Uyundiye Kristu, uyu Jesu wandiri kukuparidzirai.’”—Mabasa 17:2, 3,10.

Vakanga vasingabvumirani panyaya yakatau-rwa naPauro, yezvaizoitwa naMesiya uye zvaizo-ita kuti azivikanwe. VaJudha vaitarisira kuti Me-siya aizovanunura pautongi hwevaRoma sakakufa kwaJesu kwaipesana netariro iyoyo. Kuti Pa-uro anyengetedze vaJudha “akakurukurirana”navo, ‘akavatsanangurira’ uye ‘akavaratidza ne-zvakanyorwa,’ zvichiratidza kuti aiva mudzidzisianogona.� Asi vanhu ava vakaita sei pavakanzwaPauro achivadzidzisa zvinhu zvinoshamisa zva-kadai?

Ushumiri Hwakazobudirira,Asi Hwaisava Mutserendende

Vamwe vaJudha nevaGiriki vakawanda vaka-nga vatendeukira kuchiJudha pamwe chete “ne-vakadzi vazhinji vakakurumbira,” vakagamu-chira shoko raPauro. Mashoko okuti ‘vakadzi va-kakurumbira’ akakodzera chaizvo nokuti ku-Makedhoniya vakadzi vaipiwa zvinzvimbo zve-pamusoro. Vaiva nemabasa epamusoro, vaite-nga dzimba nezvivako, vaivawo nekodzero dza-kangofanana nedzevanhurume, uye vaitoitawomabhizimisi avo pachavo. Paigona kutovakwazvivako zvine mazita avo. Sezvakangoita muzvi-

� Pauro anogona kunge akashandisa magwaro ava ku-wanikwa pana Pisarema 22:7; 69:21; Isaya 50:6; 53:2-7; uyeDhanieri 9:26.

nabhizimisi wechidzimai wokuFiripi ainzi Ri-dhiya uyo akagamuchira mashoko akanaka, va-kadzi vakati wandei vokuTesaronika vaiva nezvi-nzvimbo zvepamusoro vakagamuchirawo ma-shoko akanaka, kunyanya vaya vaibva kumhuridzemberi kana kuti vakadzi vembozha.—Maba-sa 16:14,15; 17:4.

Zvisinei, vaJudha vakafa neshanje. Vakatora“varume vakaipa vepamusika, vanhu vakangavasina zvavanobatsira kuti vave navo, vakaumbaboka rakanyongana, vakaita kuti guta riite mhe-remhere.” (Mabasa 17:5) Vanhu ava vaiva vanhuvorudzii? Imwe nyanzvi yeBhaibheri inovaro-ndedzera ichiti vaiva “vanhu vasina unhu uyevanhu pasina.” Inotiwo: “Zvinoita sokuti vaka-nga vasina shungu nokunzwa zvaitaurwa naPa-uro; asi vaisatana kutsamwa uye vaikurumidzakuita zvokurwa, sezvaingoitawo mamwe mapo-ka evanhu.”

Mhomho iyoyo ‘yakarwisa imba yaJasoni [ai-gara naPauro], ikatanga kutsvaka kuti ivabudisi-re kumhomho.’ Pavakashayiwa Pauro, vakaendakuvakuru vakuru veguta. Saka “vakazvuzvuru-dzira Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta,

20 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

vachishevedzera kuti: ‘Vanhu ava vanyonganisanyika inogarwa varipowo pano.’”—Mabasa 17:5, 6.

Guta reTesaronika zvaraiva guta guru reMake-dhoniya, raiva nekakuzvitonga. Chikamu che-hurumende yaro vaiva vanhu kana kuti dare rai-umbwa nevanhu vomuguta racho, raitonga nya-ya dzevanhu. “Vatongi veguta” avo vainzi poli-tarchs�muchiGiriki, vaiva vakuru vakuru, vaiitakuti pave norunyararo uye kuti pasava nemami-riro ezvinhu angaita kuti vaRoma vapindire uyeguta ritadze kuita zvimwe zvinhu. Saka vatongiveguta vaisazofara nokunzwa kuti vanhu ava va-ionekwa sevainetsa vakanga vavhiringidza ru-nyararo rwaiva muguta.

Zvadaro vakazopomerwa mhosva yakakurayokuti: “Varume vose ivava vanoita zvinopesananemirayiro yaKesari, vachiti kune mumwe ma-mbo, anonzi Jesu.” (Mabasa 17:7) Rimwe bhu-ku rinotaura nezveBhaibheri rinoti izvi zvinopapfungwa yo“kumukira uye kupandukira” vato-ngi, avo “vaisazobvumira zita romumwe ma-mbo kuti ritaurwe mune imwe nzvimbo yavai-tonga kana ivo vasina kupa mvumo yacho.”Uyewo mhosva yavaipomerwa yakabva yaita se-yechokwadi nokuti Jesu uyo aiparidzwa naPaurokuti aiva Mambo akanga aurayiwa nevakuru va-kuru veRoma vachimupomera mhosva yokupa-ndukira.—Ruka 23:2.

Vatongi veguta racho vakashatirwa. Asi sezvopakanga pasina uchapupu uye vacho vaipo-merwa vakashayikwa, “pashure pokunge vato-ra chokumbofanobata chakakwana kuna Jasoninevamwe, vakavarega vachienda.” (Mabasa 17:8, 9) Urongwa uhwu hwaigona kureva mubha-dharo wakabviswa naJasoni nevamwe vaKristuvachivimbisa kuti Pauro aizobuda muguta uyeaisazodzoka kuzovhiringidza vanhu zvakare. Pa-uro paakataura kuti ‘Satani akamupinganidza’akamurambidza kudzoka kuguta, angadaro aire-va chiitiko ichi.—1 VaTesaronika 2:18.

Nemhaka yemamiriro ezvinhu, Pauro naSira-si vakaendeswa kuBheriya usiku. Pauro akabudi-

� Mumabhuku echiGiriki makanga musina shoko iri.Asi kuTesaronika kwakawanikwa zvinyorwa zvomuzanaremakore rokutanga B.C.E. zvaiva neshoko iri. Izvi zvino-ratidza kuti nhoroondo iri muna Mabasa ndeyechokwadi.

rira kuita ushumiri hwake ikokowo, asi izvi zva-katsamwisa vaJudha vaimushora muTesaronikazvokuti vakafamba rwendo rwemakiromita 80kuenda kuBheriya kunokurudzira mapoka eva-nhu nemhomho kuti vamurwise. Pauro akata-ngazve kufamba ava kuenda kuAtene, asi akangaachiri kufanira kutamburira mashoko akanaka.—Mabasa 17:10-14.

