210
AUTHORISED FREE COPY DO NOT SELL NOT FOR SALE NOT FOR SALE

Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

  • Upload
    others

  • View
    520

  • Download
    16

Embed Size (px)

Citation preview

Page 1: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

Rakaongororwa nokugashirwa nebazi redzidzo yePrimary neSecondary muna Kurume 2018

Danho rechina remudzidzisi

• rakanyorwa nenyanzvi uye hwereshenga dzekudzidzisa ChiShona• rakanyorwa richitevedza hwaro huri mubumbiro idzva rezvidzidzo zveChiShona zvesekondari (2015 – 2022)• rinofambidzana zvikuru neCPS Gona ChiShona danho rechina remudzidzi•• rinokupai tsanangudzo dzerumwe ruzivo rwamungange musina, kunyanya pane zvetsika nemagariro• rinokupai mazano okudzidzisa ChiShona akanatsopepetwa nenyanzvi zvinoita kuti kudzidza kunakidze• richakurerutsirai basa sezvo hurongwa hwaro huchikusiirai nguva yekuita tsvakurudzo dzekubatsira vadzidzi

Umhizha hwegwaro rino huri pakuti rinokupai:•• Zvinangwa zvezvidzidzo• Zvombo zvekushandisa zvingadiwa• Mafambisirwo ezvidzidzo

Nakirwai nekurerukirwa nebasa renyu.

...in class with you

GonaChiShona 4

Gona ChiShona 4

Muzondo G Choga C Muchakazi KFOMU 4

Bhuku remudzidzisi

4

AUTHORISED FREE COPYDO NOT SELL

NOT FOR SALE

NOT FOR SALE

Page 2: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

Gona ChiShona

Muzondo G Choga C Muchakazi K

Danho rechina

GONA 4TG prelims.indd 2 16/3/2018 2:27 PM

NOT FOR SALE

NOT FOR SALE

Page 3: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

19 Glenara Avenue, Eastlea, Harare

Gona ChiShona Danho rechina – Bhuku remudzidzisi

© 2017

First published March 2018

ISBN: 978 0 7974 7329 4

Publisher: Mwazvita Patricia Madondo

Edited by: Sophia GwakukaJohn Sithole

Cover design: Masimba T. Madondo

Cover artwork: Masimba T. Madondo

Text design and Layout: Maxine Kundishora

Printed by:

Every effort has been made to trace the copyright holders. In the event of unintentional omissions or errors, any information that would enable the publisher to make the proper arrangements will be appreciated.

All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, stored in a retrieval system, transmitted in any form or by any means, electronic, mechanical, photocopying, recording or otherwise, without the written permission of the copyright holder.

GONA 4TG prelims.indd 3 16/3/2018 2:27 PM

NOT FOR SALE

NOT FOR SALE

Page 4: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

Chikamu 1 Nhaka: Dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo mukushambadzira nhaka yedu 1

Chikamu 2 Jechetere 7Chikamu 3 Shuramatongo: Zvitendero neshuramatongo 12 Chikamu 4 Kudzivirira nokugadzirisa ngwavaira 18Chikamu 5 Kodzero dzevana nezvinotarisirwa kubva kwavari 23Chikamu 6 Kukosha nekuchengetedzwa kwenhauranda 28Chikamu 7 Kushava nematambudziko acho 34Chikamu 8 Kufusha mari 40Chikamu 9 Zvirwere: Chirwere chekuzarirwa nechekushomeka kweropa mumuviri 46Chikamu 10 Kupindana kwetsika: Kudyidzana parufu 52Chikamu 11 Kugadziriswa kwamakakatanwa munyika nepasi rose 57Chikamu 12 Dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo: Zvarakanakira 63

nezvarakaipira kune zvedzidzoChikamu 13 Dzokororo yekutanga 69Chikamu 14 Kuyaruka kwemwana: Kuwanana 76Chikamu 15 Kurima: Chimuko pakurima maruva nemichero 81Chikamu 16 Ndufu: Rufu rwamambo 86Chikamu 17 Wanano: Barika 90Chikamu 18 Nhaka: Kurova guva 96Chikamu 19 Ngozi: Kutanda botso 102Chikamu 20 Ukama nemadzinza: Mhuri dzakasiyana-siyana 106Chikamu 21 Zvieraera: Kuparadzwa kwetsika nezvieraera nekuuya

kwevekunze 111Chikamu 22 Nguva: Zvieraera zvemunguva dzegore 117Chikamu 23 Kutongwa kwematunhu: Nhaka dzeushe 121Chikamu 24 Bumbiro remutemo renyika yedu nerepasi rose 125Chikamu 25 Hondo yerusununguko: Chimurenga chechitatu nehurongwa

hweupfumi 130Chikamu 26 Dzokororo yechipiri 135Chikamu 27 Mishandirapamwe munyika yedu nenyika dzakavakidzana nesu 139Chikamu 28 Makombiyuta 143Chikamu 29 Mitambo yakare neyanhasi 147Chikamu 30 Nziyo nezviridzwa 152Chikamu 31 Zvinodhaka: Nzira dzokudzivirira 156Chikamu 32 Kurapa nemakwenzi 160Chikamu 33 Mitambo nezvipfeko zveChivanhu 164Chikamu 34 Midziyo yavako 169Chikamu 35 Zvirongwa zvekuvandudza upfumi hwenyika yeZimbabwe 173Chikamu 36 Zvekudya nezvekunwa zveChivanhu nezvanhasi 177 Chikamu 37 Nzira dzokufambisa mashoko 181Chikamu 38 Rudo 185Chikamu 39 Dzokororo yechitatu 189

Bvunzo yekupera kwegore yekutanga 192Bvunzo yekupera kwegore yechipiri 196Bvunzo yekupera kwegore yechitatu 202

Zviri mukati

GONA 4TG prelims.indd 4 16/3/2018 2:27 PM

NOT FOR SALE

Page 5: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

Donzvo remudzidzisi: Danho rechina

Nhungamidzo

Bumbiro rinoti ngakuve nezvidzidzo zvitanhatu zveChishona pasvondo roga roga. Gwaro rino rakanyorwa richitevedzera izvozvo. Gwaro rino zvakare rinotora gore serine masvondo makumi matatu nemapfumbamwe (39) ekudzidza. Zvichireva izvo kuti kotoro yogayoga yakapiwa zvidzidzo zvemasvondo gumi nematatu. Paneiwaya gumi nematatu pakotoro, svondo rekupedzisira pakotoro yogayoga ibvunzo dzedzokororo.

Marongerwo echikamu chogachogaKunotanga vavariro dzesvondo iroro zvidzidzo zvozouya. Pachidzidzo chogachoga panopiwa:

- Zvinangwa- Zvokushandisa- Maitiro echidzidzo

Sezvarehwa kumusoro kwatabva, gwaro rino rinotora svondo kuve nezvidzidzo zvitanhatu. Zvidzidzo izvi zvakapatsanurwa nenzira inotevera inobatsira kuzadzikisa kudzidza kwevadzidzi nenzira inotarisirwa nebumbiro redzidzo.

Chidzidzo 1: Ngatikurukurei Muchidzidzo ichi mune nyaya inofanira kutaurwa nezvayo, kazhinji iri pamusoro peaya anonzi ma’cross-cutting themes/issues) anobata zvakawandawanda. Munokurukurwawo pamusoro pemusoro wechidzidzo chesvondo iroro.Chidzidzo 2: Ngativerengei Mune ichi chidzidzo vadzidzi vanoverenga ndima yesvondo iroro inoenderana nedingindira rechidzidzo chesvondo iroro. Vadzidzi vanopindurawo mibvunzo inobva mundima, inosanganisira kunyora pfupiso yendi-maChidzidzo 3: Ngatirungei mitauroMuchidzidzo chino vadzidzi vanodzidziswa kushandisa zvirungamutauro mukunyora kana mukutaura, zvakafanana netsumo, madimikira, nyaudzosingwi, fananidzo neenzaniso, misambo, nezvimwewo zvinoita kuti mutauro utapire.Chidzidzo 4: Ngatiumbei mitauroMuchidzidzo ichi vadzidzi vanodzidziswa kuumba mazita, zvirevamwene, zviverengo, zvisazitasingwi nezvimwewo zvinoita kuti vagone kutaura mutauro weChiShona wakanaka.Chidzidzo 5: Ngatinyorei/Ngatishangazhikei pakunyoraMune ichi chidzidzo vadzidzi vanopiwa nguva yakakwana yekunyora mhando dzerondedzero dzakasiyana sokuti tsanangudzo, nhetembo, nhaurirano, tsamba nezvimwewo. Muchidzidzo ichi vadzidzi vanowana mukana wekushangazhika pakunyora.Chidzidzo 6: Ngatitsvakurudzei/ NgatitsanangureiMuchidzidzo ichi vadzidzi vanodzidza kuita vhendenyuro kana tsvakurudzo inovapa hutesve hwekunzwisisa dingindira ravanenge vachidzidza.

Dzimwe nguva zvidzidzo izvi hazvipiwi nenzira imwechete iyi asi zvinoenderana nekuti chidzidzo chiri kududunurwa sei nenzira inoita kuti mudzidzi anzwisise.

Mukati mezvidzidzo zvese izvi, vadzidzi vanogona kupiwa basa rekunoita kumba setsvakurudzo pamusoro pezvakasiyana-siyana.

Nakirwai nekushandisa gwaro rino!!!

GONA 4TG prelims.indd 5 16/3/2018 2:27 PM

NOT FOR SALE

Page 6: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

1

Chitsauko 1

NhakaDandemutande rekufambisa mashoko neruzivo mukushambadzira nhaka yedu

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kutsanangura dandemutande rekufambisa mashoko neruzivob) kududzira nhakac) kudoma mhando dzenhakad) kutsanangura zvakanakira dandemutande nezvarakaipira panhaka yedue) kunyora nzwisiso nepfupiso nemazvof) kuumba zvirevo vachishandisa madimikirag) kuumba mazitah) kujekesa misambo yemutauro

1. NgatikurukureiPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo chiib) kutsanangura chinonzi nhaka yedu munyikac) kupa mhando dzenhaka dzakasiyana-siyanad) kuratidza uipi neunaku hwedandemutande panhaka yedue) kujekesa zvingaitwe kuchengetedza nhaka yedu

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yezviwanikwa zvedu• midziyo inoshandiswa padandemutande

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaongorore mifananidzo yezviwanikwa nemidziyo inoshandiswa padandemutande.2. Mumapoka, vadzidzi vanoita hurukuro yezvakapiwa mumabhuku avo ekuverenga.3. Mapoka anopakurirana zvaawana.4. Vachitungamirirwa nemudzidzisi vadzidzi vanoongorora zvabva mumapoka.

Pfungwa dzingangobuda• Nhaka inobata zvinhu zvakaita sezviwanikwa, zvekudya, zvekupfeka, tsika nezvitendero zvedu.• Zvinobatika zvinosanganisira zvicherwa, michero, mvura nezvimwewo. Zvisingabatike

zvinosanganisira zvitendero, tsika, mitambo nezvimwewo.• Dandemutande rave kushambadza zviwanikwa zvichishanyirwa nevekunze nekukanganisa

mashandisirwo azvo nemagariro edu.• Nhaka yedu inogona kuchengetedzwa nekuva nemitemo inosunga vanokanganisa nhaka,

kusaparadza zviripo nguva imwe chete nezvimwewo.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvakanakira nekuipira dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo panhaka

yedu

GONA CHIShona 4TG.indd 1 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 7: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

2

b) kunyukura ndevo dziri mundima nekutsanangura zvadzinorevac) kupindura mibvunzo yenzwisiso nekuita pfupiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yezviwanikwa / nhaka

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yemifananidzo yezviwanikwa kana nhaka.2. Vadzidzi vanoita hurukuro nezvemifananidzo yavaongorora.3. Vari mumapoka, vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso.4. Mapoka anopakurirana zvaanzwisisa poitwa hurukuro.5. Umwe neumwe ari pake ega, vadzidzi vanodzokorora kuverenga ndima yenzwisiso vopindura

mibvunzo yenzwisiso nepfupiso.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Nekuti ndezvekusiirana. (1)2. Masango, michero, ivhu, zvekudya, tsika dzedu. (chero zviviri) (2)3. Nekuda kwekuti takaiwana iripo uye tichaisiirawo vamwe. (2)4. Zvakanakira dandemutande kune zvinotevera:

a) Nzizi dzedu: dzizivikanwe nezvinowanikwa madziri (1)b) Nzvimbo dzinoera: Kuitira kukoshesa nzvimbo idzi (1)c) Nzvimbo dzinoyevedza: Kuitira vashanyi vanoda kuona nzvimbo idz (1)d) Mitambo: Kuitira kugoverana tsika nevamwe (1)

5. Dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo raunzawo nhunzvatunzva mumagariro evanhumaringe nenhaka yedu. (1)

6. Ndevo dzinowirirana netsanangudzo dzinotevera:a) vadzimu vainge vafarira vana vavo: Vekumatenga vainge vanyemwerera mapudzi avo (2)b) vauya vari gurusvusvu: vauya vakawanda chaizvo (2)c) kama hwakasungwa neutare: kuwirirana kwakanyanya (2)d) kuita madyirakupedza muchero wegudo: kuparadza zviwanikwa zvedu munguva shoma (2)e) kudya kunozipa zvikuru: dapurahunanzva (2)7. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa.- nhaka upfumi hwezviwanikwa zvemunyika netsika dzedu- nhaka inoshambadzwa padandemutande rekufambisa mashoko neruzivo- vashanyi vanofarira kuona nzvimbo zhinji- tine nhaka yemhuka nemichero yemusango- pane zvekudya zvedu zvinoshambadzwa padandemutande- tsika dzedu nemitauro yedu zvave padandemutande- dandemutande raipira pakuparadzawo nhaka yedu

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

Mupanda Chivakashure + Dzitsi > Zita

GONA CHIShona 4TG.indd 2 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 8: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

3

3. Ngatirungei mutauroKuumba zvirevo nemadimikiraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mienzaniso yemadimikira ane chitsamab) kududzira zvinoreva madimikira akapiwac) kuumba zvirevo vachishandisa madimikira akapiwa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine madimikira• chinyorwa chine madimikira

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanotsanangura kuti madimikira chii.2. Vadzidzi vanodoma madimikira avanoziva.3. Vadzidzi vanodudzira madimikira adomwa.4. Vadzidzi vanodudzira madimikira akapiwa pazvitaitai.5. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoshandisa madimikira akapiwa pachinyorwa muzvirevo

vachibuditsa zvaanoreva.6. Mapoka anopakurira vamwe zvaawana poitwa hurukuro yemashandisirwo emadimikira muzvirevo.7. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

MhinduroVadzidzi vanoumba zvirevo vachishandisa madimikira akapiwa. Mudzidzisi gamuchirai zvirevo zvakaumbwa nemazvo uye zvakakodzera.

4. Ngatiumbei mutauroMazita: Kuumbwa kwawoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mienzaniso yemazita ane chitsamab) kuisa mazita avapa mumipanda inokodzerac) kuratidza maumbirwo emazita emipanda yakasiyana-siyana

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mazita

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanotsanangura kuti mazita chii vodoma mazita avanoziva.2. Vadzidzi vanoisa mazita apiwa mumipanda vachipa zvikonzero.3. Vadzidzi vanotsanangura maumbirwo emazita.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoedzesera kuumba mazita ari pazvitaitai.5. Vadzidzi vanogoverana zvabuda mumapoka.6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.7. Dzokororo yebasa ranyorwa.

GONA CHIShona 4TG.indd 3 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 9: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

4

Mhinduro dzingatarisirwa

Mupanda Chivakashure + Dzitsi > Zita9/10

5

14

3

17a

16

21

8

7

10

/N-/ + - hosho > hosho

(ri-) + - pete > bete

u- + -royi > uroyi

mw- + -ena > mwena

0- + -seri > seri

pa- + -musha > pamusha

zi- + -tanda > zidanda

zv- + -uru > zvuru

ch- + -oto > choto

dzi- + -mba > dzimba

5. Ngatishandisei mutauroMisambo yemutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura misambo inobuda kubva mukutaura kwevanhub) kujekesa kushorwa, kunyombwa, kutukwa kana kuyemurwa kubva mumatauriroc) kutsanangura zvirevo zvakapiwa zvinoratidza misambo yemutauro

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvirevo zvemisambo

Maitirwo echidzidzo1. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanotsanangura zvinoreva misambo yemutauro.2. Vadzidzi vanodoma misambo yavanoziva yoongororwa.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanotaurirana misambo inowanikwa pazvirevo zviri pazvitaitai.4. Mapoka anopakurirana zvaawana.5. Vachibatsirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanokurukura pamusoro pemusambo unoshandiswa

pakutsvaga basa.6. Vari mumapoka maviri, vadzidzi vanoita edzesero yehurukuro dzekutsvaga basa (interviews).

Mudzidzisi ngavabatsire vadzidzi kuita gadziriro yemutambo uyu.Cherechedzo: Vadzidzi vanokurudzirwa kuratidza zvose zvinoitwa pahurukuro idzi vachishandisa

musambo wakakodzera.

6. NgatitsvakurudzeiTsvakurudzo: Nhaka yeduZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mhando dzenhaka yedub) kuburitsa zvingaitwe kuchengetedza nhaka yeduc) kupira nemazvo zvabuda kubva mutsvakurudzo dzavo

GONA CHIShona 4TG.indd 4 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 10: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

5

Zvombo zvingashandiswa• nhongeredzwa dzemapoka evadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapinde mumapoka masere.2. Boka rega rega ngaripiwe basa rekutsvakurudza nezvaro pane zvakapiwa.3. Mapoka ngaapire zvaawana.4. Ngapaitwe hurukuro yezvapirwa nemapoka evadzidzi.5. Vadzidzi ngavanyore hokorodzwa dzenhongeredzwa dzemapoka.

Zvimwe zvingaburitswa nemapokaa) Nzizi dzedu• kusarima mumachinga adzo• kusarasa mishonga munzizi• kusachera zvicherwa munzizi• nezvimwewo

b) Makomo edu• kusatema miti mumakomo• kusapisa makomo• kusadhuura makomo edu• nezvimwewo

c) Nzvimbo dzinoyevedza• kusashanja munzvimbo idzi• kutevedzera mhiko dzenzvimbo idzi• nezvimwewo

d) Mhuka netumbuyu• kusavhima mhuka netumbuyu zvisina tsarukano• kusapisa masango• kupa mitemo inosunga vavhimi zvisiri pamurawu• nezvimwewo

e) Masango nemichero• kusapisa masango• kusatema miti zvisina mwero• kupa mitemo inosunga vanotema miti kunyanya yemichero yemusango• nezvimwewo

f) Tsika dzechivanhu• kukohomedza kuchengetedzwa kwetsika dzedu• kutevedzera tsika dzedu• kukwikwidza nevane tsika dzekunze• nezvimwewo

g) Mitauro yedu• kuishandisa nguva zhinji• kudzidza nemitauro iyi muzvikoro• kuishambadza padandemutande• nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 5 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 11: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

6

h) Zvekudya zvedu• kukurudzira kudyiwa kwazvo• kushambadza padandemutande• dzidziso nezveutano pazvekudya izvi• nezvimwewo

Basa rekumbaRondedzero yetsananguroVadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuunganidza pfungwa dzinopindura mubvunzo werondedzerob) kuratidza zviwanikwa zvemunyika zvingachengetedzwa seic) kuronga zvikamu zverondedzero nemazvod) kupfumisa mutauro murondedzero dzavo

Pfungwa dzingaburitswe• kupa mitemo inosunga vanoparadza zviwanikwa• kushambadza zviwanikwa padandemutande rekufambisa mashoko neruzivo• kupa dzidziso kuvanhu nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa• kuzvishandisa nenzira dzine mwero• nedzimwewo pfungwa dzinogona kuburitswa nevadzidzi

GONA CHIShona 4TG.indd 6 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 12: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

7

Chitsauko 2

Jechetere

VavariroPakupera kwechitsauko chino vadzidzi vanotarisirwa:a) kukwanisa kutsanangura zvinoreva jechetereb) kujekesa zviri mumutemo wekuenzaniswa kwemikana vachiratidza kodzero dzevanhurume

nevanhukadzic) kubudisa zviri kuitwa nevanhukadzi kuvandudza kuzvisimudzira kwavo mudzimba , mumabasa

nemumakereked) kutsanangura maumbirwo emazita vachipa mienzaniso yemazita omupandae) kunyora rondedzero yegakava nemazvof) kutsanangura kuti nyaudzosingwi chii vachipa mashandiro adzog) kutsanangura zvinoreva nyaudzosingwi

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvizere mutemo wekuenzaniswa wemikana muZimbabweb) kutaurirana vachijekesa kuenzaniswa kwemikana vachibudisa pacho pari kuenzaniswac) kujekesa zvingaitwe nenyika pakuvandudza mutemo wekuenzana kwemikana muzvikoro,

mumabasa nemune zvematongerwo enyikad) kubuditsa zvakaipa zvingava zviri kubuditswa nemutemo wejechetere kuzvizvarwa zveZimbabwe

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mibvunzo yakanangana nekuenzaniswa kwemikana

Matirwo echizidzo 1. Vadzidzi vanotsanangura chinonzi jechetere.2. Vari pamwe chete, vadzidzi vanotaura zvakanakira jechetere kuvanhu nekunyika.3. Vadzidzi vanopindura mibvunzo iri pazvitaitai yakanangana nekuenzaniswa kwemikana vari

mumapoka avo.4. Mapoka anopakurirana zvaawana, mudzidzi mumwe chete achinyora pfungwa pachidziro.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kujekesa chinonzi jechetere vachipana pfungwa dzizereb) kupindura mibvunzo yenzwisiso neChishona chizerec) kubudisa kuenzana kwemikana muzvikoro, mumhuri nemumakereked) kutsanangura mazwi matsva abuda mudima yavaverenga

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso.

GONA CHIShona 4TG.indd 7 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 13: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

8

2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanonyurura ndevo / mazwi angangova matsva kubva mundimavachitsanangura zvaanoreva.

3. Vadzidzi vanoverenga mibvunzo yese yenzwisiso.4. Vadzidzi vanodzokorodza kuverenga ndima yenzwisiso vopindura mibvunzo yenzwisiso.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzingatarisirwa1. Kudzidza kwaTambudzai / Kushinga kwaVaPamhidzai (vadzidzi vanogona kupamisoro

yakasiyana-siyana) (1)2. Kuzvigona, VaPamhidzai vaingozvinyararirwa zvavo shumba ichidzvova mututu. (2)3. Zvinoreva ndevo:

a) kurira ngoma nguva dzose: kugara panemufaro (2)b) ngirozi yedenga: aiva akanaka pachiso (2)c) homwe ari maburi: vasina mari yavaigara nayo (2)d) Shabani ichinge yadzura mwando: vanenge vashatirwa zvikuru (2)e) chenga ose manhanga hapana risina mhodzi: kuitira vana vose zvakanaka, zvakanakanekuti mangwana hauzivi anokuchengeta (2)

4. Zvinhu zviviri zvakakanganiswa naVaSveto zvakasvibisa moyo waVaPamhidzai kuregesaTambudzai chikoro nekuda kuroodza Tambudzai kuti vapinze vakomana chikoro. (2)

5. Huipi hwaiitwa nachiremba Moses hwakazobuditswa naTambudzai kuedza kumubata chibharo.(2)

6. Vadzidzi vanopa pfungwa dzakasiyana-siyana, gamuchirai pfungwa dzinokodzera. (2)7. Vadzidzi ngavape pfungwa dzavo vodzitsanangura zvizere. (2)8. Pfungwa huruPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa nevadzidzi:- runako rwaTambudzai- kushandirapamwe kwaVaSveto naVaPamhidzai- kuregeswa chikoro kwaTambudzai naVaSveto- kupinzwa kwaTambudzai chikoro paChiromo High- kuita zvidzidzo zveukoti pachipatara chepaGomo nekuwana basa paRukwira Hosiptal

kwaTambudzai- kuchengeta vabereki nehanzvadzi dzake- kuda kubatwa chibharo nachiremba Moses nekusungwa kwavo- kuva nomufaro zvakare paVaSveto

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1) Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroNyaudzosingwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti chii chinonzi nyaudzosingwi

GONA CHIShona 4TG.indd 8 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 14: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

9

b) kujekesa kushandiswa kwenyaudzosingwi mune zvimwe zvezvinyorwa zveChishonac) kunyora zviito zvinowirirana nenyaudzosingwi dzapihwa uye kutsanangura zvadzinorevaZvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine nyaudzosingwi

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi chinonzi nyaudzosingwi.2. Vadzidzi vanopinda mumapoka mashanu vopuhwa zvitaitai zvine nyaudzosingwi vopa zviito

zvinoenderana nenyaudzosingwi dzakapiwa.3. Mapoka anopakurirana zvaawana.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Zviito zvinoenderana nenyaudzosingwi:

(i) tende: kugara(ii) dhe-e: kuvhura maziso wakatarisa / kutarisa zvikuru(iii) pwe-e: kupika(iv) tuku: kuzvikudza(v) ware: kutiza(vi) seseture: kutaura uchikasira(vii) svetu: kuuruka(viii) tande: kuenda(ix) tuzu: kumira wakapusa /wakapata(x) kanha: kushamiswa / kushamisika

b) Nyaudzosingwi dzinoenderana netsananguro:1. kuzvipinza munyatwa inogozha kubuda: chakati tende2. kubuda nokukasira uchifambisa nenzira: ndiye svetu tande3. kutarisa munhu neziso dzvuku rine ukasha: dhe-e4. kupuhwa manyemwe okugona chikoro zvikuru: zenze tuku5. kufunga zvine udzamu uchiruka mazano: dhu-u / kunun’unu

4. Ngatiumbei mutauroMipandaZvinangwaa) Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:b) kupa zvinorehwa nomupandac) kujekesa nzira dzokuisa nadzo mazita mumupandad) kuisa mazita mumupanda yawo vachishandisa zvivakashure zvakafanana uye zvaanoreva

zvakafananae) kunyora vachiisa mazita mumipanda yawo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mazita

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi nevadzidzi vanoita hurukuro pakati yekuisa mazita mumipanda vachinyurura

mazita ari kubuda mundima yavakaverenga yenzwisiso.

GONA CHIShona 4TG.indd 9 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 15: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

10

2. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo vopihwa zvitaitai zvine mazita voaisa muzvikwatavachitarisa zvivakashure nezvaanoreva.

3. Vadzidzi vanopakura zvavawana mumapoka avo zvichinyorwa pachidziro nemumwe mudzidzisi.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi umwe neumwe ari pake ega.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Mazita anowanikwa mundimi dzose dzeChiBantu uye zvikwata 21 muChiShona.b) Tambudzai, Charles, Samuelc) Zvikwata zviviri

Anoreva chiito Anoreva nzvimbo

kurapa (15)

kurovana (15)

kuChiromo (17)

kuGomo (17)

kuseri (17)

kurwizi (17)

d) Mupanda 1, /mu-/ chivakashure chezita rinoreva munhu mumwe chete, /mu-/ mupanda 3,chivakashure chezita rinoreva chinhu chakarebenuka sokuti: munda, mugwagwa, /mu-/ mupanda18 uchirevawo nzvimbo sokuti: mumunda, murwizi.

5. NgatitsvakurudzeiJechetereZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangurirana kukosha kwekuenzaniswa kwemikana munyikab) kuburitsa vachitsigira kuti nemhaka yei vanhukadzi vaisawanikwa pazvigaro zvepamusoroc) kutsanangura vachiburitsa kuti kuenzaniswa kwemikana kuri kupawo pundutso nekupawo

kodzero dzevanhukadzi munyika here kana kuti kwakaunza matambudziko

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine pfungwa dzekuenzaniswa kwemikana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura musoro wechidzidzo.2. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo voita tsvagurudzo yejechetere.3. Vadzidzi vanopira zvavawana muboka ,mudzidzisi achivaratidza bhambiri rine pfungwa huru

dzejechetere.4. Vadzidzi vanonyora pfungwa dzavo varimo mumapoka pashizha rimwe vopa mudzidzisi kuti

akwenye.

6. NgatinyoreiRondedzeroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura manyorerwo erondedzero yegakava

GONA CHIShona 4TG.indd 10 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 16: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

11

b) kutsvagurudza pfungwa huru dzinofambirana nemusoro werondedzero wapuhwac) kunyora rondedzero yavo vachipfumisawo mutauro uye kusanyora mhosho dzepatsanuro,

batanidzo, zviperengo nezvimisoZvombo zvingashandiswa• bhambiri rine matanho ekunyora rondedzero• zvitaitai zvine zviga pakunyorwa kwerondedzero dzakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anoita hurukuro nevadzidzi pamusoro werondedzero, kuenzaniswa kwemikana.2. Mumapoka vachishandisa bhambiri rine matanho ekunyora rondedzero uye pfungwa dzavakawana

mutsvagurudzo, vadzidzi vanoumba chimiro cherondedzero yegakava.3. Mapoka anopakurirana zvaawana.4. Vadzidzi vanonyora rondedzero ine mashizha matatu nechidimbu.

Musoro werondedzero: Tsika yejechetere (kuenzaniswa kwevarume nevakadzi) yaunza matambudziko makuru mukugarisana mumhuri dzeVaShona vanhasi muZimbabwe. Unotii? [50]

Mhinduro dzingangonyorwa nevadzidzia) Papfuma- vanakomana nevanasikana vanofanira kupihwa zvakaenzana- vanababa vazhinji vanopa pfuma yavo kuvanakomana zvinozvara kusawirirana pakati pevanasikana

nevanakomana vemhuri imwe chete zvichikonzera kuroyana, ndufu, shanje nezvimwewob) Patsika Baba namai vaenzana- mabasa emumba- kuchengetwa nekushandiswa kwemari mumba- kutongwa kwenyaya dzemusha (Decision making)- kushaya chiremera kwababa mukuraya vana- kushaya simba kwababa rekupa mukadzi mitemoc) Padzidzo yevana- vanasikana vanogona kudzidza zvikuru opedza pfuma yemhuri oroorwa poshaya pundutso

yemhuri yake- kuunza ruvengo pakati pevanasikana nevanakomana kana baba vachinyanya kuda kusimudzira

dzidzo yevanakomana pane yevanasikana

Cherechedzo: Mudzidzi akanyora iri nyaya ngaabudise pfungwa idzi.

GONA CHIShona 4TG.indd 11 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 17: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

12

Chitsauko 3

Shuramatongo Zvitendero neshuramatongo

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kukwanisa kutsanangura zvitendero zvinowanikwa munyika yeZimbabwe nedzimwe nyikab) kutsanangura chinonzi shuramatongoc) kutsanangura nzira dzinopararisa shuramatongod) kujekesa kudyidzana kuripo mukupararira kweshuramatongo nezvitenderoe) kupindura mibvunzo yenzwisiso, vachitsanangurawo ndevo dzabuda mundima sokushandiswa

kwadzaitwaf) kukwanisa kunyora rondedzero yemusoro wavanosarudza pane mitatu yapihwa, neChiShona

chemandorokwatig) kujekesa musambo wechiramuh) kunyora nepadiki pfungwa huru dzinobudiswa netsumo dzakapiwa

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura nzira dzavanoziva dzinoparadzira shuramatongo uye zvingaitwe kuderedza

kuparadzira shuramatongob) kujekesa zvitendero zvinowanikwa muZimbabwec) kurondorodza uipi hweshuramatongo munyika yedu yeZimbabwe, vakatarisa uwandu hwevarwere

pamakore mashanu apfuura

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo kana magwaro anotaura nezvechirwere cheshuramatongo• zvitaitai zvine misoro yehurukuro ine chekuita nezvitendero neshuramatongo• bhambiri rine mazita ezvitendero zvakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo 1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo yekuparadzirwa kunoitwa chirwere

cheshuramatongo nekuda kwemakereke padandemutande reruzivo kana mumagwaro anotauranezvechirwere cheshuramatongo.

2. Mudzidzisi anoita kuti vadzidzi vapinde mumapoka, anovapa zvitaitai zvine misoro yehurukuropamusoro pezvitendero neshuramatongo.

3. Vadzidzi vanonyora pasi pfungwa dzavanenge vabuda nadzo vari mumapoka.4. Mapoka anopakurirana zvaawana, poitwa hurukuro yezvabuda mumapoka.

2. NgativerengeiShuramatongoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura shuramatongo vakatarisa zvitendero zvinowanikwa mukurarama kwevanhu

muZimbabwe nekune dzimwe nyika

GONA CHIShona 4TG.indd 12 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 18: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

13

b) kurondorodza kupararira kweshuramatongo muZimbabwe uye nzira dzingaitwe kuderedzautachiona kuvazhinji munyika

c) kupindura mibvunzo yenzwisiso zvizere neChiShona chakanakad) kupfupisa ndima yavaverenga nemazwi avo pachavo asingadariki makumi mashanu

Maitirwo echidzidzo 1. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso vachipana zvijana.2. Vadzidzi vanonyurura pfungwa huru kubva mundima.3. Vadzidzi vanoverenga mibvunzo yenzwisiso chinyararire.4. Vadzidzi vanodzokorora kuverenga ndima yenzwisio vopindura mibvunzo yakapihwa.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro 1. Shuramatongo chirwere chisingarapiki chinouraya, chinosiya misha isisina vagari. Chinokonzerwa

neutachiona uye chinopararira nenzira dzakawandisa chose. Utachiona uhwu hwunoderedzwanokumwa mishonga uye kusaramba uchisangana pabonde nevamwe vanacho vakasiyana-siyana. (1)

2. Zvinoreva ndevo dzinotevera sekushandiswa kwadzakaitwa mundima:a) igangaidza mukwenyi mhezi yavavira mumoyo: ukange wabatwa neshuramatongo hauchina

chauchagona kuita kunze kwokutevedzera zvinenge zvataurwa navanachiremba (2)b) zimunzwa mundowe: kuzviita panyama asi pasi pemoyo vasingazvidi (2)c) mutemarege wembada: kuuraya pasina chinomisa / kurakasha vanhu (2)d) kuzviparira moto muziso: chinhu chakashata chaunenge wazviitira uchida uye uchiziva(2)

3. Izwi rimwe chete rinogona kumiririra rakapiwa:a) nhusvungi: nhubu / svinu / mbiru / ny’nanya (1)b) shuramatongo: mukondombera (1)c) kuzhumurana: kuurayana (1)d) barika: guru/chipari

4. Nzira mbiri dzingashandiswa kuderedza chirwere cheshuramatongo kusaita vakadzi vakawanda,kuenda kunoongororwa kana wabata pamuviri, kusaita zvepabonde nguva isati yakwana (toraichero zviviri zvakakodzera) (2)

5. Zvitendero zvinodyidzana neshuramatongo panyaya dzekuita barika, kubhinywa kwevanhukadzimumakereke, kugara nhaka mukadzi kana murume asiiwa nemushakabvu nezvimwe (vadzidzivanodoma chero zviviri votsanangura zvizere.) (2)

6. PfupisoPfungwa huru dzingangobudiswa nevadzidzi:- shuramatongo chirwere chisingarapiki- chinouraya kusiya misha, ava matongo- zvitendero zvizhinji pasi rino kusanganisira makereke emweya, barika kuvatema, nhaka

sechitendero chevatema, kushandisa ndima dzemubhuku dzvene raMwari, n’anga nezvimwewo- kubata chibharo nekutendera zvirehwa zven’anga dzenhema zvichipararisa shuramatongo- kusaenda kuchipatara wabata pamuviri nekuda kwechitendero- kusaita zvepabonde kuzvidzivirira kushuramatongo- kutendera zvechipatara zvinorehwa nevakoti uye vanachiremba

GONA CHIShona 4TG.indd 13 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 19: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

14

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroTsumoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvizere zvinorehwa netsumo dzakapuwab) kunyora nepapfupi pfungwa huru inobudiswa netsumo yavapuhwa setsananguro yezvaanoreva

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine tsumo

Maitirwo echidzidzoMudzidzisi anotsanangurira vadzidzi kuti chii chinonzi tsumo. 1. Vadzidzi vanopa pfungwa dzavo mumwe mudzidzi achinyora pachidziro.2. Vadzidzi vanopawo mienzaniso yetsumo dzavanoziva.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanodudzira tsumo dzakapiwa pazvitaitai.4. Mudzidzi mumwechete paboka anopakurira vamwe izvo vawana, Mudzidzisi achinyora

pachidziro.5. Vadzidzi vanoyora basa ranhasi.

Mhinduro dzingatarisirwa kubva kuvadzidzia) Kusema yechidembo kuona yetsuro: Munhu akaramba chinhu chaanenge apihwa achiti chakaipa

kana kuti hachina kukodzera zvinoreva kuti anenge ane chiri nani kupinda chaaramba.b) Kuverenga mbeva nanamudune: Makange masvika panguva yebasa kana nguva yekuita chimwe

chinhu hazvibatsire kuverenga vaye vasingagone kuchiita nokuti vanongova zviwanzahuruva.c) Chirungurira chirwere ukanyarara unofa nacho: Chigumbu chinorwadza. Kana munhu akange

atadzirwa zviri nani kuti adure pane kuti achichengete mumwoyo.d) Kutumikai kwemukuwasha kuudza ambuya kuti gapu renyama ratsva: Kuitira munhu mutsa

iwe uchiitira kuti ugowana chimwe chinhu kwaari.e) Inochema ndeiri pamusungo iri muriva inoti gore rawa: Munhu anochema achiti ane nhamo

ndouya ane shoma, ane zhinji / dzakawanda anoti kufa kuri nani.f) Machongwe maviri haakukuridzi muzumbu rimwe chete: Vanhu vaviri vane zvinzvimbo

zvakaenzana havagone kushanda pamwe chete. (12)

4. Ngatiumbei mutauroMupanda: Sungawirirano yakafananaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kushandisa nzira nhatu dzinoti sungano yakafanana, sungano youshoma neuzhinji yakafanana

uye maumbirwo akafanana kuisa mazita mumipanda yawob) kutsanangura musiyano uripo pane zvimwe zvezvivakashure vachishandisa mazita avanenge

vapihwa

GONA CHIShona 4TG.indd 14 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 20: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

15

• kunyora mupanda, chivakashure uye zita racho• kupindura mubvunzo unoda ruzivo rwenzira nhatu dzekuisa mazita mumipanda dzavaverenga

vachipawo muenzaniso

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mazita anoda kuiswa mumipanda• bhambiri rine nzira nhatu dzokuisa mazita mumipanda

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita dzokororo yemazita, vachikurukura kuti mazita anoiswa mumipanda

kuchishandiswa nzira dzipi.2. Mudzidzisi anopa vadzidzi zvitaitai zvine mazita akasiyana-siyana, nemibvunzo inoda kuti

vashandise nzira nhatu dzokuisa mazita muzvikwata zvakasiyana (mipanda).3. Mumapoka vadzidzi vanoisa mazita muzvikwata zvakasiyana-siyana vachitsanangura nzira

yavanenge vashandisa, mudzidzisi achitenderera kuona zvavari kunyora.4. Vadzidzi vanopakura zvavawana mumapoka, mudzidzisi kana mumwe mudzidzi achinyora

pachidziro.5. Mudzidzisi anonamira bhambiri rine mipanda, chivakashure nezita pachidziro kuti vadzidzi

vokurukura nezvenzira dzekuisa mazita mumipanda dzakapiwa.6. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rokuita.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Nzira nhatu dzekuisa mazita mumipanda:

(i) Sungawirirano yakafanana, mazita anoreva zvakafanana anopinda mumupanda mumwechete.(Vadzidzi vanopa mienzaniso)

(ii) Sungawirirano youshoma neuzhinji yakafanana sokuti:

Ushoma uzhinjimuti - mitimuromo - miromo

(iii) Maumbirwo akafanana - mazita ari mumipanda mumwe anoumbwa zvakafanana sokuti:

Chivakashure chezita + dzitsi rezita chi - + - ngwa (chingwa mupanda 7) chi - + - toro (chitoro mupanda 7) va - + - rume (varume mupanda 2) va - + - tambi (vatambi mupanda 2) (6)

b) Nzvanyira /bh-/ /v-/ /w-/Nzvovera /a e i o u /

c)Ushoma Uzhinji musikana 1 vasikana 2

mukomana 1 vakomana 2 muimbi 1 vaimbi 2 mukuwasha 1 vakuwasha 2 chikoro 7 zvikoro 8

GONA CHIShona 4TG.indd 15 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 21: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

16

Ushoma Uzhinji chishawa 7 zvishawa 8 mutohwe 3 mitohwe 4 mutondo 3 mitondo 4 svimwana 19 twana 13 svikomana 19 tukomana 13 mombe 9 mombe 10 zigadzi 21 mazigadzi 6

(12)5. Ngatishandisei mutauroMusambo wechiramuZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti chii chinonzi chiramub) kubudisa vanhu vanoita chiramuc) kujekesa zvinoitwa panotambwa chiramud) kutsanangura zvinoereswa pakutambwa kwechiramue) kunyora yavowo tsika vachipa mutauro unoshandiswa, ukama hwevanhu varimo uye zvakakoshera

ukama hwacho

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine ukama hwakasiyana-sayana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo kuvadzidzisi.2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanotaura misambo inoshandiswa paukama hwakasiyana-siyana

hwakapihwa pabhambiri.3. Mapoka anopakurirana zvaawana.4. Vadzidzi vanoverengerana ndima yechiramu yakapihwa mumabhuku avo ekuverenga.5. Mudzidzisi anoita kuti vadzidzi vape zvabuda, mundima. Mudzidzisi anonyora pachidziro

zviri kupiwa nevadzidzi.6. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa retsvagurudzo, umwe noumwe anopiwa tsika yake achipa

ukama.7. Vadzidzi vanonyora chidimbu cheshizha vachinzvera sebasa rekumba.

Zvingangopuhwa vadzidzi• Chishamwari• Chinyarikani• Utukwa

6. NgatinyoreiRondedzero yegakavaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura manyorerwo anoitwa rondedzero dzemhando dzakasiyana-siyana

GONA CHIShona 4TG.indd 16 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 22: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

17

b) kushandisa zvirungamutauro pakunyora rondedzero

Zvombo zvingashandiswa • bhambiri rine matanho ekunyora rondedzero• zvitaitai zvine zviga zvekunyora rondedzero dzakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoita hurukuro nevadzidzi pamusoro pemanyorerwo erondedzero yegakava.2. Mumapoka, vadzidzi vanoshandisa bhambiri rine matanho ekunyorwa kwerondedzero kuita

hurukuro yemanyorerwo erondedzero vachibuditsa zvinofanira kukosheswa pakunyorarondedzero yegakava.

3. Vadzidzi vanopira zvavawana kubva mumapoka avo.4. Vadzidzi vanosarudza musoro werondedzero wonyora rondedzero nemazvo vachishandisa

ChiShona chakanaka.