Matambudziko Eungano ItsvaZvinofadza kuti muTesaronika makatangwa

ungano. Zvisinei, vaKristu vaivako havana ku-ngotarisana nedambudziko rokushorwa chete.Vairarama munyika yaiva nevahedheni, yaiitwaunzenza, uye izvi zvakaita kuti Pauro anetsekekuti hama idzi dzaizoita sei.—1 VaTesaronika 2:17; 3:1, 2, 5.

VaKristu vokuTesaronika vaiziva kuti pavaizo-rega kuita zvaiitwa nevamwe vose uye nevezvi-mwe zvitendero muguta iroro, vaizotsamwirwanevaya vavaimboshamwaridzana navo. (Johani17:14) Uyezve, guta reTesaronika rakanga rakaza-ra netemberi dzavanamwari vechiGiriki vakai-ta saZeusi, Atemisi, Apollo, nevamwewo vana-mwari vokuIjipiti. Kunamata Kesari kwaikoshe-

PAMUSORO: THESSALON´IKI YEMAZUVA ANO

PAZASI: ARCADE UYE IMBA YOKUGEZERA PAAGORA

Mifananidzo

miviriirinechepasikuruboshw

e:16thEphorate

ofPrehistoricand

ClassicalAntiquities,copyrightHellenic

Ministry

ofCultureand

Tourism

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 21

swa uyewo vanhu vose vaifanira kutevedzeramanamatiro acho. Waiti ukaramba kuita zvi-mwe zvacho waigona kuonekwa sewatopandu-kira Roma.

Kunamata zvidhori kwaiita kuti vanhu vaiteunzenza husingaiti. Cabirus, mwari ainyanyakunamatwa kuTesaronika; Dionysus naAphrodi-te; uye Isis wokuIjipiti vose vaiva vanamwari vai-da kuti vanhu vaivanamata vaite zvounzenzauye udhakwa. Zvechipfambi uye zvokuita mu-dzimai wechipiri zvakanga zvakajairika. Vanhuvakanga vasisiri kumboona ufeve sechivi. Vaite-vedzera tsika dzechiRoma uye rimwe bhuku ri-noti “kwaiva nevarume nevakadzi vakawandavaiva muguta racho vaingogarira kugutsa zvidozvenyama uye vanachiremba vaiti munhu aifa-nira kuita zvaainzwa achingoda.” Ndokusaka Pa-uro akarayira vaKristu vaiva ikoko kuti va“regeufeve” uye varege “kuda kurara nomumwe mu-nhu kworuchiva” uye “zvinhu zvisina kuche-na.”—1 VaTesaronika 4:3-8.

Vakakunda Hondo YachoVaKristu vokuTesaronika vaifanira kurwira

zvakasimba kutenda kwavo. Pasinei nokuti vai-

shorwa, vaiva nematambudziko uye vaigara ne-vahedheni vaiita zvounzenza, Pauro akavaru-mbidza kuti ‘vaishanda nesimba, vaiva norudouye vaitsungirira,’ uyewo vaibatsira kuti masho-ko akanaka aparadzirwe kwose kwose.”—1 VaTe-saronika 1:3, 8.

Muna 303 C.E., vaya vaizviti vaKristu vakata-mbudzwa zvisingaiti munzvimbo dzaitongwaneRoma. Kesari Galerius ndiye ainyanya kutu-ngamirira pakutambudza kwacho, uye aigaramuTesaronika, guta raakavaka zvivako zvakana-ka kwazvo. Muguta racho muchine matongoezvivako izvi anoonekwa nevanenge vashanya.

Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvoku-Thessalonıki zvinowanzoparidzira vavakidzanivazvo pamberi pezvivako zvakavakwa nomuve-ngi uyu wechiKristu. Kunyange zvazvo basa irirokuparidza rakamboitwa zvinhu zvisina kumi-ra zvakanaka muzana remakore rechi20, iye zvi-no muguta racho mava neungano dzeZvapupudzinenge 60 dzinoshingaira. Izvi zvinoratidzakuti kutamburira mashoko akanaka kwakatangamazana emakore akawanda akapfuura kuchirikuenderera uye kuchiri kubudirira.

Mufananidzo

uripakati:ThessalonicaArchaeologicalM

useum,

copyrightHellenic

Ministry

ofCultureand

Tourism

IMBA YERAUNDI IRI PEDYO NECHIVAKO CHIVEZWA CHOMUFANANIDZO KUPARIDZIRA PEDYO NECHIVAKOCHERAUNDI CHAGALERIUS WACAESAR GALERIUS CHERAUNDI CHAGALERIUS

22 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

OBED ane vana vaviri. Akashanda kwemako-re gumi pahotera inodhura iri mune rimwe

guta guru muAfrica, uye kuriritira mhuri yakerakanga risiri dambudziko. Nguva nenguva ai-kwanisa kuenda nemhuri yake kunoona nzvi-mbo dzinochengetwa mhuka munyika iyoyo.Zvose izvi zvakapera paakapererwa nebasa no-kuti makasitoma akanga ava mashoma pahoterayaaishanda.

Stephen akashanda kwemakore anopfuura 22mune rimwe bhengi guru, akakwidziridzwa pa-basa kusvikira ava nechinzvimbo chepamusoro-soro. Basa iri raiitawo kuti apiwe imba hombe,motokari, vashandi vepamba, uye kuti vana va-ke vaendeswe kuzvikoro zvinodhura. Zvinhu pa-zvakachinja mubhengi racho, Stephen akazo-ngoona agumurwa pabasa. Stephen anoti: “Ininemhuri yangu takashaya kuti toita sei. Ndakao-ra mwoyo, ndikagumbuka, uye ndakanga ndavakunetseka kuti zvino tichararama sei.”