GONA CHIShona 4TG.indd 17 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 23: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

18

Chitsauko 4

Kudzivirira nekugadzirisa ngwavairaVavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa: a) kubudisa ngwavaira dzinowirwa nevashandi vemigodhi, mumabasa ese ese uye vaya vanoita

chikorokozab) kutsanangura ngwavaira dzinobata vashandi vemuZimbabwe uye zvisungo zvavapo mumakambani

mazhinjic) kupindura mubvunzo yenzwisiso vachipawo tsananguro pandevo dzabuda mundima zvizere

neChishona chakanakad) kutsanangura mazitadunhurirwae) kutamba nemutauro vachinyora nhetembo dzinobudisa ngwavaira yevashandi, vachipa pfungwa

dzavo neChiShona chakatsetsekaf) kupa dimikira kududziro yakapihwag) kupa mhando dzezvisazitasingwi nekuratidza maumbiwo azvo

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisaa) kutsanangura magadzirisiro avangaita ngwavaira dzinoitika pamigodhi, mumabasa munzvimbo

dzakasiyana-siyana kuvashandib) kubudisa zvakaipira kuti vashandi vashande vasina kugadzirira ruchengetedzo rwepfumvu

pamabasac) kujekesa maipiro akaita chikorokoza uye zvingaitwe kupedza chikwata ichi muZimbabwed) kubudisa matanho makuru anoitwa nehurumende pose panenge paitika ngwavaira mumabasa

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mufananidzo wengwavaira• zvitaitai zvakanyorwa ngwavaira• mibvunzvo ine chekuita nengwavaira dzabuda pabhambiri

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anoita hurukuro nevadzidzi vachitarisa ngwavaira dzinoitika pamabasa, pamigodhi

uye mumigwagwa.2. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pemhando dzengwavaira dziri pamifananidzo iri pabhambiri.3. Vari mumapoka avo,4. Vadzidzi vanopakura izvo vanotaura zvingaitwa kudzivirira ngwavaira dzakanyorwa pazvitaitai

nekupindura mibvunzo iri pabhambiri.5. Mapoka anopakurirana zvaawana.6. Vadzidzi vanoita hurukuro yezviri mumabhuku avo.

GONA CHIShona 4TG.indd 18 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 24: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

19

2. NgativerengeiNgwavairaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kubudisa kuti ngwavaira chii uye inogadziriswa seib) kutsanangura matambudziko anowira vashandi pamigodhi, pamabasa mudhorobha nezvingaitwe

kumadzivirirac) kupindura mibvunzo yenzwisiso zvizere

Zvombo zvingashandiswa• mufananidzo une vashandi pamugodhi• mufananidzo wenjodzi yevashandi pabasa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanokurukura zvavari kuona pamifananidzo yakaratidzwa vopa pfungwa dzavo.2. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso vachidodomesa3. Vadzidzi vanotaurirana zvavanzwisisa.4. Umwe neumwe ari ega, vadzidzi vanodzokorora kuverenga ndima yenzwisiso vopindura

mibvunzo zvizere.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Musoro ngaufambirane nedetembo.2. Inzvimbo inocherwa zviwanikwa zvemuvhu.3. Upfumi nenjodzi.4. Kuputikirwa, kutsvedza, kudonha, kuwirwa nematombo, moto, magetsi, guruva5. Chirwere chemapapu, guruva rinodzivirirwa nekunyorovesa nzvimbo yekushandira kutu

risasimuke6. Kuti vasakoshese mari nebasa kudarika upenyu hwevashandi.7. Zvipfeko nebatsiro yazvo kuvashandi:

a) nguwani: kuti vasakuvare musorob) magogorosi: kuti vasakuvare kumeso

8. Kutadza kuzvidzivirira nekuchera zviwanikwa nenzira isiri pamutemo.9. Zvinoreva mazwi kana ndevo:

a) vashandi vari muchoto: vanoita basa vari mudambudziko guru (2)b) musarambe kudonhedza minhenga: musarege kuburitsa mari inodiwa (2)c) bunumunu: kunge munhu asina kupfeka zvinodiwa kudzivirira (2)

10. PfupisoMudzidzisi anobatsirana nevadzidzi kunyurura pfungwa huru nomwe.- yambiro yanyanduri nezvenjodzi- kuchenjerera guruva- njodzi yemunhu mumwe mumugodhi inokanganisa vazhinji- vashandirwi vemumugodhi vachengetedze vashandi- zvipfeko zvekudzivirira zvinodiwa- kuve nemidziyo yemazuvano- makorokoza ave nemidziyo chaiyo yebasa

GONA CHIShona 4TG.indd 19 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 25: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

20

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroMadimikiraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa madimikira avanozivab) kududzira madimikirac) kupa madimikira anoenderana netsananguro dzakapiwa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine madimikira• bhambiri rine tsananguro dzemadimikira

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi vanodoma madimikira vachidudzira zvaanoreva.3. Vadzidzi vanoshandisa madimikira ari pazvitaitai muzvirevo, vachibuditsa zvaanoreva.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanopa madimikira anoenderana netsananguro dzakapiwa

pabhambiri.5. Mapoka anopakurirana zvaawana..6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.7. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwaMadimikira anoenderana netsananguro dzakapihwa.a) Kushingirira kuita chinhu chakaoma: kuruma ndebvu (1)b) Kutsvinya kukumbira chinhu pamurombo: kukumbira gushe pazvinyu (1)c) Kuverenga vanhu uchisanganisira nevamwe vasina nebasa rese: kuverenga mbeva naanamudune

(1)d) Kutorera vanhu nechisimba zvinhu zvavo: kudya zvevapfupi nekureba (1)e) Kupinda mudambudziko nekuzvitsvagira: kurumwa nechekuchera (1)f) Kusachengeta zvinhu muhana: kusava nechipfuva (1)g) Kuvengana zvikuru: kudzurirana runyemba (1)h) Kugarorova vamwe pese pese: kuita chioko chegudo (1)i) Kutukirira munhu nechemumoyo: kumonya muromo (1)j) Kurasa tariro yekuwana chinhu chawaida: kurasa moyo / kuora moyo (1)

4. Ngatiumbei mutauroZvisazitasingwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mhando dzezvisazitasingwi

GONA CHIShona 4TG.indd 20 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 26: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

21

b) kutsanangura mabasa anoitwa nezvisazitasingwic) kutsanangura maumbirwo ezvisazitasingwi vachipa muenzaniso yakajekad) kupa mipanda yezvisazitasingwi 1-21

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mipanda yezvisazitasingwi• zvitaitai zvine mibvunzo inoda mhinduro dzemaumbirwo uye mabasa ezvisazitasingwi

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anopa tsananguro izere kuvadzidzi achivatsanangurira kuti chisazitasingwi chii?2. Vadzidzi vanoongorora bhambiri rine mipanda yezvisazitasingwi voita hurukuro.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanopindura mibvunzo yakapiwa pazvitaitai.4. Mapoka anopakurirana zvaawana.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa a) Zvisazitasingwi zvedungamunhu

Chitsigisi + chiratidzamupanda / munhui - + - ni i - + - we

Zvisazitasingwi zvemupanda Chitsigisi + chiratidzamupanda + nzvovera(-o)i- + - v - + oi- + - v - + o (5)

Cherechedzo: Vadzidzi vanopa mienzaniso yavanoda sokuziva kwavo)b) kumirira zita sokuti: Ivo vaenda kudhibha, kubatana nezita kusimbisa pfungwa iri kutaurwa

nezvayo sokuti: Ivo sekuru vaenda kudanga (3)c) Zvisazitasingwi

ini ipo iwe isu (2)

5. Ngatiumbei mutauroMazitadunhurirwa uye mazitaumbiridzwaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti chii chinonzi zitadunhurirwa uye zitaumbiridzwab) kujekesa manyorero anoitwa mazitaumbiridzwa vachipawo zvivakazwi zvawoc) kupa izvo zvinorehwa nemazitadunhurirwa avanenge vasangana nawo muzvinyorwa zvakasiyana-

siyana

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mazitadunhurirwa

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anonyora mazita maviri pachidziro, zitadunhurirwa obvunza vadzidzi zvaanoreva.2. Mumapoka, vadzidzi vanopuhwa mazitadunhurirwa vopa zvaanoreva nezvaakavakwa nazvo.3. Mapoka anopakurira vamwe zvaawana.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

GONA CHIShona 4TG.indd 21 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 27: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

22

Mhinduro dzinotarisirwaZvinoreva mazitadunhurirwa a) Zanondega: munhu asingatsvagi mazano kune vamwe.b) Murwarazhizha: munhu ane usimbe / unyope / ushomva / nungo.c) Chandagwinyira: munhu asingatsiuriki / ane nharo.d) Gumbomutsvairo: munhu anongofamba-famba asingasweri pamushae) Muchekadzafa: munhu anofarira kupedzisa basa raitwa / ratangwa nevamwe.f) Mandionerepi: munhu akapfupika zvikuru / mupfupi pfupig) Chipavhurire: munhu asinganyime / munhu anopah) Gudzadungwe: munhu anongoteverawo pane zviri kuitwa pasina chakakosha chaari kuitapo.

(8)6. Ngatishangazhikei pakunyoraNhetemboZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuziva manyorerwo edetembob) kutsanangura zvikamu zvedetembo vakanangana nemadingindira engwavairac) kunyora detembo ,ngwavaira teteguru venhamo vakanangana nenjodzi mumabasa

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine detembo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanokurukura nezvemanyorerwo enhetembo vachitungamirirwa nevadzidzi.2. Mudzidzi mumwechete kana vaviri vanoverenga netembo iri pabhambiri, vadzidzi votaura

dingindira nedzimwe pfungwa dzabuda mudetembo.3. Vadzidzi vanonyora nhetembo, umwe neumwe ari ega.

Zvinotarisirwa kuvadzidzi - kushandisa mutaurosiri pakakodzera- kuronga pfungwa muzvikamu zvikamu- kunyora nezvengwavaira sedingindira guru mudetembo- kubuditsa zvingaitwe kudzivirira ngwavaira idzi mumabasa- kunyora detembo rinonakidza vaverengi

GONA CHIShona 4TG.indd 22 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 28: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

23

Chitsauko 5

Kodzero dzevana nezvinotarisirwa kubva kwavariVavariro a) Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:b) kubudisa kodzero dzevana mukurarama kwavoc) kutsanangura kodzero dzinobata vana kubva paucheche kusvika vava pamakore gumi nematanhatud) kupindura mibvunzo yenzwisiso vachipawo tsananguro pandevo dzakashandiswae) kupindura mibvunzo yezvidudzirazita, chiratidzi vachipinza pfungwa dzezvisazitasingwif) kunyora rondedzero, vachishandisa zviga zvemanyorerwo emhando yerondedzero yapuhwag) kushandisa fananidzo neenzaniso zvakakodzera1. NgatikurukureiKodzero dzevanaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kodzero dzevana dzose dzavanozivab) kujekesa vachipa muenzaniso kodzero dzevana uye zvinotarisirwa kunge vana vachiitavoc) kubudisa uipi hwunoitwa nevamwe vana vachishandisa izwi rokuti vane kodzerod) kujekesa masangano anozvimirira oga neehurumende anoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero

dzevana

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rakanyorwa kodzero dzevana• dandemutande reruzivo kana gwaro rinotaura nezvekodzero dzevana• zvitaita zvine mibvunzo ine chokuita nekodzero dzevana

Maitirwo echidzidzo1. Hurukuro pakati pevadzidzi nemudzidzisi vachibudisa kodzero dzose dzevana. Zvose zvinonyorwa

pachidziro.2. Mudzidzisi anoratidza vadzidzi bhambiri rine kodzero dzevana, vokurukura dzavanenge vasina

kunge vadoma.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanopihwa mukana wekutsvakurudza nezvekodzero dzevana

padandemutande reruzivo kana mumagwaro nanotaura nezvekodzero dzevana.4. Mapoka anopakurirana zvaawana, poitwa hurukuro.5. Vari pamwe chete, vadzidzi vanopindura mibvunzo inechokuita nekodzero dzevana iri pazvitaitai

vachishandisa ruzivo rwavave narwo.6. Vadzidzi vanoita hurukuro yezviri mumabhuku avo ekuverenga.7. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rokunonzvera masangano anoona nezvekodzero dzevana

padandemutande reruzivo sebasa rekumba.

2. NgativerengeiKodzero dzevanaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuverenga ndima vachiita majana

GONA CHIShona 4TG.indd 23 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 29: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

24

b) kubudisa kodzero dzevana dzabuda mundimac) kutsanangura ndevo itsva dzabuda mundima

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoverengesa vadzidzi ndima vachipana zvijana.2. Vadzidzi vari mumapoka avo vanonyurura pfungwa huru dzabuda mundima.3. Vadzidzi vanodzokorodza kuverenga ndima chinyararire vopindira mibvunzo yenzwisiso

umwe neumwe ari pake ega.4. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Kodzero yedzidzo, kodzero yekuziva kwaakabva, kodzero yechokudya, kodzero yepekugara,

kodzero yechokupfeka, kodzero yeutano, kodzero yekunzwikwa, kodzero yekuziviswa, kodzeroyekusarudza. (chero zvina) (2)

2. Vadzidzi vanosarudza kodzero dzavanofarira pane dziri mundima votsanangura zvakajekakuti sei vachidzifarira. (2)

3. Zvinoreva munyori:a) zviri kutsi kwemoyo yavo: zvinhu zvinodiwa nevana / zvinoshuwirwa kuwanikwa nevana (2)b) kukushira mativi mana sehandira: kungozvara vana usingachengeti / kuziva kwavari (2)c) mwanaasingachemianofiramumbereko:vanangavabvumidzwekutaurazvinovanetsakuitira

kutivasangofiramumoyo/muhana(2)d) ndomene haichemedze: ukazviitira / kuzvisarudzira chinhu hauna waunopa mhosva kana

chazokuipira mangwana (2)e) hapana chinouya ugere: vana ngavadzidze kushandisa maoko avo / kuzviitira sezvo mangwana

vachida kuzviriritira ivo pachavo nevavo vana (2)4. kuteerera, kuremekedza, kubetsera nezvimwewo (1)5. Childline,RegaiDziveshiri,,CommunityLaisonOffice(Police,(FAWEZ)-ForumforWomen

EducationInZimbabwe(cherozvivirizvadomwa)(1)6. Zvinoreva ndevo:

a) pasi pachakarohwa nezamu rebere: pasichigare kusati kwava nekodzero dzevana (2)b) chakakonesa imbwa kuseka kunyenama ichigona: kupinzwa muusungwa / kutambudzwa(2)

7. Vadzidzi ngavabure pfungwa huru kubva mundima vodzibatanidza, dzogamuchirwa nebokaguru. (10)

3. Ngatirungei mutauroFananidzoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura panoshandiswa fananidzo mukutaura kweVaShonab) kujekesa vachipa chifanano chinowirirana nemazwi apuhwac) kuburitsa zvinorehwa nechiito vachishandisa chifanano

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvirevo zvinoda kuzadziswa nefananidzo• zvitaitai zvine mazwi anozoshandiswa kuumba fananidzo

GONA CHIShona 4TG.indd 24 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 30: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

25

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopa tsananguro inobudisa fananidzo nemuenzaniso.2. Vadzidzi vanotaura zvavanoziva pamusoro pefananidzo.3. Vadzidzi vanodoma fananidzo dzavanoziva vachipatsananguro.4. Vadzidzi vanozadzisa zvirevo zvakapiwa pabhambiri yefananidzo dzakakodzera.5. Mumapoka vadzidzi vanoumba fananidzo vachishandisa mazwi akapuwa pazvitaitai, vonyora

zvirevo zvinodudzira fananidzo dzvavaumba.6. Vadzidzi vanopawo tsananguro yekuti fananidzo yaishandiswa zvaita sei.7. Mapoka anogoverana zvaawana, pachiitwa hurukuro, mudzidzisi achitungamirira.8. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Kuzadzisa zvirevo:

(i) senguruve(ii) segonzo(iii) sechidembo(iv) segudo(v) sehute / sematsito

(vi) semukaka(vii) setsuro/semharapara/sedindingwe(viii) sebere

b) Tsananguro yefananidzo dzinodiwa:(i) Kukanyaira sehoromba yegudo: munhu anenge achifamba zvegodo / zvekusvotesa /

zvekuzvikudza / achizvitutumadza(ii) Kurembuka sederere: munhu anenge achiita basa kana kufamba zvine usimbe(iii) Kubvunda setsanga iri mumvura: munhu anenge achiratidza kutya kukuru(iv) Kusadonhedza munhenga sechapungu: munhu anenge achinyima kana kuratidza kuomera(v) Kufira mudutu sembeva: munhu anenge apinda matambudziko asingazive

4. Ngatiumbei mutauroChiratidzi chepedyo nechekureZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mhando mbiri dzezviratidzib) kubudisa mabasa anoitwa nezviratidzi zvepedyo nezvekure.c) kutsanangura maumbirwo emhando mbiri dzinoti zviratidzi zvepedyo uye zvekure vachipa

muenzanisod) kubudisa zvakakosha maererano nezviratidzi

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zviratidzi zvepedyo nezvekure• zvitaitai zvine mibvunzo

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi kuti chii chinonzi chiratidzi achibudisa mhando dzacho

mbiri, zvepedyo uye zvekure.2. Mumapoka vadzidzi vanopihwa zvitaitai zvine mubvunzo wemaumbirwo ezviratidzi voita

basa nemazvo.

GONA CHIShona 4TG.indd 25 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 31: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

26

3. Mapoka anopakurirana zvavawana.4. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rokuita ovatarira nguva.Mhinduro dzinotarisirwaa) (i) zvikwata:

Zvisazitasingwi Zviratidzi zvepedyo Zviratidzi zvekure ini itwo iyoipo isu ichoiwe

ichi avairi umu

umo iyoako icho

(ii) MaumbirwoZvisazitasingwi:

Chitsigisi + Chiratidzamunhui- + -ni

Chitsigisi + chiratidzamupanda + -o i - + - p - + -o i - + - tw - + -oZviratidzi zvepedyo: Chitsigisi + Chiratidzamupanda a - + - va

u - + -rwuZviratidzi zvekure: Chitsigisi + Chiratidzamupanda + - o

u - + - m - + - oa - + - k - + - o

5. NgatitsvakurudzeiKodzero dzevanaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kodzero dzevanab) kujekesa izvo zvinokanganiswa nevana vachiti tine kodzero dzeduc) kuita gakava vachipana pfungwa dzizere maererano nekodzero dzevanad) kutsanangura bumbiro remutemo uyevo masangano akazvimiririra oga akanangana nekodzero

dzevana

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine kodzero dzevana• bhambiri rine mufananidzo yekuputswa kwekodzero dzevana

Maitirwo echidzidziso1. Hurukuro pakati pemudzidzisi nevadzidzi vachibudisa kodzero dzevana zvichibva pazvitaitai.2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoongorora mufananidzo unoratidza kuputswa kwekodzero

dzevana uri pabhambiri votsanangura kodzero dzevana dziri kuputswa votaura zvingaitwekuderedza matambudziko iwaya munyika.

GONA CHIShona 4TG.indd 26 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 32: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

27

3. Vadzidzi vanopakura zvavawana mumapoka avo kubva mubumbiro remutemo.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.

6. NgatishangazhikeiGakavaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kodzero dzevanab) kuita gakava vachibuditsa pfungwa dzinotsigira divi ravoc) kucherechedza zviga zvinotevedzerwa pakukakavara

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rinre zviga zvekukakavara

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotaurira vadzidzi matanho ekuita gakava nezvinofanira kutevedzwa pakuita

gakava.2. Vadzidzi vanoverenga zviga zvekukakavara zviri pabhambiri vokurukura nezvazvo.3. Vadzidzi vanopinda mumapoka maviri, voita gadziriro yegakava kwechinguva.4. Mapoka maviri anokakavara achishandisa ruzivo rwavave narwo nerwavagoka, mudzidzisi

achitungamirira nekukwenya.5. Chikwata chakunda chinopembedzwa poitwa hurukuro yepfungwa dzabuda mugakava.

GONA CHIShona 4TG.indd 27 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 33: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

28

Chitsauko 6

Kukosha nekuchengetedzwa kwenharaunda

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kubuditsa zvinoparadza nharaunda yavagere neyakapoteredzab) kuziva nzvimbo dzinomhan’arwa vanenge vatyora mitemo yekuchengetedzwa kwenharaundac) kupindura mibvunzo yenzwisiso, nekutsanangurawo ndevo itsva dzabuda muhurukuro yavaverengad) kutsanangra kuti chipauro chii, chinoshanda sei uye chinoumbwa seie) kutsanangura mufananidzo unodudza uwandu hwezvinoparadza nharaunda, vachipawo pfungwa

yeizvo zvingaitwa kugadzirisa mharadzi idzif) kuzadzisa tsumo

1. NgatikurukureiKukosha kwekuchengetedza nharaundaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinoparadza nharaunda uye zvingaitwe kuichengetedzab) kutauriranazvingaitwenemapokaakaitaseEMAmukuchengetedzanzvimbodzosekubva

kune zvinoparadza zvakaita semakorokoza, kupiswa kwemasango nezvimwewoc) kunyora nepapfupi chenjedzo iri kupiwa vabereki kumamisha nekumadhorobha nezvekuchengetedzwa

kwenharaunda, vachipawo zvirwere zvinowanikwa kubva mukusachengetedzeka kwenharaunda

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo, pepanhau kana magwaro anotaura nyaya dzekuchengetedzwa

kwenharaunda• bhambiri rine zvinhu zvinoparadza nharaunda

Maitiri echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangura vadzidzi pamusoro pekukosha kwekuchengetedza nharaunda.2. Vadzidzi vanotaridzwa bhambiri rine zvinhu zvinoparadza nharaunda ivo vopawo pfungwa

dzavo uye zvingaitwe kuderedza unyangadzi uhwu.3. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo, voita tsvakurudzo yezvekuchengetedza kwenharaunda,

padandemutande reruzivo, mumapepanhau kana mumagwaro anotaura nezvekuchengetedzwakwakanaka kwenharaunda.

4. Mapoka anopakurirana zvaawana vopihwa basa rokunzvera masangano anoonanezvekuchengetedzwa kwenharaunda panguva yavo.

5. Vadzidzi vanoita hurukuro irimumabhuku avo ekuverenga.

2. NgativerengeiPasi Pashanduka MadyiraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutevera hurukuro vachibudisa pfungwa huru yokuchengetedzwa kwenharaundab) kubudisa izvo zvingaitwe kuderedza zviparadzi zvenharaunda semabudisirwo azvaitwa mundimac) kupindura mibvunzo yenzwisiso

GONA CHIShona 4TG.indd 28 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 34: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

29

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvinoparadza nharaunda

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga zvinhu zvinoparadza nharaunda zviri pabhambiri vokurukura nezvazvo.2. Vari muzvikwata zvevaviri, vadzidzi vanoverenga ndima yehurukuro vachitevedzera, vatambi

vari mundima.3. vari mumapoka kudaro, vadzidzi vanonyurura pfungwa huru dzabudiswa muhurukuro

vachipawo maonero avo.4. Vadzidzi vanoverenga mibvunzo yenzwisiso chinyararire.5. Vadzidzi vanodzokorora kuverenga ndima yenzwisiso chinyararire, vopindura mibvunzo

yenzwisiso.6. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Gumbo, Shoko /Soko / Tsoko (1)2. Kutema miti kunoparadza masango uye kuparadza upenyu hwevanhu nekuti mweya watinofema

unobva mumiti. (2)3. kupisa masango, kukorokoza, kurasa marara, kutema miti nechiutsi mumadhorobha. (torai

chero zvitatu) (3)4. Zvinoreva ndevo sekushandiswa kwadzakaitwa muhurukuro:

a) masango aparara nesanhu: kutemwa kwemiti nguva dzose (2)b) simba mukaka rinosinira: chero munhu akashanda sei simba rinouya hariperi mumunhu

(2)c) gore ragochanhembe: kare kare (2)d) kusiya nyemba: kufa (2)

5. Jefirisi akabayiwa nebanga pamwe vachirwira / kubirwa zviwanikwa naChengete akaitachipfambi akauya ave kurwara akafa. (2)

6. kudeedzana nemitupo kwavaiita (1)7. PaBherina veEMAvakakurudzira vanhukuti vasatemamuti, vasacheramukute, vasapisa

masango, vasarasa marara nekuuraya mhuka (torai chero zviviri) (2)8. Ukama igasva hunozadziswa nokudya. (1)9. PfupisoPfungwa huru dzingangobudiswa nevadzidzi:- Machingura naMugari pavagere panyasi pomushavhi vachimwa doro- Mugari vanobudisa uipi hwekutema muti- kuvhima kwakaipa kana muchiita zvokupisa masango- kuchengetedza nharaunda kubva kuzvose zvakaipa kunobatsira nyika nemari yokunze,

kuchengetedza utano nezvimwewo- kuipa kwekurasa magaba apera mushonga minzizi- kuuyakwevanhuveEMApaBherina- kuteerera zvirongwa mudzimudzangara- kuparadzana kwevaviri, umwe kumariva, umwe kunotsvaga zvipfuwo achienda kumba kwake

(10)

GONA CHIShona 4TG.indd 29 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 35: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

30

3. Ngatirungei mutauroKuzadzisa tsumoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuzadzisa tsumob) kuburitsawo zvinoreva tsumo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvidimbu zvetsumo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanotaura mienzamiso yetsumo dzavanoziva vachitsanangura zvadzinoreva.2. Mumapoka, vadzidzi vanopuhwa zvitaitai zvine zvidimbu zvetsumo vozadzisa nekupawo

zvadzinoreva.3. Mapoka anopakurirana zvaawana, poitwa hurukuro yezvabuda.4. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rokunyora. Vadzidzi vozadzisa tsumo neChiShona chakanaka.5. Dzokororo rebase ranyorwa

Mhinduro dzingapiwa nevadzidzi

Muenzaniso: Kure kwegava_____________.

Mhinduro: Kure kwegava ndiko kusina mutsvubvu.a) Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma / mhanza.b) Kumhanya handiko kusvika.c) Dzvinyu kuzambira zuva huona bako.d) Matende mashava anozvazva (anovazva) doro.e) Moyo muti unomera paunoda.f) Chikomo chamusinzwi chakaguma chava munataisireva.g) Mukadzi mutsvuku kutadza kuroya anobah) Bofu rikatii ndinokurova hunge rine charakatsika.i) Chidamoyo zamu kumera pambabvu.j) Kutamba nesanhu kutemera nyoka ruzhowa.k) Usasunge muromo wenzombe inopura zviyo.l) Kwava kusakara kwedowo serisakambodyiwa nyama.

4. Ngatiumbei mutauroChipauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotaurisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti chipauro chiib) kubudisa mhando dzezvipauro nezvadzinorevac) kutsanangura vachipa maumbirwo, madzitsi uye zvivakashure zvemazita nezvipaurod) kukwanisa kupawo zvakakosha pazvipauro sechidudzirazita

Zvombo zvingashandiswa • zvitaitai zvine mazita• bhambiri rine zvipauro (mhando dzemadzitsi acho)

GONA CHIShona 4TG.indd 30 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 36: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

31

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anopa tsananguro kuti chipauro chii achipa mienzaniso.2. Vadzidzi vanopawo pfungwa dzavo maererano nevipauro.3. Vadzidzi vanopaura mazita ari pazvitaitai vachishandisa zvipauro zvakakodzera.4. Vari vaviri vaviri, vadzidzi vanopihwa zvipauro zviri pabhambiri vopa zvazvinoreva uye

votsanangura bato razvinopinzwa.5. Mudzidzisi anodana vadzidzi vashanu vopa zvavabudisa.6. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rezuva. Nguva vanotarirwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Zvipauro zvemunhu Zvipauro

zvemamiriro echenhuZvipauro zveuwandu

Zvipauro zveruvara

vakobvuchikuru

mambishichinyoro

matatuvasere

mashavamatsvuku (8)

b) Chivakashure chechiparo + dzitsi nechipauro mu - + - tema

O - + - zhinji (3)c) Chipauro izwi kana chidudzirazita chinotsanamgura zita kana chisazitasingwi kubudisa mamiriro

echinhu chinenge chichitaurwa nezvacho. Muenzaniso: Mukomana murefu

Jira dzvuku vadzidzi vanopa mienzaniso yavanoda yakangosiyana-siyana. (3)

5. NgatinyoreiKushandisa zvimisoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududzira mashandisirwo ezvimiso zvishanu izvo vapangidzwa nomudzidzisib) kunyora zvakare zvirevo vachigadzirisa pakaipa nekuisa zvimiso pakakodzerac) kunyora basa nenguva

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvimiso• bhambiri rine zvirevo zvine mhosho dzezvimiso

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anopa tsananguro yakazara pakukosha kwezvimiso muzvinyorwa zvose zvinoitwa

nevadzidzi.2. Vadzidzi vanodoma zvimiso zvavanoziva vochitaura pazvinoshandiswa.3. Mudzidzisi anotaridza vadzidzi zvimiso zviri pazvitaitai voona kana paine zvavasiirira. d) Vari

mumapoka avo, vadzidzi vanonyora zvirevo zviri pabhambiri vachiisa zvimiso zvakakodzera.Vadzidzi vanopakura izvo vawana kubva mumapoka avo vachinyora pachidziro, mudzidzisiachitsinhirawo zvapuhwa nevadzidzi.

4. Mudzidzi umwe noumwe anonyora zvirevo achigadzirisa pakaresveka.

GONA CHIShona 4TG.indd 31 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 37: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

32

Mhinduro dzinotarisirwa kuvadzidzi a) Chamunorwa akanga ava kupinda nomwenje mudziva paakarova amai vake. (2)b) Tapiwa akatandwa chikoro nokuti aive noruoko. (2)c) Nguvai? Kupi? Riini? (2)d) “Ndiani ari kudya manhanga ambuya Hwiza? Sarudzai akabvunza. (2)e) Chigagairwa, tsvarakadenga, ruva romunakamwe. (2)f) Sei uchidaro? (2)g) Imombe dzedu idzo. (2)h) Mapurisa akabata mbavha (tsotsi). (2)i) Dzokono Hamutyinei! (2) j) Ini zvimwe handina anzwa pamhezve rutendo. (2)

6. NgatitsanangureiKuparadzwa kwenharaundaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mamiriro akaita mufananidzo wechitarwa wakapiwa, zviparadzi zvenharaunda

uye ukuru / uwandu hwazvob) kubudisa zvingaitwe kuderedza uparadzi uhwu, vachipawo tsigiro yemasangano anoona

nezvekuchengetedzwa kwenharaundac) kunyora semapoka vachibudisa izvo zvingaitwe nevanhu, hurumende uye masangano akazvimirira

oga kudzivirira kuparadzwa kuri kuitwa nharaunda

Zvombo zvingashandiswa

• mukokwaanovawekuEMA• mabhambiri ane zvinhu zvinoparadza nharaunda nezvinochengetedza naraunda

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anodaidza mumiriri weEMA pachidzidzo ichi kuti azopakurira vadzidzi

nezvokuchengetedzwa kwenharaunda.2. Mudzidzisi anopira mukokwa uya kuvadzidzi opakurira vadzidzi zvaauya nazvo.3. Seboka guru, vadzidzi vanopihwa machati ane mhando dzose dzezvinoparadza uye ose

ezvinochengetedza nharaunda. Vadzidzi vanopihwa mukana wokubvunza mibvunzo yosezvayo ine chokuita nokuchengetedzwa kwenharaunda.

4. Vadzidzi vanoiswa muzvikwata voonorora mufananidzo uri mumabuku avo ekuverena vopinduramibvunzo yakapiwa.

5. Mapoka anopakurirana zvaawana, poitwa hurukuro mudzidzisi achitungamirira.

Zvingapuhwe nevadzidzia) chikorokoza - kudzivirira nzvimbo dzinowanikwa zvicherwa nokukasira vasati

vapindapo - kuwanikwa kwemabasa kunoderedza makorokoza- kufamba vachidzidzisa vanhu nezvekuchengetedza nharaunda

b) kupisa masango - kugadzira ruzhowa / micheto yemoto- kukomberedza minda nemuti kwete uswa- kuparidza dzidziso kuvarimi

c) mishonga munzizi - kucheresa makomba munzvimbo dzose dzinoti; zvipatara,maindasitiri makuru nemadiki

- kuva nezvimbo inotozivikanwa yokurasira marara seguta kana dunhu

GONA CHIShona 4TG.indd 32 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 38: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

33

d) kuurawa kwemhuka - kusimbisa mutemo wekusavhima pasina tendero- kukomba mugere / munochengeterwa mhuka sedziviriro

yevanouraya moiswa vachengeti (Safari)

e) kurasamarara-veEMAngavaendereremberinekuisapekurasiramararakwesekwesemumaguta-vanotakura marara vave vachitakura marara nguva nenguva- kukurudzira vanhu kurongedza marara zvakanaka

GONA CHIShona 4TG.indd 33 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 39: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

34

Chitsauko 7

Kushava nematambudziko achoVavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa: a) kukwanisa kubudisa mhando dzekushava nadzo dzinosandiswa muZimbabweb) kujekesa matambudziko anowira avo vanoshanda mabasa akasiyana-siyanac) kutsanangura kuti nemhaka yei dzimwe nyika dzichibata vashavi neseri kweruoko uye

zvingagadziriswa seid) kukwanisa kuverenga ndima vobudisa ndevo dzirimo, matambudziko uye zvingaitwe kugadzirisa

mashaviro ezvizvarwa zvemuZimbabwee) kupindura mibvunzo yenzwisiso vachitsigira zvizere nepfungwa dzabuda mundima uye

vachinyora neChiShona chakatsetsenukaf) kutsanangura kuti chiverengo chiig) kududzira nyaudzosingwi

1. NgatikurukureiKushava: MatambudzikoZvinangwaa) Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:b) kutsanangura kuti kushava kuita seic) kujekesa vachipa mhando dzokushava nadzo vachipawo muenzanisod) kubudisa matambudziko anowirwa neavo vanoshava uye kuti angagadziriswa sei

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mhando dzokushava• zvitaitai zvine mibvunzo ine chokuita nokushava

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura musoro wechidzidzo.2. Vadzidzi vanotaura zvavave kuziva pamusoro pekushava, vokurukura nezvemhando dzekushava

dziri pabhambiri.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanopuhwa zvitaitai zvine mibvunzo yekushava wopindura

mibvunzo.4. Mudzidzi mumwe paboka anopira zvavawana.5. Mudzidzisi anopa vadzidzi, zvinyorwa zvekunzvera kuti vawane ruzivo rwakazara, mazviri.

Nzira dzekushava dzingakurukurwa nezvadzo:• Kushava – Muhurumende varairidzi navanamukoti• Kuenda mhiri kwemakungwa kunotengesa nekutenga zvekutengesa• Kuvhima• Kurima mapindu (mumamisha / mishandirapamwe)• Kunotsvaga mabasa mhiri kwemakungwa (vakadzidza / nevasina)

GONA CHIShona 4TG.indd 34 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 40: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

35

2. NgativerengeiKwangu kubereka kubvisa mapundu muura!ZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuverenga ndima yenzwisiso vachipanana zvijanab) kubudisa zviri kutsi kwemoyo yevatambi zvakaita sematambudziko anowira vanoshava nenzira

dzakasiyana-siyanac) kupindura mibvunzo yenzwisiso vachishandisa ChiShona chakanaka

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mifananidzo yevanu vari kushava nenzira dzakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso vachipana zvijana. Kurudziro huru kuvadzidzi

kukwenenzvera pakuverenga.2. Vadzidzi vanopinda mumapoka umo vanopangidzwa mabhambiri ane mifananidzo yevashavi.3. Vadzidzi ngavaburitse zvakanangana nekushava, matambudziko uye zvingaitwe kumagadzirisa.4. Vadzidzi vanopakura izvo vawana / vanzvera seboka, zvichinyorwawo zvinofanira pachidziro

nomudzidzisi kana mudzidzi.5. Vadzidzi vanonyoreswa basa renzwisiso, vachishandisa ChiShona chizere.

Mhinduro dzinotarisirwa 1. Mai Murisi namai Sheunesu (2)2. Kushaya mari (1)3. Kushavira muhurumende, kukorokoza, kuvhima, kuenda kune dzimwe nyika kunotenga

zvekutengesa (Cross Border Traders), Kuenda mhiri kwemakungwa kunoshanda. 4. Kudzidzisa, kurima, kurapa, kuita misika yezvitengeswa5. Zvinoreva ndevo:

a) ura mapoko hunozvara mbavha nevaroyi: unozvara vana asi hauzivi zvavanozoita mangwana,unotozoziva zvavari vava vanhu vakura (2)

b) machekanhembe: vakadzi vanoita zvechipfambi (2)c) mugoni wepwere ndeasinayo: kazhinji munhu anoti anogona chinhu chinenge chichitadzikwa

nevamwe vese anenge asiri mukati macho / mazviri (2)d) kwaenda imbwa ndiko kwanda tsuro: kuenda asingadzoki / kuenda zvachose (2)

6. Kushandira kunze kwenyika:- mhuri dzinogona kuparara vana vosara vasina vabereki / kunoshaiwa mabasa vaenda kunze

kwenyika vonotamba nhamo- matambudziko ekusangana netsaona dzemumigwagwa kana kubirwa kune vanonotenga zvinhu

vachitengesa- zvirimwa nezvipfuyo zvinogona kufa nekushanduka kwemwaka7. PfupisoPfungwa dzepfupiso huru dzinotarisirwa kubudiswa:- kuenda kwamai Murisi kumba kwamai Sheunesu- kuchema nhamo yevana vavo vasingachauyi kumusha kubva kumabasa kwamai Murisi- kutambura kwaJacob, nokuti akatiza chikoro ava mukorokoza- kuendakwaChenaikuAmericaasinakudzidza,haanakudzoka- kuraramiswa naMupfuri nekuvhima- hurumende kugadzirisa nyaya yemabasa- kushinga mumabasa ekushava

GONA CHIShona 4TG.indd 35 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 41: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

36

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1) Pfungwa dzinoyerera (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroNyaudzosingwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti nyaudzosingwi chii uye kunyurura nyaudzosingwi kubva mundimab) kubudisa chiito chinowirirana nenyaudzosingwi yapuhwac) kunyora basa renyaudzosingwi nemazvo uye nenguva

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zviito• zvitaitai zvine nyaudzosingwiMaitirwo echidzidzo1. Vachishandisa ruzivo rwavave narwo, vadzidzi vanotsanangura kuti chii chinonzi nyaudzosingwi

vachipa mienzaniso.2. Vadzidzi vanopa nyaudzosingwi dzinoenderana nezviito zvakapiwa pabhambiri.3. Vari mumapoka, vadzidzi vanopa zviito zvinowirirana nenyaudzosingwi dziri pazvitaitai.4. Vadzidzi vanoverengera zvavanyora, voita hurukuro, mudzidzisi achibatsira nekugadzirisa

panoda kugadziriswa.5. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa ranhasi vadzidzi vonyora.

Mhinduro dzinotarisirwaa) fambei go kwenyei dzungu dzungu simu payanu

kande zvii hu-hu togo (5)b) Zviito zvinoenderana nenyaudzosingwi:

(i) twi: kumira(ii) tasa: kufa / kururama(iii) ngwe-e: kuchema(iv) ware: kutiza(v) bvu: kuseka / kusarongeka / kunhuwa(vi) pweshe: kugara(vii) rabada: kurara / kuzvambarara(viii) shwee: kusunga(iv) tande: kuenda(v) rabu: kuvata / kurara (10)

4. Ngatiumbei mutauroChiverengoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti chiverengo chii,vachipa mienzaniso

GONA CHIShona 4TG.indd 36 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 42: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

37

b) kubudisa maumbirwo ezviverengo, uye ukama huri pazvivakashure zvazvo nezvemazitac) kujekesa madzitsi ezviverengo matatu uye zvaanoreva, vachipa mienzaniso uye zvirevo

vachishandisa zviverengod) kubudisa mashandisirwo anogona kuitwa zviverengo zvinodzokororwa nezvimwewo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mibvunzo ine zviverengo zvendudzi nendudzi

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoita kuti vadzidzi vatsanangurirane zvinorehwa nechiverengo sedzokororo. Vadzidzi

vanobudisa madzitsi matatu ezvivereno vachipa muenzaniso yekudyidzana nemipanda yemazita.2. Vadzidzi vanoratidzwa zvitaitai zvine zviverengo.3. Mumapoka, vadzidzi vanopindura mibvunzo iri pazvitaitai.4. Vadzidzi vanopira izvo vawana mumapoka.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Chivakashure chechiverengo + Dzitsi rechiverengo

ri- + -mwei- + -mwepa- + -mwe (3)

b) kureva pfungwa yechinhu chimwe chete sokuti: banga rimwe, vanhu vamwe- kusarudza / kubvisa pane chimwe chiri chimwe sokuti: rimwe zuva,

rimwe zigadzi- kubvunza rudzi sokuti: Mwanai?, Mutii? (6)c)

Mupanda Chivakashure Chivakashure1 mu- mumwe4 mu - mumwe5 (ri -) rimwe7 chi - chimwe

9 0 / (i-) mwe10 0 / (dzi-) dzimwe12 ka - kamwe13 tu- tumwe21 ( ri -) rimwe

(8)5. NgatinzvereiKushavaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mabasa akasiyana-siyana vachitaura avachazodawo kushanda muupenyu hwavob) kubudisa matambudziko anowirwa nevanhu mukushava kwavo nenzira dzakasiyana-siyanac) kujekesa mitemo yebatano pakushava nedzimwe nyika nezvingaitwe kugadzirisa wirirano

idzi

GONA CHIShona 4TG.indd 37 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 43: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

38

d) kutsanangura basa rehurumende, masangano anozvimiririra oga mukushanda nevanoshava,

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mifananidzo yevanoshava nenzira zhinji• zvitaitai zvine shavo dzakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Nhaurirano pakati pevadzidzi vachibudisa kushava kwemhando dzakasiyana-siyana vari

mumapoka.2. Mumapoka, vadzidzi vanobudisa zvavawana, vachinyorerwa zvakakosha pachidziro nomudzidzisi.3. Mudzidzisi anopangidza vadzidzi bhambiri rine mifananidzo yevanoshava, vadzidzi vanotsanangura

neunyanzvi zviripo, vachipawo zvingagadziriswe.4. Vadzidzi vaviri vaviri vanopuhwa musoro wekutsvagurudza vozopira kune vamwe vose

pachidzidzo chinotevera.

Misoro ingapihwe vadzidzi a) kushanda muhurumendeb) kuvhimac) kunoshandira mhiri kwemakungwad) kukorokoza / kuruka majuzie) kufusha mari (chimbadzu).

6. NgatinyoreiTsamba yebasaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura manyorerwo etsamba yebasa uye kunyora tsamba yachob) kupawo zviga zvinotevedzwa pakunyora mhando yetsamba iyic) kunyora neumhare rondedzero yetsamba iyi

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zviga zvekunyorwa kwetsamba yebasa.• bhambiri rine chitarwa chetsamba yebasa

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura cidzidzo.2. Vadzidzi vanotaura zvavanoziva maererano netsamba yebasa.3. Mudzidzisi nevadzidzi vanokurukura pamusoro pematanho emanyorerwo etsamba yebasa.4. Mudzidzisi anoverengera zviga zviri pabhambiri kuvadzidzi, vadzidzi vachipana pfungwa.5. Vadzidzi vanotaridzwa bhambiri rine chimiro chetsamba yebasa. Mudzidzisi anotsanangurira

vadzidzi matanho anotevedzwa kuti pabudiswe tsamba yokaisvonaka.6. vadzidzi vanonyora basa ranhasi vachishandisa ChiShona chakanaka.