Zvataurwa pamusoro apa zviri kuitika kunevakawanda. Kuderera mune zveupfumi munyi-ka yose kuri kuita kuti vakawanda varasikirwenemabasa avo akanaka. Vazhinji vakakwanisakuwana mabasa vaitofanira kubvuma ane marishoma pasinei nokuti mitengo iri kukwira zva-kanyanya. Hapana nyika isiri kusangana nema-tambudziko anokonzerwa nekuderera kweupfu-mi, ingava yakasimukira kana isina.

Iva Neuchenjeri HunobatsiraKana tava kutambira mari shoma kana kuti

tapererwa nebasa, zviri nyore kuti pfungwa dze-du dzitange kungofunga zvinhu zvisina kunaka.Hazviiti kuti pakadai munhu usatombonetsekazvachose. Mumwe murume akachenjera aka-

mboti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambu-dzika here? Simba rako richava shoma.” (Zvire-vo 24:10) Pane kuti tinetseke kana zvoupfumizvisisina kumira zvakanaka, tinofanira kuedzakubatsirwa ne“uchenjeri hunobatsira” huri mu-Shoko raMwari.—Zvirevo 2:7.

Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku re-mazano ezvemari, zvarinotaura panyaya dzaka-daro zviri kubatsira vanhu vakawanda pasi pose.Ngatimboongororai mamwe mazano anotau-rwa muBhaibheri.

Ona kuti mari yako inokwana here?Funga nezvemashoko aJesu ari pana Ruka 14:28anoti: “Kana munhu achida kuvaka imba yakehuru, haatangi agara pasi here achiverenga mariyaanayo, nokuona kuti inokwana here kana ku-ti haikwani?” (Bhaibheri Rinoera) Pfungwa iyiinoreva kuti unofanira kuva nebhajeti uye kusa-chinja zvamakaronga pabhajeti yacho. Asi Obedanobvuma kuti izvi hazvisi nyore. Anoti: “Ndi-sati ndapererwa nebasa, nguva zhinji pataitengazvinhu taingokumba nezvimwe zvisingakoshi.Hatina kumbobvira tava nebhajeti nekuti taivanemari yaikwana kutenga chero zvatangoda.”Saka kugara wakaronga bhajeti kuchaita kutimari shoma iripo ishandiswe pazvinhu zvino-kosha zvinodiwa nemhuri.

Chinja mararamiro ako. Kurarama nezvi-nhu zvishoma kupfuura zvawaimbowana haku-si nyore, asi unotofanira kuzviita. Chimwe chi-revo cheBhaibheri chinoti: “Munhu akangwaraanovanda kana aona njodzi.” (Zvirevo 22:3,Bhaibheri Rinoera) Stephen anoti: “Kuti tiche-

Ungararama Sei Nemari ShomaPANE YAWAIMBOTAMBIRA?

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 23

ngetedze mari, takatamira kuimba yedu dukuyaiva isina kunyatsopera mukati. Takachinjiravana kuzvikoro zvakanga zvisingadhuri asi zvai-pa dzidzo yakanaka.”

Kuti mukwanise kuchinja mararamiro enyuzvinoda kuti semhuri mutaurirane muchibudi-rana pachena. Austin uyo akashanda mubhe-ngi kwemakore 9 asati apererwa nebasa, anoti:“Ndakagara pasi nemudzimai wangu tikanyorapasi zvinhu zvinonyatsokosha zvataida. Taifanirakurega kutenga zvokudya zvinodhura, kuregakuenda kunzvimbo dzokunovhakacha dzino-dhura uye kusatenga hembe itsva zvokungoti ta-dzionerei. Ndinofara chaizvo kuti mhuri yeduyakaisa misoro pamwe pataiedza kuchinja mara-ramiro edu.” Ichokwadi kuti vana vangasanya-tsonzwisisa kuti sei muri kuchinja zvinhu, asi se-vabereki munogona kuvabatsira kuti vazvinzwi-sise.

Usaramba kuita mamwe mabasa. Ka-na wakajaira mabasa emuhofisi, unogona kufu-nga kuti haungambokwanisi kuita mabasa ema-oko. Austin anoti: “Zvakanga zvakandiomerakubvuma kuita mabasa epasi ini ndakanga nda-jaira kuva maneja mukambani yakakura.” Izvihazvishamisi nekuti Bhaibheri pana Zvirevo 29:25 rinoti: “Kutya munhu ndiko kunounza mu-sungo.” Kugara uchinetseka kuti vamwe vanhuvachatii hakuiti kuti uwane mari yekuriritiramhuri yako. Chii chingakubatsira kuti usava ne-mafungiro akadaro asina kururama?

Kuzvininipisa ndiwo mushonga. Obed paaka-pererwa nebasa pahotera, akadaidzwa nemu-mwe waakamboshanda naye aiva negaraji rakekuti vashande vose. Basa iri raisanganisira kufa-mba netsoka madaro akareba mumigwagwa isi-na tara achinotsvaka pendi yemotokari nezvi-mwe zvaidiwa pakugadzira motokari. Obed ano-ti: “Basa iri rakanga risingandinakidzi uye ndaio-na sokuti zvinhu hazvaizombofa zvakachinja.Kuzvininipisa kwakandibatsira kuti ndiite basarine mari shoma shoma kudarika yandaimbota-mbira asi raiita kuti ndiriritire mhuri yangu.”Iwe unogona kubatsirwawo here nemaoneroakadaro?

Gutsikana. Rimwe duramazwi rinotsanangu-ra munhu anogutsikana souya asinganyanyi ku-shushikana uye “anofara nezvinenge zvichiiti-ka.” Tsanangudzo iyi ingaita seisingashandi ku-munhu ane dambudziko remari. Asi funga ne-zvemashoko emuapostora Pauro, mumishinariaiziva kuti kushayiwa kuita sei paakati: “Ndaka-dzidza kugutsikana, mumamiriro ezvinhu oseandinenge ndiri. Chokwadi ndinoziva zvazvi-noreva kuva nezvinhu zvishoma, chokwadi ndi-noziva zvazvinoreva kuva nezvizhinji.”—VaFiri-pi 4:11,12.