Zvinotarisirwa kubva kuvadzidziNyora tsamba kumupepeti wenhau uchitsanangurira ruzhinji rwavanhu kuti tsika dzedu dzechivanhu dzingamutsiridzwe nenzira dzipi? (50)• tsamba kumupepeti wenhau pamusoro penzira dzekumutsiridza tsika dzechivanhu• ngaive tsamba ine kero mbiri

GONA CHIShona 4TG.indd 38 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 44: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

39

• tsika dzacho dzinoda kumutsiridzwa ngadzibude pachena• masimudziro etsika ngaabude pachena

Zvinganyorwa zvingasanganisire zvinotevera:- mitambo yechivanhu ibude mumadzimudzangara- zvidzidzo zvetsika nemagariro echivanhu zvikurudzirwe kuitwa muzvikoro zvose- vakuru vakuru vave nemienzaniso yetsika dzechivanhu mumatunhu.- vanyori vemabhuku nevemapepanhau vanyore zvinyorwa zvetsika dzakanaka dzinoyemurika- vabereki, madzitete nemadzisekuru vakurudzire tsika dzakanaka mumhuri vachiraya vana- kuve nenzvimbo dzakavakwa dziri mumatunhu dzinokurudzira tsika dzechivanhu- kusakurudzira vauyi vanobva kune dzimwe nyika kuti vasumudzire tsika dzavo munyika medu- mitemo idzikwe inodzivirira tsika dzomuno- nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 39 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 45: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

40

Chitsauko 8

Kufusha mari

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa: a) kukwanisa kubudisa nzira dzokufusha nadzo mari dzinoshandiswa munyika yeZimbabweb) kutsanangura matambudziko anowira avo vanofusha mari nenzira dzakasiyana-siyanac) kutevedzera tsika namagariro vachikoshesa kodzero dzevamwe vavanogara navo munharaunda

nekune dzimwe nyikad) kukurukurirana vachipana pfungwa huru pamatanho anoitwa pakufushwa kwemarie) kunyora zviperengo zvakanaka, kuumba mashoko nemavara apuhwaf) kuverenga vopindura mibvunzo yendima yapuhwa neChiShona chakazarag) kukwanisa kunyora rondedzero yegakava nekuitawo gakavah) kutsanangura chinan’anurii) kutsanagura manyorerwo akanaka ezviperengoj) kutsanangura zvinoreva madimikirak) kupa zviito zvinofambirana nefanananidzo

1. NgatikurukureiKufusha mariZvinangwaPanopera chidzidzo chino vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mhando dzokuchengetedza nadzo marib) kukurukurirana matanho anotorwa pakufushwa kwemaric) kutsanangurirana zvimhingamupinyi zvikuru zvinosanganikwa nazvo pakufushwa kwemari

nevanhu vakasiyana-siyana muZimbabwed) kutaurirana vachibudisa masangano anozvimiririra uye mayamurire aanoita avo vanova varimo

mumasangano iwayo nevacho vanofusha marie) kunyora nepapfupi chenjedzo ingapihwa vanofusha mari munharaunda dzavagere

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine nzira dzokufusha mari nadzo• bhambiri rine matambudziko anowirwa nevanofusha mari

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi pamusoro pekufusha mari achivaudza kuti chii chinonzi

kufusha mari.2. Vadzidzi vanotaridzwa bhambiri rine nzira dzokufusha nadzo mari nebhambiri rine matambudziko

anowira vanofusha mari.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yezviri pamabhambiri avaratidzwa, mudzidzisi achitungamirira.4. Vadzidzi vanopihwa mukana wekuita hurukuro yezviri mumabhuku avo ekuverenga.

GONA CHIShona 4TG.indd 40 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 46: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

41

Zvinganzverwa nevadzidzi- Kufushira mari kumabhanga -Matambudziko.- Kukwereteswa mari nemabhanga (zvinodiwa)

2. NgativerengeiDapurahunanzva dovi renhikitiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuverenga ndima ine nhaurwa yasekuru nomuzukuru, vachibudisa pfungwa huru yokuchengetedzwa

kwemari (kufusha mari)b) kubudisa matambudziko ataurwa nasekuru mundima nezvingaapedzac) kupindura mibvunzo yendima yaverenga

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine manzwi angangova matsva

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pekuchengetwa kwemari, kuberekesa uye kuishandisa

mukurarama.2. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso chinyararire.3. Vadzidzi vanokurukura zvabuda mundima zvavanzwisisa.4. Mudzidzisi anotaridza vadzidzi mazwi ari pazvitaitai votsananura zvaanoreva sekunzwisisa

kwavo.5. Vadzidzi vanoverenga mibvunzo yese yenzwisiso, vodzokororazve kuverenga ndima.6. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso neChishona chakazara.7. Mudzidzisi anokurudzira vadzidzi kuti vapedze kunyora basa ravo munguva yakatemerwa.

Mhinduro 1. Kurongera mari kuti iberekane wozoishandisa mazuva anotevera uye kuti irambe ichiwanda

(1)2. Kukwereta mari kudura remari ivo vari vashanu, ivo ndokuvakisa midhuri iyo vaibhadharwa

kuti vanhu vashandise mudhorobha reMasvingo . (2)3. Kechemu ari kuita zvemadutavanhu nemagonyeti pasi rose, Pongo achirima kumatenganyika

kwake kwaChaka (1)4. mushandirapamwe wokuvakisa dzimba unonzi Chisungo Housing Co-operative (1)5. Kufusha mari kwemhuri inoita zvitoro zvikuru munyika dzose pasi rose. Mhuri yakadai

haizombofizveyakaitaenhamo.(2)6. Kechemu uyo aiita zvezvifambiso madutavanhu ake maviri akaita tsaona, uye kufa kwawo

kunoda kuti azopota achigadzirwa, (simbi dzinofa) uyowo aiita zvekurima zvipfuyo zvinogonakuparara nezvirwere, kupiswa kwemasango kana nzara. (2)

7. Zvinoreva mazwi:a) Chinoto: mbozha /munhu akapfuma /munhu ane upfumi (1)b) jengavasikana: munhu anoda zvevasikana / kudanana nevasikana vakawanda (2)c) kunhuwa mari pose pachiri: kuva munhu akapfuma zvikuru/ munhu ane

mari zhinji (2)d) kunzungu nokunyimo: kuita zviviri semadutavanhu nemagonyeti zvakaitwa naKechemu

GONA CHIShona 4TG.indd 41 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 47: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

42

anowana mari kumwe kana kumwe kukawa (2)e) muonerapamwe chuma chomuzukuru: kuita mushandira pamwe vachiita kufusha mari (2)

8) kufusha kwakadai, ndiko kunonzi kurombera dzinza. Mhuri haifi yakawira pasi (1)9) kuuraya kana kuita zven’anga pakava nemari ziva kuti mangwana zvino bvuruvara / hazvigari

unoita rombe (1)10) PfupisoPfungwa huru dzingapuhwa mupfupiso:- kudzidza kwaChamunorwa paGZU nekugara kuRujeko B- kuenda kwasekuru vake VaSvoto kunodzidziswa zvokufushwa kwemari- kupinzwa mumba nambuya vaLilian / VaZvinokona achigara pazvigarotefe zvakanaka- kuita mari yokufusha mukuvakisa midhuri, kutenga zvifambiso, matenganyika- kuita seveChisungo Housing Cooperative yekuChikato - kuvakisa dzimba, mativi ose enyika- kufusha zvemhando yepamusoro sezvinoitwa naanaOK, Pick n Pay neDelta pasi rose- kuita zvekuunganidza sevekumusha, Chomungore Branch- kuenda kuSvondo kwemhuri yaVaSvoto- kudzokera kuRujeko B nemuchovha achimhanyirawo kuenda kukereke

3. Ngatirungei mutauroMadimikira nefananidzoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinorehwa nemadimikira akapuhwab) kujekesa zviito zvinofambirana nefananidzo dzapihwac) kutsanangurawo zvinorehwa nefananidzo dzavapihwa uye padzinoshandiswa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine madimikira• zvitaitai zvine fananidzo

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi kuti fananidzo chii uye madimikira chii vachipawo

mienzaniso yazvo zviri zviviri.2. Vari mumapoka, vadzidzi vanopuhwa zvitaitai zvine madimikira nezvine fananidzo. Voita

basa rokutsanangura zvinorehwa nemadimikira nekupa zviito zvinofambirana nefananidzo.3. Vadzidzi vanopakura zvavawana mumapoka, voita hurukuro mudzidzisi achitungamirira.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzingapihwa nevadzidzia) Dudziro yemadimikira:

(i) kumonya muromo: kutsamwa zvikuru (1)(ii) kurovaguva:kugadzira/kudzoramweyawomufi(1)(iii) kuvhura rusaka: kuseka (1)(iv) kurasa dembe / nhembe: kufarisa (1)(v) kutsika madziro: kurambisisa / kuramba uchiita nharo (1)(vi) kubuda mugota: kuroora (1)(vii) kuva nechivhuno: kuromba mushonga (1)

GONA CHIShona 4TG.indd 42 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 48: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

43

b) Zviito zvinoenderana nefananidzo:(i) serwaivhi: kunanaira (1) (ii) sepafiwa:kuchema (1)(iii) senyoka yapinda mumba: kurohwa (1)(iv) sembwa nzvere: kuonda / kukara (1)(v) sekuseri kwemusha: kushata (1)(vii) sechapungu: kuomera (1)(viii) senda iri mubaravara: kuonererwa / kushaina (1)(iv) semvumba: kurwa (1)

4. Ngatiumbei mutauroChinan’anuriZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti chinan’anuri / chisarudzi chiib) kubudisa madzitsi matatu echinan’anuri / chisarudzic) kukwanisa kupa maumbirwo echinan’anuri uye mienzaniso vachishandisa madzitsi acho

matatu

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvinan’anuri (mhando dzemadzitsi acho / mienzaniso yazvo)

zvitaitai zvine mibvunzo yezvinan’anuri

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoita hurukuro pamwe nevadzidzi vachitaura kuti chidudzirazita chechisarudzi /

chinan’anuri chinorevei? Vadzidzi vanopa pfungwa dzavo, mudzidzisi achinyora pachidziro.2. Vadzidzi vanopinda mumapoka umo vanopuhwa makadhi ane mibvunzo yezvisarudzi /

zvinan’anuri.3. Mudzidzisi anoti vadzidzi vapakure zvabva mumapoka avo.4. Mudzidzisi anonamira bambiri rine zvinan’anuri pachidziro otsanangurira vadzidzi nezvemadzitsi

matatu ezvinan’anuri sedzokororo yezvavakamboita.5. Vadzidzi vanonyoreswa basa rezvisarudzi nomudzidzisi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Zvidudzirazita zvinoburitsa pfungwa yokusarudza kana kunan’anura zvinhu kubva pane zvimwe

sokuti: - Gore rino tichaguta kwazvo.- Mwana upi ane unhu hwakashata kudai? (Vadzidzi vanopa mhinduro dzakasiyana-

siyana) (3)b) - no

- ye- pi (3)

c) Chivakashure chechisarudzi + Dzitsi rechisarudzi > Chinan’anuri chi - + - pi > chipiri + - no > rinova - + - ye > vaye (3)

(vadzidzi vanopa mienzaniso yavanoda)

GONA CHIShona 4TG.indd 43 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 49: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

44

d) Muroyi uye uye akabatwa / N’anga iye iye yakasungwa / Varume vaye vaye vatakurwa.(Vadzidzi vanopa muenzaniso wavada chikuru kudzokororwa kwechinan’uri chizere)

5. Ngatishandisei mutauroZviperengoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura manyorerwo akanaka ezviperengo yemazwib) kuzadzisa zvirevo zvakapihwwa nemazwi akapereterwa zvakanaka

Zvombo zvingashandiswa • zvitaitai zvezviperengo, mavara nebatanidzo• bhambiri rine mitemo yokuita batanidzo nekuumba mavara semuenzaniso

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi kukosha kwakaita zviperengo, batanidzo nepatsanuro

yemazwi muzvinyorwa zvavo.2. Mudzidzisi anosimudza vadzidzi vaviri voitisa vamwe zviperengo umwe ovaitisa kuumba

mavara vacisandisa mazwi ari pazvitaitai uye chidziro kunyora zvabuda.3. Mudzidzisi anoratidza vadzidzi bambiri rine zviga zvakakosha pazvinyorwa.4. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rokuita vanonyora zviperengo, batanidzo uye kuumba mavara.

Mhinduro dzingabva kuvadzidziZviperengo: bh, bw, ch, chw, dh, tsw

a) nechirongo b) dhongi (1)

c) takatswinyana (1) d) madhunduru (1) e) akabweza (1) f) bherengende (1) g) bhagu, bwanyu (1) h) chwakata, chwa chwa (1)

6. Ngatishangazhikei pakunyoraRondedzero yegakavaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura manyorerwo erondedzero yagakavab) kupawo matanho uye zvinosungirwa kuongororwa pakunyatsoburitsa mhando yerondedzero

iyic) kuita gakava ravo sebokad) kunyora rondedzero isina mhosho

Zvombo zvingashandiswa • bhambiri rine matanho emanyorerwo erondedzero yegakava

GONA CHIShona 4TG.indd 44 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 50: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

45

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopa vadzidzi matanho emanyorerwo erondedzero yegakava.2. Mumapoka vadzidzi vanopuhwa mabhuku ane mibvunzo vonzvera manyorerwo egakava

vachipanana pfungwa.3. Vadzidzi vanoiswa mumapoka maviri, vopiwa musoro umwe chete voita gakava kwechinguva

chidiki vachitungamirirwa nemudzidzisi.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi, umwe neumwe ari pake ega.

Zvinotarisirwa kuvadzidziCherechedzo: Mudzidzi ngaaburitse mativi maviri emusoro waanenge asarudza achitsigira ese

zvizere. Vadzidzi vanonyora rondedzero vachitevedzera matanho ekunyorwa kwemhando iyi, yerondedzero.

GONA CHIShona 4TG.indd 45 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 51: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

46

Chitsauko 9

Zveutano Chirwere chokuzarirwa nechekushomeka kweropa mumuviri

Vavariro Panopera chitsauko chino vadzidzi vanotarisirwa: a) kukwanisa kutsanangura zvirwere zvekuzarirwa, zvekushomeka kweropa nezvimwewob) kubudisa marapirwo ezvirwere zvakasiyana-siyana uye zviratidzo zvezvirwere zvachoc) kutsanangura mararamiro anoitwa neavo vanenge vachirarama nezvirwere zvediabetes mellitus,

kuzarirwa nekushomeka kweropad) kutsanangura maumbirwo ezvirevauwandu uye kutsanangura mhando dzachoe) kutsanangura tsumo nekuronga dazakavhenganaf) kunyora zvirevo nemazwi anopikisanag) kunyora rondedzero yekusuma

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura vachipa nemazita zvirwere zvekuzarirwa uye kupera ropab) kutsanangurazvirwerezvekuzarirwa,(Asthma)uyekuperaropa,Anaemiac) kunyora matambudziko anowira avo vane zvirwere izvi uye kuti vangazviponesa sei

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo, mapepanhau kana magwaro anotaura nezvezvirwere• bhambiri rine mazita ezvirwere• mukokwa anoziva nezvezvirwere

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzisi vanopihwa mukana wekuita tsvakurudzo yezvirwere zvakasiyana-siyana padandemutande

reruzivo, mumapepanhau kana mumagwaro anotaura nezvezvirwere.2. Mudzidzisi anoparura musoro wechidzidzo.3. Vadzidzi vanodoma zvimwe zvezvirwere zvavanoziva nezvavakawana mutsvakurudzo vachittaura

zvinokonzera zvirwere izvo.4. Mukokwa anopihwa mukana wekutsanangurira vadzidzi pamusoro pezvirwere zviviri kana zvitatu.

Mukokwa ngaanyatsotsanangura zvirwere zvekuzarirwa nekushomeka kweropa nezvingaitwakudzivirira zvirwere izvi.

5. Vadzidzi vanotaridzwa bhambiri rine mazita ezvirwere vokurukura nezvezvirwere izvi vachitungamirirwanemudzidzisi nemukokwa.

6. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita basa rakapiwa mubhuku avo ekuverenga.7. Vadzidzi vanopakurirana zvavawana mumapoka voita hurukuro.

2. NgativerengeiChirwere chekuzarirwa (Asthma) nechekushomeka kweropa mumuviriZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kubudisa zvingaitwe kuparadza zvirwere zvakadai muvanhu

GONA CHIShona 4TG.indd 46 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 52: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

47

b) kupindura mibvunzo yenzwisiso zvizere

Maitirwo echidzidzo 1. Vadzidzi vanoverenga ndima vachipana zvijana.2. Vadzidzi vanoverenga mibvunzo yenzwisiso vodzokorora kuverenga ndima.3. Vadzidzi vanonyora basa renzwisiso.4. Dzokororo yebasa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Chirwere chemumapapu, kugozherwa mukufema, tsinga dzinofamba nemweya dzichivharika-

vharika. (2)2. Chirwere chinokonzerwa nekufema mweya wemishonga waunenge uchishandisa kana

kungomanzwira pakufamba, inogona kukonzerwa zvekare nezvinhu zvatinoshandisa zvakaitasezvizorwa zvinonhuwirira nezvimwewo. (2)

3. Ndege dzaimwaya mishonga yedonje, achifema ndokuzonzwa zviratidzo zvokusvotwa, kurutsa,kuperasimba.Kuchipataravakabvavanoibata(MCS)iyoinovahonzeriyeAsima(Asthma).(2)

4. ZviratidzozvivirizvechirwerecheAsima:- kutemwa nomusoro- kuneta zvakanya- kurwadziwa mutsandanyama- zvisasa- kufunganya- kuora moyo nezvimwewo (chero zviviri) (2)5. Kufamba nekuita basa rinorema ndiyo nzira isina njodzi uye haidhuri. (2)6. Vanatumbwa (vakadzi vane pamuviri/ nhumbu) (1)7. mukaka wedhongi (kuukwatisa wonwa), uchi nembanje (kuzvisanganisa wodya) nebota rine

tsvina yerwaivhi (1)8. Kushomeka kweayoni mumuviri. (2)9. Chirwere chediabetes mellitus chirwere chinoita kana tsvigiri yoita shoma mumuviri. Ukakuvara

ronda haripori, unotogona kugurwa, gumbo uye chirwere ichi chirwere chinofambirana nemhuri(dzinza). (2)

10. Ropa inhengo inoyerera, kufambisa mweya watinoshandisa kufema (oxygen) nekubudisatsvina mumuviri. (carbon dioxide) (3)

11. PfupisoPfungwa huru nomwe dzinotarisirwa kubuditswa:- asthma chirwere chemapapu, chekushomeka kweropa nekupera ropa mumuviri- kubata kwaGarikai asthma zvakakonzerwa nemishonga yaimwayiwa nendege- dzidziso yakapiwa Garikai nezvechirwere- kupararira kweasthma mumhuri- nziradzechivanhudzekurapaAsthma- anaemia inovapo nekushaiwa ropa mumuviri- diabetes mellitus chirwere cheropawo zvakare, chinoonekwa nekuneta, kunzwa mvura yakawanda

nezvimwewo- chirwere chediabetes chinotevera mhuri- kushanda nekumba zvinobatsira kuderedza chirwere chediabetes mellitus

GONA CHIShona 4TG.indd 47 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 53: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

48

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Pfungwa dzinoyerera (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroTsumoZvingwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura nzira dzinokwanisa kubvunzwa nadzo zvetsumo pabvunzo dzokupera kwegore

kana kwekotorob) kutsanangura zvinoreva tsumoc) kuzadzisa zvipenga zvetsumo dzakapiwa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvidimbu zvetsumo• bhambiri rine mhando / nzira dzokubvunza nadzo mubvunzo wetsumo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanotaura zvavave kunzwisisa pamusoro petsumo, mudzidzisi achivatungamirira.2. Vadzidzi vanodoma tsumo dzavavoziva votaura zvadzinoreva.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanozadzisa zvidimbu zvetsumo dziri pazvitaitai votsanangura

zvadzinoreva.4. Mapoka anopakurira vamwe zvaawana mudzidzisi / mudzidzi achinyora pfungwa pachidziro.5. Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rokunyora umwe neumwe ari oga.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Tsananguro yetsumo:

(i) Nhamo inhamo zvayo, amai havaroodzwi: Iripo imwe nhamo inowira munhu ichimusiyaasina nezano rose, saka anozongoti chinouya ngachichiuya zvacho nekuti panenge pasinachekuita. (2)

(ii) Kurera imbwa nomukaka, mangwana inofuma yokuruma: Munhu waunoitira zvinhuzvakapindiridza kunaka ndiye anozokutsindira mangwana. (2)

(iii) Kare haagari ari kare: zvinhu zvinoshanduka nekufamba kwenguva.b) Tsumo dzakanyorwa zvakanaka:

(i) Kure kwemeso nzeve dzinonzwa.(ii) Mwana washe muranda kumwe.(iii) Kuvaka danga pasina mombe.(iv) Mwanaasingachemeanofiramumbereko.(v) Kukwira gomo hupotera.

4. Ngatiumbei mutauroChirevauwandu - chidudzirazita cheuzhinji kana ushoma hwezvinhuZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kubudisa kuti chirevauwandu chinoita basa rei

GONA CHIShona 4TG.indd 48 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 54: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

49

b) kutsanangura maumbirwo echirevauwandu vachipa mienzanisoc) kukwanisa kupawo mhando nhatu dzemadzitsi ezvirevauwandud) kutsanangurirana zvakakosha pazvirevauwandu sechidudzirazita

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvirevauwandu• bhambiri rine zvirevauwandu (nemadzitsi azvo)• zvitaitai zvine mibvunzo yezvirevauwandu

Maitirwo echidzidzo• Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi kuti chirevauwandu chii achipa muenzaniso nekubvunza

vadzidzi zvavanzwisisa.• Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi maumbirwo ezvirevauwandu.• Vadzidzi vanodoma zvirevauwandu zvavanoziva.• Vadzidzi vari vaviri vaviri vanopihwa zvitaitai zvine zvirevauwandu, vopa zvazvinoreva

vachitsanangura bato razvinopinzwa.• Mudzidzisi anodana vadzidzi vachipa izvo vabudisa mutsvagurudzo achinyora pfungwa

dzabuda pachidziro.• Mudzidzisi anopa vadzidzi basa rezuva..

Mhinduro dzinotarisirwaa) Chirevauwandu chinonita basa rekutaridza uzhinji noushoma hwezvinhu zviri kutaurwa

nezvazvo. (2)b) chivakashure chechirevauwandu + -o- (nzvovera inoshanduka) + dzitsi rechirevauwandu

r- + -o- + - se > rosend- + -o- + -mene > ndomened - + -o - + -ga > dzoga (2)

c) Dzitsi Muenzaniso-se -rose, chese, dzose-ga -oga, roga, voga-mene -ndomene, omene, chemene (6)

5. Ngatiumbei mutauroMazwi anopikisanaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mazwi anopikisana vachishandisa tsananguro yevanhu muupenyu.b) kunyora sezvirevo pikiso dzavanenge vawanac) kunyora basa nenguva dzatarwa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mazwi anozoda kupihwa anopikisana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.

GONA CHIShona 4TG.indd 49 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 55: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

50

2. Vadzidzi vanodoma mazwi vachipa anopekisina neavanenge vadoma.3. Mudzidzisi anotsanangura zvakakoshera ruzivo rwemazwi anopikisana.4. Mumapoka, vadzidzi vanopuhwa zvitaitai zvine mazwi voshanda nawo kupa ayo anopikisana.5. Vadzidzi vanopakura izvo vawana kubva mumapoka avo. Mudzidzisi achitsinhirawo zvapuhwa

nevadzidzi.6. Mudzidzi umwe noumwe anonyora basa rezuva.

Mhinduro dzinotarisirwaa) randutsira: kuti vanhu vasarwa, pane vanhu vanorandutsira, kana kudzivirira asi vamwe vanodira

mavhu mudenga vachikuchidzira. Nokuda, izwi rinopikisana narandutsira ndikusvisvidzira /kukuchidzira.

b) nyura: shoko rinotsanangura kuenda pasi mumvura. Iri izwi rinopikisana kana kupesena nezwirinoti dzumbunuka / yangarika / yangarara.

c) Rereka kana tsveyama: mazwi anopikisana neanoti tasamuka / twasamuka / rungama.d) avata kana arara: munhu akarara tinoti avata, arara, arinda kana kuti aenzera. Zvino kana

asina kurara tinoti akamuka.e) kutsutsumwa: izwi rinopesana nakugutsikana.f) kudzikama: kune vamwe vanhu vasina kudzikama, kana kutsiga pamaitiro. Vanongoita zvisina

maturo. Vanhu ivava tinoti vakazhangandira / vanopaparika kana kuti vakafumuka zvikuru.g) kuvanza: panoitika chinhu chakaipa vamwe vanhu vanogona kusada kutaura nyaya dzacho kana

kuti vanhu vazvizive naizvozvo tinoti vavanza kana kusvisva. Vamwewo ndivo vanoda kutichaitika chitaurwe kana kuti chionekwe nokudaro vanodura kana kufoonora kana kuratidza.Saka kuvanza kana kusvisva kunopesana nokudura kana kufoonora kana kuratidza.

h) enda: dzoka kana petuka.i) buruku: kuburuka ndiko kudzika kana kujitika. Mazwi ose aya anopikisana nezwi rokuti kwira.j) kutapira: zvinhu zvinonaka tinoti zvinotapira kana kuzipa asi kana zvisinganaki tinoti zvinoipa,

zvinovava,zvinoshozha kana kushata.

Cherechedzo: Vadzidzi vanopa mienzaniso yakakodzera.

6. Ngatishangezhekei pakunyoraRondedzeroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa ruzivo ruzere nezvezvirwere zveasthma neanaemiab) kunyora rondedzero yemashoko achataurwa pagunganoc) kunyora rondedzero vachitsanangura zvinokonzera, zvingaitwe kurapa kana kuderedza zvirwere

zvatsanangurwa

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rinoratidza manyorerwo erondedzero yemhando iyi

Maitirwo echidzidzo1. Kuti chidzidzo ichi chibudirire, mudzidzisi anotora vadzidzi oenda navo pachipatara chiri

pedyo navo kana kudaidza murapi anozopa ruzivo kuvadzidzi nezvezvirwere zviviri izvichidzidzo ichi chisati chaitwa.

2. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi manyorerwo erondedzero yemhando iyi, achivaratidzazviri pabhambiri.

GONA CHIShona 4TG.indd 50 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 56: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

51

3. Mudzidzisi kana mudzidzi mumwe chete anoverenga rondedzero yauyiwa nayo yakanyorwanemumwe kare.

4. Vadzidzi vanotaurirana zvavanzwisisa vachigoverana pfungwa.5. Mudzidzi umwe neumwe anonyora rondedzero yake achiratidza unyanzvi hwake neruzivo

rwezvirwere izvi.

Zvinotarisirwa kuva murondedzero- zita remunyori- kwaziso- zvinokonzera- zvinoratidza- matambudziko- zvinorapisa / marapirwo- dziviriro ingaitwe- mashoko anoratidza kuti ndipo paperera chitarwaCherechedzo: Mashoko achashandiswa ngaaratidze kuti ari kubva kuna mazvikokota.

GONA CHIShona 4TG.indd 51 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 57: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

52

Chitsauko 10

Kupindana kwetsikaKudyidzana parufu

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kubudisa zvinoereswa parufu rwemudzimai patsika yeChivanhub) kutsanangura matambudziko anowira avo vanokanganisa kutevedzera zvipeto zveparufu

rwemunhukadzic) kukurukurirana vachipana pfungwa huru pamatanho anotorwa kubva pakufa kusvika pamagadziro

omudzimai, pasichigare nanhasid) kupindura mibvunzo yenzwisiso yapihwa neChiShona chakazarae) kunyora detembo rine dingindira rerufuf) kutsanangura zvinoreva nyaudzosingwig) kutsanangura chinonzi chidudziramuiti

1. NgatikurukureiKupindana kwetsikaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kukurukuriranavachibudisapachenaizvozvinoitikapafiwanemunhukadzib) kutsanangurazvipetozvakakoshapakuvigamufipasichigarenanhasic) kutaurirana vachibudisa matanho akakosha anotorwa naanatezvara kana mukadzi asina kubvisirwa

pfuma kana ane musaridzirwa akafad) kunyora chenjedzo ingapihwa pakurarama panyaya dzemusaridzirwa, kutema rukarwa, kutanda

botso nezvimwe nepapfupi

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvipeto zveparufu• bhambiri rine zvinowira vanoputsa / kukanganisa zvierwa zveparufu rwomunhukadzi

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi pamusoro perufu – wotsinhira rwemunhukadzi.2. Vadzidzi vanoratidzwa bhambiri rine zvierwa zvinosanganikwa nazvo vanhu vakasatevedzera

zvipeto zvokuviga munhukadzi.3. Mumapoka, vadzidzi vanopuhwa zvitaitai zvine mibvuzo yakanangana nerufu uye bhambiri

rine zvipeto zveparufu.4. Vadzidzi vanoshandisa bhambiri kupindura mibvunzo iri pazvitaitai.5. Vadzidzi vanobudisa zvavawana mumapoka vopuhwa zvokunzvera vari mumapoka evaviri.6. Zvingangonzverwa nevadzidzi7. Chii chinonzi kuridza mhere / kutema rukarwa?8. Sei munhukadzi akaroorwa chero asina, kuvigwa kwake kuchinetsa uye kuchingoitwa nevekwake?

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuverenga ndima yenzwisiso yavapihwa

GONA CHIShona 4TG.indd 52 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 58: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

53

b) kubudisa zvipeto kana miko nezvierwa zvinotevedzwa pakuviga mudzimaic) kutsanangura zvizere manzwi matsva abuda mundima vachipa zvaanoreva zvichienderana

nezvabudiswa mundimad) kupindura mibvunzo yendima yaverengwa uye kutsanangura rufu sechinhu chagara chiriko

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine manzwi ezvipeto

Maitirwo echidzidzo 1. Vadzidzi vanoita hurukuro pamusoro pemhando dzakasiyana-siyana dzerufu.2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanokurukura pamusoro pemazwi ezvipeto ari pabhambiri

vachitsanangura zvaanoreva.3. Vadzidzi vanopakura izvo vawana kubva mumapoka mudzidzi achiwedzera.4. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso chinyararire vopindura mibvunzo neChiShona chakazara.

Mhinduro dzinotarisirwa 1. Pasichigare vana vaduku vaisaona chitunha, ikozvino vana vanonzi onekai baba, uyewo vamwe

mazuvaanovanoitazvekutsvodamufi. (2)2. Vakadzi vane nhumbu, vanhu vane zvirwere zveBP, vana vadiki vari pasi pemakore gumi

nemasere, masvikiro kana kuti vanobudirwa. (2)3. Kuzivisa vanatezvera / musumo nemhere, iyo inonzi kuridza mhere. (2)4. Mudzimai kana achinge afa, mukuwasha anosuma mhere yake kuna anatezvara kuti vazochema

mwanasikana wavo. Kuridza mhere kwaitwa nekubvisa kachirango kemari shoma. (2)5. chema (1) 6. kubata maoko (1) 7. Nhevedzo kumwe vachiti yepfungaidzo. (1) 8. Zvinoreva mazwi:

a) kutema rukarwa: kuchera chekuratidza panovigwa munhu zvaiitwa neweukama / wemutupowemudzimai kuratidza panovigwa haa yavo. (1)

b) fuko: jira rinovigwa rakafukidza chitunha (1)c) botso: kurova mai uri mwana vofa usina kuripa, unotozoripa nokupemha, wovabikira doro

rekuvanyaradza shungu (1)d) ndongamabwe:idororinobikirwakutirimwiwevanhuvachinyaradzavakafirwa(1)e) kugata: kuienda kun’anga kunonzwa chinenge chauraya hama yenyu (1)

9. Vana vadiki vanovigirwa panyoro, pasi pemukute, mubani kuitira kunyorovesa shungu dzavo.(gamuchirai pfungwa dzakatsigirwa zvizere dzingapiwa nevadzidzi) (2)

10. varoora (1)11. Havana mutupo naamai vavo (mai mutorwa)10. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa:- kuonekananemufivamwevanotsvoda,vamwevanotaridzavanavaduku- chitunha chinoonekwa nevakuru kwete vana vadoko- vane nhumbu nevane BP, havatenderwi kuona chitunha- mukuwasha anoreva kufa kwemudzimai nemari uye kunonzi kuridza mhere- vanhuvanounganidzamariyokupaafirwainonzichema- nyama inodyiwa parufu yeusavi inonzi nhevedzo- munhu akange afa anovigwa muguva kana rinda / bwiro

GONA CHIShona 4TG.indd 53 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 59: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

54

- weukama/mutupondiyeanoratidzaapopanozovigwamudzimaiwemufi,aitachirangochinonzikutema rukarwa

- munhu akange afa vanozoita magadziro uye doro renyota

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroNyaudzosingwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinorehwa nenyaudzosingwi dzapihwab) kunyora basa ravo neChiShona chakazara uye nenguva

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine nyaudzosingwi

Maitirwo echidzidzo 1. Vadzidzi vanotsanangura kuti nyaudzosingwi chii.2. Vadzidzi vanodoma nyaudzosingwi dzavanoziva vachidudzira zvadzinoreva.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanopihwa zvitaitai zvine nyaudzosingwi votsanangura

zvadzinoreva.4. Vadzidzi vanopakura izvo vawana kubva mumapoka vachitungamirirwa nemudzidzisi.5. Vadzidzi vanonyora basa rokutsanangura nyaudzosingwi umwe neumwe ari pake ega.

Mhinduroa) pweshe: kugara usina hanya / kugara kwokuzvikanda kweusimbe / kweunyope / unungo (1)b) ngondo ngondo: kuondomoka / kudonha zvezvinhu zvakaturikidzana (1)c) pfacha: kusvika vanhu vasingafungiri / kuerekana wasvika (1) d) tsva-a: kusviba kwakanyanya chaizvo / kusviba zvikuru (1)e) momote: kuunganira chinhu / kuunganirwa (1) f) pfumbu: kusimuka kwehuruva / guruva / bukuta (1)g) ndure: kuruma kunoita igo kana nyuchi (1) h) ware: kutiza zvokusacheuka (1) i) memetere: kuzara kwechinhu semugomo wezviyo / chibage (1)j) go: kugara wakazorora (1)

4. Ngatiumbei mutauroChidudziramuitiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura chinonzi chidudziramuitib) kuumba zvidudziramuiti

GONA CHIShona 4TG.indd 54 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 60: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

55

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvirevo zvine zvidudziramuita

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi chinonzi chidudziramuiti.2. Vadzidzi vanopa mienzaniso yezvidudziramuiti.3. Mudzidzisi anoenderera mberi nekutsanangurira vadzidzi maumbirwo ezvidudziramuiti.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanonyurura zvidudziramuiti kubva pazvirevo zviri pabhambiri

voratidza maumbirwo azvo.5. Mapoka anopakurirana zvaawana.6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Chidudziramuiti chizita chinodudzira muiti wechinhu. Chinobatanidza mazita chichipa pfungwa

yorupawo ndokusakawo chichishanda sechipauro. Muenzaniso: Mukomana wandakaonanezuro. -wandakaona ndicho chidudziramuiti. (2)

b) Chidudziramuiti chinoumbwa sezvizvi:Chitaridzamuitirwi + chitaridzamuiti + chitaridzanguva + mudzi wechiito + nzvovera yekupedzisirawa- + -nd- + -aka- + -on- + ara- + -nd- + -aka- + -rov- + a (8)

Cherechedzo: Iyi inongova mienzaniso chete, vadzidzi vanogona kupa zvakasiyana-siyana.

5. NgatitsvakurudzeiRufuPanezvinoerapamufiuyezvinoereswapamufi.Zvoseizvizvinofanirwakutsvagurudzwauyekubudiswa pachena.

Zvinangwa Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa: a) kupawozvigazvinowanikwapanovigwamufiarimunhukadzib) kutsanangura mazwi akaita samusumo, mhere, fuko, kutema rukarwa, magadziro uye doro

renyota nezvimwewoc) kubudisa kuti nemhaka yei panotemwa rukarwa rwevanhukadzi vana vavo vasingabvumirwe

kurutema

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvipeto zveparufu

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopa vadzidzi mibvunzo yekutsvagurudza nezverufu vari muzvikwata zvikwata

chidzidzo chisati chatanga.2. Vadzidzi vanopiwa mukana wekupakurirana zvawawana vachikurukura.3. Mudzidzisi anoratidza vadzidzi bhambiri rine zvipeto zveparufu, vadzidzi vokurukura nezvazvo,

mudzidzisi vachitungamirira.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi vari mumapoka.5. Dzokororo rebase ranyorwa.

GONA CHIShona 4TG.indd 55 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 61: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

56

Mhinduro dzinotarisirwaa) Kuridza mhereb) Musandzirwa iroora inenge isati yabviswa nemukuwasha panguva inofa mudzimai wake.c) Rukarwa chikomba ckokuratidza panovigwa munhu. Rukarwa rwunotemwa newemutupo

wemudzimai, ingava hanzvadzi, baba kana mwana wehanzvadzi ari mukomana. (Vadzidzivanopa pfungwa dzavo maererano netsika iyi.)

d) Kufa nekuzvisungirira, munhu afa nekuzvisungirira mutumbi wake waibuditswa nemakumbokuitira kuti kana

6. Ngatishangazhikei pakunyoraNhetembo yerufuZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kushandisa zvirungamutauro uye mutaurosiri unoshandiswa pakudetembab) kutsanangura zvikamu zvedetembo vakanangana nemadingindirac) kunyora detembo rine musoro unoti, “Rufu” vachiburitsa zvipeto uye zviereswa zveparufu

Zvombo zvingashandiswa• dzimwe nhetembo dzerufu dziri pazvinyorwa zvakasiyana• dzimudzangara rine detembo rerufu

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverena nhetembo mbiri kana nhatu dzerufu vonyurura madingindira anobuda

munyaya munhetembo idzi.2. Mudzidzisi anoita kuti vadzidzi vateerere nyanduri anenge achidetemba mudzimudzangara.3. Mudzidzisi nevadzidzi vanoita hurukuro yemanyorerwo enhetembo.4. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi mhando dzenhetembo.5. Vadzidzi vanonyora nhetembo ine dingindira rerufu, vachishandisa zvidavado zvakakodzera.6. Vadzidzi vaviri kana vatatu vanenge vanyora nhetembo dzakakwenenzverwa zvakanaka

vanopiwa mukana wekuzoverengera vamwe vadzidzi.

Zvinotarisirwa kuvadzidzi- kushandisa mutaurosiri pakakodzera- kuronga pfungwa muzvikamu zvikamu- kunyora nezverufu sedingindira guru mudetembo- kubudisa zvingaitwe kudzivirira rufu- kunyora detembo rinodakadza vatereri uye vaverengi

GONA CHIShona 4TG.indd 56 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 62: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

57

Chitsauko 11

Zuva rerunyararo pasi roseVavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa: a) kubudisa mapato akanyorerana pasi chibvumirano chokubatana kuva bato rimwe cheteb) kubudisa zvibvumirano zvakaitwa uye kuti zvichiri kutevedzwa here nanhasi nemapato

akanyorerana zvibvumiranoc) kukurukurirana vachipanana chido chokusimudzira nyika yavo pazvose, uye chidakadaka

chokuverenga zvinovapa tsika namagariro erudzi rwavod) kunzvera vachishandisa makombiyuta kutsvaga ruzivo rwerunyararo pasi rose, uye zviri kuitwa

nhasi neUnited Nationse) kupindura mibvunzo yenzwisiso zvine udzamu vachinyora neChiShona chakanakaf) kunyora detembo rine dingindira rokushambadza kana mamwewo pane apihwag) kunyurura tsumo nekutsanangura zvadzinorevah) kuisa mazita mumupanda nekujekesa mhando dzezvivakashure

1. NgatikurukureiMakakatanwa munyikaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutaurirana zvibvumirano zvakaitwa munyika yeZimbabwe kupedza mhirizhonga kubva

patakawana kuzvitonga kuzereb) kutsanangurirana zvizere maererano neSangano guru repasi rose rakanangana nerunyararoc) kutaurirana vachibudisa zvimhingamupinyi zvinosanganikwa nenyika yeZimbabwe uye

kudyidzanakwenyikadzemuSADCd) kutsanangura zvizere zvinangwa zvesangano repasi rose uye zvariri kuita pakurwisa matororo

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo, mapepanhau kana magwaro anotaura nezvekugadziriswa kwemakakatanwa• mukokwa anova neruzivo rwekugadziriswa kwemakakatanwa• bhambiri rine mazita enyika dziri musangano reUN

Maitirwo echidzidzo 1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekunoita vhendenyuro yezvekugadziriswa kwemakakatanwa

munyika nepasi rose padandemutande reruzivo, mumapepanhau kana mumagwaro chidzidzochisati chaitwa.

2. Mudzidzisi anopa vadzidzi mukana wekutaura zvavakawana mutsvakurudzo dzavo, poitwahurukuro kwechinguvana.

3. Mudzidzisi anopa mukokwa mukana wekuti atsanangurire vadzidzi pamusoro peUnity Accorduye International Day of Peace.

4. Vadzidzi vanopihwa zvekare mukana wekubvunza zvavangada kunzwisisa kuna mazvikokotaava.

5. Vadzidzi vanotaridzwa bhambiri rine nyika dzose dzepasi rose dziri muUnited Nations vokurukuranezvenyika idzi.

GONA CHIShona 4TG.indd 57 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 63: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

58

6. Vadzidzi vanoita basa riri mumabhuku avo, vari mumapoka.7. Mapoka anopakurirana zvaawana.Zvinganzverwa nevadzidzi- Kutsvagurudza zuva reUnity Day neiro reInternational Day of Peace, vachipa mazuva nemakore

azvakatanga uye zviri kuitika mazuva ano.- Kubudisa zvinangwa zvikuru zvemazuva maviri apuhwa aya.- Kunzvera zvimhingamupinyi zviri kusanganikwa nazvo nenyika uye sangano renyika dzose

reUnited Nations.

2. NgativerengeiZuva rerunyararo pasi rose 21 GunyanaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuverenga vachitsetsemura ndima yapuhwa yenzwisisob) kutsanangura zuva, mwedzi negore rabudiswa mundima rine chokuita nezuva rerunyararo

pasi rosec) kutsanangura ndevo itsva dzabuda mundima vachipa mhinduro vakatsamira kune izvo zvabuda

mundimad) kupindura mibvunzo yendima yenzwisiso vachipa mhinduro dzine udzamu neChiShona

chakanaka

Zvombo zvingashandiswa• makadhi ane mibvunzo• mepuyeAfricaneyeZimbabwe• zvitaitai

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anoita hurukuro nevadzidzi pamusoro peZuva rerunyararo pasi rose Pfungwa

noruzivo rwevadzidzi zvinonyorwawo pachidziro.2. Vadzidzi vanoita zvijana pakuverenga ndima yeNzwisiso. Vanopuhwa makadhi ane mibvunzo

yavanopindura vari mumapoka vachishandisa bhambiri kunzvera nyika dziri muUnited Nationsvachipindura mibvunzo.

3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanopindura mibvunzo yendima neChiShona chizere

Mhinduro dzinotarisirwa 1. Zuva rokucherechedza runyararo rwepasi rose, 21 Gunyana , vaiva vakaungana paManoti

High School. (2)2. VaChisvino mumiririri wedunhu muhurumende. (2)3. “Kodzero yokuva norunyararo muvanhu vose”. (1)4. 21 Gunyana, muzinda uri muUnited States of America, New York City. (2)5. a) Kusanaya kwemvura (kupisa kwezuva kwakanyanya) (1)

b) Zvirwere zvakaita seEbola, Marariya neShuramatongo. (1)c) Hondo dzokonzera kushungurudzika kwevana namadzimai munyika zhinji (1)

6. a) vanhu vakawanda zvikuru (2)b) aiva masikati (2)c) kuteerera mashoko anonakidza kunzwa (2)d) kubatana nomufaro zvinosimbiswa nokupana chokudya (2)

GONA CHIShona 4TG.indd 58 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 64: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

59

7. a) kuvapo kwekodzero yekudya vanhu vose vachiguta pasi roseb) Kuvapo kwekubatana uye runyararo munyika dzose pasi rose (2)

8. PfungwaPfungwa dzingangobudiswa navadzidzi mupfupiso- vanhu vakaungana paManoti High School- kucherechedzwa kwezuva rerunyararo remusi wa21 Gunyana- VaChisvino mumiririri wedunhu muparamende, ndivo vaitura mashoko- kukosha kwekubatana munyika- kucherechedzwa kwezuva rerunyararo pasi rose SADC, AU, neUnited Nations- kurwiswa kwenjodzi yekusanaya kwemvura, zvirwere uye hondo- kukosha kwekuchengetedza vechidiki kuitira ramangwana renyika dzepasi rose- kutambira runyararo, kudya pose panenge paungana vanhu- kuzoitazve gungano rakadai paChirozva Secondary School gore raizotevera (10)

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Pfungwa dzinoyerera (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroTsumo nemadimikiraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyurura tsumo kubva mundevo nezvirevo zvinenge zvakapuhwab) kutsanangura zvinoreva tsumoc) kutsanangura nepapfupi zvinorehwa nemadimikira apihwa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvirevo zvakasangana netsumo

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anopa vadzidzi tsumo ovati vatsanangure zvainoreva.2. Mumapoka mudzidzisi anopa makadhi ane tsumo dzakasangana nendevo oti vasarudze tsumo

vachidziisa padzo dzoga. Vanotsanangura tsumo idzi3. Vadzidzi vanopuhwa basa rekutsanangura madimikira vari mumapoka.4. Vadzidzi vanopa zvavawana mumapoka.

Mhinduro dzingapihwa nevadzidzia) Tsumo:

(i) Mvura haina n`anga.(ii) Muzukuru mudonzvo wepwa.(iii) Muramu inzungu yakateya gonzo.(iv) Hama maoko.(v) Chitsva chiri murutsoka.

b) Tsananuro yemadimikira:

GONA CHIShona 4TG.indd 59 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 65: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

60

(i) Kudya magaka neminzwa yawo: Kupenga kana kupopota zvakanyanya zvokusada kanakudzokera shure

(ii) Kuisa maoko: Kukwazisa / kuchingamidza / kumhorosa / kukwazisa uchiuchira maoko(iii) Kuita bete rawira mumukaka: Kuenda usingadzoki / kuenda wononoka kudzoka/ kuenda

zvachose(iv) Kudya danga: Kugamuchira / kushandisa pfuma yemwanasikana akaroorwa / kuroorerwa(v) Kudya marasha: Kupopota zvokusadzoreka / kupopota zvikuru(vi) Kunzwa parere moyo: Kugutsikana(vii) Kubaira zanhi: Kupa munhu rairo kana yambiro inobatsira kana achinge abvuma

kutambira(viii) Kusvitsa dama: Kutaura mazwi / mashoko awatumwa nawo(iv) Kubata kumeso: Kunyengedza munhu / kunyepera munhu(x) Kuisa muromo mumhuno: Kushatirwa zvikuru (10)

4. Ngatiumbei mutauroMipandaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuisa mazita mumipanda yawob) kujekesa mhando dzakasiyana-siyana dzezvivakashure nezvinoreva zvivakashure izvic) kurudunura nzira dzinoshandiswa kuisa mazita mumipannda yawo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvivakashure zvemazita kubvira mupanda 1 kusvika ku21• bhambiri rine mibvunzo inoda kupindurwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanodoma zvivakashure zvemazita vachishandisa ruzivo rwekare vozotaridzwa zviri

pabhambiri.2. Mudzidzisi anowedzera nekupawo mipanda inotsanangura semupanda 13.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanopawo mimwe mipanda inotsanangura vozoudza boka guru.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi, umwe neumwe ari pake oga.

Mhindiuroa) Mazita anorongwa nekuda kwemipanda kuchishandiswa zvaanoreva, zvivakashure, fanano

uye sungawirirano yeushoma neuzhinji.6 7 9/10 17

(i) mapadza (ii) chingwa (iii) mbudzi (iv) kunzematombo choto nyoka kuremafeso churu huni kumba

17a 5 15 19(v) zasi (vi) badza (vii) kutaura (viii) Kefasishure dombo kuchema tetemhiri feso kuroya sahwira (10)

b) Zvivakashure zvinopa tsanangudzo ndezvinoti(i) Mupanda 11 /ru-, rw-/ -kurebenuka kwechinhu sokuti: rwizi. Kuondoroka kwechinhu

sokuti: rwana urwu rwakaonda.

GONA CHIShona 4TG.indd 60 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 66: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

61

(ii) Mupanda 12 /ka-/ -kudupuka sokuti: kakadzi, kambudzi(iii) Mupanda 16 /pa-/ -pfungwa yapamusoro pechinhu sokuti: pasi, patafura, paseri(iv) Mupanda 18/ mu-/ -mukati mechinhu sokuti: mumba, mundege(v) Mupanda 21/ zi-/ kureva kukura kwechinhu sokuti: zigadzi, zidzikana, zigomana. (10)

5. NgatitsvakurudzeiMakakatanwa munyika, pasi rosePane zvakawanda zvinowanikwa zvichipesanirana vanhu. Kazhinji United Nations inozopindirayaona mvongamupopoto yanyanyisa uye nyika ichitadza kuzvigadzirisira makakatanwa ayo. Nyikazhinji dzinoita sarudzo dzinopera nemhirizhonga zvichikonzerwa nezvakasiyana-siyana. Vadzidzipadanho rino ngavanzvere zvakakwana nezvemakakatanwa munyika, vachipawo zvikonzero uyekugadziriswa kwazvo.

ZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mitemo inobata nyika pakuita sarudzo dzemutungamiriri wenyika nemamwe

makurukota ehurumendeb) kupawo nzira dziripo dzakanyoreranwa pasi sezvibvumirano pakutonga kwemapato maviri

akarwira hondo yerusununguko kuma 1970c) kubudisa mabasa makuru anoitwa nesangano guru repasi rose (United Nations), munyika dziri

musangano irid) kujekesa matanho anogona kutorwa neUnited Nations, kana nyika ikasatevedzera gwara

regutsaruzhinji nererunyararo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiririnemufananidzoweAfrica• zvitaitai zvine mibvunzo• mufananidzo wenyika dziri muUnited Nations• dandemutande reruzivo

Maitirwo echidzidzo1. VadzidzivanoongororamufananidzoweAfricavodomanyikadzirimuUnitedNations.2. Mudzidzisi anopa vadzidzi mibvunzo iri pazvitaitai, chikwata nechikwata. Mapoka opindura

mibvunzo.3. Mapoka anopakurira vamwe zvaawana, poitwa hurukuro.4. Mufananidzo une nyika dziri muUnited Nations inonamirwa pachidziro, vadzidzi vodzidza

nezvadzo.5. Vadzidzi vanoita basa ranhasi vari mumapoka evashanu.6. Zvizhinji vadzidzi vanenge vachinozvinzvera mumakombiyuta padandemutande reruzivo.7. Vadzidzi vanopakurirana zvavawana mudzidzisi achitungamirira.

6. Ngatishangazhikei pakunyoraRondedzero yekumhan’araZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyora rondedzero yekumhan’arab) kushandisa mutauro unokwezva vateereri nevaverengimhan’ara nyaya semaitikiro ayakaita

GONA CHIShona 4TG.indd 61 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 67: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

62

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvinotarisirwa pakunyora rondedzero yekumhan’ara• rondedzero yekumhan’ara inouya nemurairidzi

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi manyorerwo erondedzero yekumhan’ara.2. Vadzidzi vanopiwa mukana wekutaura zvavanzwisisa uye zvavanozivawo pakunyora rondedzero

emhando iyi.3. Mudzidzisi anoratidza vadzidzi zvinotarisirwa pakunyora rondedzero yemhando iyi, voita

hurukuro.4. Mudzidzisi anoverengera vadzidzi rondedzero yaauya nayo, Vadzidzi vokurukura.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

GONA CHIShona 4TG.indd 62 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 68: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

63

Chitsauko 12

Dandemutande rekufambisa mashoko noruzivoZvarakanakira nekuipira kune zvedzidzo

Vavariro Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kutsanangura mashandiro edandemutande rekufambisa mashoko neruzivob) kutsvakurudza zvizere kunaka nekuipa kwedandemutande pane zvedzidzo munyika yeduc) kushandisa magudziramukanwa nemazitaumbiridzwad) kuumba zvindorie) kunyora nhetembo netsamba yebasa

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududzira dandemutande rekufambisa mashoko neruzivob) kutsanangura zvarakanakira nekuipira kudzidzoc) kupa mazano ezvingaitwe kuti vadzidzi vawane mukana wekushandisa dandemutande

Zvombo zvingashandiswa• midziyo yekushandisa padandemutande semakombiyuta, nharembozha nezvimwe

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapinde mumapoka evaviri vaviri.2. Vadzidzi ngavaite hurukuro vakanangana nezviri mumabhuku avo.3. Mapoka madiki aya ngaapire kuboka guru zvaawana kubva muhurukuro.4. Vadzidzi ngavaongorore zvaburitswa nemapoka.5. Vadzidzi vanoita basa riri mumabhuku avo.

Pfungwa dzingabuda• dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo rinobatsira patsvakurudzo muzvidzidzo• vadzidzi vanogoka ruzivo rwakawanda padandemutande• dandemutande rine mukana wekuti vadzidzi vapewo pfungwa dzavo dzingabatsira vashandisi

varo• hurukurwa dzezvedzidzo dzave nyore padandemutande• vadzidzi vanogona kuita misikanzwa padandemutande rekufambisa mashoko neruzivo• nezvimwewo

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvakanaka padandemutande mune zvedzidzob) kuburawo zvinokanganiswa nevadzidzi padandemutandec) kupa mhinduro dzakakodzera kumibvunzo yenzwisiso

GONA CHIShona 4TG.indd 63 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 69: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

64

Zvombo zvingashandiswa• midziyo yedandemutande• mifananidzo yemimwe midziyo inoshandiswa padandemutande

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yemidziyo yedandemutande.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yemashandisirwe edandemutande.3. Vadzidzi vanorava ndima yose yenzwisiso.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvabuda kubva mundima, vachitungamirirwa nemudzidzisi.5. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso nepfupiso.

Mhinduro dzingatarisirwa1. Tafadzwa naChenjerai vaitsvaka ruzivo rwebasa ravainge vapiwa nemurairidzi wavo. (1)2. Zvimwe zvikoro hazvikwanisi kuwana mari yekutenga midziyo yekushandisa padandemutand. (1)3. Mutsauko ndewekuti ruzivo rwakawanda padandemutande kudarika rwuri mugwaro rimwe

uye bhuku rinopa ruzivo rwechidzidzo chimwe asi dandemutande rinopa ruzivo rwezvidzidzozvese zvingaitwe nevadzidzi. (2)

4. Vadzidzi vangona kuguma votsvaka zvinyadzi padandemutande uye vanogona kudzidza zvoseneizvo zvisiri mubumbiro rezvidzidzo renyika yavo.(2)

5. Pfungwa dzavo dzave kubiwa nyore padandemutande uye voshaya mari sezvo magwaroavanonyora asisanyanyi kutengwa. (2)

6. Unoramba wakagara pasi usingaiti zvinogwinyisa muviri uye unogona kubatwa nezvirwerezvakaita semeso kana musana. (2)

7. Zvinoreva tsumo:a) mari ine bvute: mari yakawanda chaizvo (2) b) dzangove ndururani: vangove vemisikanzwa (2)c) varime munda unongopedzwa nemakudo: vave nezvinyorwa zvinogona kungobiwa

padandemutande rekufambisa mashoko neruzivo (2)d) nhava dzizere mhepo: vasina kana mari yavanowana (2)e) apowakuma:Apowataurazvakakosha(2)

8. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa:- dandemutande rekufambisa mashoko neruzivo ropa vadzizi ruzivo- vadzidzi vazhinji munyika havasati vave nemukana wekushandisa dandemutande- vadzidzi vobudirira muzvidzidzo zvavo- vanyori havanyanyi kubatsirika pazvinyorwa zvavo- hurukurwa dzezvedzidzo dzongoitwa padandemutande- dandemutande ropa vadzidzi usimbe hwekufunga- zvimwe zvidzidzo padandemutande hazvienderani nebumbiro redu- dandemutande ropota richishandiswa zvemisikanzwa nevadzidzi

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina kurungwa (1)Kuyerera kwepfungwa (1) Zvose (10) [30]

GONA CHIShona 4TG.indd 64 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 70: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

65

3. Ngatirungei mutauroMazitaumbiridzwaZvinangwaPanopera chidzidzo, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mazitaumbiridzwa kana magudziramukanwab) kutsanangura zvaanorevac) kuashandisa muzvirevo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine magudziramukanwa• chinyorwa chine mazitaumbiridzwa• zvitaitai zvine mazitaumbiridzwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa magudziramukanwa avanoziva.2. Vadzidzi vanoongorora magudziramukanwa ari pazvitaitai.3. Vadzidzi vanonzvera mazitaumbiridzwa kubva muchinyorwa.4. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita ongororo yemashandisirwe emazitaumbiridzwa.5. Mapoka odudzira mazitaumbiridzwa ari pazvitaitai.6. Mapoka anopira zvaawana.7. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzingapiwaa) dandemutande: Nzira dzemazuva ano dzekufambisa mashoko neruzivo kuchishandiswa

midziyo yakaita semakombiyuta nenharembozha.b) simukandikupwatse: Rume rakagwinya chaizvo.c) Mushambarichakwata: Munhu anokara zvekudya zvisati zvapera kugadzirirwa.d) Gezatidye: Munhu anopa zvakanyanya kana anonyengedza zvekare.e) chimedzanemburungwe: Munhu anongogamuchira chero zvaapiwa kana kuudzwa.f) Shambamuto: Munhu anoruta.g) shuramatongo: Chirwere chinouraya vanhu vakawanda.h) benyumundiro: Munhu anongwarira pakudya asi asingafariri basa.i) Garandichauya: Munhu anongovimbisa kuona mudiwa wake asi asingaendi kundomuona.j) Gundamusairiri: Munhu anotevera kana kutevedzera vamwe.

Cherechedzo: Dzimwe dudziro dzakasiyana-siyana dzinogona kugamuchirwa kana dzakanaka.

4. Ngatiumbei mutauroZvindoriZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududzira zvindorib) kupa mienzaniso yezviwedzeredzwa zvezvindoric) kuumba zvindori kubva kumazita nezvidudziramazitad) kuumba zvirevo nekushandisa zvindori

GONA CHIShona 4TG.indd 65 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 71: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

66

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zviwedzeredzwa zvezvindori

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoongorora mienzaniso yezvindori iri mumabhuku avo.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yemabudiro ezvindori.3. Ongororo yezviwedzeredzwa nemashandiro azvo.4. Mapoka anoita basa riri pazvitaitai rekuumba zvirevo.5. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvabuda mundima.6. Basa rekunyora.

Mhinduro dzinotarisirwaZvindori zvabuda zvingashandiswe muzvirevo:a) ndiyeb) ndimaic) ndezvimwed) ndiMuradzikwae) ndevanof) ndechangug) ndemunoh) ndimii) ndohwasekuruj) nderino

5. NgatinyoreiBatanidzo nepatsanuro yemazwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupatsanura mazwi pose panokodzerab) kubatanidza mazwi pose panokodzera

Zvombo zvingashandiswa• chinyorwa chine zvirevo zvine mazwi akakanganiswa kunyorwa• zvitaitai zvine zvirevo zvinoda kugadzirwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga rayiro iri mumabhuku avo.2. Mapoka anoongorora chinyorwa nekunyukura mazwi akaresva kunyorwa.3. Vadzidzi vanogadzira zvakaresvewa.4. Vadzidzi vari mumapoka avo, vanoedzesera kugadzira zviri pazvitaitai.5. Hurukuro yebasa remapoka.6. Basa rekunyora.

Zvirevo zvagadzirwaa) Zvose zvatave kudzidza tave kumora padandemutande.b) Midziyo yekushandisa padandemutande inodaidzira mari zhinji.

GONA CHIShona 4TG.indd 66 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 72: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

67

c) Zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvazara mumakombiyuta.d) Makore ano hazvichadi kutakura mirwi nemirwi yemawaro ekuverenga.e) Pane zvimwe zvidzidzo zvinoti netsei kuita kana musingashandisi dandemutande.f) Zviri kuitika munyika ino ndizvo zvimwe chete nezviri kunze kweino nyika.g) Mabumbiro ezvedzidzo anosiyana nyika nenyika.h) Varidzi vepfungwa mhenyu vave kugarobirwa zvinyorwa padandemutande.i) Zano moto, rinogokwa kwevamwe.j) Kuti udye, hunge washanda nemoyo wose.

6. Ngatishangazhikei pakunyoraKunyora nhetemboZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo akanaka enhetembob) kuunganidza pfungwa dzinoumba nhetembo dzavoc) kudavada mukati menhetembo

Zvombo zvingashandiswa• dzimwe mhando dzenhetembo• pfungwa dzevadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga mazano ari mumabhuku avo.2. Vadzidzi ngavapiwe mukana wekuunganidza pfungwa.3. Vadzidzi vanoita ongororo yemanyorerwo enhetembo kubva kune mamwe mabhuku.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yemanyorerwo enhetembo.5. Basa rekunyora.

7. NgatinyoreiTsamba yebasaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo etsamba yebasab) kupa matambudziko anosanganikwa nevadzidzi pakushandisa dandemutande rekufambisa

mashoko neruzivo pakudzidza kwavoc) kupa mazano ekuti matambudziko aya angaderedzwa sei

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rinoratidza makero etsamba yebasa• hokorodzwa yepfungwa dzevadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga rayiro dziri mumabhuku avo.2. Unganidzo yepfungwa mumapoka.3. Mapoka anopira pfungwa kuvadzidzi vose.4. Vadzidzi vanoita ongororo yezviri pabhambiri rine makero.

GONA CHIShona 4TG.indd 67 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 73: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

68

5. Hurukuro yemanyorerwo etsamba yebasa.6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.7. Mudzidzisi anoongorora mabudiro ekero dzevana.

Pfungwa dzingaburitswaMatambudziko acho• kushaya midziyo yekushandisa padandemutande• kudhura kunoita kugadzirisa michina kana yafa• kuparadzirwa tsika nedandemutande• kushaya nguva yekuzvifungira, vachingorarama nedandemutande• nezvimwewo

Mazano• kuwana rubatsiro rwemidziyo kubva kumasangano akazvimiririra• kupiwa rubatsiro nehurumende• kuzvishandira sematunhu, vanhu vachitenga midziyo yavo• nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 68 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 74: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

69

Chitsauko 13

Dzokororo yekutangaChikamu A: RondedzeroMhinduro dzinotarisirwa1. a) Nhema / manyepo zvinoputsa ukama.Munyori ngaatsanangure kuti nhema / manyepo chii sokuti: kutaura zvisina kuitika seune ruzivorwokuti zvakaitika uye unoziva pazvakaitikira. Kutaura uku kunogona kuva pamusoro peupenyuhwemumwe munhu, pezviitiko zvemunyika, chinhu kana nzvimbo. Mataurirwo azvo anengeachitendeseka kune vakateerera / vanozvinzwa.

Zvinoputsa ukama sei?- kurambanisana vakawanana / vanodanana- dzinoburitsisa vamwe mabasa.- dzinourayisa kana kurwarisa- dzinokonzera kutama kwehama- dzinorwisanisa hama- dzinoita kuti vanhu vasabatirana pamwe kana kuti vanotozokuvadzana, kuroyana, kusavimbana,

kusashanyirana, kuvengana.- dzinoparadza pfuma- kuurayana- nezvimwewo.

b) Usashora mbodza neinozvimbira.- ngaive nyaya imwe chete kwete tunyaya-nyaya- ngaiburitse zvinoreva tsumo iyi namazvo sokuti: munhu anotanga achishorwa nevanhu

kubudikidza nezvaari zvinenge zvichishoreka zvakaita seurombo, urema, uterera kana zvimwewo.Munhu uyu anopedzisira aita chimwe chinhu chikuru chinozoita kuti vanhu vamuyemure kanakumurumbidza kwekupedzisira.

Cherechedzo: Tukava tunyayanyaya kwenya kwa 25

c) N’anga ngadzibvumidzwe kurapawo muzvipatara. Unoti chii nazvo?

Anotsigira pfungwa yokuti ngadzibvumirwe angangoreva zvinhu zvakaita sezvizvi: - zvechivanhu zvinobva zvarapwawo ipapo semuenzaniso mamhepo, zvitsinga, buka, runyoka

mashavi nezvimwewo.- n’anga dzinobvawo dzaitawo utsanana.- mishonga yen’anga inenge yopimwawo.- pfungwa dzokurapa dzinopananwa pakati pavanachiremba nen’anga kana vanagodobori- varwere vanorerukirwa nokuti havazosweri vachitsvaga n’anga vabva kuzvipatara- muripo unovawo nemupimo wakaenzana- mishonga yen’anga inenge yonyorwa nezvayo, chihwande chapera.- n’anga hadzizofumuri-fumuri varwere.

GONA CHIShona 4TG.indd 69 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 75: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

70

Anopokana nepfungwa iyi angati:- hazvibudi pachena kuti ndiani arapa murwere- n’anga hadzizowani mari zhinji nokuti vanenge votemerwa mari yokubhadharisa- varwere vanozongova gandidzanwa pakati pen’anga nanachiremba- mishonga yen’anga inozofumuka nokunanikwa pachena- vemakereke havazoendi kuzvipatara zvirwere zvowanda- zvinonetsa kuziva kuti n’anga yechokwadi neyemanyepo ndeipi- hapazowanikwi dzimba dzokusevenzera dzakakwana dzen’anga sezvo iye zvino dziri shoma

d) Vanhu vaviri vachikakavadzana maererano nedzidzo. Ngaive hurukuro ine pfungwa dzineudzamu hunoita kuti vaviri vakakavadzane zvine njere.

Anotsigira- Ngaabudise kuti kuenderera mberi nedzidzo kwakanaka:- unogona kuzowana basa rakanaka- unova neruzivo rwakadzama- unova nechiremera- unokwanisa kuzozvisarudzira basa raunoda.

Anopikisa- zvinopedza mari pasina chaunozowana- kupedza nguva zvisina yamuro- unokurudzirwa kuwana pfuma- unokurudzirwa kuzvishandira- gwaro rechina ndiro rinodikanwa kupinda mabasa.

e) Nyora nyaya inotanga nemanzwi anoti, Pandakanzwa kurira kwemhere, ndakamhanyira panzendikawana pasina chakanaka...- ngapave nenyaya imwe chete- nyaya iyi ngaitange nemashoko akapiwa- ngapave nezvinotyisa kana zvinovhundutsa kana kuti zvakarema zvinobuda murungano urwu- ngaanyore pamusoro pezvaakaona iye netsanangudzo yaakazonzwa- nyaya iyi ngaienderere mberi iine ukama nematangiro ayo- ngaive nyaya inotendeseka

f) Mudzidzi ngaanyore kero mbiri: yake neyeKwayedzaCherechedzo: Mutsamba ngaatsanangure zvingaitwa kugadzirisa hupfumi hwenyika zvinosanganisira:- kumutsa mabasa- kupa rubatsiro kune vane ivhu- ZIMASSET(kuendereramberinekutsigirachirongwaichi)- kuchengeta zvicherwa- kutsvaka nzira dzokumisa nadzo huori / tsvete- kutumira vanhu kune dzimwe nyika votsvagirwa mabasa, humwe hupfumi huchidzoka munyika- kudyidzana nenyika dzekumadokero- nezvimwewo (50)

GONA CHIShona 4TG.indd 70 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 76: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

71

2. Nzwisiso nepfupisoMhinduro dzinotarisirwaa) Makavapeiko vana ava! (neimwewo inokodzera) (1)b) Vakomana kupfeka vachirembedza mabhurukwa, vasikana kupfeka zvihembe zvidiki uye

kusiya misana panze nekutsvodana pavanyarikani (3)c) Vanokwanisa kubatwa chibharo (1)d) Vana nekuti vakatora tsika isiri yavo ine mapfekeroasiwo (2)e) Tsananguro yemazwi:

(i) zvipika: zvipfeko zvomukati (2) (ii) vokandepi ruziso: votarisepi nokunyara (2)(iii) musvuuganda: kufamba vasina kupfeka zvakakwana (2) (iv) mozobatwa chibharo: chakamubvisisa umhandara (2) (v) unhu: tsika dzakanaka / dzinoyemurika (2)

f) Ndicho Chirungu here ichi chokupazai urozvi? (2) kusapfeka zvakanaka achifamba miviri iri panze (2)

g) PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa:- kutsvodana pamberi pavanyarikani- kupfeka mabhurugwa akaderedzwa pasi pasi vachisiya magadziko ari panze- vasikana vanofamba vakapfeka zvinosiya miviri pazhe- vanoona vanoshaya pakupinda nenyadzi- Susan akabatwa chibharo nokusapfeka zvakanaka- Reuben akatiza abata, Susan chibharo- zvose zviri kusakiswa nokutevedzera tsika yeChirungu- ngavave vanhu vane tsika dzakanaka

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Pfungwa dzinoyerera (1)Zvose (10) [30]

Bepa rechipiriChikamu chekutangaZvirungamutauro nemisambo yemutauro1. Tsumoa) Kuzadzisa tsumo:

(i) Chakupa ronda chati nhunzi dzikudye. (2)(ii) Pabva zino rave vende / panosara vende. (2)(iii) Totenda dzamwa dzaswera nebenzi. (2)

b) Tsumo dzinoreva zvakafanana:(i) Aiva madziva ava mazambuko: Chinokura chinokotama musoro wegudo chava

chinokoro. (2)

GONA CHIShona 4TG.indd 71 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 77: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

72

(ii) Mbudzi kudya mufenje hufana nyina: Nhiyo kuenda kudzani huona amai. (2)(iii) Kurera nhiriri mumurara mangwana inofuma yokuruma: Kurera imbwa nomukaka

mangwanainofuma yokuruma. (2)

(v) Gengezha mukombe hazvienzani nokunwa nedemhe: Chembere mukadzi hazvienzaninokuraramugota./Anegandaanenyamahazvienzanineasina. (2)

2. Madimikiraa) Munesu akanga ava kupinda nomwenje mudziva paakarova amai vake. (1)b) Mukadzi zvaakaona kuti murume ave kudya moto akabva anyarara zvake. (1)c) Mazwi awataura andiomesa mate mukanwa. (1)d) Chitomborashwe chikakubaya unobva wanzwa parere mwoyo. (1)e) Cuthbert akadzingwa chikoro nekuti aive noruoko. (1)

3. Nyaudzosingwibwa: kubuda (1) ziro: kunyarara (1) ndo-o: kusviba (1) vai: kupenya (1) rabu: kurara (1) piriviri: kutsvuka (1) genen’ene: kujeka (1) godi: kugara (1)

4. FananidzoMhinduro:a) Rega kudyira kufa senguruve. (1)b) Tapiwaakafiramafufusegonzo. (1)c) Chitunha chacho chainhuwa sechidembo. (1)d) John ane mahobi segudo. (1)e) Susana akasviba setsubvu /sedzito. (1)f) Mvura yacho yaive yakatsvuka seropa. (1)

5. Enzanisoa) Tobias pakumhanya imhepo chaiyo.(1)b) Kana zviri zverunako musikana uyu izuva chairo. (1)c) Vana ava pakukwata imbwa chaidzo. (1)d) Meno kuchena kani, mukaka chaiwo! (1)e) Varume ipwere chaidzo dzisinga nete kurezviwa. (1) (5)

6. Misamboa) Chiramu (2)b) Nhaurirano ngaipe mazita nemashoko ayo (8)

Chikamu chechipiriDudziramutauroMhinduro dzingangopihwa nevadzidzi1. a) /mu-/ mupanda 1 chivakashure chezita rinoreva munhu mumwe chete.

/mu-/ mupanda 3 chivakashure chezita rinoreva chinhu chakarebenuka sokuti: muti, mugwagwa, munda.Anesungawiriranodzakasiyana/a-/na-/u-/. (2)

GONA CHIShona 4TG.indd 72 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 78: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

73

b) /va-/ mupanda 2 uzhinji hwemupanda 1. /va-/ mupanda 2a chivakashure chemazita anoratidza rukudzo.

/va-/ yemupanda 2 inotaurwa neizwi rakadzikira) asi /va-/ yemupanda 2a ine izwi rakakwirira. (2)c) /ku-/ mupanda 15 chivakashure chemazita anobva muzviito. /ku-/ mupanda 17 chivakashure

chemazita anoratidza nzvimbo. (2)d) Mupanda 17a une chivakashure chemazita anoreva nzvimbo asi asina chivakashure chinoonekwa.

17 mupanda wemazita anoreva nzvimbo asi aine chivakashure chinoonekwa /ku-/ .(2)e) garwe, bere, zongororo: mazwi aya

- Anesungawiriranoyakafananainove/ri-/- Anobvamuushomakuendamuuzhinjizvakafanana.- Anechivakashurechakafanana/ri-/ (1½)

f) basa, gumbo, mombe haasi mumupanda mumwe chete nokuti:- Anesungawiriranodzakasayinai/a-//ri-//i-/- Anorevazvakasiyana- Anobvamuushomakuendamuuzhinjizvakasiyanaievanababa,makumbo,mombe.(1½)

2. Vadzidzi vanofanira kushandisa izwi kamwe chete kwete kudarika.Zvingaitwe ndeizvi:- murume mutema / muchena- mombe mbiri / nhatu- masango mavi- shumba nhatu / mbiri- rutsanga rurefu /rutsvuku- mwedzi muchena- gaba guru- ruvara rutsvuku (4)

b) Mutsauko pakati pemazita nezvipauro:- Mazita ane mipanda yawo 1-21 asi zvipauro hazvina .- Zita izita rechinhu chese chese asi chipauro chinopa rupawo kumazita chichiadudzira.- Dzitsi rezita rega rega harigone kutora zvivakashure zvemipanda yose asi dzitsi rechipauro

rinogona kuita izvi. (2)

(i) Madzitsi ezvipauro emipanda 5, 9 ne10 haana zvivakashure asi kana ari mazita anogona kuitachivakashure chemupanda 10 sokuti: /dzimba/. (2)

(ii) Madzitsi emazita akawanda mubumbiro remazwi eChiShona kudarika madzitsi ezvipauroanotoverengeka nokuti mashoma samare. (2)

(iii) Tinogona kuumba zviito kubva muzvipauro zvizhinji sokuti: chena – chenesa asi hatigonekudaro nemazita. (2)

GONA CHIShona 4TG.indd 73 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 79: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

74

3. a) zvisazitasingwi zviratidzi zvepedyo ini iwe ichi ava

ipo itwo iri isu umu

Zviratidzi zvekureumo iyo ako icho pazwi riri muchikwata chakakodzera /icho/na iyo /anogona kuenda kuzvisazitasingwi (6)

b) Maumbirwo Zvisazitasingwi

i-ni kana i - + - ni i-we kana i - + -we i – p-o kana i- + -p-+ -o i – tw-o kana I -+ -tw- + -o Zviratidzi zvepedyo i-chi kana i-+-chi

u- mu kana u- +-muZviratidzi zvekure

u-m- o kana u-+-m-+-o a –k-o kana a-+-k-+-o (6)

4. a) Zvisazitasingwi Zvirevauwandu imo wese itwo zvomene

Zviratidzi Zviverengo aka kamwe

izvi zvii (4)

b) ZvisazitasingwiChitsigisi + Chiratidzabato (mupanda) + -oi - + - m - + -o i - + - w - + -o

Zviratidzi Chitsigisi + Chitaridzabato (chechiratidzi) / chiiswa chechiratidzi

i- + - zvi a - + -ka

ZvirevauwanduChivakashure chechirevauwandu + Nzvovera inoshanduka (-o/-e) + dzitsi rechirevauwandu

w - + - e- + - se zv - + -o- + -mene

ZviverengoChivakashure chechiverengo + Dzitsi rechiverengo

ka - + - mwe zvi - + -i (6)

GONA CHIShona 4TG.indd 74 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 80: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

75

5. Mhinduro – Zvindoria) inzou ndimambo idemo

murume zasi mwana nderiya / iriva ndaavo ndiwe ndezvenyika ndiani ndiZvenyika (6)

b) Mambo naZvenyika mazita emumupanda 1(a) saka kuti ave zvindori anovakwa nokushandisachivakashure /ndi-/. (Tinogona kuchipawo zita rokuti, chiwedzerwa chechindori /ndi- /) sokuti:ndi- + - mambo > ndimambo

ndi- + - Zvenyika > ndiZvenyika. ‘Iwe’ na ‘ani’ zvisazita zvinovakwawo kuve zvindori nokushandisa /ndi - / :sokuti:

ndi - + - we > ndiwe.ndi - + - ani > ndiani.

Murume, mwana, zasi,: Tinoumba zvindori kubva pamazita aya nokusimudza izwi pakudaidzira zvivakashure zvemazvita acho.

sokuti: murume, mwana, zasi.

Nzou izita rinowanikwa mumupanda 9 kana 10, demo rinowanikwa mumupanda 5. Mazita ose omumipanda 5, 9 ne 10 anovakwa kuve zvindori nokushandisa /i-/ sokuti: inzou, idemo

Izwi rokuti ‘avo’ chiratidzi uye ‘zvenyika’ chirevamwene. Zviratidzi nezvirevamwene zvinovakwa kuvezvindori nokushandisa /nda-/ kana /nde-/

sokuti: ndaavo, ndezvenyika (4)

GONA CHIShona 4TG.indd 75 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 81: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

76

Chitsauko 14

Kuyaruka kwemwana Kuwanana

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kutsanangura mayarukiro emwanakomana nemwanasikanab) kupatsanangudzodzemapfimbiroemukomanaanosvitsakuwananoc) kurondorodza maitirwo etsvakurudzo inoburitsa shanduko pawananod) kupa tsumo dzinogona kupa dzidziso kuvanhue) kupira mashoko nemisambo yakakodzeraf) kudzumbunura midzi yezviito pazviito zvapiwag) kutsanangura manyorerwo erondedzero yegakava

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvinongo pakukura kwemwanakomana nemwanasikanab) kutsanangura nzira dzekuwanana dzakasiyana-siyanac) kududzira shanduko yavepo makore ano pawanananod) kupa zvikonzero zveshanduko idzi

Zvombo zvingashandiswa• mukokwa anoziva nezvetsika yekuwanana• nharembozha kana makombiyuta

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Panotorwa vamwe vadzidzi vechidiki semucherechedzo wekuyaruka kwevana.3. Mudzidzisi anopa mukokwa mukana wekuti atsanangurire vadzidzi nezvetsika yekuwanana.4. Vadzidzi vanopiwa mukana wekubvunzurudza mukokwa kuitira kunyatsonzwisisa kwavo.5. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoongorora nzira dzekuwanana dzaveko mazuva ano.6. Mapoka anopira zviwanikwa pahurukuro.7. Vadzidzi vanoita hurukuro maererano nezvawanikwa.8. Vadzidzi vanopiwa basa retsvakurudzo maererano nezvewanano mumakombiyuta kana

panharembozha.

2. NgativerengeiKuwananaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyukura mazwi matsva kubva mundimab) kutsanangura zvinoreva mazwi matsva kubva mundimac) kujekesa matanho anotorwa nemukomana ave kuda kuwanad) kutsanangura zvinoitwa nemusikana ave kuda kuwanikwae) kujekesa shanduko dzavepo pawanano

GONA CHIShona 4TG.indd 76 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 82: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

77

f) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvoZvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mifananidzo inoratidza vanhu vari kuwanana vachishandisa ndira dzakasiyana-

siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yemifananidzo inoratidza vanhu vari kushandisa nzira dzakasiyana2. siyana pakuwanana iri pabhambiri.3. Vadzidzi vanokurukura nepapfupi mafambisirwo egwara rewanano.4. Vadzidzi vanorava ndima yenzwisiso yose.5. Vadzidzi vanonyukura mazwi matsva nekuatsanangura.6. Vadzidzi vanonyora mhinduro dzenzwisiso nepfupiso mumwe nemuwe ari pake ega.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Chinoratidza kuti mwanakomana ayaruka kufambira vasikana mumamana. (1)2. Vaigona kubatsira mukomana kupira nyaya yake yekuwana mukoma wake, babamunini kana

sekuru vake. (1)3. Baba vemukomana vanenge vasingafariri kuti aroore nekuda kwekuteta kubvisa pfuma. (1)4. Zvinoreva mazwi:

a) munhu akapusa: dziutsiu (1)b) vanhu vakwegura: vatana (1)

5. Zvipeto zvataurwa zvinoti makandinzwanani nevhuramuromo. (2)6. Vanoshaya rayiro yakakwana kana kuti inyaya dzekuuya kwedandemutande reruzivo. (1)7. Zvinoreva ndevo:

a) sheshe dziri kutemwa dzinopfachukira: vasikana vechidiki vachakagwinya(2)b) atsika mutsvanzva: ave jaya rokwanisa kuwana (2)c) sadza rine bvute: sadza rapakurwa rakawandisa (2)d) nzwirapamuviri tsvimbo yarove dapi: kuzongokaruka munhu atove mukati

medambudziko (2)e) voita mutangatsapi: votanga nekupana nhumbu vasati vawanana (2)

8. Vadzidzivanopapfungwadzavomaereranonekutikupfimbanakuchirikuitwaherevotsigirapfungwa dzavapa zvizere. (2)

9. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa:- mwanakomana anotanga kufambira vasikana kana ayaruka- vakomana vemazuva ano havachateti kutora chero mazera evakadzi- mukomana anopira nyaya yewananao nekuvakuru vake- shoko rewanano rinogona kuunza makakatanwa anozopera hawo- baba vemukomana kutya kubhadhara roora- vasikana vazhinji vave kuwanikwa vachiri vadiki- kuvepo kwenharembozha nedandemutande kwoita kuti vana vawanane vachiri pwere- matanho epakuwanana haachanyanyi kutevedzwa

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7) Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa mupfupiso (1)Zvose (10) [30]

GONA CHIShona 4TG.indd 77 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 83: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

78

3. Ngatirungei mutauroDzidziso dzinobva mutsumoZvinangwa• Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:• kududzira tsumo dzine chitsama• kuruka chidzidzo kubva kutsumo dzine chitsama

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine tsumo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanodoma tsumo dzavanoziva.2. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yezvinoreva tsumo dzavadoma.3. Mudzidzisi anopa enzaniso yechidzidzo kubva mutsumo imwe chete kana mbiri pane dzadomwa.4. Vadzidzi vanokurukura nezvetsumo dziri pazvitaitai, vari mumapoka, vachibuditsa dzidziso

inobva5. patsumo idzi.6. Vadzidzi vanoita ongororo yezvabuda mumapoka, vachitungamirirwa nemudzidzisi.7. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Dzidziso ndeyekuti mwanakomana ndiye anozvara vana vanokudza dzinza, musikana anondozvara

nekukudza rimwe dzinza.b) Inodzidzisa kuti kana munhu achida kubatsirikana kubva kune anazvo, anotoita zvekunyengerera

anazvo kuitira kuti azviwane.c) Itsumoinodzidzisakutimwanasikanaanogonakupfimbwacheroneuyoanengeanzwakumuda

panguva ipi zvayo.d) Chidzidzo ndechekuti avo vakambopinda mukati mechiitiko vane tsananguro kana dzidzo iri

nani yechiitiko ichocho kudarika vasina.e) Kudzidzisa kuti vapokani vose kazhinji vanozongopedzisira vagadzirisana nekuwirirana.f) Inodzidzisa kuti mashoko akadzama haangosvitswi kuvakuru nemuridzi wawo, asi kuti

anototendererawo nemumwe kuti areruke kusvitsa.g) Itsumo inodzidzisa kuti zvinhu zvinopota zvichishanduka nekufamba kwenguva.h) Inodzidzisa kuti zvose zvinogozha kuita zvinoda mukomberanwa pane kuti munhu mumwe

aedze kuzviita ari oga.i) Dzidziso inobuda kuti uyo anoda chimwe chinhu kumunhu anoita zvekunyengerera, kana

achiwana haachanyengereri munhu uya.j) Itsumo inodzidzisa kuti chiitiko chidiki chakaipa chikarerwa chinogona kuzoguma chokonzera

tsekwende.

4. Ngatirungei mutauroMusambo wekupira mashokoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududza misambo yemitauro yakasiyana-siyanab) kujekesa mazera evanhu anoenderana nemisambo yakasiyanac) kunyora zvindima zvinoburitsa misambo yemashoko angapirwa kumazera evanhu akasiyana-

siyana

GONA CHIShona 4TG.indd 78 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 84: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

79

Zvombo zvingashandiswa• chinyorwa chinoburitsa misambo• zvindima zvevadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa chinobuditsa misambo yakasiyana-siyana.2. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanonyukura misambo yemutauro.3. Mapoka anonyora zvindima zvemisambo voverengerana.4. Vachitungamirirwa nemudzidzisi vadzidzi vanoita hurukuro pachiongororwa mabudiro aita

misambo pabasa revadzidzi.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Ndima ngairatidze mwanasikana achishandisa chinyarikani kuna baba vake.b) Mukwasha naambuya ngavabude vachishandisa chinyarikani chizere.c) Mushandi ngaaratidze kuzvininipisa pamushandirwi wake.d) Mukomana anotarisirwa kushandisa rurimi rwakasununguka kuna sekuru vake asi rune rukudzo.e) Musikana ngaave akasununguka kuudza tete vake mashoko emukomana wake.

5. Ngatiumbei mutauroMidzi yezviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mienzaniso yezviitob) kuratidza chivakashure chechiito nevara rekupedzisira rechiitoc) kuratidza mavara anoumba mudzi wechiito

Zvombo zvingashandiswa • chinyorwa chine zviito• zvitaitai zvine midzi yezviito

Maitirwo echidzidzo1. Murairidzi anoparura chidzidzo opamienzaniso yezviito.2. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa nekubura zviito.3. Mudzidzisi anoratidza vadzidzi maumbirwo echiito.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoratidza midzi yezviito zviri pazvitaitai.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa Chiito Mudzi wechiitoa) kuyaruka - yaruk-b) kuita - it-c) vanobva - bv- / ibv- d) dzinonanga - nang-e) kurizha - rizh-f) kupa - p- g) musandizeza - zez-h) kupinda - pind-

GONA CHIShona 4TG.indd 79 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 85: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

80

i) fambiswa - famb-j) kudzidza - dzidz- k) kurayira - ray- l) varambwa - ramb- m) zvinokoka - kok- n) kuseka - sek-o) kunzwanana - nzw-

6. NgatinyoreiRondedzero: Zvakanaka nezvakaipira wanano yemazuva anoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kubura pfungwa dzinotsigira musoro wenyayab) kududza pfungwa dzinopikisa musoro wenyayac) kuburitsa hurongwa hwakakodzera hwerondedzero

Zvombo zvingashandiswa• hokorodzwa yepfungwa dzevadzidzi• rondedzero dzakanyorwa nevamwe vadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yezvinodiwa nemusoro werondedzero.2. Panoitwa unganidzo yepfungwa nemudzidzi oga oga.3. Panoitwa hokorodzwa yepfungwa kubva mugakavadzano.4. Hurukuro yemanyorerwo erondedzero iyi.5. Kunyorwa kwerondedzero.