Zvinhu zvinogona kunge zvichitifambira zva-kanaka iye zvino, asi munguva ino yatiri kurara-ma upenyu hunogona kungoerekana hwachi-nja. Tinogona kubatsirwa kana tikaisa pfungwadzedu pazano iri rakafemerwa Pauro rokuti:“Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari uku pamwechete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo.Naizvozvo, kana tiine zvokudya nezvokupfekanepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” Pa-uro akanga asingakurudziri hake kuva neusi-mbe, asi aireva kuti tisanyanyisa kukoshesa zvi-nodiwa pakurarama.—1 Timoti 6:6, 8.

Kunobva Mufaro WechokwadiKuunganidza zvinhu zvakawanda kana kuti

kuva neupenyu hwemutambarakede hakusi ikokunoita kuti munhu anyatsofara. Jesu ndiyeakataura mashoko aya okuti: “Kupa kune mufa-ro mukuru kupfuura kugamuchira.” Ichokwadikuti tinofara uye tinogutsikana kana tikashandi-sa zvatinazvo kubatsira vamwe uye kuvakuru-dzira.—Mabasa 20:35.

Musiki wedu, Jehovha Mwari, anonyatsozivazvose zvatinoda. Anoshandisa Shoko rake Bhai-bheri kutipa mazano ayo ari kubatsira vakawa-nda kuti vavandudze upenyu hwavo uye kutivasanetseka nezvinhu zvisinganyanyi kukosha.Ndizvo hazvo kuti kushandisa mazano aya ha-kuzoiti kuti matambudziko emari angoerekanaapera. Asi Jesu akavimbisa kuti vanhu vanora-mba vachitanga “kutsvaka umambo nokuru-rama” kwaMwari vaizowana zvinhu zvinokoshazvinodiwa pakurarama.—Mateu 6:33.

“UNOFANIRA kumboita chimwe chinhu chino-nakidza kuti usagara uchingofunga nezve-

bvunzo dzako,” vakadaro vabereki vangu. “Ngati-mboshanyirai hama dzedu dziri kuIreland tono-paridzira vanhu vasingagari vachinzwa mashokoakanaka oUmambo.”

Handina kuiona sepfungwa yakanaka. Ndaifu-nga nezvebvunzo dzangu uye ndaityawo rwendorwacho nokuti ndakanga ndisati ndambobudamuEngland uye ndisati ndambokwira ndege. Zva-ndaiva musikana ane makore 17 ndichiri kute-mwa dzinobva ropa, uye ndajaira upenyu hwechi-patapata hwomuLondon, ndaifunga kuti zvaizo-ndiomera kurarama mukaguta kari kuIreland ka-ne vanhu vanoita zvinhu pore-pore.

Ndingadai ndisina kumbozvinetsa nokuti ku-bva pakamhara ndege yedu, ndakatanga kutorwamwoyo nezvakaita nyika yeIreland. Ndakabatwanehope tichangopinda mumotokari nokuti taka-nga tafumobata jongwe muromo. Ndaipota ndi-chimuka ndichiyeva makomo aiva nechekure uyemigwagwa yakatetepa yaiva pedyo ine matomboakawanda mumativi.

Takasvika muguta rinonzi Skibbereen tikape-dza manheru acho tichikurudzirana pakunamataneimwe mhuri yakanga yatamira kuIreland kutiinoita basa rokuparidza Umambo ikoko. Taitambamitambo yeBhaibheri. Munhu ainhonga kadhirainge rakanyorwa zita romumwe munhu womu-Bhaibheri oedzesera zvimwe zvaiitwa nemunhu

wacho. Vamwe vaizoedza kufungidzira kuti mu-nhu wacho ndiani.

Zuva rakatevera racho, ini nevabereki vangu,hanzvadzi yangu, hama dzedu neimwewo mhuritakabva tapinda muchikepe ndiye tande kune ka-mwe kachitsuwa kanonzi Heir Island kanogara va-nhu vasingasviki 30. Handiti Jesu akati mashokoakanaka anofanira kuparidzwa munyika yose ino-garwa? Saka takapedza zuva racho tichikurudziravanhu ava vane ushamwari uye mutsa nepfungwadzemuMagwaro uye tichiyeva chitsuwa chacho.

Zuva raipisa kusina kana gore. Paiva nemaruvaeyero ainhuwirira sekokonati. Nechepakati pechi-tsuwa chacho paivawo nemaruva aiva panzvi-mbo yakazara mvura. Panoperera mahombeko-mbe ejecha ndipo panotangira zvikomo zvinematombo zvaiva neshiri dzomugungwa dzinonzicormorants nedzinonzi gannets dziine manyanaadzo. Munzvimbo yeRoaringwater Bay takaona zi-endanakuenda rezvitsuwa zviduku, zvizhinji zva-cho zvisingagarwi. Takabayiwa mwoyo chaizvonokunyatsorongeka kwakaita zvinhu izvi zvakasi-kwa naJehovha.

KuSkibbereen ndakawana shamwari kwadzodzakawanda muungano yeZvapupu zvaJehovhauye ndakaedza kuita zvinhu zvandakanga ndisatindamboita. Chakanyanya kundinakidza kutambamutambo unoitwa nezvikepe. Kana uri muchike-pe ndipo paunonyatsoona zvakaita mhendereke-dzo yechitsuwa cheIreland. Takaenda kunoraura

TSAMBA INOBVAKUIRELAND

HandisatiHandisatiNdambonakidzwa Nezororo Zvakadaro!Ndambonakidzwa Nezororo Zvakadaro!

24 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

kuti tiwane chokudya manheru asi mhuka dzino-nzi maseal dzaititangira kubata hove. Pane mi-mwewo mitambo yataiita mujecha uye ndakato-mboedzawo kudzidzira kutamba mimhanzi yoku-Ireland.

Takawanawo nguva yokudzidza nezvenhoroo-ndo yeguta reSkibbereen. Kuma1840 mbatatisidzakarimwa kuIreland hadzina kusvika uye vanhuvomuguta iri neakapoteredza vakatambura chai-zvo. Zviuru zvevanhu zvakafa nenzara uye vane-nge 9 000 vavo vakavigwa muguva rimwe chete.Chakatinyaradza ndechokuti munguva pfupi irikuuya Umambo hwaMwari pahunenge hwava ku-tonga hapazovizve nenzara uye vanhu ivavo vaka-fa zvinorwadza vachamutswa muparadhiso pasipano.