Pfungwa dzingabuda kubva kuvadzidziTsigiro: Zvakanakira wanano yemazuva ano- vawanani vanenge vaine rudo rwuzere rwusiri rwekunongedzerwa- vawanani vanotorana vaita tsvakurudzo izere pane umwe neumwe- zvave nyore kufambisa mashoko erudo negadziriro yewanano padandemutande, nharembozha- netsambambozha- vawanani vogona kutorana chero vemarudzi akasiyana pane vematongo- vawanani votorana vanowadzana paumhizha nemabasa- nezvimwewo zvingaburitswa nevadzidzi

Pikiso: Zvakaipira wanano yemazuva ano- wanano yave kugona kuitwa nepwere dzisina ruzivo pakumisa imba- kazhinji wanano haigari kwenguva refu nekuda kweruchiva rwunobva mukupwereka- vanokodzera kupa mazano vave nenguva nemukana mushoma wekurayira- vawanani vongotorana nevechirudzi pasina ruzivo rwakadzama rwehwaro hweupenyu hwavo- kuwanana nevekure kwokanganisa dyidzano pamhuri dzevawanani- dandemutande, nharembozha netsambambozha zvouraya wanano- nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 80 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 86: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

81

Chitsauko 15

KurimaChimuko pakurima maruva nemichero

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kudoma marudzi akasiyana-siyana emaruvab) kuziva marimirwo emaruvac) kutsanangura mhando dzemichero inorimwa munyika ino yeZimbabwed) kudzumbunura madimikira netsanangudzo dzawoe) kuziva midzi nerebeso kana vanduriro zvezviitof) kuziva mhosho pamanyorero nemagadzirirwo adzog) kuita tsvakurudzo yemusoro unenge wapiwa

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mhando dzemaruva dzakasiyana-siyanab) kudonongodza michero yemarudzi akasiyana-siyanac) kutsanangura marimirwo emaruva nemichero

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yemaruva nemichero• mhando dzemaruva nemichero• dandemutande reruzivo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yemifananidzo yemichero nemaruva.2. Vadzidzi vanobata nekuongorora maruva nemichero.3. Vadzidzi ngavapinde mumapoka vopiwa zvekukurukura zviri mumabhuku avo.4. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yezvabuda muhurukuro padandemutande reruzivo.5. Mapoka anopira zvawanikwa zveongororwa nekirasi yose.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura makoshero emaruva kuvanhu nenharaundab) kudoma chimuko chemaruwa kuvarimi vemaruvac) kujekesa kukosha kwekurima micherod) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• maruva akasiyana-siyana• mhando dzemichero dzakasiyana-siyana

GONA CHIShona 4TG.indd 81 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 87: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

82

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yemaruva nemichero.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yekukosha kwemaruva nemichero munyika nemunharaunda.3. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvabuda mundima yenzwisiso.5. Vadzidzi vanonyora mhinduro dzenzwisiso.

Mhinduro dzingatarisirwa1. Mvura inonaya zvakanaka uye nguva refu yekuve nezuva. (1)2. Maruva anowanikwa pamakwenzi kana miti mihombe (Chero mhinduro imwe yapiwa) (1)3. Kamunhuhwi kanotapira kanobva mumaruva. (1) 4. Mumaruva munobva muto unogadziriswa uchi nenyuchi uhwo hunotengeswa nevarimi uye

mamwe marudzi emaruva anotengeswa achipa varimi mari yakawanda. (2)5. Pose panoitwa gungano remafidyongo, vanhu vanoshongedza nzvimbo iyoyo nemaruva. (2)6. Vashandi vemubindu remuchero vanenge vachikohwa michero kana kuriritira miti yemichero.

(1)7. Ndevo dzinowirirana netsananguro:

a) mutambo kuti unakidze: mutambo upfumbire (2)b) mari yakawanda chose: mari ine bvute (2)c) vanhu vazhinji kwazvo: mavhu nemarara (2)d) anenge afa: anenge apurura (2)e) nzvimbo yekurima yakakura: ziendanakuenda (2)

8. Vadzidzisi ngavape pfungwa dzavo, mudzidzisi gamuchirai pfungwa yakatsigirwa zvizere. (2) 9. PfupisoPfungwa huru dzingatarisirwa kubuditswa:- maruva anoyevedza vanhu- varimi vanowana uchi kubva kumaruva- mishonga yasiyana-siyana inobva mumaruva- maruva anotengeswa varimi vowana mari- michero inopa utano kuvanhu uye nemari- mabasa anowanikwa kubva mukurima michero- miti yemichero inochengetedza nharaunda nezvipuka- maruva anoshongedza nzvimbo

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7) Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroMadimikiraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma madimikira ane chitsamab) kududzira zvinoreva madimikira ane chitsamac) kupa madimikira kududziro dzakapiwa

GONA CHIShona 4TG.indd 82 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 88: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

83

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine madimikira• dudziro dzemadimikira pazvitaitai

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa madimikira avanoziva.2. Vari pamwe chete, vadzidzi vanokurukura zvinoreva madimikira adomwa.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanodudzira madimikira ari pazvitaitai.4. Mumapoka avo, vadzidzi vanopa madimikira anoenderana nedudziro dzakapiwa.5. Mapoka anopakurirana zvaawana.6. Vadzidzi vanoita basa rekunyora mumwe nemumwe ari pake ega.7. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzingatarisirwaa) Kusada kuteerera zvinotaurwa nevamwe: Kuisa zvitanda munzeve.b) Kugarika zvakanyanya: Kupura nyemba nemusana.c) Kuwirirana pakutaurirana: Kuseverana mumatama.d) Kushinga kuita zvakaoma: Kurovera moyo kudombo.e) Kutara guva remufi: Kutema rukarwa.f) Kuenda munhu asingandodzoki: Kuita museve waenda neuma.g) Kuita munyama mukuru: Kushamba pakashamba bveni / imbwa.h) Kupa vamwe mazano: Kubayira zani.i) Kuzvitsvagira dambudziko: Kuzvigokera moto muziso.j) Kushanda kwavatezvara kuti upiwe mukadzi: Kutema ugariri.k) Kudzadzarika: Kutsika matama enzira

4. Ngatiumbei mutauroRebeso dzezviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza mudzi wechiitob) kuvandurira mudzi wechiitoc) kupa enzaniso nemazita erebeso dzezviito

Zvombo zvingashandiswa• chinyorwa chine zviito zvakarebeswa• zvitaitai zvine rebeso dzezviito

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzi anotsanangura rebeso dzezviito.2. Murairidzi anopa enzaniso yezviito zvakarebeswa.3. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa nekunyukura zviito zvakarebeswa.4. Mapoka achaongorora zviito nemidzi yakarebeswa pachinyorwa.5. Mapoka achadoma rebeso pazvitaitai.6. Mapoka anopira zvaawana vadzidzi vonyora nhongeredzwa.7. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzingatarisirwa Chiito Mudzi Rebeso Zita Rerebesoa) kufambisa - famb - - is - rebeso yenyanyiso / yekonzerob) nyoreka - nyor - - ek - rebeso yezvinogona kuitika

GONA CHIShona 4TG.indd 83 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 89: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

84

c) taurwa - taur - - w - rebeso yekuitwad) kuzivisa - ziv - - is - rebeso yenyanyiso/ yekonzeroe) kukundwa - kund - - w - rebeso yekuitwa f) gonesa - gon - - es - rebeso yenyanyiso/ yekonzero g) kurumika - rum - - ik - rebeso yezvinogona kuitikah) dzidzwa - dzidz - - w - rebeso yekuitwai) bayiwa - bay - - iw- rebeso yekuitwaj) kurovera - rov - - er - rebeso yekuitira

5. NgatinyoreiMhosho pamanyoreroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvikwenya nenyora zvinoshandiswa pakunyora zvakanakab) kugadzirisa pakaresvwa kunyorwa muzvirevo zvakapiwa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvikwenya nenyora• zvirevo zvinoda gadziro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanodoma zvikwenya zvinoshandiswa pakunyora.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yemashandisirwo ezvikwenya zvinoshandiswa pakunyora.3. Vadzidzi vanoita basa rezvirevo zviri pazvitaitai vari mumapoka avo.4. Vadzidzi vanoita ongororo yebasa remapoka.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.6. Vadzidzi vanoita dzokororo yebasa ranyorwa vachitungamirirwa nemudzidzisi.

Manyorero anotarisirwaa) Angola,ZimbabweneMalawiinyikadzirikuchamhembekweAfrica.b) Gladys musikana anofarira kurima maruva.c) Michero mizhinji yemusango inopa utano kuvanhu nemhuka dzesango.d) “Handidi vana vasinganditeereri,” vakadaro mudzidzisi mai Moyo kuvana vavo.e) Ndiye watakaona kuHarare ari mudutavanhu reKumboedza raienda kuGokwe.f) Tinowana mari yakawanda kana tatengesa michero kunze kwenyika.g) Vafirwavanotsvetamaruvapamusoropeguvaremufi.h) Miti mizhinji inobatsira kuchenesa mweya watinofema.i) Mhanya! Hokoyo nembwa iyo! Unorumwa!j) Kana pari pamuchato, vanhu vanotakura maruva kufadza vachati.

6. NgatitsvakurudzeiMuchero wandinofariraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:1. kujekesa marimirwo emuchero wavanofarira2. kutsanangura zvinoitwa pakuriritira nekukohwa muchero wavanofarira3. kudoma machengeterwo egoho remuchero wavanofarira4. kuratidza chimuko chinobuda pakurima muchero uyu

GONA CHIShona 4TG.indd 84 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 90: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

85

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yemichero yasarudzwa• michero yasarudzwa• dandemutande reruzivo• magwaro anotaura nezvemichero

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanodoma michero iri pamifananidzo kana michero yacho votsanangura nezvayo.2. Rayiro yemurairidzi yemaitirwo etsvakurudzo.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yematanho etsvakurudzo kubva padandemutande reruzivo.4. Basa retsvakurudzo rinoitwa vadzidzi vachishandisa dandemutande reruzivo kana magwaro

anotaura5. nezvemichero.6. Vadzidzi vanopira zvawanikwa mutsvakurudzo dzavo.7. Murairidzi ngaakwenye nekuyera tsvakurudzo dzevadzidzi achipa mikoho.8. Tsvakurudzo dzabuda zvakanaka ngadziyanikwe pachidziro dzibatsire vamwe vadzidzi.

GONA CHIShona 4TG.indd 85 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 91: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

86

Chitsauko 16

NdufuRufu rwamambo

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kuziva mazivisirwo erufu rwamambob) kugona kutsanangura zvikonzero zvekusapembedza rufu rwamamboc) kuziva mavigirwo emutumbi wamambod) kuziva mashandiro efananidzo neenzaniso mumutauroe) kuziva dzimwe rebeso dzezviito

1. NgatikurukureiZvinangwaa) Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:b) kuburitsa zvinoitwa pakuzivisa nezverufu rwamamboc) kujekesa matanho anotorwa pakuvigwa kwemutumbi wamambod) kupa zvikonzero zvekusashambadzira rufu rwamambo

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo inoratidza ninga• midziyo yakaita sehwamanda kana ngoma kana mifananidzo yazvo

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopira chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanopiwa basa rekukurukura mumapoka avo.3. Mapoka anopira zvaabura muhurukuro dzawo.4. Ongororo yezvabuda mumapoka.5. Cherechedzo yemifananidzo nemidziyo iripo.

2. NgativerengeiRufu rwamamboZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mavigirwo aiitwa mambo pasichigareb) kupa mutsauko wavepo pamavigirwo amambo nhasi uno nekarec) kupa mhinduro dzakakodzera kumibvunzo yenzwisisod) kuita pfupiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• mukokwa – vanaSorojena• midziyo inoshandiswa pakuzivisa rufu rwamambo kana mifananidzo yayo

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopa mukokwa mukana wekutsanangurira vadzidzi nezvemavigirwo amambo.2. Vadzidzi vanopiwa mukana wekubvunza zvimwe zvavangade kuziva pamusoro pekuvigwa

kwamambo.

GONA CHIShona 4TG.indd 86 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 92: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

87

3. Vadzidzi vanoverenga ndima yose.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanonoita hurukuro yezvabuda mundima.5. Vadzidzi vanoita ongororo yemidziyo inshandiswa pakuzivisa rufu rwamambo.6. Vadzidzi vanononyora basa renzwisiso kumba.

Mhinduro dzingatarisirwa1. Makurukota epedyo ndiwo aisengudza mambo varwara. (1)2. Kutongwa kwemhosva huru nemachinda, kunyanya dzinoda mambo. (1)3. Waigonakuomeswanekusasikakanakuzorwamishongainoomesa.(2)4. Nekuti ndidzo dzinochengeterwa mitumbi yemadzimambo edunhu. (1)5. Zvikonzero ndezvinoti, sarudzo yamambo vatsva yave kuitwa pachena pasina kurwisana uye

mudzviti ave kutanga aita tsvakurudzo yekodzero yemunhu kugara umambo. (2)6. Veruzhinji vaigona kuziva kuti mambo akafa nekuda kwemuririro wehwamanda mambakwedza

kana mwoto wemavivi waitungidzwa panzvimbo yakakwirira (2)7. tsvusabanya (1)8. Zvinoreva mazwi:

a) vave hari dzofanzirofa: munhu akwegura zvakanyanya (2)b) vari kumhepo: vadzimu (2)c) huku yakarinda guyo: chipfuyo chaibviswa neuyo aitarisira kuzogara umambo (2)d) kumera chakuvhu: kuratidza kuparara (2)e) husingadi mangoromera: husiri hwekurwira (2)

9. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa:- mambo arwara aitakurwa kuendeswa kunze kwemusha- vakuru vaiziva nezvekurwara kwamambo nekumushaiwa pamatare makuru- mambo afa, chitunha chake chaiomeswa chisati chaiswa muninga- svikiro redunhu raisarudza aitevera paumambo- muzukuru mukuru ndiye aichengeta zvombo zvamambo- veruzhinji vaizoziviswa nezverufu rwamambo atovigwa- mazuva ano rufu rwamambo rwoziviswa pachena

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Pfungwa dzinoyerera (1)Mutauro usina zvirungautauro (1)Zvose (10) 3. Ngatirungei mutauroFananidzo neenzanisoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mienzaniso ine chitsama yefananidzo neenzanisob) kutsanangura fananidzo neenzanisoc) kushandisa fananidzo neenzaniso mukunyora

Zvombo zvingashandiswa• chinyorwa chine fananidzo neenzaniso• zvitaitai zvine mibvunzo yefananidzo / enzanisoMaitirwo echidzidzo

GONA CHIShona 4TG.indd 87 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 93: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

88

1. Murairidzi anopa mienzaniso yefananidzo neenzaniso.2. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa nekunyukura fananidzo neenzaniso.3. Hurukuro yemashandisirwo azvo mumutauro.4. Vadzidzi vanonyora basa rezadzikiso riri mumabhuku avo ekuverenga.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzingatarisirwaa) (i) segunguwo

(ii) semukonikoni / sembwa nzvere(iii) kunge gavakava / kunge mhiripiri(iv) sebere(v) kunge tsubvu yaibva / kunge tsito

b) (i) ingirozi(ii) itsuro(iii) imvumba(iv) ibere(v) itwiza

4. Ngatishandisei mutauroVanduriro – rebeso dzezviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa dzimwe mhando dzerebeso / vanduriro dzezviitob) kutsanagura zvinoreva rebeso idzic) kunyukura zviito zvakarebeswa muzvirevo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zviito zvakarebeswa• bhambiri rine zvirevo zvine zviito zvakarebeswa

Maitirwo echidzidzo1. Mharidzo yemurairidzi maererano nedzimwe mhando dzerebeso dzezviito.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yezviito zvakarebeswa zviri pazvitaitai.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanonyukura zviito nekupa rebeso kubva pazvirevo zviri

pabhambiri..4. Ongororo yebasa remapoka.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzingatarisirwaa) akadzokorora - oror – ( rebeso yedzokororo )b) rekumononora - onor - ( rebeso yenhendeshure / yepfumvunuro)c) akavareverera - erer - ( rebeso yemherevedzo)d) kundisetsa - ts - ( rebeso yekonzero)e) uchidyiwa -iw - (rebeso yekuitwa)f) unotambika - ik - ( rebeso yezvinogona kuitika)g) muchitukana - an - ( rebeso yekuitirana)h) rekudyarurura - urur - (rebeso yedzokororo)i) kuchekerera - erer - ( rebeso yemherevedzo) j) mapedza - dz - ( rebeso yesakiso)

GONA CHIShona 4TG.indd 88 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 94: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

89

k) akamhanyisa - is - ( rebeso yenyanyiso)l) vachaimbira - ir - ( rebeso yekuitira)m) nderekubatana - an - ( rebeso yekuitirana)n) vachifambidzana - idz - ( yekonzero), - an – ( yekuitirana)o) vakarovanisanwa - an – (yekuitirana), - is- (yekonzero), - an – (yekuitirana),

-w - (rebeso yekuitwa)

5. Musambo wemutauroNhoroondo parufu rwamamboZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuburitsa misambo yemutauro inoshandiswa pakupa nhorondo parufub) kunyora nhoroondo dzine mutauro unokodzerana nemazera evanhu vanopa nhoroondo

Zvombo zvingashandiswa• nhoroondo dzevadzidzi• muenzaniso wemurairidzi

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopira chidzidzo kuvadzidzi.2. Panoverengwa muenzaniso wenhoroondo yapiwa nemudzidzisi.3. Vadzidzi vanopawo nhoroondo dzavo.4. Vadzidzi vanonyora basa renhoroondo.5. Vadzidzi vanopira basa ravo.6. Hurukuro yebasa revadzidzi.

6. NgatinyoreiRondedzero: Zuva rakavigwa mambo weduZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuunganidza pfungwa dzinobatsira parondedzero iyib) kunyora rondedzero ine mutauro wakapfumac) kuratidza chimiro chakanaka cherondedzero iyi

Zvombo zvingashandiswa• pfungwa dzegadziriro dzabudiswa nevadzidzi• rondedzero ine chimiro chakanaka

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita hurukuro yemusoro wenyaya.2. Vadzidzi vanobatikana kuunganidza pfungwa dzekushandisa.3. Vadzidzi vanoita ongororo yepfungwa dzevadzidzi.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yemanyorerwo erondedzero.5. Vadzidzi vanonyora rondedzero.6. Mudzidzisi anoongorora chimiro cherondedzero dzavaunganidza.7. Dzimwe rondedzero dzichaverengwa kunzwa mashandisirwo emutauro. anopera chitsauko

chino, vadzidzi vanotarisirwa:

GONA CHIShona 4TG.indd 89 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 95: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

90

Chitsauko 17

WananoBarika

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kududzira kuti barika chiib) kupa zvikonzero zvekuita barikac) kujekesa zvakanakira nekuipira barikad) kutsanangura mazwi anoreva zvakasiyanae) kudoma nekushandisa zviratidzanguva

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mhando dzemaparikab) kujekesa mutsauko pamaparika ekare neazvinoc) kudura zvakanakira nekuipira barika

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine chitarwa chinoratidza barika

Maitirwo echidzidzo1. Murairidzi achapira chidzidzo kuvadzidzi.2. Pachaitwa ongororo nehurukuro yezviri pabhambiri nevadzidzi.3. Vadzidzi vachapinda mumapoka avo.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita hurukuro yebasa riri mumabhuku.5. Mapoka anopakurirana zvaawana, mudzidzisi achitungamirira kugovewa kwepfungwa.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuburitsa zvakanakira barikab) kunyukura pfungwa dzinopikisa barikac) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yemaparika

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanokurukura nezvamaparika, vachitsinhira pfungwa dzavo nezvakapiwa pamifananidzo.2. Vadzidzi vanoverenga ndima yose.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvabuda mundima.4. Vadzidzi vanoverenga mibvunzo yenzwisiso chinyararire.5. Vadzidzi vanodzokorodza kuverenga ndima yenzwisiso, vopindura mibvunzo yenzwisiso.

GONA CHIShona 4TG.indd 90 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 96: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

91

Mhinduro dzingatarisirwa1. guta ravo ravaiona (1)2. bopoto nekurwisana (1)3. mumwe nemumwe anoona nezvemumba maamai vake (1)4. Tsumo mbiri:- Kuteya mariva wanza, rimwe rikapotsa, rimwe rinodzimba. (1)- Ndarira imwe hairiri mugumbo. (1)5. uchingove murwanapasi zimunzwa riri mundove (1) 6. kuratidzwa kwavaiitwa rudo nemadzimai avo nekubikirwa kwavaiita vachidya zvinonaka (2)7. Kurohwa kwakaitwa mwana waMutisi nevana vavo, vachibva varipiswa (1)8. Ndevo dzinowirirana netsananguro dzakapiwa:

a) ndipo paairesva kutaura: ndipo paunotsvedza rurimi ipapo (2)b) vakafa: vakadyiwa nevhu (2)c) mweya wekuvengana: mhepo yakaipa inovhuvhuta mumusha (2)d) kubatwa nechirwere chemukondombera: makananairwa nechakapedzambudzi (2)e) munhu murombo zvikuru: musvuuganda dzvinyu risina gushe (2)

9. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa:- VaZvenyika vanofara nekukura kwemusha wavo- VaMusiiwa vanoshora bopoto pamba paVaZvenyika- pabarika vanhu vanobatsirana basa- VaMusiiwa vanoti barika rine godo neshanje- kuita barika kunobatsira vakadzi kuti vawane vanovaroora- vakadzi vanokwikwidzana kuchengeta murume- vana vakawandisa pabarika vanopara mhosva

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroMazwi anoreva zvakasiyana-siyanaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mazwi anoreva zviviri kana kupfuura asi achipereterwa zvakafananab) kutsanangura zvinoreva mazwi achoc) kushandisa mazwi iwayo mukuumba zvirevo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mazwi anoreva zvakasiyana asi achipereterwa zvakafanana• hokorodzwa dzemapoka evadzidzi

GONA CHIShona 4TG.indd 91 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 97: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

92

Maitirwo echidzidzo1. Mharidzo yemurairidzi nezvemazwi aya.2. Mudzidzisi anopa muenzaniso.3. Vari mumapoka, vadzidzi vanobatsirana zviri pazvitaitai.4. Vadzidzi vanoita ongororo yebasa remapoka.5. Vadzidzi vanonyora basa umwe neumwe ari pake ega.

Mhinduro dzinotarisirwa (a) Zvinogona kureva mazwi:

(i) mwedzi: nyenyedzi hombe inopa chiedza chizhinji pahusikunguva yegore inoyerwa mumazuva makumi matatu

(ii) gomba: murume anoshinha nevakadzi vevaridzinzvimbo yacherwa zvakadzika

(iii) nyara: kusvodachiratidzo chekuneta

(iv) mugomo: mudziyo wekutakurisa mvuramukati megomo

(v) bara: kureva kuzvara mwanamhumburu yepfuti

(vi) juru: kureva churu chakavharwa nemitikureva rushwanhi kana bandamukombe

(vii) guru: kureva barikakureva nyama yematumbu

(viii) guta: nzvimbo huru yakavakirwa dzimbakureva kuzara kwedumbu kana munhu achinge adya

(ix) nzara: kunzwa kuda kudyamwaka unenge usina kunaya mvura

(x) nyora: kureva kutsetsenura mavara pabepamavanga ekutemerwa pakurapwa

(xi) dutu: kureva muunganidzwa wezvinhu zvakawandakutibikira kwemakore anogona kukoka mhepo ine chando

(xii) gura: kudimbura chinhumunda wave nenguva refu uchingorimwa

b) Mudzidzisi ngaaongorore zvirevo zvabudiswa nevadzidzi kuona kuti zvinonyatsoburitsa herezvinoreva mazwi asarudzwa nevadzidzi.

4. Ngatiumbei mutauroZviratidzanguva zvezviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zviratidzanguvab) kutsanangura mashandiro azvo muzviitoc) kureva mazita ezviratidzanguva zvakapiwa

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zviratidzanguva• chinyorwa chine zviito zvinoburitsa zviratidzanguva

GONA CHIShona 4TG.indd 92 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 98: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

93

Maitirwo echidzidzo1. Rairo yemudzidzisi maererano nezviratidzanguva nemhando yazvo.2. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa nekunyukura zviratidzanguva.3. Vadzidzi vanoita ongororo yezviito zvine zviratidzanguva pazvitaitai.4. Vadzidzi vanonyora basa reanhasi.Mhinduro dzinotarisirwaa) -cha - chezvichauyab) -o - chezviri kuda kuitika / zviri pedyo kuitikac) -i - chezvaigaroitika d) -no - chazvino / chenguva dzosee) -a - chezvichangopfuura / chezvabva kuitikaf) -ka - chenguva yekare / chenguva yapfuurag) -no - chazvino / chenguva dzoseh) -chi - chezvinogaroitikai) -a - chezvichangopfuura / chezvabvakuitikaj) -cha - chezvichauya

WedzeredzoVadzidzi ngavaburitse zvirevo zvinojekesa zviratidzanguva zvacho. Semudzidzisi, ongororai kuona kuti zvirevo izvi zviri kubuda zvakanaka here.

5. NgatishangazhikeiGakava: Barika rakati kunaka rikati kuipa mutsika dzedu. Unotii nazvo?ZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuburitsa pfungwa dzinotsigira huvepo hwebarikab) kupa pfungwa dzinopikisa barika

Zvombo zvingashandiswa• hokorodzwa dzepfungwa dzevadzidzi• dandemutande remashoko nedzidzo kana magwaro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapinde mumapoka avo.2. Ngapave nekuverengwa kwematanho ari mumabhuku.3. Vadzidzi ngavapiwe nguva yekuita tsvakurudzo padandemutande kana mumagwaro.4. Gakava ngariitwe.5. Mudzidzisi ngaapime pfungwa dzemapoka nekupa zvibodzwa kumapoka.6. Vadzidzi vanopiwa basa rerondedzero yegakava yekundonyorera kumba.

Pfungwa dzingangobudaZvakanakira barika- rudzi runokura, vana vachizvarwa vakawanda- vanhu vanoita mushandirapamwe, vachibudirira- barika mucherechedzo wehupfumi- vakadzi vanowanawo varume, sezvo vakawanda munyika- murume anopiwa rudo rwuzere nemadzimai achiita makwikwi

GONA CHIShona 4TG.indd 93 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 99: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

94

- murumeanopiwachigadzamapfihwakanamberekoyangayoramba- nezvimwewo

Zvakaipira barika- pakaita ufeve, panopararira zvirwere zvemukondombera- mhuri yebarika ine mapishapisha nemvongamupopoto- mubarika munobuda nyaya dzeuroyi- maparika edzimba dzakavanzwa anoparadza misha- murume anobayiwa nekudyiswa mipfuhwira- nezvimwewo

6. NgatitsanangureiZvikonzero zvekuva nebarikaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvikonzero zvekuita barikab) kupa tsananguro dzinotsigira zvikonzero zvebarikac) kutsanangura mufananidzo

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande remashoko neruzivo• magwaro anotaura nezvemaparika

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yezvingakonzere barika padandemutande remashoko neruzivo

kana mumagwaro, voita hurukuro yezvikonzero zvebarika.2. Vadzidzi vanoongorora mufananidzo uri mumabhuku avo ekuverenga.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yemuenzaniso mumwe chete wezvinokonzera barika.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.5. Dzokororo yebasa nevadzidzi.

Pfungwa dzingangobudaUpfumi 30%- kuve nemari yakawanda yekuroora- kuda kuwedzera upfumi nekushanda pamwe- kuti goho rikure muzvirimwa

Undyire 25%- kudisa vakadzi- kusada kugara munhu asina mukadzi- kungokumba vakadzi vakawanda

Kuda kukudzwa 20%- kuzvitutumadza- kuti vanhu vayemure musha mukuru- kuti anzi ane vana vakawanda- kutsvaka mbiri

GONA CHIShona 4TG.indd 94 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 100: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

95

Kukudza dzinza 10%- kuti vana vawande- kuitira dzinza riende mberi- kuitira kuzogara ushe kwenguva

Dzimba dzakavanzwa 10%- undyire- kuda kuzvitutumadza- kushuva vamwe vakadzi

Zvedzinza 10%- kutevedzera zvakaitwa nevedzinza- kuve neshavi redzinza rekuda vakadzi vakawanda- kuda kuti dzinza rirambe riri sezvariri

Chimutsamapfihwa 5%- mukadzi wekupiwa kana mbereko yaramba- kuitira kuti mumba muve nevana- kuti pfuma yakabviswa ishande- nezvimwewo anopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:

GONA CHIShona 4TG.indd 95 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 101: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

96

Chitsauko 18

Nhaka Kurova guva

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kutsanangura kuti nhaka chiib) kududzira kuti kurova guva kuita seic) kujekesa matanho anotorwa pakurova guvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvoe) kunyora nheketerwa dzepakurova guva nemazvof) kuumba zvirevo nenyaudzosingwi dzakapiwag) kupatsanura zviitopauro

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuburitsa zvinowanikwa panhaka setsika yedub) kutsanangura zvinoreva kurova guvac) kuburitsa gadziriro inoitwa pakurova guva

Zvombo zvingashandiswa• mukokwa anoziva nezvekurova guva• mifananidzo yevanhu vari kurova guva iri pamabhambiri

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopira chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanodoma zvinhu zvinowanikwa panhaka.3. Mukokwa anopiwa mukana wekutsanangurira vadzidzi chinonzi kurova guva uye zvinoitwa

pakurova guva.4. Mukokwa anotsanangurira vadzidzi.5. Vadzidzi vanotaura zvavanzwisisa, votsanangura zviri pamifananidzo iri pabhambiri.6. Mumapoka avo, vadzidzi vanoita hurukuro yezviri mumabhuku avo ekuverenga.7. Mapoka anopira zvaawana kubva muhurukuro.

2. NgativerengeiKuchenurwa kwemushakabvu VaMujapereZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:kujekesa kuti kurova guva kunofambiswa seikutsanangura matanho anotorwa nemuzukuru nevaroora pakurova guvakupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo iri pabhambiri inoratidza zvinoitwa pakurova guva

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga ndima yose yenzwisiso.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvabuda mundima, zvekurova guva.

GONA CHIShona 4TG.indd 96 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 102: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

97

3. Vadzidzi vanoita ongororo yezviri pamufananidzo iri kuratidza zvinoitwa pakurova guva.4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yose yenzwisiso.

Mhinduro dzingatarisirwa1. VaMujapere vainge vafa mumazuva mashoma ainge apfuura. (1)2. Mvangamakomwe, nharadada kana horomori (chero maviri) (2)3. Kuzobvisa nyanga kana kugadzira paguva rakashinhwa kana kutarisa kana guva

risina kupiswa (1)4. Zakeyo ndiye aiva dunzvi, muzukuru mukuru uye airemekedzwa nematare. (1)5. Chipfuko chemushunje chaiwanikwa chatapudzika uye mbudzi yaizuza yadirwa doro kana

mvura. (2)6. Tsananguro yendevo:

a) vatsamidzwa churu: vafusirwa / vavigwa pachuru (2)b) apisa guva:ashinhapaguva/akanganisiramufi (2)c) nyama yesaurisa: nyama yekurasira zvakaipa yaidyiwa nevatorwa chete, isina

munyu (2)d) chipfuko chemushunje: chikari chedoro raisumwa mushakabvu kuti vaone kana achibvuma

kuti guva rake rirohwe (2)e) chakadya mutana wavo: chakaurayisa mukuru wavo (2)

7. Doro raidirwa setsika yekuti mushakabvu arape nyota. (2)8. Varoora vainemera veukama uye kukura nzira inoenda kuguva remushakabvu. (2)9. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kuburitswa:- VaMujapere vafa, vekwaMakombo vakandobvunzira kun’anga- Zakeyo ndiye akatungamirira mutambo semuzukuru mukuru- pakadirwadoro,pakatorwachikarichekusumamufi- varoora vakakura nzira vachinemera veukama- mbudzi yakapirwa ikagochwa / mombe yakaurawa- nheketerwa yakaitwa vanhu vakapemberera- vanhu vakadya nekunwa- vanhu vakaimba nekudzanha usiku hwose

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Pfungwa dzinoyerera (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatishandisei mutauroMisambo yekupira mashoko akakoshaZvinangwaPanopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa kungge vave kukwanisa:a) kuziva misambo yakasiyana-siyana nepainoshandiswab) kushandisa misambo yakakodzera pakupira mashhoko akakosha

Zvombo zvingasandiswa• bambiri rinezvirevo zvinobuditsa misambo yakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura cidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanotaura misambo yavave kuziva, painoshandiswa uye vanhu vanoishandisa.

GONA CHIShona 4TG.indd 97 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 103: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

98

3. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pezvemusambo yekupira mashoko akakosha, vachitungamirirwanemudzidzisi wavo.

4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita basa riri pabhambiri vaburitsa musambo wakashandiswavopa zvikonzero.

5. Panoitwa hururkuro yezvabuda mumapoka.6. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.7. Vadzidzi vanobuditsa mashoko anokodzera kushandiswa pazvikamu zvakapiwa, poitwa

dzokororo yezvanyorwa.

4. Ngatirungei mutauroNyaudzosingwi muzvirevoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa nyaudzosingwi dzine chitsamab) kutsanangura zvinoreva nyaudzosingwi dzapiwac) kupa zviito zvinodyidzana nenyaudzosingwi dzakapiwad) kuumba zvirevo zvinoburitsa dyidzano yenyaudzosingwi nezviito

Zvombo zvingashandiswa • chinyorwa chine nyaudzosingwi• zvitaitai zvine nyaudzosingwi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa nyaudzosingwi dzavo.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvinoreva nyaudzosingwi dzapiwa, mudzidzisi achitungamirira.3. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa chenheketerwa paguva ravaMojapere.4. Vadzidzi vanoita ongororo yedyidzano panyaudzosingwi nezviito.5. Vadzidzi vanoita edzesero yezvirevo zviri pazvitaitai vari mumapoka avo.6. Mudzidzisi achitungamirira, vadzidzi vanoita hurukuro yemarukirwo ezvirevo.7. Vadzidzi vanoita basa rekunyora zvirevo.

Mhinduroa) nyakata: kunyorovab) tuzu: kutarisac) mwiro: kunyararad) ze-e: kudonhae) shaku: kuzaraf) dhi: kudonhag) dzvi: kubatah) n’ai n’ai: kupenyai) tende: kugaraj) tsvedzu: kutsvedzak) tasa: kufa / kukomokal) piti piti: kupinda nekumhanyam) papata: kuoman) chechetere: kuenzana kwezvinhu zvakaita sechibageo) tande: kuenda

Cherechedzo: Mudzidzisi ngaaongorore zvirevo zvevadzidzi kuti aone kana zvichinyatsoburitsa dyidzano iri panyaudzosingwi nezviito muzvirevo zvevana.

GONA CHIShona 4TG.indd 98 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 104: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

99

5. Ngatiumbei mutauroPatsanuro yechiitopauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zviitopaurob) kudoma zvivakazwi zvinowanikwa pazviitopauroc) kupatsanura zviitopauro zvakapiwa

Zvombo zvingashandiswa• chinyorwa chine zviitopauro• zviitopauro pazvitaitai

Maitirwo echidzidzo1. Murairidzi anopa vadzidzi mienzaniso yezviitopauro2. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yekuti sei zvavapa zviri zviitopauro.3. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa vachinyukura zviitopauro.4. Ongororo yezvivakazwi pazviitopauro.5. Mapoka anoedzesera kupatsanura zviitopauro zviri pazvitaitai.6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzingatarisirwaa) ti- chiratidzamuiti -no - chiratidzanguva chezvinogaroitika -zvi- chiratidzamuitirwi (mupanda 8) -d- mudzi wechiito -a nzvovera yekupedzisira

b) mu- chiratidzamuiti-no- chiratidzanguva chezvinogaroitika-rw- mudzi wechiito-ir- rebeso yekuitira-a nzvovera yekupedzisira

c) va- chiratidzamuiti -ka- chiratidzanguva chezvakaitika-ndi- chiratidzamuitirwi-udz- mudzi wechiito-is- rebeso yenyanyiso / yekonzero-a nzvovera yekupedzisira

d) ndi - chiratidzamuiti-cha- chiratidzanguva chezvichaitika-mu- chiratidzamuitirwi (mupanda 1)-ziv- mudzi wechiito-is- rebeso yechiito-a nzvovera yekupedzisira

e) zv- chiratidzamuiti-aka- chiratidzanguva chezvakaitika-sar- mudzi wechiito-a nzvovera yekupedzisira

GONA CHIShona 4TG.indd 99 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 105: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

100

f) tw- chiratidzamuiti -ai- chiratidzanguva chezvaigaroitika-sek- mudzi wechiito-a nzvovera yekupedzisira

g) ri - chiratidzamuiti-cha- chiratidzanguva chezvichaitika-tem- mudzi wechiito-er- rebeso yekuitira-w- rebeso yekuitwa-a nzvovera yekupedzisira

h) zv- chiratidzamuiti-ai - chiratidzanguva chezvaigaroitika-sa - chivakazwi cheranduro-mu - chiratidzamuitirwi-rov - mudzi wechiito-es - rebeso yekonzero / yenyanyiso-a nzvovera yekupedzisira

i) y - chiratidzamuiti-ka- chiratidzanguva chezvakaitika-nak- mudzi wechiito -is - rebeso yekonzero / yenyanyiso -a nzvovera yekupedzisira

j) va - chiratidzamuiti-no - chiratidzanguva chezvinogaroitika-mu - chiratidzamuitirwi-d - mudzi wechiito-is - rebeso yenyanyiso-a nzvovera yekupedzisira

6. NgatitsvakurudzeiNyaradzo nemagadziroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa shanduko dzavepo patsika dzekurova makuva nekuita nyaradzob) kuratidza mutsauko uripo pakati penyaradzo nemagadziro

Zvombo zvingashandiswa• hokorodzwa dzetsvakurudzo dzevadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Murairidzi anoronga vadzidzi mumapoka madiki.2. Murairidzi anopa vadzidzi rayiro yebasa retsvakurudzo.3. Vadzidzi vanoita basa retsvakurudzo vari mumapoka.4. Mapoka anopira zvaawana mutsvakurudzo.5. Hurukuro yehokorodzwa dzepfungwa kubva mutsvakurudzo.

GONA CHIShona 4TG.indd 100 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 106: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

101

Mhinduro dzingatarisirwaa) Nyaradzoiunganoinoitwanevekerekevachinamatapamwechetenevakafirwakuitirakuti

vachiregerakurambavoshushikananekufirwakwavanengevakaitwanehamayavo.b) Nyaradzo inoitwa mumazuva mashoma mushure mekufa nekuvigwa kwemushakabvu. Vamwe

vanogonakuiitamushurememwedzimumwechetekanakupfuurakubvirapakuvigwakwemufi.c) Zvigazvenyaradzozvinoenderananeurongwahwemhuriyemufi.Kazhinjipanyaradzopanoitwa

urongwahwemharidzodzekerekenekunamatakuitirakunyaradzavakafirwaneshokoraMwari.Kune dzimwe kereke, vatenderi vanonamata vachisusukidza mweya wemushakabvu kuti uzororemurugarerwekudenga.Vamwewovanotorazuvairisezuvarekurangariramufi,risirizuvarekuchemana asi rekuonekana nemushakabvu kekupedzisira.

d) Kurovaguvakanamagadziromutambounoitwakudzoramweyawemufiunotenderwakutiunenge uchidzungaira nemasango usati wawana mukana wekuva mudzimu kana kuendakunyikadzimu. Magadziro anogona kuitwa mushure megore chairo mushakabvu avigwa,zvichienderana nenzvimbo.

e) Magadziro nemanyaradzo zvinodyidzana pakurangarira mushakabvu. Nzvimbo zhinji munyikadzave kukoshesa manyaradzo zvakanyanya kudarika kuitwa kwekurova makuva. Zvakaitasekugohwa kwenhumbi dzemushakabvu zvave kugona kuitwa pamanyaradzo kana pamagadziro.Vanhu vave kungobika doro kugadzirira nyaradzo nepakurova guva. Kune dzimwe nzvimbo,vanhu vave kurovanidza magadziro nemanyaradzo zuva rimwero.

f) Siyano pamagadziro nemanyaradzo inobuda pakuti magadziro ave kuitwa kudzora mweyawemushakabvu kuti uve mudzimu mumusha asi pamanyaradzo vanhu vave kuita zvezvitenderozvaMwarizvekunyaradzavakafirwanekuparidzashokoraMwarinekunamata.

Nezvimwewo zvinogona kuburitswa nevadzidzi.

GONA CHIShona 4TG.indd 101 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 107: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

102

Chitsauko 19

NgoziKutanda botso

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kutsanangura chinonzi ngozib) kukwanisa kutsanangura chinonzi botso uye kuti rinopera seic) kugona kushandisa tsumo dzine chitsamad) kuziva zvidudzirazviito nemaumbirwo azvoe) kuziva manyorerwo erondedzero yetsananguro

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti ngozi chiib) kupa mhando dzengozic) kujekesa chinonzi botsod) kupa zvikonzero zvebotso uye kuti ringapedzwa sei

Zvombo zvingashandiswa • bhambiri rakanyorwa mhando dzengozi

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi achaparura chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanotaura zvavanoziva maringe nengozi nekutanda botso.3. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo voita hurukuro yezviri pabhambiri.4. Vadzidzi vanoongorora hokorodzwa dzemapoka.5. Vadzidzi ngavapiwe basa rekutsvakurudza nezvebotso.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvikonzero zvebotsob) kutsanagura zvakagumbura mushakabvu mai vaDzivakwic) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanovhenda zvavanoziva maererano nebotso.2. Vadzidzi vanoverenga ndima yose yenzwisiso.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvabuda mundima maererano nekugumbuka kwamai Dzivakwi.4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso.5. Dzokororo yezvanyorwa.

Mhinduro dzingatarisirwa 1. Kushishima nekuda kwekurerwa zvakanaka semwanakomana oga. (1)2. Vakamuendesa pachikoro chikuru muHarare uye vaipota vachimuendesa kumusha kuti akure

netsika dzechivanhu. (2)

GONA CHIShona 4TG.indd 102 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 108: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

103

3. Dzivakwi ainge ave neshamwari matsotsi uye vainge vave kudhakwa zvakanyanya. (2)4. Vakabirwa midziyo yechikadzi inokosha sechinu, vakarohwa nembama naDzivakwi, mombe

yavo yegamwa yakatengeswa naDzivakwi uye imba yavo yekubikira yakapiswa naDzivakwi. (2)5. Aingeapisaimbayaamaivake.(1)6. Kupengereka kwaDzivakwi, vanasikana vainge vonetsana nevarume uye zvipfuwo zvainge

zvongotsakatika (Chero zviviri zvabuda) (2)7. Vakatukirira nekureverera hanzvadzi yavo kuti iregerere Dzivakwi. (1)8. Tsananguro yendevo:

a) akatutira zvitanda munzeve: airamba kuteerera rayiro yevabereki vake (2) b) vakabva vagofa mukoko uzere nyuchi: vakabva vavamba hasha dzaDzivakwi (2)c) dzakabuda munhokwara nakwami: shungu dzaamai vaDzivakwi

dzakashoperwa nen’anga (2)d) amai mugoti usingasehwi: amai munhu asingatarisirwe kutadzirwa zvakadzama nemwanawavo (2)

9. Vadzidzi vanopa pfungwa dzavo, mudzidzisi gamuchirai dzakakodzera. (1)10. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa:- Dzivakwi akakura achifarirwa zvakanyanya nevabereki vake- akatanga kuita utsotsi achiri kuchikoro- amai vaDzivakwi vakabirwa zvinhu zvinokosha- Dzivakwi akarova amai vake- Dzivakwi akaendeswa kumusha / akandotengesa mombe yaamai vake- amai vaDzivakwi vakadonha ndokufa neshungu- Dzivakwi ainge ave kupenga- sekuru Gasva ndivo vakatungamira mutambo webotso- vasikana vainetsana nevarume

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroTsumoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuronga tsumo dzine zvipengo zvapiwa nemazvob) kupa tsumo dzakati wandei dzavanozivac) kunyora tsumo dzakarongwa zvakanaka

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvipengo zvetsumo• zvitaitai zvine tsumo dzizere

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anotsanangura mabatanidzirwo etsumo.2. Vadzidzi vanopa mienzaniso yetsumo dzavanoziva dzizere.3. Vadzidzi vanobatanidza tsumo dziri pabhambiri vari muzvikwata.

GONA CHIShona 4TG.indd 103 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 109: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

104

4. Vadzidzi vanoratidzwa mhinduro dziri pazvitaitai voita dzokororo.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduroa) Chisi chako masimba mashoma.b) Afirwahaatariswekumeso.c) Imbwa mbukuri inoserera dzirere.d) Chinodanwa inhamo, rufu rwunotevera.e) Mbudzi yemurombo inochema yakaringa bako rebere.f) Igaroziva kuti mhanza yembudzi iri pabvi.g) Chakadya chakaoneka.h) Tsuro pfupi haitemi uswa urefu.i) Mwana wenyoka anotodyiwa nevakuru vane makona.j) Sadza reusiku tenda auya naro.k) Abikiramweniamudzinga.l) Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva ari kurwara.

4. Ngatiumbei mutauroZvidudzirazviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti chidudzirachiito chiib) kupa mhando dzezvidudzirazviitoc) kudoma zvidudzirazviito kubva muzvirevo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zvidudzirazviito• bhambiri rine zvidudzirazviito

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo nekutsanangura zvidudzirazviito.2. Vadzidzi vanoverenga nekukurukura zviri pabhambiri.3. Vadzidzi vanoita basa rekunyukura zvidudzirazviito pazvitaitai vari mumapoka.4. Ongororo yebasa remapoka.5. Basa revadzidzi rekunyora rinoitwa.

Mhinduro dzingatarisirwaa) neshumba (chidudzirachiito chinoratidza muiti wechinhu)b) usiku (chinoratidza nguva yakaitika chinhu)c) kumusha (chinoratidza nzvimbo yakaitikira chinhu)d) mumunda (chinoratidza nzvimbo yakaitikira chinhu)e) nababa (chinoratidza muiti wechinhu)f) mangwanani (chinoratidza nguva yakaitika chinhu)g) kwaGorondondo (chinoratidza nzvimbo yakaitikira chinhu)h) zvinyoronyoro (chinoratidza maitikiro echinhu)i) muchikoro (chinoratidza nzvimbo yakaitikira chinhu)j) nemuzukuru wake (chinoratidza muiti wechinhu)k) gore rapera (chinoratidza nguva yakaitika chinhu)l) nenyuchi (chinoratidza muiti wechinhu)

GONA CHIShona 4TG.indd 104 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 110: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

105

5. NgatishangazhikeiEdzesero: Kutanda BotsoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura tsika yekutanda botsob) kuedzesera mutambo webotso

Zvombo zvingashandiswa• vamwe vadzidzi• mamvemve, masaga, midziyo yen’anga nezvimwe

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvebotso.2. Vadzidzi vanoita sarudzo yevatambi vachibatsirwa nemudzidzisi.3. Vadzidzi vanoita gadziriro yemutambo.4. Vadzidzi vanoita edzesero vamwe vachiona.5. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita ongororo yezvabuda.

6. NgatinyoreiRondedzeroAmai mugoti usingasehwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kujekesa zvinoreva musoro werondedzerob) kuruka pfungwa dzakakwana dzinobatsira kunyora rondedzero iyic) kunyora rondedzero nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• rongetedzo dzevadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita hurukuro yemusoro werondedzero.2. Vari pamwe, vadzidzi vanoita hurukuro yemanyorerwo akanaka erondedzero.3. Vadzidzi vanoita gadzriro yepfungwa dzerondedzero vari mumapoka avo..4. Mudzidzisi vanoita hurukuro yepfungwa dzevadzidzi.5. Vadzidzi vanonyora rondedzero dzavo.6. Mudzidzisi anoongorora rondedzero dzevana. anopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:

GONA CHIShona 4TG.indd 105 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 111: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

106

Chitsauko 20

Ukama nemadzinzaMhuri dzakasiyana-siyana

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kuziva chinonzi ukamab) kutsanangura mamiriro akaita madzinza avoc) kuziva tsika dzinoenderana nemagariro evanhu mumhurid) kuziva maumbirwo ezvirevo nemadimikirae) kugona kunyora tsamba yekumuzivikanwi zvakanakaf) kunyora zvirevo zvakashandiswa nemazvo

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuburitsa mviro mviro dzeukamab) kutsanagura kuumbwa kwemhuri kubva mudzinzac) kupa mhando dzemhuri dzavakuwanikwa nhasi uno

Zvombo zvingashandiswa• mufananidzo wedandemutande reukama uri pabhambiri• mukokwa anova Sorojena anoziva nezveukama nemadzinza

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanokurukura zviri pamufananidzo uri pabhambiri.3. Mudzidzisi anopa Sorojena mukana wekutsanangurira vadzidzi nezveukama nemadzinza.4. Vadzidzi vanopiwa mukana wekubvunza mibvunzo kuti vanzwisise zvizere.5. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita basa riri mumabhuku avo ekuverenga.6. Mapoka anopakurira vamwe zvaawana mudzidzisi achitugamirira.

2. NgativerengeiUri werangu dzinza, GaraiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mhando dzemhuri dzakasiyana-siyanab) kujekesa kudyidzana kwemhuri yemunyori nedzinza rake rosec) kunyora mhinduro dzakakodzera kumibvunzo yenzwisiso

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yemhuri pabhambiri

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yemifananidzo yemhuri iri pabhambiri voita hurukuro.2. Mudzidzi mumwe chete anoverenga nhetembo kamwe chete achiita zvekudeedzera kuburitsa

mutinhimira wedetembo.

GONA CHIShona 4TG.indd 106 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 112: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

107

3. Vadzidzi vanoverenga nhetembo chimhukutira.4. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vaoita hurukuro yezvabuda mundima.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.6. Dzokororo yebasa ranhasi.

Mhinduro dzingatarisirwa1. Dzinza remudetembi nderemutupo weNzou. (1)2. AneukamanaGarainekutibabavakenevaGaraimukomanemunin’ina.(1)3. Baba vako vakayamwa zamu raVaNdirowei. (1)

Vangu baba vakaukwekwetawo muzamu raVaNdirowei. (1)4. Nyanduri anonzi Murendo. (1)5. Anotisehamavanomborwisanaasivachizowiriranakanapaitadambudzikomumhuri.(2)6. Vedzinza remunyori vanobatana panhamo, pakuripa mhosva yaparwa

mumhuri, pamitambo nemabiko kana pakupira vadzimu zvekare(chero zviviri) (1)

7. Mashoko anowirirana neakapiwa:a) kuuchira munhu, achiratidza ruremekedzo: kusvitsa maoko (2)b) ukama hwekure: ukamaruswa (2)c) kuzvininipisa kana paita mukuru wako: kunyungudika muzasi memumvuri wako (2)d) ukama hwepedyo-pedyo: hapana ibvi kana mupimbira (2)e) kushaya kana chekutaura: handina kana neremuromo (2)

8. Vadzidzi vanopa pgungwa dzavo votsigira vachishandisa zviri mudima (mudzidzisi gamuchiraipfungwa dzakakodzera) (2)

9. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubudiswa:- Murendo anobudisa ukama hwake nevedzinza rake- nyanduri anoremekedza Garai mukoma wake- dzinza ravo hariiti zvekuroorana verudzi rumwe- nyanduri anoti vanombokanganisirana asi vachibata pamwe- panhamo kana pamitambo vanobatsirana- vanopira midzimu yavo pamwe chete- Murendo anokurudzira mukoma wake Garai kuti vawirirane

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. NgatinyoreiMhosho pamanyoreroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mhando dzemhosho pamanyorerob) kuratidza mashandisirwo ezvimisoc) kugadzirisa zvirevo zvakaresva kunyorwad) kudoma mhosho dzakasiyana pakunyora

GONA CHIShona 4TG.indd 107 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 113: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

108

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mhando dzezvimiso• mabhuku erondedzero• bhambiri rie zvirevo zvine mhosho

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita hurukuro maererano nemhosho pamanyorero.2. Vadzidzi vanoita ongororo yemhosho dzinobva mumabhuku erondedzero.3. Vachitugamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yemhando dzemhosho dziri pazvitaitai.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanogadzirisa zvirevo zviri pabhambiri.5. Ongororo yezvaitwa nemapoka.6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.7. Dzokororo yezvanyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) “Zvamurimimotangakufamba-fambaimimanzimugarepasi.”AkadaroChipo.b) Chitoendai iye zvino.c) Uri mwana wehanzvadzikomana here?d) Vanhu vedzinza rimwe havafanirwi kurasana.e) Hokoyoi! Modirwa mvura inopisa!f) Muupenyu tinodzidza zvinhu zvakasiyana-siyana.g) Musaite basa rekutuka veukama hwenyu.h) Baba, vatete, mwanakomana uye mwanasikana ndivo vehukama hwepedyo.i) “Unomuda here musikana uyu?” Sadunhu Njerere vakabvunza Chandaita.j) Pane mombe inobviswa (chekaukama), nemuwani wehama kuti vachiwanana havo.

4. Ngatirungei mutauroMadimikira muzvirevoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma madimikira ane chitsamab) kupa dudziro kumadimikira apiwac) kushandisa madimikira kuumba zvirevo zvine zvazvinoreva

Zvombo zvingashandiswa• chinyorwa chine madimikira• zvitaitai zvine madimikira

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa chine madimikira.2. Vadzidzi vanonyukura madimikira muchinyorwa.3. Hurukuro yezvinoreva madimikira anyukurwa nevadzidzi.4. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yemashandisirwo emadimikira

muzvirevo.5. Vari mumapoka evaviri, vadzidzi vanoita edzesero yekuumba zvirevo nemadimikira ari pazvitaitai.6. Vadzidzi vanonyora basa rezvirevo zvine madimikira.

GONA CHIShona 4TG.indd 108 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 114: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

109

Zvingareva madimikira emuzvirevoa) kurasa muswe: kufarisab) kufira mudutu sembeva: kuwirwa nedambudziko usingazivic) kurovera matama pasi: kurara / kuvata / kuenzanad) kuoma mate mukanwa: kushamisika zvikurue) kuzvirova dundundu: kuzvitutumadzaf) kudzurirana runyemba: kuvengana zvakanyanyag) kuenda kwamupfiganehwe: kufah) kudya magaka mambishi / kudya makaga neminzwa yavo: kupopota zvikurui) kuita chiokomuhomwe: kuripa mari yekuti ubatsirwe zvemukotoj) kuita museve waenda neuma: kuenda usingachadzoki iwe uchitarisirwa kudzokak) kutsika mwedzi: kuve nenhumbu / pamuviril) kunyura mushinda: kupfeka zvinoyevedzam) kukanda tsoka: kufambisa / kufamba zvakanyanya / kufamba uchikurumidzan) kusabvarura machira: kuroya zvikuruo) kuseura gotsi: kunyeya munhu

5. NgatitsvakurudzeiNhoroondo yedzinzaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa nhoroondo yemadzinza avob) kutara dandemutande rinoratidza gwara redzinza ravo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine muenzaniso wedandemutande redzinza• mitaro yemadandemutande evadzidzi

Maitirwo echidzidzoa) Mudzidzisi achapira zvaanoda kuti zviitwe nevadzidzi achishandisa bhambiri rine muenzaniso

wedandemutande.b) Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yeukama hwawo kubva kwaukatangira kusvika pavari.c) Vadzidzi vanotara madandemutande emadzinza avo.d) Mudzidzisi anoita ongororo yezvatarwa nekupima udzamu.e) Mudzidzisi anoyanika mitaro yatarwa zvakanaka uye neunyanzvi pachidziro.

6. NgatinyoreiTsamba kuhamaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza unyanzvi hwekunyora tsamba kumuzivikanwib) kupa pfungwa dzine chitsama dzinotarisirwa patsamba kumuzivikanzwi

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine chimiro chetsamba

GONA CHIShona 4TG.indd 109 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 115: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

110

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga mazano ekunyora rondedzero akapiwa mumabhuku avo.2. Vadzidzi vanoita ongororo yechimiro chetsamba chiri pabhambiri3. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yemanyorerwo etsamba

kumuzivikanwi.4. Vadzidzi vanoita gadziriro yepfungwa dzetsamba.5. Vadzidzi vanonyora tsamba dzavo.

Pfungwa dzingaburitswa nevadzidziMatambudziko- kuvengana mudzinza- kusadyidzana pane zvizhinji- kupirirana mudzinza- makunakuna- kuroyana, zvikwambo- kusarudzana padzimba- kusazivana kwevanhu mumhuri

Mazano- misangano semhuri kukurukura zvigozhero- kushanyirana nguva zhinji- humwe nemitambo – mabira- kupira vadzimu pamwe chete- nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 110 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 116: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

111

Chitsauko 21

ZvieraeraKuparadzwa kwetsika nezvieraera nekuuya kwevekunze

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kuziva zvieraera munyika inob) kutsanangura zvikonzero zvekuparara kwave kuita nzvimbo dzezvieraerac) kutsanangura tsika dzeChiShona dzopera nekuuya kwevekunzed) kuziva mazitaumbiridzwa nekuashandisa muzvirevoe) kuburitsa maumbirwo ezvidudzirazviitof) kunyora nhetembo zvine unyanzvi

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvieraera zviri munharaunda dzavob) kutsanangura zvikonzero zvekuera kwezvinhuc) kudoma tsika dzave kuparara nekuuya kwevekunzed) kupa zvikonzero zvekuparara kwetsika dzekuera kwezvinhu munharaunda dzedu nhasi

Zvombo zvingashandiswa• mukokwa wezvenharaunda• mifananidzo inoratidza nzvimbo dzezvieraera• chinyorwa chipfupi chinoburitsa zvieraera

Maitirwo echidzidzo1. Mukokwa anotsanangurira vadzidzi nezvezvieraera.2. Murairidzi anoverenga chinyorwa chezvieraera.3. Vadzidzi vanotaura zvieraera zvaburitswa.4. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo vokurukura zviri pamufananidzo inoratidza nzvimbo

dzinoera.5. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvabva mumapoka.6. Vadzidzi vanopiwa basa rekutsvakurudza zvizhinji zvetsika nezvieraera.

2. NgativerengeiKuparadzwa kwetsika nezvieraera nevekunzeZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududza zvieraera zviri munyika yedub) kudoma tsika dzave kuparara munyika inoc) kupa zvikonzero zvekuparara kwezvieraera netsika nhasi uno

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga ndima yenzwisiso yose chinyararire.

GONA CHIShona 4TG.indd 111 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 117: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

112

2. Vari pamwe, vadzidzi vanoita hurukuro yezvabuda mundima.3. Vadzidzi vanodzokorodza kuverenga ndima yenzwisiso vonyora mhinduro dzemibvunzo

yenzwisiso umwe neumwe ari pake ega.4. Dzokororo yebasa renzwisiso.

Mhinduro dzingatarisirwa1. Marozva aidzidza zvidzidzo zveChiShona kana tsika nemagariro aVaShona. (1)2. Marozva aiera Shumba, VaMuzopwa vachiera Tembo. (1)3. Vakadzi vake vanozofa, aigona kubatwa nemweya yakaipa sezvo duri richimboshandiswa

nevaroyi kana kuti duri mucherechedzo wewaniso yemhunhukadzi. (Chero zviviri zvabuda) (2)

4. Kureva kuti zvaiera nekutyisa asi ikozvino hazvichaeri. (1)5. Duri,mapfihwa(2)6. a) Anorooramukadziachifa(1)

b) Anoitamunyamawekutianozongofirwanevakadzi(1)c) Kubatwa nechadzimira musango imomo (1)

7. -KuChirorodziva vauyi vave kungotiva zvisiri pamutemo (1)-KuMabweadziva vauyi vave kuita mitambo yavo pachikomo ichi (1)

8. Kusaremekedzwa kwetsika uye kusagaridzana kwevedzinza (2)9. Kuparadzwa kwaitwa tsika nekuuya kwevekunze:

a) kuviga mambo muninga: vekunze vakauya netsika yekuviga pazvuru mumabhokisianohwinya (2)

b) kuita mukwerera: vazhinji vave kunamatira mvura kuti inaye, kumakereke avo (2)c) kugara nhaka:vakadzivafirwavavekudzidziswakodzerodzinobvamumitemoyakauya

nevekunze (2)d) kupira mombe yediramhamba: vanhu vave kuona kupira mombe semweya yetsvina sezvo

vonamata zvitendero zvevekunze (2)10. Chirevo chinoratidza kuti sekuru VaMuzopwa vaive neruzivo rwakawanda. (2)11. Zvinoreva mashoko anotevera:

a) vasina mabvi: kureva varungu, vakauya vakapfeka mitodo yaivhara mabvi (1)b) mukati mechakasara: mukati mesango (1)c) aiti apurura: kana achinge afa (1)d) matsvotsvotsvo emvura: mvura yainaya yakawandisa (1)

12. Zviera zvaibatsira pakuchengetedza tsika dzedu sekuti: chiera chekusaroora muna Mbudzi.Izvi zvaiitirwa kuti vanhu vawane nguva yekudyara uye vadzimu vanenge vachigadzirirakunayisa mvura. Vadiki vainzi vasagara munzira nekuti vanoita mamota. Chiera ichi chaiitirwakudzivirira njodzi kana tsaona kuvapwere. (Vadzidzi vanogona kupa zviera zvakasiyana-siyana,gamuchirai zvakatsigirwa zvizere) (2)

13. PfupisoPfungwa huru nomwe dzinotarisirwa kubuditswa:- Marozva akashanyira sekuru VaMuzopwa kutsvaka ruzivo- sekuru VaMuzopwa vanoti zvieraera zvenzvimbo zvave kuparara- zvinonzidurinemapfihwazvaierakugara- kundovhima kwaisatenderwa kutaura zvinosvora zvisikwa- mikwerera nemagadziro zvoderera nekuda kwemakereke

GONA CHIShona 4TG.indd 112 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 118: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

113

- chisi nemahakurimwi zvaderera kutevedzwa kwazvo- nzvimbo dzinoera dzemunyika dzokanganiswa nevekunze

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1) Pfungwa dzinoyerera (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]3. Ngatirungei mutauroMazitaumbiridzwaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mazitaumbiridzwab) kutsanagura kukosha kwemazitaumbiridzwa mumutauroc) kutsanangura zvinoreva mazitaumbiridzwa apiwa

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mazitaumbiridzwa• zvitaitai zvine mazitaumbiridzwa

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoratidza vadzidzi bhambiri rine mazitadunhurirwa.2. Vadzidzi vanoburitsa mazitaumbiridzwa kubva muchinyorwa.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvinoreva mazitaumbiridzwa abva muchinyorwa vachitungamirirwa

nemudzidzisi.4. Vadzidzi vanoita edzesero yedudziro yemazitaumbiridzwa ari pazvitaitai pozoitwa hurukuro.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Gunwemugapu: munhu anoruta / anonyanyofarira zvekudyab) Mushambarichakwata: munhu ane chido nezvekudya zvakanyanya / munhu anorutac) Musiyadzasukwa: munhu anonwa nekudhakwa nedoro zvakanyanyad) Nzvengamutsvairo: munhurume asingabve pachivanze / asingashandee) Mufarachisi: munhu asingafariri kushanda mumundaf) Goremucheche: munhu akura pazera asi achingoratidzika semudikig) Mugaradzakasungwa: munhu anogara achingotamah) Gotsikotsi: munhu akapusa / akapatai) Mudyazvamarema: munhu anokorovhera vamwej) Chitsikanyoka: mwanasikana ane runako rwakanyanyak) Mutakuramombembudziihata: munhurume akasimba chaizvol) Benyumundiro: munhu anozivikanwa nekuchangamuka kana pave pakudya chete

4. Ngatiumbei mutauroZvidudzirazviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma dzimwe mhando dzezvidudzirazviito

GONA CHIShona 4TG.indd 113 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 119: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

114

b) kupa mienzaniso yezvidudzirazviito zvemhando dzakasiyana-siyanac) kuratidza maumbirwo ezvidudzirazviito

Zvombo zvingashandiswa• zvirevo zvine zvidudzirazviito pazvitaitai• zvitaitai zvine maumbirwo ezvidudzirazviito

Maitirwo echidzidzo1. Murairidzi anopira zvimwe zvidudzirazviito zviri pazvitaitai kuvadzidzi.2. Vadzidzi vachaongorora mienzaniso yazvidudzirazviito vachipawo mienzaniso yavowo.3. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yemaumbirwo ezvidudzirazviito

zviri pazvitaitai.4. Vadzidzi vanoita ongororo yemaumbirwo ezvidudzirazviito mumapoka vopira kuboka guru.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi, umwe neumwe ari pake ega.

Mhinduro dzingatarisirwaa) Vadzidzi ngavaratidze unyanzvi hwekuumba zvirevo zvinonyatsoburitsa chidudzirachiito chakapiwa,

sokuti: a) Vana ava ndivo vatukwa nasekuru. (Chidudzirachiito chemuiti), zvichingodaro.b) Chiwedzerwa + mudzi wechidudzirachiito > chidudzirachiito

(i) se - + - mbeva > sembeva(ii) sa - + - Marozva > saMarozva(iii) na - + - iye > naye(iv) ne - + - vose > nevosee) so - + - mumwe > somumwe

5. Ngatishangazhikei pakunyoraKuparadzwa kwetsika nezvieraeraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutara mufananidzo unotsanangurab) kupa zvikonzero zvehudzamu hwekuparara kwezvieraera netsika

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo• kombiyuta

Maitirwo echidzidzo1. Rayiro yemudzidzisi yematarirwo emifananidzo (pie chats) nevadzidzi.2. Vadzidzi vanotara mifananidzo yavo vachishandisa zvakapihwa mumabhuku avo ekuverenga

pamakombiyuta, vari mumapoka.3. Mapoka anobatsirana kupa zvikonzero zveudzamu hwekuparadzwa kwezvieraera.4. Ongororo yebasa remapoka inoitwa seboka guru.

Zvimwe zvezvikonzero zvingatarisirwaa) Zvitubu nenjuzu- kuvharwa kwezvitubu

GONA CHIShona 4TG.indd 114 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 120: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

115

- kuteiwa kwenjuzu nevauyi- kuvakwa kwezvibhorani zvine girisi- nezvimwewo

b) Chirorodziva- kushambira mudziva- kuisa magetsi mubako racho- kushanyirwa nevekunze vakawanda, nezvimwewo

c) Masango neninga- kuvhima mhuka zvisina mwero- kutaura zvinosvoresa masango- kutemwa kwemiti- kuwandirwa nemabasa- nezvimwewo

d) Chisi nemahakurimwi- zvitendero zvemakereke- kugarisana kwevanhu nevekunze- nezvimwewo

e) Zviga zvemudzimba- kusashandiswa kwemidziyo sematuri- nezvimwewo

f) Makunakuna- kusagara pamwe semadzinza- kugarisana nevekunze vasingakoshesi tsika idzi- nezvimwewo

g) Makomo eNyanga- dambiro revekunze- vashanyi vawandisa- kuda mari senyika- nezvimwewo

h) Mabweadziva- kushanyirwa zvakanyanya- zvitendero zvevekunze, zvemakereke- nezvimwewo

6. NgatinyoreiPasi parohwa nenyundoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo enhetembob) kuunganidza pfungwa dzemunhetembo

GONA CHIShona 4TG.indd 115 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 121: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

116

c) kudavada mukati menhetembod) kuronga nhetembo zvine unyanzvi

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine chinyorwa chenhetembo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yebhambiri rine chinyorwa chenhetembo.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yemanyorewo enhetembo vachitungamirirwa nemudzidzisi.3. Rayiro yemudzidzisi maererano neunganidzo yepfungwa.4. Vadzidzi vanounganidza pfungwa dzemanyorerwo enhetembo vopira kuboka guru.5. Basa revadzidzi rekunyora nhetemboChrerechedzo: Murairidzi ngaakwenye nhetembo dzevadzidzi nekupa zvibodzwa. Nhetembo

dzakohwa pakuru ngadzishandiswe semienzaniso kuverengera vamwe vadzidzi vachinzwa zvabuda padziri.

GONA CHIShona 4TG.indd 116 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 122: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

117

Chitsauko 22

NguvaZvieraera zvemunguva dzegore

Vavariro Pakupera kwechitsuko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kuziva mwaka yepagoreb) kuziva zvieraera zvemwedzi yegorec) kugona kutsanangura utongo hwemadzimambo mumatunhud) kujekesa madonzo ezviito nemabudiro awo muzvirevoe) kugona mutauro wakakodzera pakubvunza mufaro kune vanoremekedzwa

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuburitsa mwaka yegoreb) kujekesa zviitiko zvepamwaka yegorec) kududza zvieraera zvenguva dzegore nezvikonzero zvazvod) kudoma zviwiravanhu zvinokonzerwa nezvieraera

Zvombo zvingashandiswa• mifananizo inoratidza zvieraera

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopira chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanoita ongororo yemifananidzo.3. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yezviri mumabhuku avo.5. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita ongororo yezvabuda mumapoka avo.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa zvikonzero zvegungano ramambo Chakabetab) kududza zvieraera zvemudunhu ramambo Chakabetac) kudoma mwedzi yegore nezvieraera zvayod) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yezvieraera

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoongorora mifananidzo iri mumabhuku avo ekuverenga.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvayo.3. Vadzidzi vanoverenga ndima yose yenzwisiso vachidodomesa.

GONA CHIShona 4TG.indd 117 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 123: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

118

4. Mapoka evadzidzi anounganidza zvabuda mundima yenzwisiso.5. Panoitwa hurukuro yehokorodzwa dzevadzidzi.6. Vadzidzi vanodzokorora kuverenga ndima yenzwisiso vopindura mibvunzo yenzwisiso.7. Vadzidzi vanoita dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzingatarisirwa1. Dare ramambo raive rekuudza vanhu kuti varegere kuita madiro nezvieraera zvemudunhu. (1)2. Vakomana nevasikana, vakwegura, pwere, madzimai ekure (chero maviri) (2)3. Kwaidyiwa nyama yakawanda nekunwa doro zhinji (2)4. Raive guru nekuti raitungamirirwa nemadzishe enyembe diki nemasadunhu (2)5. a) Kushinha panguva yemukwerera wemuna Ndira (1)

b) Kudya michero ichiri kusvosva muna Gunyana (1)c) Kuroora kana kutonga matare muna Mbudzi (1)

6. a) vanhu vavaichengeta (2)b) vanhu vakwegura (2)c) vaive nenhomba yenyama (2)d) vanodya zvekutanga kuibva mumunda (2)

7. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa:- mambo Chakabeta vakakoka vanhu kudare guru- vanhu vaifarira dare ramambo kundodya nekumwa- vanhu vakauchira mambo nekupemberera- mambo vakaudza vanhu kuti vasashinha pamukwerera wemuna Ndira- madzimai akanzi asadya zvisati zvapirwa kuvadzimu- vana vakanzi vasadya michero isati yaibva- mambo vakarambidza kugezera pazvitubu- roora nematare hazvidiwi muna Mbudzi

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwechete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroFananidzo neenzanisoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma fananidzo neenzaniso dzine chitsamab) kushandisa fananidzo mukuumba zvirevoc) kutsanagura zvirevo zvine enzaniso

Zvombo zvingashandiswa • zvitaitai zvine mibvunzo yefananidzo neenzaniso• bhambiri rine zvirevo zvine fananidzo neenzaniso

GONA CHIShona 4TG.indd 118 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 124: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

119

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa mienzaniso yefananidzo neenzaniso.2. Hurukuro yemashandisirwo efananidzo neenzaniso.3. Vadzidzi vanoita edzesero vari mumapoka madiki.4. Vadzidzi vanoita ongororo nehurukuro yezvabuda.5. Basa revadzidzi rekunyora.6. Murairidzi anoongorora zvanyorwa nevadzidzi.

Mhinduro dzingatarisirwaa) Zvirevo zvevadzidzi ngazvive nefananidzo dzacho. Semurairidzi, ongororai kuti zviervo

zvapiwa zvizere uye kuti fananidzo dzabuda.b) Enzaniso:

(i) Kureva kuti Tapudzai ifende yemusikana.(ii) Kureva kuti Perai akachenjera zvakanyanya.(iii) Kureva kuti Garikai anofamba zvishoma nezvishoma.(iv) Kureva kuti Maria munhu ane hutsinye hwakanyanya.(v) Kureva kuti mashoko amambo aifadza kuteerera.

4. Ngatiumbei mutauroMadonzo ezviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanagura kuti donzo rechiito chiib) kupa mienzaniso yemadonzo ezviitoc) kududza mazita emadonzo nekutsanangura zvaanorevad) kunyukura zviito muzvirevo nekupa mazita emadonzo aripo

Zvombo zvingashandiswe• zvitaitai zvine madonzo ezviito

Maitirwo echidzidzo1. Mharidzo yemurairidzi maererano nemadonzo ezviito.2. Hurukuro yemhando dzemadonzo ezviito.3. Edzeseroyemapokapanezviripazvitaitai.4. Basa revadzidzi rekunyora.5. Murairidzi achaongorora basa revadzidzi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) ngavatamiswe - donzo rekurudzirob) vakapinda - donzo rekuudzac) kufara - donzo rekuitad) havatore - donzo rekurudziroe) angaputsa - donzo regonekof) kutaura - donzo rekuitag) amwisa - donzo rekuudzah) angachemazve - donzo regonekoi) ngavachienda - donzo rekurudziroj) vatenga - donzo rekuudza

GONA CHIShona 4TG.indd 119 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 125: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

120

5. Ngatirungei mutauroMisambo yemutauroKuombera kana kubvunza mufaro vanoremekedzwa pachivanhuZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma vakuru vanokodzera kuuchirwa munzvimbob) kududza vanoremekedzwa vangabvunzwa mufaro munzvimboc) kunyora mashoko anoperekedza mauchiro kuvakuru / vanoremekedzwa

Zvombo zvingashandiswa• vamwe vadzidzi vaviri

Maitirwo echidzidzo1. Kuverenga zviri mumabhuku evadzidzi.2. Edzeseroyezvirimumabhukunevadzidzivavirivasarudzwa.3. Hurukuro yemashoko pakuombera / bvunza mufaro.4. Basa revadzidzi rekunyora.5. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuverenga zvavanyora.

6. NgatinyoreiRondedzero: Zvinondifadza panguva yechirimoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuburitsa zviitiko zvepanguva yechirimob) kujekesa zvinofadza panguva yechirimoc) kunyora rondedzero yakapfumiswa mutauro

Zvombo zvingashandiswa• hokorodzwa dzevadzidzi

Maitirwo echidzidzo1. Ongororo yemusoro wenyaya nevadzidzi vose.2. Unganidzo yezviitiko nemudzidzi woga woga.3. Panoitwa hurukuro yezvaunganidzwa nevadzidzi.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yemanyorerwo akanaka erondedzero.5. Vadzidzi vanonyora rondedzero yezvinovafadza zvaunganidzwa.

Zvimwe zvingaburitswa murondedzero- kuzorora mabasa ekurima nekukohwa- kuita mabasa anovaraidza, sokuti: jakwara.- jenaguru – mitambo yeusiku, sokuti: mbakumba, jerusarema.- kudziya kwekunze- mitambo yemasikati inovaraidza, senhodo.- kuvhima mhuka, kuredza hove.- nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 120 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 126: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

121

Chitsauko 23

Kutongwa kwematunhuNhaka dzeushe

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kuziva nhoroondo yeushe munyikab) kutsanangura masarudzirwe emadzishe kubva pasichigarec) kuziva vanhu vaikodzera kugara ushe kusvika nhasi unod) kutsanangura tsumo dzakafanana nedzapiwae) kuburitsa madonzo ezviito nemashandisirwo awo mumutaurof) kugona kutara mifananidzo

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma vanokodzera kutonga matunhub) kupa zvikonzero zvekukakavadzirana ushec) kutsanangura magadzirwo ashe

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yezvipfeko zvashe• mukokwa

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopira chidzidzo kuvadzidzi.2. Mudzidzisi anopa mukokwa mukana, otsanangurira vadzidzi nyaya yekugadzwa ushe.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yezviri pamifananidzo yezvipfeko zvashe.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi, vari mumapoka avo.5. Ongororo yezvabudiswa nemapoka.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura basa revaRozvi muutongi hwekareb) kudoma zvinotariswa pakusarudza ishe mutsvac) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• midziyo yeushe setsvimbo, gano nezvimwewo kana mifananidzo yemidziyo iyi pabhambiri

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoongorora mifananidzo iri pabhambiri2. Hurukuro yemifananidzo iyi.3. Vadzidzi vanoverenga ndima yose.4. Hurukuro yezvabuda kubva mundima.5. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso.

GONA CHIShona 4TG.indd 121 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 127: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

122

Mhinduro dzinotarisirwa1. Mutsurundundu, mapishapisha kana makakatanwa (chero maviri) (2)2. VaRozvi vaitungamirira kugadzwa kwemadzishe. (1)3. Ishe aisarudzwa nemhondoro aive ishe wechokwadi anobva kuvadzimu vedzinza reushe.

Ishe aisarudzwa neVaRozvi aigona kuve wefufuro asiri wechokwadi. (2)4. Vanotarisa ukuru hwemunhu mudzinza reushe kana kuti baba vakuru padzinza. (2)5. VanaMudzviti vanoita basa rekuchengetedza umboo hweushe uye vanogadza madzishe

pazvigaro. (2)6. Aigonakuvenegarudzo,ndudzokanamimwemishongayemusimbisa.(cherozviviri)(2)7. Kodzero yeushe yaigona kutorwa kana munhu anoda ushe akambopara mhosva kana kuti asiri

wedzinza reutongi. (2)8. Jinda rinofarirwa namambo rinopiwa chinyembana uye jinda rechikadzi rave

kupiwa ushe. (2)9. Zvinoreva ndevo:

a) kufusha umboo hweushe (2)b) tsvusabanya kana kuti huku yakarinda guyo (2) c) mubvandiripo kana mhakaswa (2)

10. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa:- ushe hwairavanwa kubvira kare- vaRozvi vaitungamira kugadzwa kwashe- ushe hwave hwevakuru padzinza kana baba vakuru- mudzviti otungamirira sarudzo neugadzo hwashe- ishe achinge afa, mwana wake anombotonga kwenguva pfupi- vasiri vedzinza havatenderwi kutonga- madzishe enyembe diki nemadzimai ave kutongawo

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroTsumo dzinoreva zvakafananaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinoreva tsumo dzakapiwab) kupa tsumo dzinoreva zvimwe chete nedzakapiwa

Zvombo zvingashandiswa• chinyorwa chine tsumo• zvitaitai zvine tsumo

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo, vadzidzi vaviri kana vatatu vopa tsumo dzavanoda vamwe

vobatsira kutaura dzinoreva zvimwe chetezvo nedzapiwa.2. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa, voburitsa tsumo kubva muchinyorwa.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvadzinoreva.

GONA CHIShona 4TG.indd 122 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 128: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

123

4. Vadzidzi vanoverenga mazano ekunzwisisa kutsvaga tsumo dzinoreva zvakafanana kubvamumabhuku avo.

5. Vadzidzi vanonyora rakapiwa mumabhuku avo.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.b) Mhembwe rudzi inozvara mwana ane ruzhumwi / Mbudzi kudya mufenje hufana nyinac) Ateyamarivamurutsvahaachatyikusvibamagaro.d) Gavi rakabva kumasvuuriro.e) Uswa hwenyati ndohwuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo.f) Chikuriri chine chikuriri chachog) Tsuro haiponi murutsva kaviri.h) Chisi chako masimba mashoma / Chimwango chekukumbira hachipedzi ndimai) Dai ndakaziva haitungamiri.j) Natsa kwawabva kwaunoenda usiku.

4. Ngatiumbei mutauroMadonzo ezviitoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma dzimwe mhando dzemadonzo ezviitob) kutsanangura mhando idzic) kupa mienzaniso yezviito zvinoburitsa mhando dzemadonzo dzakasiyana

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine zviito zvemadonzo• bhambiri rine zvirevo zvemadonzo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yezviri pabhambiri.2. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro yedzimwe mhando dzemadonzo.3. Vadzidzi vanonyora nhongeredzwa kubva muhurukuro.4. Edzeseroyekutsvakamadonzopazviitozviripazvitaitai.5. Basa revadzidzi rekunyora.Cherechedzo: Mudzidzisi ngaaongorore zvirevo zvevadzidzi kuona kuti zvaburitsa here donzorechiito chakapiwa obva apa mugove.

5. NgatitsvakurudzeiUgadzo hwemadzishe: Fanano nesiyano kare nanhasiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura masarudzirwo nemagadzirwo emadzishe kare nanhasib) kupa mitsauko pamasarudzirwo nemagadzirwo emadzishe kare nanhasi

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo kana magwaro anotaura nezveushe• mukokwa

GONA CHIShona 4TG.indd 123 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 129: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

124

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudzo, padandemutande kana mumagwaro chidzidzo

ichi chisati chatanga.2. Mudzidzisi anoparura zvinodiwa pachidzidzo.3. Mukokwa anotsanangurira vadzidzi nezvekugadzwa kwaishe.4. Mapoka anoita basa ranhasi.5. Ongororo yezvabuda mumapoka.6. Vadzidzi vanonyora nhongeterwa.

Zvimwe zvingabuda mutsvakurudzoFanano- makakatanwa pakusarudza ishe- nyaya dzefufuro dzinowanikwa- midziyo inopiwa ishe paanogadzwa setsvimbo, gano nezvimwe- ushe hunogadzwa zvichienda neukuru kana dzimba- nezvimwewo

Siyano- ugadzo hwaiitwa nevaRozvi, nhasi naMudzviti- rupfeko rweushe rwasiyana- umboo hweushe hwematunhu hwogara hwakachengetwa kwaMudzviti- kare ushe hwairwirwa, nhasi kurwa hakutenderwi nemutemo- nezvimwewo

6. Ngatishangazhikei pakunyoraKugadzwa kwashe namudzvitiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinoitwa pakugadzwa kwasheb) kutara mufananidzo unoratidza kugadzwa kwashec) kuumba nyaya nemufananidzo

Zvombo zvingashandiswa• zvinyoreso zvemavara• muto wemavara akasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga zviri mumabhuku avo.2. Rayiro yemudzidzisi maererano nebasa revadzidzi.3. Vadzidzi vanoita basa rekutara mifananidzo.4. Mudzidzisi anoongorora mifananidzo yevadzidzi.

Zvichabuda- mudzidzisi ngaapime udzamu hwemifananidzo yevadzidzi- vadzidzi vakohwa zvibodzwa zvizhinji ngavapembedzwe- mifananidzo yakunda imwe, ngaiyanikwe pachidziro

GONA CHIShona 4TG.indd 124 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 130: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

125

Chitsauko 24

Bumbiro remutemo renyika yedu nerepasi rose

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kujekesa kuti bumbiro remutemo rinotii, kunyanya neupenyu hwatave nahwo mazuva

anob) kuva nyanzvi pakunzvera zviri mubumbiro romutemoc) kuva nyanzvi pakudzumbunura zvakafanana mubumbiro redu nerepasi rosed) kuva nyanzvi pakutsanangura zvinyorwa zvine chekuita nenyaya dzebumbiro remutemo wenyikae) kugoka ruzivo rwemutaurosiri rwakanangana netsumo nenyaudzosingwif) kutsanangura mutauro nemaumbirwo awog) kuziva musambo wekupira nyunyutoh) kukwenenzvera unyanzvi pakunyora rondedzero nerodzapfungwa

1. NgatikurukureiPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti bumbiro remutemo chiib) kudoma zviga zvinojekesa kudyidzana kwebumbiro remutemo renyika yedu nerepasi rosec) kujekesa nguva dzakavambwa mabumbiro aya

Zvombo zvingashandiswa• zvinyorwa zvine chekuita nebumbiro remutemo wenyika ino nerepasi rose• mifananidzo inoratidza zviri mubumbiro remutemo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaiswe mumapoka anogona kuita mana kana kupfuura.2. Vadzidzi vanoongorora mifananidzo nemudzidzisi.3. Vadzidzi ngavapihwe nguva yokuti vanzvere nekutsvakurudza pfungwa dzine chekuita nebasa

ravanenge vapiwa.4. Vadzidzi ngavapihwe nguva yekupira zvavawana seboka

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti bumbiro chiib) kudonongodza nzira dzinojekesa kudyidzana kwemabumbiro akapihwac) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo.

Zvombo zvingashandiswa• zvinyorwa zvebumbiro remutemo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverengerwa zvinyorwa zvebumbiro remutemo, voita hurukuro.