Takabatana neZvapupu zveko tikanoshanyiravanhu vasingagari vachiparidzirwa vari munzvi-mbo yakakura inoparidzirwa neungano yavo. Ta-katyaira motokari nomumugwagwa wakatetepaune materu tichienda kumisha iri pamusoro pa-mamwe materu akatarisana negungwa reIrish Sea.Kuno zvekare takaona vanhu vaiva noushamwariuye vanogamuchira vaenzi zvakanaka. Sezvataka-nga taita kuHeir Island, takatanga nokuvaudza ku-ti taiva pazororo uye takanga tiri kushandisa ngu-va yacho kuudza vanhu mashoko anonyaradza arimuBhaibheri.

Amai vangu vakataura nemumwe mukadzi uyoakabva angogamuchira magazini edu eNharireyo-murindi neMukai! Patakazomuona mushure me-

mazuva mashomanene akati akanga anakidzwachaizvo nokuverenga magazini acho.

“Ndapota dzokai nemamwe magazini tizokuru-kura,” akadaro. Takamuudza kuti takanga tava ku-da kudzokera kumba asi taizotumira mumwe mu-nhu kuti amuone.

“Zvakanaka, pamuchadzoka muzondishanyira.Zvandatokuonai kudai handimbokukanganwii,”akadaro.

Zuva rokupedzisira tiri kuIreland rakapera tiripamhenderekedzo dzegungwa tiine hama neha-nzvadzi dzekuungano yeikoko. Takagadzira po-kugochera nyama tichishandisa huni nemato-mbo tichibva tagocha nyama yetumwe tupuka-nana twatakanga tabata pamatombo ari mugu-ngwa. Zvose zvakaitika pazororo iri zvakandinaki-dza chaizvo pasinei nokuti ndakakurira mugutarakakura.

Hapana rimwe zororo rakandinakidza kupfuurarevhiki iri randakapedza ndiri kuIreland. Handinakungonakidzwa nekutamba kwataiita chete asiwondakanyanya kugutsikana kuti ndakaita zvinhuzvinoita kuti Jehovha afare uye arumbidzwe. Ndi-noda chaizvo kushumira Mwari wedu, uye izvizvinonyanya kunakidza kana uine shamwari dza-kanaka nevanhu vomumhuri vanodawo Mwarimuchishanda pamwe chete. Patakasvika kumbandakaonga Jehovha nokundipa shamwari dzaka-wanda dzinondida uye dzinoda zvokunamata.Ndakamuongawo nezvakaitika pazororo iri uyeizvi ndicharamba ndichingozvifunga narini.

AnPost,Ireland

)

26 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

ˇ Nhoroondo dzemadzinza dzaibatsi-ra kuti munhu azive dzinza rake ne-mhuri yaaibva. Dzaibatsirawo pakugo-vewa kwevhu nenhaka. VaJudha vai-nyanya kukoshesa dzinza raizouya na-Mesiya akanga akapikirwa. Vainyatso-ziva kuti Mesiya uyu aifanira kuuyanokuna Dhavhidhi mudzinza raJudha.—Johani 7:42.

Uyezve, “sezvo mabasa evapristi ne-vaRevhi aiita zvokugarwa nhaka . . .zvaikosha chaizvo kuti dzinza ra-cho rishaye chinovhiringidza,” inoda-ro imwe nyanzvi inonzi Joachim Jere-mias. Vakadzi vechiIsraeri vairoorwamumhuri dzevapristi vaifanira kutauramadzinza avo kuitira kuti upristi hu-rambe “husina kusvibiswa.” Mumazu-

va aNehemiya, mhuri dzevaRevhi dza-kanzi hadzichakodzeri basa roupristi‘pavakatsvaka bhuku ravo remazita,kuti varatidze dzinza ravo pachenandokurishaya.’—Nehemiya 7:61-65.

Uyezve, Mutemo waMosesi waiti“hapana mwanakomana asiri wepa-mutemo” kana “muAmoni kana mu-Moabhi angapinda muungano yaJe-hovha.” (Dheuteronomio 23:2, 3) Jere-mias anowedzera kuti, saka “kuti mu-nhu ave nebasa rinokosha, dzinza ra-ke raifanira kutanga ranyatsojeka kutinderipi uye izvi zvinoratidza kuti . . .muIsraeri wose aiziva madzisekuru akeuye aigona kutaura kuti pamadzinzagumi nemaviri rake nderipi.”

WAIZVIZIVA HERE?

Chii chaiita kuti vaJudha vafarire nhoroondo yemadzinza avo?

ˇ Vanyori veEvhangeri Ruka naMateu va-kanyora nhoroondo dzinodonongodzamadzitateguru aJesu. (Mateu 1:1-16; Ruka3:23-38) Kunewo dzimwe nhoroondo dze-madzinza dzakachengetwa. Somuenzani-so, rimwe bhuku rinotsanangura zvechiJu-dha rinotaura nezvomumwe rabhi akara-rama munguva yaJesu ainzi Hillel richiti:“MuJerusarema makawanikwa hwendefarakanyorwa kuti Hillel akabva mudzinza ra-Dhavhidhi.” Munyori wenhoroondo dze-kare wechiJudha womuzana remakore ro-kutanga ainzi Flavius Josephus akanyoramubhuku rake rinonzi The Life kuti, madzi-tateguru ake aiva vapristi uye kuti dzinzarokwaamai vake raiva “roumambo.” Aka-nyora kuti mashoko aya akaawana “muzvi-nyorwa zvaichengeterwa mashoko evoru-zhinji.”

Josephus akanyorawo mubhuku rake ri-nonzi Against Apion kuti, basa rokuchenge-ta zvinyorwa zvenhoroondo yemhuri dze-vapristi raipiwa “vanhu vaiva nezvinzvi-mbo zvepamusoro.” Bhuku rinonzi TheJewish Encyclopedia rinoti: “Zvinoita soku-ti mukuru mukuru anoremekedzwa ndiyeaichengeteswa zvinyorwa zvacho uye zvi-nonzi muJerusarema maiva nedare raipi-ndura mibvunzo yevanhu pamusoro pe-madzinza.” VaJudha vaisava vapristi vai-nyoresa mumaguta emadzibaba avo uyevaichengeta nhoroondo dzacho kusvikiradzava matura akakura enhoroondo dzevo-ruzhinji. (Ruka 2:1-5) Zviri pachena kuti va-nyori veEvhangeri vakatora mashoko mu-matura iwayo. Zvinoitawo sokuti dzimwemhuri dzaizvichengetera mashoko ema-dzinza adzo.

VaJudha vainyora uye vaichengeta sei nhoroondo dzemadzinza avo?

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 27

NGARAVA inonzi Titanic iyo yakatanga kufamba muna 1912ndiyo yakanga yakakura uye yakanaka kupfuura dzose dzepa-

nguva iyoyo. Ngarava iyi yainzi “hainyuri” nokuti yakanga yakaga-dzirwa nounyanzvi hwepamusoro-soro hwesayenzi. Asi chii chaka-zoitika? Parwendo rwayo rwokutanga, yakarovera pamatomboechando mugungwa reNorth Atlantic ndokunyura uye yakaurayavanhu vanenge 1 500. Ngarava iyi yainzi haimbofi yakanyura yaka-nyangarika mugungwa pashure pemaawa mashomanana.

Patinoti chimwe chinhu hachitomboiti tinogona kunge tichire-va zvinhu zvakasiyana-siyana. Pamwe tinenge tichireva kuti hati-kwanisi kuchiita, kuchinzwisisa kana kuti kuchitsungirira. Makare-kare zvakawanda zviri kugadzirwa noruzivo rwemazuva ano zvaio-nekwa sezvisingaiti nokuti panguva iyoyo vanhu vaisakwanisa ku-zviita kana kuti kufungidzira kuti zvingaitika. Mumakore 50 apfuu-ra, pane zvimwe zvinhu zvaionekwa sezvisingatomboitiki zvakadaisokutumira munhu kumwedzi, kutumira chitundumuseremuserekupuraneti inonzi Mars chichitekenywa nevanhu vari panyika pa-no, kunyatsoziva zvakaita magenes emuviri womunhu uye kugonakuona zviri kutoitika mune dzimwe nzvimbo kana kuti pasi pose.Ronald Reagan uyo aimbova mutungamiriri weUnited States akata-ura nezvenyaya iyi muchidimbu kunyanzvi dzinotungamirira pa-kutsvakurudza mune zvesayenzi achiti: “Makaita kuti zvinhu zvai-onekwa sezvisingamboiti makare-kare zviite uye zvisatombosha-misa mazuva ano.”

Achitaura nezvezvinhu zvinoshamisa zvava kugona kuitwa, mu-zvinafundo anonzi John Brobeck akati: “Hazvichaiti kuti nyanzviyesayenzi itaure kuti chimwe chinhu hachigoni kuitwa zvachose.Inogona chete kungoti zvingasakwanisika kana kuti hatisati tavakugona kuzvitsanangura noruzivo rwatiinarwo iye zvino.” Muzvi-nafundo uyu akaenderera mberi achiti, kana chimwe chinhu chi-kaita sechakatiomera “pane simba rinobva kwatisingazivi ratinofa-nira kuwedzerwa mukutsvakurudza kwedu kwesayenzi. Magwaroanoratidza kuti iri isimba raMwari.”

Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna MwariPachine mazana emakore Muzvinafundo John Brobeck asati ata-

ura nezvenyaya iyi, Jesu weNazareta uyo agara achirondedze-rwa semunhu mukuru pane vose vakamborarama akati: “Zvinhu

SHOKO ROKUTI

“Hazvitomboiti”RINOREVEI?

“Zvinhu zvaionekwasezvisingamboiti

makare-kare [zvavakuita mazuva ano].”

—RONALD REAGAN

NASA

photo

28 NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012

zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.”(Ruka 18:27) Mudzimu mutsvene waMwari ndi-ro simba rinopfuura rimwe rose kudenga nepa-nyika. Ruzivo rwevanhu harugoni kuongororazvakaita simba racho. Mudzimu mutsvene uno-gona kutibatsira kuti tiite zvinhu zvataisagonakuita.

Tinowanzosangana nezvinhu zvinotiremerazvinoita kuti tinzwe sokuti hatichazvikwanisa.Somuenzaniso, tinogona kufirwa nomunhu wa-tinoda kana kuti mumhuri medu tingasangananematambudziko angaita kuti tide kukanda ma-pfumo pasi. Kana kuti mararamiro edu angati-nyudza mumatambudziko atingafunga kuti haa-budiki. Izvi zvingaita kuti tipererwe nemazanouye tingaona sokuti hatichabatsiri chinhu. Ti-ngaitei kana zvadaro?

Bhaibheri rinotiudza kuti munhu anotendamune Wemasimbaose uye anonyengeterera mu-dzimu wake mutsvene paanenge achiedza kuitazvinofadza Mwari, anogona kupiwa rubatsirorwokukunda zvipingamupinyi zvinoita semako-mo. Funga nezvemashoko aJesu anokurudziraokuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wo-se anoudza gomo iri kuti, ‘Simuka uwire mugu-ngwa,’ aine chokwadi nazvo mumwoyo makeuye achitenda kuti zvaanotaura zvichaitika, zvi-chaitika saizvozvo kwaari.” (Mako 11:23) Kana ti-kabvumira simba reShoko raMwari uye mudzi-mu wake kuti zvititungamirire muupenyu, hapa-na mamiriro ezvinhu angatiomera zvokuti tino-tadza kuakunda kana kuti kuatsungirira.

Funga nezvomumwe murume akanga ava ne-makore 38 akaroorana nomudzimai wake kusvi-kira mudzimai wacho azofa nekenza. Zvakamu-pedza simba kwazvo. Ainzwa sokuti haachakwa-nisi kutsungirira. Dzimwe nguva aitoona sokutikufa kuri nani pane kurarama asina mudzimaiwake. Akataura kuti ainzwa sokuti ari kufambamumupata wezarima. (Pisarema 23:4) Achifungazvose zvakaitika, anoti kunyengetera achinyatso-taurira Jehovha nhunha dzake, kuverenga Bhai-bheri zuva nezuva uye kutsvaka nomwoyo wo-se kutungamirirwa nemudzimu waMwari ndikokwakamubatsira kutsungirira matambudziko aa-iona segomo chairo.