GONA CHIShona 4TG.indd 125 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 131: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

126

2. Vadzidzi ngavaverenge ndima yenzwisiso nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.3. Mazwi matsva ngaanyururwe kuitira kuti agokurukurwa nezvawo.4. Vadzidzi ngavanyore mibvunzo yenzwisiso ichakwenywa nemurairidzi mushure mechidzidzo.5. Dzokororo yebasa ranyorwa, vadzidzi vonyurura pfungwa huru dzepfupiso.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Chepamusoro-soro pemitemo ipi zvayo. (1)2. Zvizvarwa zvose nevatungamiri vose. (2)3. 2013 (1)4. Ndebele , Chewa , Ndau, Shona ,Tonga zvichingodaro (2)5. Kugona kusvikawo pazvivakwa nezvishandiswa zvose uye kuitirwa zvirongwa zvinovasimudzira

zvichienderana nezvavari. (2)6. Kugara pakanaka, zvekudya zvine utano uye kuwanawo minda. (2)7. Kupihwa mikana yakafanana nevanhurume uye kuwanawo minda. (2)8. Kuponesa zvizvarwa kubva muhondo dzenyika, kuchengetedza kodzero dzevanhu nekuva

nebudiriro mumagariro akanaka eruzhinji murunyararo. (3)9. Kuchengetedzwa kwerunyararo nekudzivirirwa kwevanhu pasi rose/kuvaka ushamwari pakati

penyika. (2)10. Kugadzirisa kunetsana kwenyika vachitsvagawo zvikonzero zvekunetsana uku. (1)11. Kunyorazvesezvinoitikapagore rega regazvoendeswakuGeneralAssemblykanakuona

nezveurongwa pamisangano yemapazi eUnited Nations. (1)12. PfupisoMudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru nomwe. (10)- bumbiro remutemo remuZimbabwe rakagadziriswa mugore ra2013- mitemo inobata munhu wese- nyaya yemureza wenyika nerwiyo rwenyika zvakakosha- zvinangwa zvebumbiro zvinoda kuzivikanwa- kudyidzana kwenyika yeZimbabwe nedzimwe nyika- kuwanikwa kwedzidzo nevose kuzvikoro- bumbiro repasi rose rakakoshera pakuponesa zvizvarwa kubva kuhondo dzenyika

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatishandisei mutauroMusamboZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura nzira dzakanaka dzekuburitsa nyunyutob) buritsa nyunyuto nenzira dzakanaka

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mienzaniso yenzira dzakanaka dzekubuditsa nyunyuto

GONA CHIShona 4TG.indd 126 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 132: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

127

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi vanotaura zvavanoziva pamusoro pemusambo ungashandiswa kuburitsa nyunyuto..3. Mudzidzisi anoratidza vadzidzi mienzaniso iri pabhambiri poitwa hurukuro. Vari mumapoka

avo, vadzidzi vanoita basa ranhasi.4. Mapoka anopira zvaawana.

4. Ngatirungei mutauroTsumo nenyaudzosingwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa tsumo dzinofambirana netsanangudzo yakapihwab) kupa nyaudzosingwi dzakakodzera

Zvombo zvingashandiswa.• zvitaitai zvine nyaudzosingwi• bhambiri rine tsumo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa tsumo nenyaudzosingwi dzavanoziva.2. Vadzidzi vanotsanangura zvinoreva nyaudzosingwi dziri pazvitaitai nekududzira tsumo dziri

pabhambiri.3. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.4. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwa patsumo nenyaudzosingwia) Tsumo

(i) Mabasa kuwanda muzvere kurarira tsenza.(ii) Chirema ndechine mazano chinotamba chakazendama nemadziro.(iii) Rudo ibofu.(iv) upfumi uroyi.(v) kuziva mbuya huudzwa.

b) Nyaudzosingwi(i) pweshe, gada, go-o(ii) ba-a(iii) zi-i, ziro, mwi-i, mwiro(iv) mba(v) kabu, kabi

5. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvidudziramazita zvakabvunzwab) kutsanangura maumbirwo ezvidudziramazita

GONA CHIShona 4TG.indd 127 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 133: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

128

c) kunyurura zviito nekupa maumbirwo achod) kunyurura zvindori

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvakanyorwa mitauro inodiwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavanyurure mitauro inodiwa kubva pabhambiri.2. Vadzidzi ngavape mazita acho.3. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi, umwe neumwe ari pake ega.4. Dzokororo rebase ranyorwa.

Mhinduro dzinatiriswaa)

Chidudzirazita MaumbirwoPaye – Chisarudzi Chivakashure chechisarudzi + Dzitsi rechisarudzi

Pa- + -ye rimwe – Chiverengo Chivakashure chechiverengo +Dzitsi rechiverengo

ri - + -mweiri- Chiratidzi chepedyo Chitsigisi chechiratidzi + chiratidzamupanda chechiratidzi

i- + -ri

b) (i) zvi- chiratidzamuiti-no- chiratidzanguva-simu- mudzi wechiito-dz- rebeso yekonzero-ir- rebeso yekuitira-a nzvovera yekupedzisira

(ii) -va- muitika- chiratidzanguva-remar- mudzi wechiito-a nzvovera yekupedzisira

(iii) ku- chivakashure chezita- chenget- mudzi wechiito-edz- rebeso yekonzero-w- rebeso yekuitwa-a nzvovera yekupedzisira

(iv) zvi- chiratidzamuiti-ka- chiratidzanguva-end- mudzi wechiito-erer- rebeso yemherevedzo-a nzvovera yekupadzisira

GONA CHIShona 4TG.indd 128 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 134: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

129

(v) mu- chivakashure chezita-bat- mudzi wechiito-an- rebeso yebatano-idz- rebeso yekonzero-w- rebeso yekuitwa-a nzvovera yekupedzisira

c) ibasa, ndiye, ndiyo, mabasa (nezvimwewo)

6. Ngatishangazhikei pakunyoraBumbiro remutemoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mhinduro dzekurodza pfungwab) kunyora pfungwa dzakarungwa zvakakodzerac) kunyora hurukuro ine unyanzvi maererano nekudyidzana kwemabumbiro enyika

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvinotarisirwa pakunyora

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavakurukure pamusoro pezvinotarisirwa pakunyora zvakapihwa pabhambiri.2. Vadzidzi vanopanana mazano pakunyora rodzapfungwa kana nhetembo.3. Vadzidzisi vanonyora basa pake pake.4. Mudzidzisi ngaakwenye zvashangazhikwa nekupa zvibodzwa.

GONA CHIShona 4TG.indd 129 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 135: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

130

Chitsauko 25

Hondo yerusunungukoChimurenga chechitatu nehurongwa hweupfumi

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kujekesa kuti Chimurenga chechitatu chiib) kutsanangura zvirango zvezveupfumic) kugoka ruzivo rwakanangana nezvirongwa zvehurumende yeZimbabwe maererano neChimurenga

chetatud) kugoka ruzivo rwemutaurosirie) kuva nyanzvi pakunyora rondedzerof) kukwanisa kuumba mazita nezvidudzira mazita

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti Chimurenga chetatu chii nemafambiro achob) kutsanangura kuti hurango hwezveupfumi chiic) kuratidza zvakanakira Chimurenga chetatu kuvana veZimbabwe

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo kana magwaro anotaura nezveChimurenga chechitatu• bhambiri rine mibvunzo yakanangana neChimurenga chechitatu

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekunoita vhendenyuro yeChimurenga chechitatu padandemutande

reruzivo kana mumagwaro chidzidzo chisati chatanga.2. Vadzidzi ngavaiswe mumapoka anogona kuita mashanu.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanotaurirana nezveChimurenga chechitatu vachipa zvavakaverenga.4. Vadzidzi vanopira zvavanowana mudzidzi / mudzidzisi achinyora.5. Hurukuro yezvabuda.6. Vadzidzi vanoita hurukuro yebasa ranhasi.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti Chimurenga chechitatu chiib) kutsanangura zvirango zveupfumic) kududzira mazwi matsvad) kuverenga vachidodomesae) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswe• bhambiri rine mifananidzo yevarwi veChimurenga chetatu

GONA CHIShona 4TG.indd 130 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 136: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

131

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaverenge ndima chinyararire.2. Vadzidzi vanogona kuwana mumwe anoverenga vakateerera.3. Vadzidzi ngavaverenge nekunyora mibvunzo yenzwisiso.4. Mazwi matsva ngaakurukurwe nezvawo.5. Vadzidzi ngavanyore basa panguva yakatarwa.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Ivhu raizoramba riri mumaoko evarungu vairima uye hurumende yaizowanawo ivhu racho

kuburikidza nekutenga nekutengesa vachibhadharwa nevekunze. (1)2. kuLancaster House mugore ra1979 (1)3. nekuda kwemakakatanwa pakati peZimbabwe neBritain kuti patevedzerwe nzira itsva yekutora

minda.4. IsheSvosvekuDesktopFarmkudunhureMashonalandEast(2)5. A1neA2:A1yakaitirwakutivanhuvagarezvakasunungukamumindavachibvakumaruwa.

A2yakaitirwa kuti varimi vechitema vakwanisewo kurima vachitengesa. (2)6. Kuparadza nzara zvachose nekubudirira panyaya dzeupfumi. (1)7. Nzira dzakashandiswa pakutorwa kweminda dzakatyora kodzero dzevanhu. (1)8. Kudzikira kwehupfumi hwenyika nekutambura zvakanyanya muvanhu. (2)9. Kuva vana vevanhu vechitema. (1)10. Izwi rinofambirana netsananguro:

a) kunetsana kwakanyanya: makakatanwa (1)b) kuita chinhu chinobatsira: pundutso (1)c) kupinda panzvimbo nekukurumidza: pindikiti (2)d) vanhu vazhinji kwazvo: gurumwandira (2)e) kurwisana kuti uwane zvaunoda: Chimurenga (2)

11. PfupisoMudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru nomwe.- kutangwa kweChimurenga chetatu mugore ra2000- kutorwa kweminda kuvachena ichidzorerwa kuvatema- kupinda kwaishe Svosve mupurazi reDesktop- chinangwa chikuru chekuparadza nzara nekuunza budiriro- kupa munhu munda mumwe chete- kurwadziwa kwevachena zvichiunza zvirango zveupfumi- kurasikirwa kwenyika nemari zhinji nokuda kwezvirango

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. NgatinzvereiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa zvinomirira mavara akapihwab) kuziva zviitiko zvepaChimurenga

GONA CHIShona 4TG.indd 131 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 137: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

132

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo kana magwaro anorondedzera hondo yeChimurenga

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita vhendenyuro yezveChimurenga padandemutande kana

mumagwaro anotaura nezveChimurenga.2. Vadzidzi vanokurukura zvawawana kubva mutsvakiridzo dzavo.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita basa ranhasi.4. Dzokororo yebasa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) (i)InternationalMonetaryFund.

(ii) EuropeanUnion.(iii) ZimbabweAfricanNationalUnionPatrioticFront.

b) IMFneWorldBankc) 1893d) rizere zvicherwa,mafuro nezvirimwae) Kusarudza zvakanyanya pakupa vanhu minda.

4. Ngatirungei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kushandisa nyaudzosingwi muzvirevob) kutsanangura zvinoreva tsumoc) kupa dudziro yemadimikirad) kupa zvizere zvidimbu zvemavara nezvaanorevakumusambo.

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mibvunzo• bhambiri rine zvirungamutauro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa nyaudzisingwi dzavanoziva muzvirevo.2. Vadzidzi vanotsanangura tsumo zvizere.3. Vadzidzi vanoita hurukuro yemadudzirirwo emadimikira.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yemazwi akapihwa pamusambo.5. Vadzidzi vanokurukura nezvezvirungamutauro zviri pabhambiri.6. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.

Dudziro dzinotarisirwa pazvirungamutauroa) Zvirevo:

(i) Vachingopedza kutaura nezvake akabva ati pfacha pamusha.(ii) Vana vakabva panze vachimhanya ndiye pindikiti muimba yekubika.

b) Tsananguro yetsumo:(i) Zvinhu zvinoda kuita nekukasika nguva dzose.(ii) Pane zvinhu zvisingashanduke nyangwe vanhu vakaedza sei.(iii) Kana watanga chinhu chinogozha wotoshinga.(iv) Kuitwa kwechinhu zvakanaka kunozokonzera matambudziko makuru.

c) (i) Kuvhura nzira: kutanga kuita chinhu.

GONA CHIShona 4TG.indd 132 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 138: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

133

(ii) Kuchemera cheziya: kunetsera zvakashandirwa(iii) Vakafuga ravo voga: kufa(iv) Zvichidya nhoko dzezvironda: kutambudzika zvikuru

5. Ngatiumbei mutauroMazita nezvidudziramazitaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa mipanda nemadzitsi emazita apiwab) kupa mazita ezvidudzirazitac) kuratidza maumbirwo ezvidudzirazita

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine ndima ine mazita nezvidudziramazita

Maitirwo chidzidzo1. Vadzidzi vanopa mipanda yavanoziva.2. Vadzidzi vanonyurura mazita kubva mundima iri pabhambiri.3. Vadzidzi vanoratidza maumbirwo ezvidudzirazita.4. Vadzidzi vanodoma mazita ezvidudzirazita.5. Vadzidzi vanonyora basa panguva yakatarwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Mupanda nemadzitsi:

(i) Mupanda 11, -sununguko(ii) Mupanda 5, -vhu(iii) Mupanda 9 / 10, -nyika(iv) Mupanda 15, -dada(v) Mupanda 6, -furo

b) Zvidudzirazita(i) chipauro(ii) chiverengo(iii) chiratidzi chepedyo(iv) chipauro(v) chirevamwene

c) Chivakashure chechipauro + Dzitsi rechipaurova- + -tsvama- + -zhinji

Chivakashure chechiverengo + Dzitsi rechiverengomi- + -mwe

Chitsigisi chechiratidzi chepedyo + chiratidzamupanda chechiratidzi chepedyoi- + -yi

Chiwedzerwa chechirevamwene + -a- (nzvovera inoshanduka) + dzitsi rechirevamwenech- + -e- + -tatu

GONA CHIShona 4TG.indd 133 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 139: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

134

6. NgatinyoreiRondedzeroZvinangwaPanopera chidzidzo, vadzidzi vanotarisirwa kunge vava kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo erondedzero yetsanangurob) kunyora vachiratidza maitirwo enhaurirano zvikuru sei pamazita nendima uye pfungwa huruc) kunyora rondedzero nemazvo

Zvombo zvingashandiswe• bhambiri rine chimiro cherondedzero yekutsanangura neyehurukuro• bhuku remitambo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaite ongororo yezvimiro zverondedzero zviri pabhambiri.2. Vadzidzi ngavatarisise bhuku remutambao nemanyorerwo acho.3. Vadzidzi ngavaedzesere kunyora hurukuro.4. Vadzidzi ngavaite unganidzo yepfungwa huru.5. Vadzidzi ngavanyore basa ravasarudza.

Pfungwa dzinotarisirwaa) Rondedzero yetsananguro ngaijekese zvinotevera:

• Chii chinonzi chimurenga / zvirango zvehupfumi.• Zvakauya sei?• Riini?• Kupi?• Zvakanakirei?• Zvakaipirei?• Zvingagadziriswa sei?

b) Pahurukuro mutauri wega wega ngaapihwe mukana wekudoma pfungwa huru nokuzoitsigirazvizere. Vatauri ngavape pfungwa dzakawanda kwete kungodzokorora pfungwa imwe chete.

GONA CHIShona 4TG.indd 134 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 140: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

135

Chitsauko 26

Dzokororo yechipiri

Bepa rekutangaChikamu A: Rondedzero

1. Rondezderoa) Kurova guva- vadzidzi ngavaburitse kuti kurova guva kudzora mweya wemushakabvu mumusha kuti uve

mudzimu- ngapabude gadziriro yekurova guva, sekudeketerera njera, kubikwa kwedoro, nezvimwe- ngairatidze zvinoitwa musi wekurova guva sekutungamidza dunzvi, kuzuza kwembudzi, basa

revaroora rekukura nzira inoenda kuguva, kudeketera chikari chemupiro nezvimwe- ngaiburitse mutambo wekupemberera mweya wemushakabvu wauyiswa mumusha, kunwiwa

kwedoro, kudyiwa kwesadza, nyama isina munyu nezvimwe- ngaipfumiswewo mutauro

b) Mushonga wengozi kuripa- ngaijekese kuti ngozi chii- ngapabude zvikonzero zvengozi- ngozi ngaionekwe mabasa ayo kumhuri yemhondi- ngaparatidzwe mhuri ichiedza kutsipika ngozi iyi- ngozi ngairatidze kuparadza- veukama ngavaonekwe vachironga zvekuripa ngozi- ngozi yaripwa, ngapaonekwe rudekaro pamhuri yemhondi- nezvimwewo zvingaburitswa nevanyori

c) Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwaItsumo inoreva kuti hama yeropa inofanirwa kubatsirwa zvakanyanya, pane kupa rubatsiro rwesekuvatorwa chete.- ngaive nyaya inojekesa musoro wetsumo- vanyori ngavave nevatambi vanofambisa nyaya yavo- ngapaitwe rongedzero yepfungwa dzingashandiswa nevanyori- vanyori ngavaedzewo kupfumisa mutauro

d) HurukuroAnotsigira musoro wenyaya anogona kuti:- barika rinokudza rudzi- vanhu vepabarika vanobatsirana basa vachikohwa pakuru- pabarika pane makwikwi anosimudzira upenyu hwevanhu- nezvimwewo

Anopikisa anogona kuti: - barika rinounza ruvengo pakati pemhuri- vanhu vepabarika vanogona kuroyana- vana vanozvarwa vakawanda baba vachikundikana kuvariritira- nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 135 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 141: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

136

e) Tsamba kuGurukota rinoona nezveupfumi- ngairukwe kero zvakanaka, zuva nekero yechipiri- kero yechipri inogona kutangiswa ichinzi: Gurukota rinoona nezveupfumi, pozoita zvinotevera- zvinoita kuti kero iyi ibude zvakakwana- kwaziso yetsamba yebasa ngaijekeswe, sokuti: Vadiwa Changamire

Zvimhingamupinyi zvingabudiswa- kushaya mari yekutangisa mishandirapamwe yavo- kushaya kwekutengesera zvigadzirwa nemikoho- kusawirirana pakati penhengo dzemishandirapamwe- kutadza kuwana rutsigiro kubva kuhurumende- nezvimwewo

Mazano- hurumende ipe zvikwereti kumishandirapamwe- pave nevatungamiriri vanoremekedzwa mumishandirapamwe- mishandirapamwe itsvake misika yekutengesera zvigadzirwa kana goho- ave nebumbiro remutemo unosunga nhengo dzemushandirapamwe- nezvimwewo

Chikamu B2. NzwisisoMhinduro dzingatarisirwa1. Chenhamo aiyemurwa pakushanda nesimba. (1)2. Vainge varitenga kune muchena mushure mekunge vawana mari pamutambo wemabhiza. (1)3. Chenhamo aidzvanyirirwa nekuitiswa basa remumba uye kuchengeteswa zvipfuwo. (2)4. Zadzikiso yemazita:

(i) Mupfumi: vaive nepfuma zhinji patenganyika pavo (1)(ii) Muchemwa: vainzwisa tsitsi nekubirwa naMutemo patenganyika pavo (1)(iii) Chenhamo: aioneswa nhamo nemhuri yaVaMupfumi (1)

5. Mutemo aive simbe uye mbavha, Chenhamo aiteerera nekushanda nesimba. (1)6. Kwakaita kuti Vimbai arumwe nenyoka ari kumatanga uye zvipfuwo zvaVaMupfumi zvakaparadzwa

nemapere nemakava. (2)7. Zvinoreva mashoko:

(i) vainge vapiwa mapudzi matatu: vainge vaita vana vatatu (2)(ii) aitambiswa chamutavanhava: aitambudzwa zvikuru (2)(iii) matenga avazarurira: vapiwa makomborero (2)(iv) vakadya rukonye: vakapopota chaizvo (2)(v) yakasara ichifema moto: yakasara ichitambudzika zvikuru (2)

8. PfupisoPfungwa huru dzingatarisirwa kubuditswa.- Chenhamo ainge akasimba achishanda zvikuru- amai Mupfumi nevana vavo vaivenga Chenhamo- tenganyika raVaMupfumi rainge rizere nezvipfuwo- Chenhamo akaramwa basa- VaMuchemwa vaitambura naMutemo- mhuri yaVaMupfumi yakanetseka nemabasa patenganyika- rayiro yaVaMuchemwa kuna VaMupfumi (10)

GONA CHIShona 4TG.indd 136 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 142: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

137

Bepa rechipiriChikamu chekutangaZvirungamutauro1. Tsumo

a) Mutunhu unorira shumba haugari gava.b) Kachembere kanonhuwa mukanwa ndiko kanotaura mashoko mavi.c) Kumedza nhengeni kugonda huro.d) Kutakura/Atakurangwenahuida.e) Mapudzi anowira kune vasina hari.f) Zvine mashura dede / gudo kuwa mumuti.g) Moyo wemunhu ndishe wake.h) Kurembera kwedamba handi kudonha.i) Kukwira gomo hupoterera / huvanduriraj) Rwizi ruzere haruedzwi negumbo (10)

2. Misambo yemutauroa) chizukurub) chiramuc) chinyarikanid) chishamwari / chisahwirae) chirooraf) chibhendeg) chisahwirah) chirumudzanii) chinyarikanij) chibhende (10)

Chikamu chechipiriDudziramutauro1. Rebeso dzezviito

a) - is - rebeso yenyanyiso / yekonzerob) - ir - rebeso yekuitirac) - iw - rebeso yekuitwad) - an -, - is -,- w - rebeso yekuitirana, yekonzero, yekuitwae) -iw - rebeso yekuitwaf) - edz -, - an - rebeso yekonzero, yekuitiranag) - ek - rebeso yegonekoh) - w - rebeso yekuitwai) - is - rebeso yenyanyiso / yekonzeroj) - erer - rebeso yemherevedzo (10)

2. Zviratidzanguva a -nga - chezvinogona kuitika

b) - no- chezvinogaroitikac) - aka - chezvakaitikad) - cha- chezvichaitikae) - chi- chezvanga zvichiitika

GONA CHIShona 4TG.indd 137 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 143: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

138

f) - ai- chezvaigaroitikag) - a- chezvabva kuitikah) - o- chezvava pedyo kuitikai) - no- chezvinogaroitikaj) -chi- chezvanga zvichiitika (10)

3. Madonzo ezviitoa) angabudirira donzvo regonekob) vadya donzvo rekuudzac) kunyora donzvo rekuitad) vakagara donzvo renhevedzoe) asingacheme donzvo redudziramuitif) timuseke donzvo rechishuwog) idyai donzvo rekutumah) hatinamatei donzvo rekurudziroi) vachisakura donzvo rezvanga zvichiitika panguva iyoyoj) vanofara donzo redudziramuiti (10)

GONA CHIShona 4TG.indd 138 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 144: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

139

Chitsauko 27

Mishandirapamwe munyika yedu nenyika dzakavakidzana nesuVavariro Panoperera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kukwanisa kutsanangura kuti chii chinonzi mushandirapamwe vakanangana nenyika zhinjib) kuva nyanzvi dzekunzvera nekutsvakurudza maererano nemushandira pamwe wenyika dzosec) kugoka ruzivo rwemutaurosiri rwakanangana nemadimikira, tsumod) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzeroe) kugona kunyora rondedzero yegakava nemazvo

1. NgatikurukureiZvinangwaPanoperera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vokwanisa:a) Kutsanangura kuti mushandira pamwe chii.b) Kujekesa kuti yakakosherei.c) Kupa mienzaniso yemishandira pamwe yakasiyana-siyana.

Zvombo zvingashandiswa.• Zvinyorwa zvine mushandirapamwe.• Mifananidzo pamachati.

Maitirwo echidzidzo.1. Vadzidzi ngavataurirane vaviri vaviri.2. Vadzidzi ngavapire vamwe zvavakurukura.3. Vadzidzi ngavanzvere zvinyorwa zvine chekuita nemishandira pamwe.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsananngura kuti mishandirapamwe chiib) kudonongodza zvakanakira mishandirapamwe nezvayakaipirac) kududzira mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaverenge ndima chinyararire.2. Vadzidzi vanogona kuwana anotsetsenura kuverenga vamwe vakateerera.3. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.4. Mazwi matsva ngaanyururwe nekutsanangurwa pamwe chete.5. Vadzidzi ngavapihwe nguva yokuti vanyore mhinduro yemibvunzo yenzwisiso ichakwenywa

nemurairidzi vachishanda pamwe nemudzidzisi.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Kuchengetedza nharaunda dzinosimudzira budiriro yevatengesi vadiki pamwe nemishandirana

pamwe. (1)2. Zimbabwe National Association of Housing Cooperatives (1)

GONA CHIShona 4TG.indd 139 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 145: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

140

3. Kuva iro nyanzvi pakupa vanhu pekugara pane chiremera muno munyika kunyange vane marishoma. (1)

4. Kutsvaga pekugara nokuva nehomwe yekuvakisa (2)5. Wedzimbanewekurima(2)6. Kuwana mari zhinji, kuwana mukana wezvikwereti, kupedza nzara. (1)7. Kuunganidza varimi mumapoka nekubatsira mukuvadzidzisa nezvekurima. (2)8. Gumi neshanu, 1992 (1)9. Kuzvidzivirira, mitambo, budiriro, kutengeswa kwezvinodhaka, kutengeserana nemafambiro

evanhu. (2)10. Panyaya dzokukoshesa vanhu vose panyaya dzebudiriro pasina anosara.(1)11. Runyararo,kuvakaAfricainokoshesatsikanemagariroevanhunezvitenderozvavo,budiriro

ibvekuvanhuvemuAfricakunyanyavakadzinezvimwewo.(2)12. a) mushandirapamwe (1)

b) donzvo / chinangwa (1)c) chibvumirano (1)d) venhewe chena (1)

13. PfupisoVadzidzi ngavaburitse pfungwa huru vodzirovanidza pamwe vachibetserwa nemudzidzisi kutipabude nomwe.

- kuvepo kwebazi rinosimudzira vatengesi vadiki- mishandirapamwe inokurudzira kuvakwa kwedzimba- kudzidzisa nezveutachiona hweShuramatongo- mushandirapamwe wevechidiki wekuvaka dzimba- mushandirapamwe unodzidzisa zvokurima- kubatanakwenyikadzekuchamhembekweAfrica- kushandurwakweSADCCkuvaSADCZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Zvose (10) [30]

3. NgatinzvereiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunnge vave kukwanisa:a) kupa mazita akazara emisambo yakapiwab) kudomanyikadzemuSADCdzavanoziva

Zvombo zvingashandiswa• bhambiririnenyikadzemuSADC

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura musoro wechidzidzo kuvadzidzi.2. VadzidzivanodomanyikadzavanozivadzirimuSADC.3. MudzidzisianoratidzavadzidzibhambiririnenyikadzirimuSADC.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

GONA CHIShona 4TG.indd 140 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 146: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

141

Mhinduro dzinotarisirwa a) (i)SmallandMediumEnterprises

(ii) ZimbabweNationalAssociationofHousingCooperatives(iii) AfricanUnion(iv) OrganizationofAfricanUnion(v) SouthernAfricanDevelopmentCommunity

b) Nyika idzi dzirimo mundima ngadzitariswe imomo.c) Kurwisana, zvirwere zvemombe nekubiwa, nyaya dzebudiriro, dzidzo, utano (nezvimwewo)d) 1980e) Ian Khama, Gaborone kuBotswanaf) YouthHousingCooperativeAssociation

4. Ngatirungei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura madimikira zvizereb) kutsanangura zvinoreva tsumoc) kushandisa tsumo muzvirevo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvirungamutauro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa madimikira avanoziva nekuatsanangura.2. Vadzidzi vanodudzira tsumo zvizere.3. Vadzidzi vanoshandisa tsumo muzvirevo.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanonzvera zvirungamutauro zviri pabhambiri.5. Mapoka anopakurirana zvaawana.6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi, umwe neumwe ari pake ega.

Dudziro dzinotarisirwa a) (i) vane mari shoma

(ii) pekugara(iii) kuita zvinhu zvizhinji panguva iwe chete.(iv) magumo azvo.(v) kuwirirana kana kuronga pamwe chete

b) (i) Kubatsirana chinhu chakakosha zvikuru.(ii) vanhu vazhinji vanounza budiriro kudarika mumwe chete.(iii)Kuitwa kwechinhu nemunhu mumwe chete hakuunze budiriro.

c) Vadzidzi ngavape zvirevo zvinozadzisa tsumo zvizere sekuti:(i) Pakachata mwana wake akaona kuti muhupenyu chako wega mukonde wesadza.

5. Ngatiumbe mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma chivakashure chezitab) kupa mipanda yemazitac) kupa zita rinofambirana nechidudzira zita chakapihwa

GONA CHIShona 4TG.indd 141 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 147: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

142

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mitauro yakapihwa• bhambiri rine zvidudzirazita

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita hurukuro nezvemitauro.2. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pemitauro yakapiwa pazvitaitai.3. Vadzidzi ngavadome mazita avanoziva vopa zvivakashure zvemazita.4. Vadzidzi ngavape zita rinofambirana nechidudzirazita chakapiwa pabhambiri.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Chivakashure nemupanda:

Zita Chivakashure Mupanda(i) bazi ri- 5(ii) tsvagurudzo N-/ i-/ dzi- 9 / 10(iii) Zimbabwe Ø- 17a(iv) kushambadzwa ku- 15(v) dzimba dzi- 10

b) (i) munhu uye.(ii) nyika ino.(iii) rudzi rwavo

d) mapazi ehurumendee) dzimba dzose

6. NgatinyoreiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyora hurukuro kana gakavanenzira inotarisirwab) kunyora ChiShona chemandiriric) kunyora rondedzero ine pfungwa dzinoyerera

Zvombo zvingashandiswa.• mienzaniso yerondedzero dzehurukuro nedzekagava• mabhambiri ane zvirungamutauro zvinoshanda murondedzero

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavadzidziswe manyorerwo egakava nehurukuro zvinoenderana nemishandirapamwe.2. Vadzidzi ngavanyore rondedzero dzoverengerwa vamwe.3. Vadzidzi ngavanyore hurukuro yezvemushandirapamwe.4. Mudzidzisi mumwe kana vaviri vanoverenga rondedzero dzavo.

GONA CHIShona 4TG.indd 142 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 148: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

143

Vavariro Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa: a) kugona kujekesa kuti kombiyuta chiib) kuva nyanzvi dzekunzvera nekutsvakurudza zviri maererano nemakombiyutac) kugoka ruzivo rwemutauro siri nemisambo yekutaurad) kuva nyanzvi dzekutara mifananidzo ine chekuita nemakombiyutae) kugoka ruzivo rwerodza pfungwa ine chekuita nemakombiyutaf) kuva hodobori dzekunyora nhetembo dzine udzamug) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero yetsamba kana tsananguro

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti makombiyuta chiib) kutsanangura zvakanakira nezvakaipira makombiyuta

Zvombo zvingashandiswa• makombiyuta kana mufananidzo wekombiyuta pabhambiri• mabhuku okuverenga emakombiyuta

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaiswe mumapoka anogona kuita mashanu kana kupfuura.2. Vadzidzi vanoongorora kombiyuta kana mufananidzo wekombiyuta uri pabhambiri.3. Vadzidzi ngavapihwe nguva yekutsvakurudza ruzivo rwemakombiyuta nemafambiro awo

padandemutande kana mumabhuku anotaura nezvemakombiyuta.4. Vadzidzi vanopira zvavawana kune vamwe.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzizdi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti makombiyuta chiib) kutsanangura mafambiro emakombiyutac) kududzira mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• mufananidzo wemakombiyuta nezvimwe zvinowanikwa pakombiuta kana kombiyuta

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaongorore zviri pamufananidzo kana pakombiyuta.2. Mudzidzi mumwe chete ngaaverenge ndima vanwe vakaterera.3. Vadzidzi ngavaverenge nekunyora mibvunzo yenzwisiso.

Chitsauko 28

Makombiyuta

GONA CHIShona 4TG.indd 143 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 149: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

144

4. Mazwi matsva ngaanyururwe nekutsanangurwa.5. Vadzidzi ngavanyore basa panguva yakatarwa.

Mhinduro dzinotarisirwa 1. Ngazvive nechokuita nekombiyuta (1)2. Munobikwa mashoko zvizere (2)3. Kuburikidza nedura remashoko pachishandiswa madisc(1)4. Kushandisa maoko nenjere dzavo kuburikidza nemitambo yakasiyana-siyana (2)5. Yaityisa kushandisa uye yaisangoshandiswa nevanhu vese vese (2)6. Kushaikwa kwemagetsi, zvivakwa nenhare (2)7. Rinobatsira pakutsakurudza chipi nechipi zvacho sezvo richipa mhinduro dzose (2)8. Ruzivo - kubatsira vadzidzi nedzokororo yekukwenya basa racho ipapo (2)9. Kushandiswa pakuunganidza mazita evanhu vose eumboo hwekwavanobva kuti kwakamira

sei (2)10. Tsananguro yemazwi:

a) zvimhingamupinyi: matambudziko anokonzera nekushandisa makombiyuta (1)b) kusimudzirwa pamweya: kuva neshungu nemufaro (1)c) vakavhurwa meso: kuona nekuziva zvinhu zvitsva (1)d) mashura nezviratidzo: zvishamiso zvakasiyana-siyana (1)

11. PfupisoVadzidzi ngavaburitse pfungwa huru vodzirovanidza pamwe vachibetserwa nemudzidzisi kutipabude nomwe.

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima huru nom we (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroMusamboKutaura parunhare

ZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinotarisirwa pakuchaya nhareb) kutsanangura zvinotarisirwa pakudaira runharec) kutsanangura misambo inoshandiswa panhare

Zvombo zvingashandiswa• nharembozha mbiri

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi vanotsanangura zvinotarisirwa nezvisingabvumidzwe pakudaira nepakuchaya nhare.

Vadzidzi vanokurukura nezvemisambo inoshandiswa parunhare vari mumapoka avo.

GONA CHIShona 4TG.indd 144 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 150: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

145

3. Mapoka anopakurirana zvaawana.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.Cherechedzo: Vadzidzi ngavaedzesere kuchairana nhare vachibuditsa misambo yakapiwa nemazvo.

4. Ngatirungei mutauroZvirungamutauroPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinoreva tsumob) kushandisa nyaudzosingwi muzvirevoc) kutsanangura zvinoreva madimikira

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvirungamutauro zvakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi vanotaura zvirungamutauro zvawanoziva.3. Vadzidzi vanonyurura zvirevauwandu kubva pabhambiri vodudzira zvazvinoreva.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Zvinoreva tsumo:

(i) Hapana nzvimbo isina matambudziko ayo.(ii) Zvinhu zvakanaka zvinofanira kurumbidzwa.(iii) Zvinhu zvinoshanduka nguva nenguva.

b) Nyaudzosingwi muzvirevo(i) Manheru anoda kufamba pore pore kana uchityaira.(ii) Vakazosvika pamusangano vanhu vati wande.(iii) Vachingoti pfacha mhururu yakabva yatsemurwa.

Cherechedzo: Iyi inongova mienzaniso chete, vadzidzi vanoumba zvirevo zvavowo.c) Tsananguro yemadimikira:

(i) kuva dzvetetsvete sedovi nesadza: kushamwaridzana kwakanyanya(ii) gumi nefararira: kuwanda chaizvo(iii) kubata chidzidzo: kunzwisisa(iv) kusimudzirwa panyaya dzebudiriro: kuva pamusoro nekuda kwekukanda

5. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa chivakashure nedzitsi pamazita akapihwab) kudoma mazita emitauro yakapihwa muzvirevoc) kuratidza maumbirwo emitauro yakapihwad) kuratidza maumbirwo emitauro yakapihwa muzvirevo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mazita• zvitaitai zvine mibvunzo yemitauro

GONA CHIShona 4TG.indd 145 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 151: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

146

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi ngavadome zvivakashure nemadzitsi emazita ari pabhambiri.3. Vadzidzi ngavape mazita emitauro yakapihwa.4. Vadzidzi ngavashandise mazwi akapihwa muzvirevo.5. Vadzidzi ngavaratidze maumbirwo emitauro.6. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa)Zita chivakashure dzitsimagetsi ma- -getsibasa ri- -basanhasi N- -nhasiZimbabwe Ø- -Zimbabwevapwere va- -pwerekadanho ka- -tanhomberi Ø- -mberimaoko ma- -oko

b) (i) zvidudzira mazita

(ii) Gomo guru rinofadza kukwira.- Tinashe anoda bvudzi pfupi pfupi- Vapihwa sadza shoma nhasi.-VaChonzi vane mbudzi zhinji.

(iii) Chivakashure chechipauro + dzitsi rechipaurori- + -kururi- + -pfupi pfupiri- + -shomari- + -zhinji

6. NgatishangazhikeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutara mifananidza yezvinowanikwa pakombiyuta

Zvombo zvingashandiswa• mufananidzo yemidziyo yekombiyuta

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoongorora mufananidzo wemakombiyuta.2. Vadzidzi vanodoma zvinoratidzwa pamufananidzo.3. Vadzidzi vanopiwa mukana wekutara mifananidzo vonyora chimwe nechimwe chinowanikwa

pakombiyuta.4. Mudzidzisi anoongorora basa revadzidzi.5. Mufananidzo watarwa zvakanaka unoyanikwa pachidziro.

GONA CHIShona 4TG.indd 146 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 152: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

147

Chitsauko 29

Mitambo yakare neyanhasiVavariro Panopera chitsauko chino,vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kudoma mitambo yepasichigare yavanozivab) kutsvakurudza nezvemitambo iyi muzvinyorwac) kugona kudoma mitambo yanhasi yavanozivad) kutsvakurudza nezvemitambo yanhasi muzvinyorwae) kugoka ruzivo rwemutaurosiri rwakanangana nemadimikira, tsumo nemusambof) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero yetsananguro neyetsamba

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti mitambo chiib) kudoma mazera nenguva yaiitwa mitamboc) kujekesa chaifadza pamitambo iyi uye chichiri kunakidza nhasi uno

Zvombo zvingashandiswa• zvinyorwa zvine chekuita nemitambo• mifananidzo inoratidza mitambo yakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapinde mumapoka anogona kuita mana kana kupfuura.2. Vadzidzi vanoongorora mifananidzo yauya nemudzidzisi.3. Vadzidzi ngavapiwe nguva yokuti vanzvere nekutsvakurudza pfungwa dzine chekuita nemitambo.4. Vadzidzi vanopira zvavawana seboka poitwa hurukuro.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti mitambo chiib) kudongodza zvinoitwa mumitambo yakasiyana-siyanac) kududzira mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso

Zvombo zvingashandiswe• mabhambiri ane mifananidzo yemitambo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita ongororo yemifananidzo yakataridzwa pamabhambiri poitwa hurukuro.2. Vadzidzi ngavaverenge ndima chinyararire.

GONA CHIShona 4TG.indd 147 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 153: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

148

3. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.4. Mazwi matsva ngaanyururwe agokurukurwa.5. Vadzidzi ngavapihwe nguva yokunyora mhinduro muchidzidzo.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Kusununguka kwemazera akasiyana-siyana achiita zvakasiyana-siyana. (1)2. Mahumbwe, chihwande-hwande, sarurawako. (3)3. Kupa mazano nekuronga mabasa apamusha. (2)4. Chamupidigori chaitambwa vachipidiguka-pidiguka nemaoko nemusoro uye chisveru vanenge

vachitsvarana munhu otanga kumhanyisa vamwe kuti achibviswe paari. (2)5. chaibatsira pakurodza pfungwa (2)6. Vana ngavaise pfungwa dzavo. (1)7. Mazwi anofambirana neakapiwa:

a) pasichigare (1)b) chikoko (1)c) rodzapfungwa (1)d) nhabvu (1)e) chivhitivhiti (1)f) sarura wako

8. PfupisoMudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru.- kutambwa kwemitambo nemazera ose- kusiyana kwemitambo nezera- kutambwa kwechitsveru- matambirwo emahumbwe- matambirwo echamupidigori- kufarirwa kwechihwande-hwande- kuuya kwakaita mitambo yanhasi

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. NgatinzvereiMitamboZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mitambo yakasiyana-siyanab) kutsanangura zvinodiwa pamitambo iyic) kuita tsvakurudzo yezvemitambo iyi

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mazita emitambo yakasiyana-siyana (yekare neyanhasi)

GONA CHIShona 4TG.indd 148 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 154: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

149

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi vanotaura zvavave kuziva pamusoro pemitambo.3. Vadzidzi vanokurukura nezvemitambo iri pabhambiri.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa a) Kuteerera kana musikanzwa.b) Kubatana nekugadzirira hupenyu hwechikuru.c) Pakupidiguka kunoitwa nemunhu akabata pasi.d) Vadzidzi ngavaedzesere kuimba, sarura wako.e) Vadzidzi ngavape pfungwa dzavo dzakajeka.f) Kuburikidza nekutengeswa kwevatambi kune dzimwe nyika kana mari dzinobviswa kunhandare.g) Ichokwadi kuti kwatova nezvikwata muzvikoro nemunyika zvevasikana vanotamba nhabvu.

Vadzidzi ngavatsigire.h) Vadzidzi ngavape pfungwa dzavo.

4. Ngatirungei mutauroZvirungamutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuumba tsumo nemazwi anobva mundimab) kupa madimikira anofambirana nemazwi ari mundima

Zvombo zvingashandiswe• zvitaitai zvine tsumo nemadimikira

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa madimikira avanoziva.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yemadimikira anofambirana nemazwi ari mundima.3. Vadzidzi vanoumba tsumo nemazwi anobva mundima.4. Vadzidzi vanokurukura nezvemibvunzo yemisambo yakapihwa.5. Vadzidzi vanonyora dudziro dzinodiwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) (i) Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kudzima moto.

(ii) Kare haagare ari kare.(iii) Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.(iv) Mwana wenyoka inyoka / Mwana washe muranda kumwe.(v) Pasi mupindu.

Mhinduro dzebasa rekumbaa) (i) Kuita gumbo mumba gumbo panze.

(ii) Kuisa zvitanda munzeve.(iii) kuita gumi rakadya vaviri.(iv) kuruma nzeve.(v) kuita zvemahumbwe.

GONA CHIShona 4TG.indd 149 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 155: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

150

5. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuronga mazita mumipanda yawob) kushandisa zvidudzira muzvirevoc) kududzira zvirevamwene nemazita akakodzerad) kutsanangura maumbiro ezvidudziramazita

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mutauro wakakodzera

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavakurukure nezvemutauro wakapiwa pabhambiri.2. Vadzidzi ngavaronge mazita akapihwa mumipanda yawo.3. Vadzidzi ngavanyurure zviverengo mundima.4. Vadzidzi ngavashandise zvipauro zvakapihwa muzvirevo.5. Vadzidzi ngavadudzire zvirevamwene zvakapiwa nemazita avowo kwete ari mundima.6. Vadzidzi ngavatsanangure maumbirwo ezvidudziramazita.

Mhinduro dzinotarisirwa a) Mupanda 15 – kutyaira , kubatana, kusika

Mupanda 6 - mahumbwe, mapiraMupanda 5 –diviMupanda 7 – chihwandehwande, chisveruMupanda 9/10 – nhabvu, pada, nyimo, tsoro

b) mumwe, rimweChivakashure chechiverengo + Dzitsi rechiverengo

mu- + -mwe ri- + -mwe

c) Zvirevo:(i) Vakomana vanomwe varohwa.(ii) Varume vakuru vakasungwa.(iii) Vana vadiki vakavimbika.(iv) Vakanotenga hembe hombe.(v) Musikana tsvuuramuromo akarohwa.

Cherechedzo: Iyi inongova mienzaniso bedzi, vadzidzi vanogona kupa zvirevo zvakasiyana-siyana.

Mhinduro dzebasa rekumbaa) Zita Chirevamwene (i) mwana wangu (ii) murume wako (iii) basa remaoko (iv) tsika yekuhwanda (v) matura epamusha

GONA CHIShona 4TG.indd 150 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 156: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

151

6. NgatinyoreiZvinangwaPanopera chidzidzo chino,vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo etsanangurob) kunyora tsananguroc) kunyora rondedzero kana tsamba zvine unyanzviZvombo zvingashandiswa• mabhambiri ane zvimiro zverondedzwero dzinodiwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaite ongororo yezviri pamabhambiri.2. Vadzidzi ngavaite hurukuro yechimiro cherondedzero kana tsamba.3. Vadzidzi ngavaite edzesero yemanyorerwo erondedzero kana tsamba.4. Vadzidzi ngavaite unganidzo yepfungwa.5. Vadzidzi ngavanyore basa munguva yechidzidzo.