Panewo imwe mhuri yaisangana nematambu-

dziko akakura chaizvo. Murume wacho aida zvo-kurwa uye aiva netutsika twakawanda twakaipa.Saka mudzimai wake aiva panguva yakaoma zvo-kuti akatomboedza kuzviuraya. Zvisinei, muru-me wacho akatanga kudzidza Bhaibheri neZva-pupu zvaJehovha. Zvaakadzidza zvakamubatsirakurega tutsika twakaipa uye kurega kurova mu-dzimai wake. Mudzimai wacho akakangwa mate

mukanwa nokuchinja kwaiita murume wake ukokwaiita so“kusingatomboitiki.”

Mumwe murume akarondedzera mararamiroaaimboita okushandisa zvinodhaka uye eunze-nza achiti kwaiva kurasika pfungwa. Akataura ku-ti: “Ndakanga ndava kuonekwa sebenzi roku-pedzisira.” Akanyengetera nemwoyo wose kunaMwari achiti: “Ishe ndinozviziva kuti muriko.Ndapota ndibatsirei!” Pashure pokunge anyenge-tera, Zvapupu zvaJehovha zvakauya kuzodzidzanaye Bhaibheri uye zvaaidzidza zvakaita kutiachinje mararamiro ake zvaisafungidzirwa kutiangaita. Anoti: “Ndinogara ndichizvipa mhosvazvikuru uye ndichizviona sendisina zvandinoba-tsira. Dzimwe nguva ndinoora mwoyo zvikuru.Asi Shoko raMwari rinondibatsira kuti ndikundemafungiro aya anoshayisa mufaro. Pandaishayahope usiku, ndaifunga nezvendima dzeBhaibhe-ri dzandakadzidza. Magwaro aya akandibatsirakuti ndichenese pfungwa dzangu.” Iye zvino mu-rume uyu ari kufara pamwe nemhuri yake. Iyenomudzimai wake vari kushingaira chaizvo ku-batsira vamwe kuti vavimbe nesimba reShoko ra-Mwari. Somurume wechiduku aizvidya mwoyo,angadai akaona sokuti zvaisatomboita kuchinjamararamiro ake.

Zvakaitika muupenyu hwevanhu vose ava zvi-noratidza kuti Shoko raMwari rine simba uye ku-ti mudzimu wake mutsvene unogona kuita zvi-nhu zvingaoneka “sezvisingatomboitiki” muu-penyu hwedu. Asi ungati, “Izvi zvinotoda kute-nda.” Ichocho ichokwadi nokuti Bhaibheri ri-

Paunoona sokuti zvoupenyuhauchambozvikwanisi, unotsvaka

kubatsirwa nani?

NHARIREYOMURINDI ˙ JUNE 1, 2012 29

nototi ‘pasina kutenda hazvibviri kunyatsofa-dza Mwari.’ (VaHebheru 11:6) Asi chimbofungaizvi: Ngatitii shamwari yako yepedyo ingadaro irimaneja womubhangi kana kuti ine chimwewochinzvimbo inokuudza kuti: “Usatombonetseka.Kana pane chawangoda unouya kwandiri.” Ha-pana mubvunzo kuti mashoko iwayo aizokunya-radza. Asi zvinosuwisa kuti kazhinji vanhu va-notadza kuita zvavanenge vativimbisa. Dzimwenguva shamwari yako inenge iine vavariro ya-kanaka inogona kusangana nemamiriro ezvi-nhu angaitadzisa kukuitira zvayakakuvimbisa.Pamwe shamwari yako inogona kufa, zvoita kutizvose zvaanga achida kukuitira zvibve zvangoe-nda musango. Asi kusiyana nezvingaitika kuva-nhu, Mwari haana chinomuwira. Bhaibheri rino-tivimbisa kuti: “Hakuna chinhu chisingagoni kui-twa naMwari.”—Ruka 1:37, Bhaibheri Rinoera.

“Unotenda Izvi Here?”Pane zviitiko zvakawanda zviri muBhaibheri

zvinoratidza kuti rugwaro rwatataura pamusoroapa nderwechokwadi. Chimbofunga nezvemie-nzaniso inotevera.

Mumwe mukadzi aiva nemakore 90 ainzi Saraakaseka paakaudzwa kuti aizobereka mwanako-mana, asi kuvapo kwakaita rudzi rwaIsraeri ku-noratidza kuti zvechokwadi akazova nemwanawacho. Mumwe murume akamedzwa nehove ya-

kakura, akararama ari mudumbu rayo kwemazu-va matatu, akatozonyora nyaya yake. Zita rake ai-nzi Jona. Ruka uyo aiva chiremba aiziva musiya-no wemunhu akafa neangofenda, akanyora kutirimwe jaya rainzi Yutiko rakadonha pahwindoreimba yepamusoro rikafa, asi rikazomutswa.Idzi hadzisi ngano. Kunyatsoongorora nhoroo-ndo idzi kunoratidza kuti dzakanyatsoitika.—Ge-nesisi 18:10-14; 21:1, 2; Jona 1:17; 2:1,10; Mabasa20:9-12.

Jesu akaudza shamwari yake Marita mashokoaya anoshamisa okuti: “Munhu wose mupenyuuye anotenda mandiri haangambofi.” Vimbisoiyi yaiita sokuti haikwanisiki, saka Jesu akawedze-ra mubvunzo uyu unokosha wokuti: “Unotendaizvi here?” Nanhasi zvichiri kukosha kuti tinya-tsoongorora mubvunzo iwoyo.—Johani 11:26.

Kurarama Nokusingaperi Pasi PanoChinhu Chisingatombokwanisiki Here?Mune imwe ongororo yesayenzi yakaitwa, va-

nyori vakati: “Zvinoita sokuti nguva yokuti tira-rame nokusingaperi yava pedyo.” Bhuku rinonziThe New Encyclopædia Britannica rinotsanangu-ra kuti zvinoita sokuti rufu runokonzerwa nechi-mwe chinhu chatisinganzwisisi chinoita kuti zvi-nhu zvisafamba zvakanaka mumuviri kana kutizvirege kushanda zvachose, kwete kuti kuperakwemasero, kuchembera, kana zvimwewo.� Ri-notiwo: “Zvinogona kuita kuti titi kukwegurakwomunhu kunokonzerwa nokurega kushandakwezvinhu zviri mumiviri yedu asi hatizvinzwisi-si.”

Kunyange zvazvo izvi zvichiratidza kuva ne-musoro, Bhaibheri rinotipa chikonzero chakasi-mba chinopfuura chatingapiwa nesayenzi cho-kuti tinogona kurarama nokusingaperi. Musikiwedu, Jehovha Mwari uyo akatipa upenyu, anoti-vimbisa kuti “chokwadi achaparadza rufu noku-singaperi.” (Pisarema 36:9; Isaya 25:8) Unotendaizvi here? Jehovha ndiye anotivimbisa izvi uyehazvingamboiti kuti areve nhema.—Tito 1:2.

� Kuti uone panonyatsokurukurwa nezvekukwegurauye kureba kwakaita upenyu hwedu, ona nyaya inoti“Ungararama Makore Akawanda Sei?” inotangira papeji 23muMukai! yaJuly 2006 yakabudiswa neZvapupu zvaJeho-vha.

WAIMBOVA munhu akaoma musoro usinga-teereri here?—� Pamwe wakamboona purogi-ramu yepaTV yawakarambidzwa nababa kanakuti naamai vako, ukazozviona pava paya ku-ti wakakanganisa ndokuzvidemba. Naamanindiye mumwe wevanhu vakambotanga vachi-ramba kuteerera. Ngatimboonai kuti akabatsi-rwa sei kuti asaramba achiomesa musoro.

Ngatimbotii tiri kurarama makore anodarika3 000 akapfuura. Naamani ndiye mutungami-riri weuto rokuSiriya anoremekedzwa zvikuru.Ndiye anoudza masoja ake zvokuita uye vano-muteerera. Iye zvino Naamani ava kurwara ne-chirwere chakaipisisa chemaperembudzi. Avakusemesa kutarisa uye anofanira kunge achi-rwadziwa zvikuru.

Mudzimai waNaamani ane kasikana kechi-Israeri kaari kugara nako semuranda. Rimwezuva kasikana kacho kanoudza tenzikadzi wa-ko nezvemurume anonzi Erisha ari kunyika ye-Israeri. Kanomuudza kuti Erisha anogona ku-poresa Naamani. Naamani paanoudzwa izvi,anobva atoronga kuti aende kunoona Erisha.Anotakura zvipo zvakawanda uye anoenda ku-nyika yeIsraeri nemasoja ake. Anoenda kunamambo weIsraeri omuudza zvaafambira.

Erisha anonzwa nezvazvo uye anotumirashoko kuna mambo kuti Naamani auye kwaari.Naamani paanosvika, Erisha anotuma mura-nda wake panze kuti amuudze kuti aende ku-nogeza kanomwe murwizi rwaJodhani. Erishaanoti izvozvo ndizvo zvichaporesa Naamani.

� Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungoku-yeuchidza kuti umbomira uye umukurudzire kuti ataurewo.

DZIDZISAI VANA VENYU

Akanga Akaoma Musoro AsiAkazoguma Ava Kuteerera

Unofunga kuti Naamani ari kunzwa sei paarikuudzwa izvi?—

Anotsamwa kwazvo. Anoomesa musoro, ora-mba kuteerera muprofita waMwari. Anoudzamasoja ake kuti: ‘Kumusha kwedu kune nzizidzakatonaka chaizvo dzokuti ndigeze madziri.’Naamani anobva atanga kudzokera kumushakwake. Unoziva here kuti masoja ake anomu-kumbira kuitei?— ‘Muprofita waMwari akuku-mbirai kuita chinhu chakaoma here? Madii kui-ta chinhu ichi chiri nyore chaakuudzai.’

Naamani anoteerera uye anoita zvaanou-dzwa nemasoja ake. Anozvinyudza mumvurakatanhatu. Paanobuda kechinomwe Naamanianooma mate mukanwa nokuti chirwere chakechanyangarika. Apora! Anobva adzokera ku-mba kwaErisha, mufambo wemakiromita ane-nge 48 kuti anomutenda. Anoda kupa mupro-fita Erisha zvipo zvinodhura, asi muprofitawacho anozviramba zvose.

Saka Naamani anokumbira Erisha chimwechinhu. Unoziva here kuti anokumbirei?—Anoti: ‘Ndipei zvangu ivhu ringatakurwa ne-manyurusi maviri ndiende naro kumba kwa-ngu.’ Unoziva kuti anoridini here?— Naamanianoti anoda kupa zvibayiro kuna Mwari pai-vhu reIsraeri, nyika yevanhu vaMwari. Naama-ni anovimbisa kuti haachambofi akanamatamumwe mwari kunze kwaJehovha! Haasisinakuoma musoro asi ava kuda kuteerera Mwariwechokwadi.

Waona here kuti ungatevedzera sei Naa-mani?— Kana uchimbooma musoro saizvozvounogonawo kuchinja. Unogona kuteerera pau-nobatsirwa worega kuoma musoro zvekare.

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO2 Madzimambo 5:1-19Ruka 4:27

31

Kunyange munyika ino ine matambudziko, zivo yakarurama yeBhaibheri yaMwari, yoUmambo hwake, uyechinangwa chake chinoshamisa nokuda kwevanhu inogona kuita kuti ufare. Kana uchida mamwe mashokokana kuti uchida kuti mumwe munhu akushanyire kuti azodzidza newe Bhaibheri usingabhadhari, tapotanyorera Jehovah’s Witnesses pakero yakakodzera pane dziri papeji 4.

www.jw.org wp12 06/01-CA

Ndezvipi zvimwe zvinoita kuti Bhaibheri risiyane nemamwemabhuku ose? ONA NYAYA DZAKATEVEDZANA DZIRI PAMAPEJI 4-9.

Kana uchida kunzwa nezveguta reTesaronika yekare uyenezveushumiri hwemuapostora Pauro ikoko muchidimbu,ONA MAPEJI 18-21.

Ungararama sei zvinoenderana nehomwe yako kana wavakutambira mari shoma? ONA MAPEJI 22-23.

Pane zvimwe zvinhu zvinoonekwa sezvisingatomboitiki asiizvo zvichikwanisa kuitwa here? ONA MAPEJI 27-29.

NASA photo

Ungada kushanyirwa here?