Cherechedzo:a) Rondedzero ngadzive nendima dzakachena uye dzinoverengeka.b) Tsananguro yezvinoitika pamutambo waanofarira ngaipiwe zvizere.c) Tsamba yebasa ngaive nekero mbiri kudivi rimwe chete reruboshwe kana kuti imwe kurudyi

imwe kuruboshwe.d) Vadzidzi ngavangwarire mhosho dzebatanidzo, patsanuro, vara guru, sungawirirano nezvimwewo.

anopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:

GONA CHIShona 4TG.indd 151 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 157: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

152

Chitsauko 30

Nziyo nezviridzwaVavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kujekesa kuti nziyo nezviridzwa zviib) kuva nyanzvi dzekunzvera nekutsvakurudza zviri maererano nenziyo nezviridzwac) kuva nyanzvi pakutsanangura zvine chekuita nenyaya dzenziyo nezviridzwad) kugoka ruzivo rwemutaurosiri nemisamboe) kuva hodobori dzekunyora nhetembo nenziyof) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora zvinogutsa muverengi

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zviridzwa zvavanozivab) kutsanangura basa renziyo muhupenyuc) kadoma nekupa zvikonzero zvinoita kuti vafarire zvimwe zviridzwa

Zvombo zvingashandiswa• ngoma nehosho• mbira• mabhambiri ane zvifananidzo yezviridzwa

Mairirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaiswe mumapoka anosvika mashanu.2. Vadzidzi vanoongorora zviridzwa zviri pamufananidzo kana zviridzwa zvauyiwa nazvo.3. Vadzidzi ngavapihwe nguva yekunzvera nekutsvakurudza pfungwa dzinoenderana nebasa

ravanenge vapihwa.4. Vadzidzi ngavapire hokorodzwa dzetsvakurudzo vachikurukura seboka.5. Vadzidzi ngavaedzesere kuridza zviridzwa zvauya nekuimba.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura nziyo nezviridzwab) kudonongodza mabasa enziyo nezviridzwac) kududzira mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzisi ngavaverenge nyaya chinyararire.2. Vadzidzi vanogona kuti mumwe wavo atsetsenure kuverenga ndima yakapihwa.3. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.4. Mazwi matsva ngaanyururwe nekukurukurwa nezvawo.5. Vadzidzi ngavanyore mhinduro dzenzwisiso panguva yakatarwa.

GONA CHIShona 4TG.indd 152 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 158: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

153

Mhinduro dzinotarisirwa 1. Musoro unofambirana ngaugamuchirwe apa. (1)2. Mazwi angashandiswa:

a) yoridzwa: yodandaurwa (1)b) harahwa: Sorojena (1)c) nhembe yemberi: shashiko (1) d) nguva: nhambo (1)e) mweya wemufi wausina ukama naye: mashavi (1)f) kutanga kuimba: kushaura (1)

3. kushaura nekutamba (1)4. mushauri nevadaviri (2)5. nhembe yevanhurume yeshure (1)6. a) dehwe nedanda (2)

b) chimuti netambo (2)c) nyanga yemhuka kana zvipfuyo (2)

7. tauya naye nemagumbeze – kutambira muroora mutsva, dzinonwa muna save naguva rangudzaiimbwa pamabira.

8. PfupisoMudzidzi nevadzidzi vanounganidza pfungwa pamwe chete.

- kupanana mabasa kwevakuru nevadiki- kufarira nziyo kwevakuru nevadiki- kurira kwengoma zvine mutinhimira- kuimbwa kwenziyo naShaurai- kutamba zvine unyanzvi kwevanasikana- kutamba kwevakomana zvine unyanzvi- kuimbwa kwenziyo dzinoenderana nezviitiko

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatishandisei mutauroMusamboPano chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura nekuedzesera zvinoitwa panouya muroorab) kurondorodza mutauro waishandiswa pavadzimuc) kutsanangura basa renziyod) kuedzesera dzimwe dzenziyo dzavanoziva nepadzinoshandiswa

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine nziyo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoedzesera nziyo dziri pabhambiri vari mumapoka.2. Boka rimwe nerimwe rinoimbira boka guru nziyo dziri pabhambiri.3. Vadzidzi vanotsanangura basa renziyo.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi vari mumapoka.

GONA CHIShona 4TG.indd 153 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 159: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

154

Mhinduro dzinotarisirwa Basa renziyo muupenyu hwaVaShona rinosanganisira: a) Vadzidzi vanopa mienzaniso yakakodzera.b) Vadzidzi vanoedzesera kuimba ndiyo, kutamba nekuridza vari mumapoka avo.c) Dzinoridzwa vanhu vachibva kuguva kusvika muimba inogamuchirirwa mudzimu nenguva

inenge ichitambirwa mudzimud) kuvaraidza pamafaro, kunyaradza parufu, kutsiura pamisikanzwa, kurodza pfungwa, kupararamo

kumuimbi.e) Vadzidzi vanoita edzesero.

4. Ngatirungei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa dudziro yemadimikirab) kushandisa nyaudzosingwi muzvirevoc) kutsanangura dimikira rapiwad) kuumba tsumo nemazwi akapiwa

Zvombo zvingashandiswe• zvitaitai zvine zvirungamutauro zvinodiwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanopa dudziro yemadimikira avanozvisarudzira.2. Vadzidzi vanoshandisa nyaudzosingwi muzvirevo.3. Vadzidzi vanoumba tsumo nemazwi akapihwa.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.5. Dzokororo yebasa rakanyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwa a) kuva munhu akasimbab) kunakidza kwezvinhuc) yodandaura seichati tsemu kana pasi panoita serichadengenderad) (i) Tendai akati rwiyo tsenhu akadairwa nesimba.

(ii) Damba rakadonha ndiye tsemu pakati.e) kurira kwehoshof) (i) Kuseri kweguva hakuna munamato.

(ii) Wegudzandewegudzakufugagumbeze rinotsva.(iii) Kangoma karirisi ndiko kaparuki.(iv) Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.

5. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinoreva mazitab) kupa madzitsi emazita anotariswac) kunyurura mitauro yakasiyana-siyana kubva mundimad) kuratidza maumbirwo ezvidudziramazita zvakadomwa

GONA CHIShona 4TG.indd 154 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 160: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

155

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mibvunzo yemitauro inodiwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi muchidimbu vanodzokorora nezvemutauro.2. Vadzidzi vanonyora basa riri pazvitaitai, vari mumapoka avo.3. Seboka guru panoitwa dzokororo yebasa ranyorwa.4. Umwe neumwe ari pake ega, vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Mazwi anopihwa zvinhu zvakasiyana-siyana kuti zvishandike nazvo. (1)b) Shaurai, Davirai (2)c) (i) -jaya (ii) -nhasi (iii) -bhosvo (iv) -shashiko (2)d) Wamai,vemhapa,vechidiki,rwedu,rangu.(cherozviviri)(2)e) inhamo, ndizvo, hedzo (zviviri chete) (1)f) nhasi - chenguva

naye - chewadzano (2)g) Chiwedzerwa chechirevamwene + vara rinoshanduka + Dzitsi rechirevamwene

rw- + -e- + -du (2)h) zvino (1)i) Chivakashure chechisarudzi + dzitsi rechisarudzi

zvi- + -noj) ne nakana (1)

6. Ngatishangazhikei pakunyoraBasa renziyoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuruka nziyo dzine udzamub) kunyora nziyo dzine zvirungamutauro zvinoenderana

Zvombo zvingashandiswa• mabhambiri ane nziyo dzakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavadzidziswe manyorerwo enziyo akanangana nemusoro, pfungwa huru nezvidavado

zvakasiyana-siyana.2. Vadzidzi ngavanyore nziyo dzavo.3. Nziyo ngadziyedzeserwe kuti vadzidzi vagone unyanzvi.4. Mudzidzisi ngaakwenye zvinyorwa zvevadzidzinekupa migove yezvibodzwa kuitira kusimudzira

shungu dzevadzidzi.

GONA CHIShona 4TG.indd 155 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 161: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

156

Chitsauko 31

ZvinodhakaNzira dzokudzivirira

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kujekesa kuti kudhakwa kuita seib) kuva nyanzvi dzekunzvera nekutsvakurudza zvivi maererano nezvinodhaka nenzira dzokuzvidzivirirac) kuva nyanzvi pakutsanangura zvinyorwa zvine chekuita nezvinodhakad) kugoka ruzivo rwemutaurosiri uye musamboe) kunyora rondedzero dzine udzamu.

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti kudhakwa chiib) kupa mienzaniso yezvinodhaka nemamiriro azvoc) kutsanangura matambudziko anounzwa nezvinodhaka

Zvombo zvingashandiswa• zvinyorwa zvine chekuita nezvinodhaka• dandemutande reruzivo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaiswe mumapoka mashanu kana kupfuura.2. Vadzidzi vanoongorora zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvavakapihwa nemudzidzisi.3. Vadzidzi ngavatsvakurudze pfungwa dzine chekuita nebasa ravapihwa padandemutande

reruzivo, vari mumapoka avo.4. Vadzidzi ngavapihwe nguva yekupira zvavawana vachikurukura seboka.5. Vadzidzi ngavanzvere zvinyorwa zvine chekuita nezvinodhaka.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuverenga zvakatsetseka nenguva yakatarwab) kudonongodza mienzaniso yezvinodakwa nezvinotapirac) kududzira mazwi matswad) kupindura mibvunzo yenwisiso nemazvo

Maitirwo echidzidzo 1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverenga nyaya iri mubhuku chinyararire.2. Vadzidzi vanogona kuwana anotsetsenura kuverenga nyaya vamwe vakateerera.3. Vadzidzi ngavaverenge nekuoongorora mibvunzo yakapiwa.4. Mazwi matsva ngaanyururwe kuitira kuti agokurukurwa nezvawo.5. Vadzidzi ngavapihwe nguva yekuti vanyore mhinduro yemubvunzo yenzwisiso.6. Dzokororo yebasa ranyorwa.

GONA CHIShona 4TG.indd 156 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 162: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

157

Mhinduro dzinotarisirwa 1. kunjere (1)2. kutaurisa, kuonda, kufuta, kurarisa, kutsvuka maziso (2)3. glue (1)4. vemhuri, vezvikoro nenharaunda (3)5. kutaura nyaya idzi nevana, kuva nemuenzaniso wakanaka kuvana uye kuva shamwari

dzevana (3)6. kuona kuti vana vari kuita mitambo yakasiana-siyana inobatsira kudzinga pfungwa dzakaipa

nekuti vamwe vanoguma vatora zvidhakwa senzira yokupedza matambudziko avanengevazvitangira (1)

7. Vadzidzi vanopa dzidziso dzakasiyana-siyana dzakakodzera kupa kumwana wechidiki arikutora zvinodhaka. (2)

8. Izwi kubva mundima:a) mukuru anopa dzidziso kuvana: chipangamazano (1)b) zvinogona kuputwa, kunwiwa kana kubayiwa zvichikuvadza: zvinodhaka (1)c) chinodhakwa chatora mukombe muzvikoro: mbanje (1)d) kumisa zvinhu zvisati zvaitika: kudzivirira (1)e) kunzwa kuda kutora kwezvinodhaka: havi (1)f) kuseka zvakapfuurikidza: kugegedza (1)g) mukuru webazi rehurumende: gurukota (1)

9. PfupisoMudzidzisi ngaabatsirane nemudzidzisi kunyurura pfungwa huru.- kurudziro yekutsvaga ruzivo ruzere pamusoro pezvinodhaka- zvakaipira kutora zvinodhaka kwevechidiki- kushanduka kunoita mararamiro emunhu anotora zvinodhaka- kudzivirirwa kwemaitirwo ezvinodhaka- kuziva kwevabereki zvinoitika muupenyu hwevana- kunzwisisa mitemo yenyika maererano nezvinodhaka- rubatsiro rwemapato akasiyana kuvana

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauro MadimikiraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududzira madimikira akapihwab) kuumba madimikira

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mazwi anogona kushandiswa kuumba madimikira.

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi vanodoma madimikira avnoziva.

GONA CHIShona 4TG.indd 157 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 163: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

158

3. Vadzidzi vanoumba madimikira kubva pamazwi ari pabhambiri votaura zvaanoreva.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.5. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Kuva nemukaka pamhuno: kuva vana vadikib) Kupana gupuro: kurambanac) Zvinoenda mudondo: hazvibudirired) Vanoisa zvitanda munzeve: vasingateererie) Mushonga mukuru: kuzvigadzirisa

4. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:• kupa madzitsi emazita• kudoma zviumbazwi zvezviito

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mazita• bhambiri rine zviito

Maitirwo echidzidzoa) Vadzidzi ngavaratidze madzitsi emazita akapihwa pabhambiri.b) Vadzidzi ngavatsanangure maumbirwo emazita ari pabhambiri. c) Vadzidzi ngavapatsanure

zviito zvakapihwa nekudoma mazita ezvivakazwi zvacho.d) Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.e) Dzokororo yebasa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) -uma

-shavi-rwere

b) chivakashure chezita + dzitsi rezitachi- + -ngwari- + -shaviu- + - rwere

c) zve- chiratidzamuiti-ku- chivakashure chechiito-on- mudzi wechiito-es- rebeso yekonzero-a nzvovera yekupedzisira

(ii) wa- chiratidzamuiti-ka- chiratidzanguva-zvi- muitirwi-takur- mudzi wechiito-a nzvovera yekupedzisira

(iii) ku- chivakashure-rong- mudzi wechiito-ek- rebeso yekuitika / goneko-a nzovera yekupedzisira

GONA CHIShona 4TG.indd 158 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 164: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

159

5. NgatitsanangureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinopiwa pamufananidzoZvombo zvingashandiswa• bhambiri rinopratidzwa uwandu hwevana vanotonhgora zvinodhaka zvemhando dzakasiyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaongorore tsanangudzo dzinobuda pabhambiri riri mubhuku ravo papeji 1702. Vadzidzi vanotsanangura zviri pabhambiri vari mumapoka avo.3. Mapoka anopakurirana zvaawana.4. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Makumi mana nevaviri2. Izvi zvinotaura kuti vana vava kuita misikanzwa yekusvuta mbanje3. Vana vasati vambofema zvinodhaka nevasati vambozvibaya zvinnodhaka vashoma shoma.

Zvinoreva kuti vana havana misikanzwa yemhando iyi zvimwe havakwanisi kuwana zvinhu izvi.4. Vasati vashandisa cocaine vakawanda kudarika vasati vashandisa tranquilizers. Vakasiyana

nehuwandu hunoda kusvika kuina kubva muzana.5. Vadzidzi vanoshandisa zvinodhaka vakawanda kudarika vanosvuta nechikamu chinosvika

nomwe kubva muzana.6. Mudzidzisi ngaatambire mhinduro dzinokodzera.

6. NgatinyoreiRondedzeroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo erondedero yetsanangurob) kupa pfungwa dzetsananguroc) kunyora tsananguro nemazvod) kuratidza manyorerwo etsamba yebasae) kunyora tsamba yebasa nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine chimiro cherondedzero yetsananguro• bhambiri rine chimiro chetsamba yebasa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaite ongororo yezviri pamabhambiri.2. Vadzidzi ngavaite hurukuro yechimiro cherondedzero.3. Vadzidzi ngavaedzesere manyorerwo acho vari mumapoka.4. Vadzidzi ngavaite unganidzo yepfungwa.5. Vadzidzi ngatsanangurirane manyorerwo etsamba.6. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Zvinotarisirwaa) Mudzidzi ngaatsigire zvizere pfungwa dzake, kubvumirana nepfungwa yatopihwa kwakakosha

apa.

GONA CHIShona 4TG.indd 159 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 165: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

160

Vavariro Panopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kuva neruzivo rwezvemishonga yechivanhu inoshandiswa kurapa zvirwere zvakasiyana-siyanab) kuzviva zvirwere zvinobata vanhuc) kuziva kuti mishonga yechivanhu ingashandiswa sei muzvipatara zvedud) kuziva kuti tsamba yebasa inonyorwa sei

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvirwere zvinobata vanhub) kupa mhando dzemishonga yeChivanhuc) kutsanangura mashandisirwo emishonga iyi kurapa vanhu

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo• mishonga yechivanhu yakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anopira chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanodoma mishonga yeChivanhu yavanoziva.3. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo, voita tsvakurudzo yemishonga yemakwenzi inorapa.

Vhandisirwo acho.4. Mapoka anopakurirana zvaawana.5. Vadzidzi vanoita hurukuro yezviri mumabhuku avo ekuverenga.6. Ongororo yemishonga yechivanhu.7. Mapoka anopira zvaawana kubva muhurukuro.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chdzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mhando yemishonga yekurapa paChivanhu yakasiyana-siyanab) kujekesa zvirwere zvinogona kurapika nemishonga yeChivanhuc) kupa mhinduro dzakakodzera kumibvunzo yenzwisisod) kuita pfupiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo inoratidza mishonga• mishonga yakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yezvirwere zvinobata vanhu.2. Vachitungamirirwa nemudzidzisi, vadzidzi vanoita hurukuro nezvemishonga ingarapa zvirwere

Chitsauko 32

Kurapa nemakwenzi

GONA CHIShona 4TG.indd 160 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 166: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

161

iri pamifananidzo.3. Vadzidzi vanoverengwa ndima yenzwisiso vachidodomesa.4. Vadzidzi vanoita hurukuro yezvaverengwa neongororo yemishonga.5. Vadzidzi vanopindura mibvunzo yenzwisiso.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Nokuti mishonga yechivanhu ine simba rokurapa zvirwere zvakasiyana-siyana. (1)2. Mashizha emunhunguru kana mugaragunguwo, makwati emurumanyama, chifumuro. (2)3. Ruzoka, mudumbu, nhova, mabayo, gosoro, (chero zviviri zvadomwa) (2)4. Kuitira kuti muto wemushonga ubude kubva mumakwati kana mashizha uye kuitira kuti

murwere aregere kunetseka pakudya mushonga. (2)5. Vacheche havagoni kududza zvavanonzwa kana varwara uye mishonga yavanopiwa pamwe

haigoni kunangana nechirwere chaicho chavanetsa. (2)6. Chirwere chekufazha kana kutapira kweropa sezvo mishonga iripo kuderedza marwadzo ch

ete.7. Tsananguro yendevo:

a) vasina zvakavagara: vasina mweya inovasutsa (2)b) anosara ofurwa nemhepo: anenge ave kufefeterwa (2)c) ave simbi yeutare: asimba zvakanyanya (2)d) kuendesa rusvava kwamupfiganebwe: kukonzera kufa kwemucheche (2)e) nyoka dzavo dziregedzeke: mudumbu mavo mufambe zvakanaka (2)

8. PfupisoPfungwa huru dzinotarisirwa kubuditswa:- mishonga yechivanhu yaingoshandiswa kubva makare- chirwere chemudumbu chinorapwa nemishonga yakawanda- nyongo inorapiwa negavakava nechacha- zvisasa, mhopo nenhuta zvinorapwa nenhuta- hwiramwaka inoshandiswa kurapa mazvimbiswa nemabayo- vana vacheche vanorapwa nhova neruzoka nemishonga yechivanhu- mazino nemaziso ane mishongawo inoarapa

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroZvimirirazvinhu – TodzanoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma todzano dzemhuka neshirib) kutsanangura zvinoreva todzano idzodzoc) kuratidza mashandiro etodzano mumutauro

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine todzano

GONA CHIShona 4TG.indd 161 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 167: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

162

Maitirwo echidzidzo 1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo opa vadzidzi enzaniso yetodzano.2. Vadzidzi vanoita hurukuro yekuti todzano chii, kubva mumabhuku avo.3. Vadzidzi vanoita ongororo yetodzano dziri pazvitaitai vari mumapoka.4. Panozoitwa ongororo yebasa remapoka.5. Basa revadzidzi rekunyora.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Une munyamab) Wakaomerazvakanyanyac) Unoruta zvikuru / Unotya zvakanyanyad) Uri nyanzvi pakuurukae) Une hanganwa dzakanyanyaf) Une chinya chakawandag) Unofarira kudya nguva dzoseh) Une ufende hwakanyanyai) Unokuvadza vamwe muchivandej) Une hutsinye chaizvo / Unonyengedza vamwek) Unonyanya kufarira kudzambira mushanal) Une mweya unonhuwam) Uri murombon) Unonyanya kufamba-fambao) Unofamba zvishoma-shoma

4. Ngatirungei mutauroNyaudzosingwiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududzira chinonzi nyaudzosingwib) kupa mhando dzenyaudzosingwic) kutsanangura mhando dzenyaudzosingwid) kuumba zvirevo nenyaudzosingwi kuratidza zvadzinoreva

Zvombo zvingashandiswa • chinyorwa chine nyaudzosingwi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanodoma nyaudzosingwi dzavanoziva votaura zvadzinoreva.2. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa.3. Vadzidzi vanonyukura nyaudzosingwi dzabudamo.4. Panoitwa hurukuro yezvenyaudzosingwi.5. Vadzidzi vanoverenga mhando dzenyaudzosingwi mumabhuku avo vokurukura.6. Basa revadzidzi rekunyora.

Cherechedzo: Mudzidzisi ngaaongorore zvirevo zvevadzidzi kuti aone kuti zviri kuburitsa nyaudzosingwi dzacho nemazvo here, sokuti:Takangozomuwana ati tasa mushure mekunge abayiwa nebanga netsotsi.

GONA CHIShona 4TG.indd 162 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 168: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

163

5. NgatitsvakurudzeiMishonga yeChivanhu nezvainorapaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvirwere zvakasiyana-siyana zvinorwadza vanhub kudoma mhando dzemishonga yeChivanhu c) kutsanangura zvirwere zvinorapwa nemishonga yadomwa

Zvombo zvingashandiswa• mishonga yakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanorongwa kuita basa vari vaviri vaviri.2. Vadzidzi voongorora mishonga nezvainorapa.3. Mapoka anopira zvaawana.4. Hurukuro yezvabuda kubva mumapoka evaviri vaviri.

Zvingabuda mumapoka Chirwere Mishonga inorapaa) manyoka mashizha emunhunguru / emugaragunguwob) musana bura renhindiric) mazino dota remasosod) nyongo gavakava / chachae) zvisasa mbiriraf) gosorwa chizhuzhug) mabayo sumbu rehwiramwakah) maronda gavi remuswatii) nhova madumwa / mazango ane mishongaj) nzeve dehwe rembira / musoro wehanga

6. NgatinyoreiTsamba yebasaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:• kuratidza manyorerwo etsamba yebasa• kupa mhando yemishonga inorapa zvirwere paChivanhu

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine chimiro chetsamba yebasa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanodoma zvavanoziva maererano nemanyorerwo etsamba yebasa.2. Vadzidzi vanoita ongororo yezviri pabhambiri.3. Gadziriro yepfungwa inoitwa nevadzidzi.4. Vadzidzi vanonyora tsamba.

Cherechedzo: Mudzidzisi ngaagamuchire pfungwa dzakasiyana-siyana dzichabuda kubva kuvadzidzi mutsamba dzavo, sokuti: vanorwara nemudumbu vanogona kupota vachipiwa mishonga yechivanhu yakaita semashizha emunhunguru kana emugaragunguwo akatswanyiwa nekuiswa mumvura, vonwa. Mishonga iyi inogona kushandiswa pamwe neyechirungu iri muchipatara. Nezvimwewo zvinogona kuburitswa nevadzidzi.

GONA CHIShona 4TG.indd 163 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 169: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

164

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kujekesa kuti mitambo chiib) kudoma mitambo yakasiyana-siyana nemaitirwo ayoc) kutsanangura zvipfeko zvakasiyana-siyana zvinoshandiswa pamitambo yechinyakared) kutsvakurudza nezvemitambo nezvipfeko muzvinyorwae) kugoka ruzivo rwemutaurosiri nemusambof) kuva nyanzvi pakunyora nezvemitambo nezvipfeko zvisiri mundima pamwe nemifananidzog) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero yetsamba neyegakava

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mitambo yechinyakare yavanozivab) kutsanangura matambirwo ayoc) kudoma zvipfeko zvechinyakared) kutsanangura kuti zvipfeko izvi zvinogadzirwa nei?

Zvombo zvingashandiswa• zvinyorwa zvine chekuita nemitambo nezvipfeko• bhambiri rine mifananidzo yemitambo nezvipfeko

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapinde mumapoka evashanu vashanu.2. Vadzidzi vanoongorora mifananidzo ine mitambo nezvipfeko zvakasiyana-siyana voita hurukuro.3. Vadzidzi vanoverenga chinyorwa chine zvekuita nemitambo nezvipfeko.4. Vadzidzi ngavapiwe nguva yekunzvera nekutsvakurudza pfungwa dzine chekuita nemitambo

nezvipfeko.5. Vadzidzi vanopira zvavawana seboka.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinoreva mitambo nezvipfekob) kudonongodza zvinoitwapoc) kujekesa mamiriro ezvipfeko zvinoshandiswa pamitambod) kutsanangura mazwi matsvae) kupindura mibvunzo yenzwisiso

Maitirwo echidzidzoa) Vadzidzi ngavaverenge ndima chinyararire.b) Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.

Chitsauko 33

Mitambo nezvipfeko zveChivanhu

GONA CHIShona 4TG.indd 164 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 170: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

165

c) Mazwi matsva ngaanyururwe agokurukurwa.d) Vadzidzi ngavapihwe nguva yekunyora mhinduro muchidzidzo.e) Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Zvaidzidzisa nekuvaraidza uye kushongedza.2. Kuronga mazuva makuru ekuita mitambo. Rakakoshera kuti rinosimudzira nekuchengetedza

tsika nemagariro eChivanhu.3. Vose vaivapo pakukurudzirana nekutandadzana.4. Izwi remuimbi nemidziyo inoshandiswa.5. a) Kushandisa zvikeyi kana zvombo zvehondo pakudzana; chinangwa chiri chekuratidza unyanzvi hwekurima.

b) kuimba nziyo dzinofambirana; misoro ichizunguzwa; chinangwa chiri chekudaidzamudzimu kana kutandara.

c) panoshandiswa ngoma nehosho zvakanyanya vanhu vachitenda goho kana kuvaraidzana.d) waishandiswa tsvimbo; varume vachigiya pasi; chinangwa chiri chekugadzirira hondo.e) paidzanwa vanhu vachiimba; kuuchira nekupururudza; chinangwa chiri kuvaraidza

madzishe kana kukumbira mvura.6. Mhande7. Ngoma dzeJerusarema dzinoridzwa nemunhu mumwe chete uye kudzana kwacho kwakasiyana.8. a) Makavhu anogadzirwa nezvitende oiswa hofa mukati.

b) Nhembe dzinogadzirwa nematehwe.9. a) bira

b) hotac) Jerusaremad) retsoe) ngundu

Pfupiso Vadzidzi ngavaburitse huru vodzibatanidza mudzidziso ozotsinhira.- kukosha kwemutambo nezvipfeko kuVaShona- makwikwi emitambo yeChivanhu muzvikoro- maitirwo ebira- matambirwo emhande- matambirwo embakumba- matambirwo ejerusarema- matambirwo emuchongoyo- mamiriro ezvipfeko zvemitambo

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

GONA CHIShona 4TG.indd 165 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 171: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

166

3. Ngatirungei mutauroMazitaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa tsananguro yemadimikira zvizereb) kunyurura nyaudzosingwi nefananidzoc) kushandisa nyaudzosingwi muzverevo

Zvombo zvingashandiswe• zvitatai zvine zvirungamurauro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita hurukuro yemamwe madimikira.2. Vadzidzi vanonyurura nyaudzosingwi kubva pazvitaitai.3. Vadzidzi vanoshandisa nyaudzosingwi dzavanyurura muzverevo.4. Vadzidzi vanonyurura fananidzo.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa a) (i) gumi nefararira: zvakawandisa

(ii) pasi rapinduka: kushanduka kwezvinhu(iii) kuenda kumawere: kupera kwazvo(iv) matenga aramba kudonhedza tsambo pasi: mvura yaramba kunaya(v) kusimudza mudzimu: kubuda kwemweya pasvikiro(vi) chiramba kusakara: kutadza kupera kwembiri

b) cheke cheke – kurirac) Ndarira imwe haigoni kuti cheke cheke mugumbo.d) Zviri pachena semhuno.

4. Ngatiumbei mutauroMazitaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyurura zvibatanidzi mundimab) kupa mazita emutauro anofambirana nemienzaniso yakapihwac) kuratidza zvivakashure nemadzitsi pamazita

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mitauro inodiwa nemibvunzo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaite hurukuro yemazita, vachipa mienzaniso.2. Vadzidzi ngavakurukure nezvemutauro3. wakapiwa pabhambiri.4. Mudzidzisi anobvunza vadzidzi mibvunzo yemutauro inozovabatsira kupindura mibvunzo

yakapiwa.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

GONA CHIShona 4TG.indd 166 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 172: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

167

6. Dzokororo yezvanyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwa1a) (i) mitambo yevakuru

(ii) zvipfeko zvipi?(iii) mamwe makavi(iv) ngoma idzo(v) mutinhimira mukuru

3. Chivakashure Dzitsia) mu –b) N –c) ku –d) pa -

-tinhimira-pfuko-nyaradza-si

5. NgatinyoreiRondedzeroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo etsamba yebasab) kupa pfungwa huru dzerondedzeroc) kuratidza manyorerwo etsananguro neegakavad) kupa pfungwa dzetsananguro kana gakava

Zvombo zvingashandiswa• mabhambiri ane zvimiro zverondedzero dzakapihwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaongorore zviri pamabhambiri.2. Vadzidzi ngavaite hukukuro yezviimiro zverondedzero.3. Vadzidzi ngavaite unganidzo yepfungwa.4. Vadzidzi ngavasarudze musoro mumwe chete vonyora nemazvo.

Cherechedzo:a) Tsamba ngaive nekero mbiri kuruboshwe dzese kana kuti imwe kurudyi neimwe kuruboshwe.b) Tsananguro ngaijekese mitambo yakasiyana-siyana nezvinoitwa pairi zvinofadza.c) Pagakava mudzidzi ngaatore divi raanoda achipa zvikonzero zvine udzamu.d) Vadzidzi ngavanyore basa rinoverengeka uye rakachena.e) Vadzidzi ngavanyore vachingwarira ndima, mhosho dzebatanidzo, patsanuro, zviperengo,

bhii guru, sungawirirano nezvimwewo.

6. NgatitsvakurudzeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:• kudoma nzvimbo dzinotambwa mitambo yakasiana-siyana• kutsanangura nekujekesa zvinoitwa pamitambo iyi

GONA CHIShona 4TG.indd 167 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 173: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

168

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo, magwaro anotaura nezvemitambo yepasichigare

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanotaura zvavave kuziva pamusoro pemitambo nezvipeko.2. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo, voita tsvakurudzo yezvemitambo padandemutande kana

mumagwaro anotaura nezvemitambo yepasichigare.3. Mapoka anopakurirana zvaawana poitwa hurukuro.4. Vadzidzi vanopindura mibvunzo iri mumabhuku avo ekuverenga.5. Dzokororo yezvanyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) (i) Murehwa, Uzumba (ii) Mhondoro (iii) Mashonaland

(iv) MatebelelandIyi mienzaniso chete.

b) Pakutamba kwevarume vakachonjomara vachitambisa maoko nekukava pasi negumbo rerudyivachiyedzesera zvinoita mbende.

c) Jerusaremad) Mbikiza inotevedzera muviri pakutamba sezvo inogadzirwa yakadamburwa-damburwa asi

nhembe haidamburwe-damburwe.e) Kushiri dzakasiyana-siyana.f) Vadzidzi navatsvage ngoma kana chimudziyo chinoridzika voyedzesera. zvarehwa.

GONA CHIShona 4TG.indd 168 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 174: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

169

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kupa mhando dzemidziyo yavakob) kutsanangura basa remudziyo wega wegac) kuva nyanzvi pakupindura mibvunzo yenzwisisod) kugoka ruzivo rwemutaurosiri pamwe nemusamboe) kuva nyanzvi pakudetemba, nekunyora mifananidzof) kunyora rondedzero dzine pfungwa dzamu

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma mhando dzemidziyo yanhasib) kutsanangura basa remudziyo wega wegac) kujekesa muridzi wemidziyo pamushad) kudoma nzira dzokuchengetedza midziyoe) kupa misiyano pakati pemidziyo yakare neyavako

Zvombo zvingashandiswe• mabhambiri ane midziyo yavako

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaiswe mumapoka evashanu vashanu.2. Vadzidzi vanoongorora mifananidzo yemidziyo yaveko iri pabhambiri.3. Vadzidzi ngavapihwe nguva yekuti vanzvere nokutsvaga pfungwa dziri maererano nezvabvunzwa.4. Vadzidzi ngavapire zvavakokorodza seboka kune vamwe vose.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mhando dzemidziyo yavako nhasi unob) kudonongodza mabasa emidziyo yemazuva anoc) kutsanangura mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso

Zvombo zvingangoshandiswa• zvitaitai zvine midziyo yakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoongorora midziyo iri pazvitaitai.2. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverenga ndima chinyararire.3. Vadzidzi vanogona kuwana mumwe anoverenga vakateerera.4. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.5. Mazwi matsva ngaanyururwe agozokurukurwa pamwe chete.6. Vadzidzi ngavanyore mhinduro panguva yakatarwa.

Chitsauko 34

Midziyo yavako

GONA CHIShona 4TG.indd 169 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 175: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

170

Mhinduro dzinotarisira1. Shanduko, Midziyo yanhasi zvichingodaro. (1)2. Kurumbidza (1)3. Midziyo yamazuva ano kuwanda nekusiyana-siyana. (1)4. yekufambisa, yekurimisa, yekubikisa, yekuzororera. (3)5. Kubika kwava nyore. (1)6. Zvinwiwa zvemazambiringa (1)7. Kwava nemidziyo inoshandiswa kuunza moto pasina magetsi (zuva, gwenyaremoto) (2)8. Zvinoreva mazwi:

a) foshoro dzinenge mukute: zvipunu (1)b) mapfihwa emagetsi: chitofu (1)c) mitepfe-tepfe yenhovo: pekurarira (1)d) kutungidza: kubatidza (1)e) kugarika chaizvo: kutandavara serunyemba (1)f) minyorododo yezvigaro: zvigarotefe (1)

9. Kuonekwa kwezvakasiyana-siyana nevemhuri panguva yekutandara nekuda kwemidziyoyavako. (1)

10. Kurima, kudyara, kukohwa zvinorimiswa netarakita dzemhando dzakasiyana-siyana. (2)11. hambautare (1)12. PfupisoVadzidzi ngavaburitse pfungwa huru vodzibatanidza mudzidzisi ozotsinhira.- kuuya kwemidziyo yanhasi- mashandiro ezvoto zvemagetsi- kurongedzerwa kwetafura vanhu vasati vadya- kuwanda kwezvidyiwa- kurara panhovo dzemitepfetepfe- kubikwa kwezvidyiwa zvemangwanani- kurerutswa kwekurima nemidziyo yavako

ZvobodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe cete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududzira nyaudzosingwib) kuumba tsumo zvizere

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine tsumo nenyaudzosingwi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanodoma nyaudzosingwi netsumo dzavanoziva.2. Vadzidzi vanodudzira zvinoreva tsumo nenyaudzosingwi zvakapiwa. nyurura fananidzo kubva

mudetembo.3. Vadzidzi vanoumba tsumo nemazwi abva kudetembo.4. Vadzidzi vanodudzira mibvunzo yemusambo yapihwa.

Mhinduro dzinotarisirwaa) (i) teshe: kugara

GONA CHIShona 4TG.indd 170 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 176: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

171

(ii) tsiki tsiki: kuperera pane zvauri kuita(iii) pfeke pfeke: kupfekera(iv) twasuke: kutambanuka kwezvakaunyana(v) ngwe-e: kuchena(vi) pindikiti: kupinda(vii) pfacha: kusvika (viii) pfa-a pfa-a: kukanga usavi(ix) pidigu: kupindurwa kwevhu(x) ngwa-a ngwa-a: kunyatsoteerera

b) (i) Tsuro pfupi haitemi uswa urefu.(ii) Kure kwemeso nzeve dzinonzwa.(iii) Yadeuka yadeuka mvura yeguchu haidyorerwi.(iv) Zviri kumwene wegumbeze kufuga kana kuwarira.(v) Chitiyo kupinda mudzani huona mai / ose machena mazai hapana dema.(vi) Chirungu chakauya nechirungurira.(vii) Gengezha mukombe hazvienzane nekunwira mudemhe.

4. NgatinzvereiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuongorora nhetembo nemazvob) kuziva zvidavado zvinoshandiswa munhetembo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanokurukura nezvinotariswa pakuongorora nhetembo.2. Vadzidzi vanotsanangura kuti zvidavado chii.3. Vadzidzi vanodzokorora kuverenga detembo resvondo rino.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa a) Paanoti: Chinzwaka kupopota …b) Sadzac) Kuti vanhu vadziirwe muchando nekutonhorerwa nguva yekupisa.d) Chirungue) Vadzidzi vanonyurura chidavado chedzokororo.

5. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsnangura chinonzi chindorib) kunyurura zvindori kubva mudetembo nekuratidza maumbirwo achoc) kuronga zvidudziramazita mumapoka azvo

Zvombo zvingashandiswa• mabhambiri ane mutauro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavatsanangure kuti chindori chii.2. Vadzidzi ngava kurukure maumbirwo ezvindori.3. Vadzidzi ngavanyurure zvindori kubva pabhambiri.4. Vadzidzi ngavaronge dzidudziramazita mumapoka azvo.

Mhindiro dzinotarisirwaa) Mazwi anoburitsa pfungwa yakazara pasina chiito.b) Isharaude, hezvo, hecho, havo

GONA CHIShona 4TG.indd 171 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 177: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

172

c) Chiwedzerwa /i-/ chinobatanidzwa nemazita uye zvipauro zvemupanda 5, 9, 10 sekuti isharaude,inhemaChiwedzerwa / He- He- Ho-/ chinobatanidzwa nezviratidzi nezvisarudzi sekuti: Hezvo, Hecho.

d) Zviverengo – imwe, mimwe, mumweZvirevamwene – ako, yacho, dzedhaka, twemhandoChiratidzi chepedyo – ichi, umu,Zvisazitazingwi – imi, iyo, iro, iwoChirevauwandu – ose, pose, zveseChisarudzi – chiya, zvino

e) chivakashure chechiverengo + dzitsi rechiverengo i - + - mwe

chiwedzerwa chechirevamwene + vara rinoshanduka + dzitsi rechirevamweney - + -a- + - icho

chitsigisi chechiratidzi chepedyo + chiratidzamupanda chechiratidzi chepedyoi- + - chi

chitsigisi chechisazitasingwi + chiratidza mupandai - + - mi

chivakashure chechirevauwandu + nzvoreva inoshanduka + dzitsi rechirevauwandu p - + - o - + - se chivakashure chechisarudzi + dzitsi rechisarudzi

chi - + - ya

6. NgatishangazhikeiKutara mufananidzoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza unyanzvi hwavo pakutara mufananidzob) kuruka mibvunzo inoenderana nechitarwac) kunyora nhetembo vachidavadad) kunyora basa rakachena

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mifananidzo yemidziyo• zvinyoreso zveruvara

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaite ongororo yezviri pabhambiri vokurukura mabasa emidziyo iyi.2. Vadzidzi ngavakurukure nezvekuumbwa kwemibvunzo.3. Vadzidzi ngavataure pamusoro pemidziyo yavanofarira vachipa zvikonzero.4. Vadzidzi ngavashangazhike kutara mifananidzo nekuruka mibvunzo.

Cherechedzo:a) Basa ngarive richiverengeka uye rakachena.b) Vadzidzi ngavangwarire mhosho dzebatanidzo, patsanuro yemazwi, zviperengo, sungawirirano

GONA CHIShona 4TG.indd 172 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 178: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

173

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kutsanangura kuti uori chii takanangana neupfumi hwenyikab) kuva nyanzvi dzekunzvera zvinyorwa zvekuvandudza upfumic) kugoka ruzivo rwemutaurosiri nemusambod) kuva nyanzvi pakunyora zvakasiyana-siyanae) kutsanangura mutauro nemaumbirwo awof) kunyatsokwenenzvera unyanzvi hwekunyora tsananguro

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kujekesa kuti kuvandudza upfumi chiib) kudoma zvirongwa zvekuvandudza upfumic) kutsanangura maonero avowo ezvirongwa izvi

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo• magwaro kana mapepanhau ane nyaya dzezvirongwa zvekuvandudza upfumi hwenyika

yeZimbabwe

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapinzwe mumapoka.2. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yezvezvirogwa zvekuwandudza upfumi hwenyika yeZimbabwe

padandemutande reruzivo, mumagwaro nemumapepanhau) Mapoka anopakurirana zvaawanapoitwa hurukuro vachitungamirirwa nemudzidzisi.

3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita hurukuro yebasa rakapiwa mumabhuku avo.4. Vadzidzi vanopira zvavakokorodza kuna vamwe vose.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kududzira zvinoreva kuvandudza upfumib) kutsanangura zvirongwa zvakasiyana-siyana zvekuvandudza upfumic) kududzira mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazwi matsva

Zvombo zvingashandiswa• zvinyorwa zvekuvandudzwa kweupfumi

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoverenga zvinyorwa zvekuwandudzwa kweupfumi voita hurukuro kwechinguwana.2. Vadzidzi ngavawane mumwe anotsetsenura kuverenga ndima.

Chitsauko 35

Zvirongwa zvekuvandudza upfumi hwenyika yeZimbabwe

GONA CHIShona 4TG.indd 173 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 179: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

174

3. Vadzidzi ngavakurukure nezvepfungwa huru dzabuda mundima.4. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.5. Mazwi matsva ngaanyururwe nekuzokurukurwa nezvawo.6. Vadzidzi ngavanyore mhinduro yemibvunzo panguva yakatarwa.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Hupfumi hwenyika hwanyanya dzikira. (2)2. Britain payakatadza kuenderera mberi nekubhadhara ivhu raishandiswa nevarungu. (1)3. Kupa muripo kunevakatorerwa minda nekushandiswa kwemidziyo inobatsira kuti ivhu rigovewo

zvakarongeka. (2)4. Kunyinwa chikweti mumatura emari uye kutadza kugutsa vagari vemunyika nesadza. (2)5. 2013 uye ichivapa kwemakore mashanu. (3)6. Kuvapo kwezvekudya, kubvisa kwenzara, zvivakwa nezvekushandiswa uye kuwedzerwa

kweukoshi kumashandiro evasiri muhurumende. (4)7. Kusimudzirwa kwemagariro evanhu vachigona kuzvimiririra, kugadzirisa zvivakwa zvakaita

semagava.8. Mazwi anofambirana netsananguro:

a) machira anobva kuchirimwa ichi: donje (1)b) kugadzirisa hupfumi kuti pave nebudiriro: kuvandudza (1)c) kunochengeterwa mari yekubatsira kuti pave nebudiriro: homwe (1)d) zviwanikwa zvemuvhu: zvicherwa (1)

9. PfupisoVadzidzi ngavape pfungwa huru nomwe vodzibatanidza, mudzidzisi ozotsinhira.- kuyambirwa kweZimbabwe neBhangi guru repasi rose rezveupfumi- kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika nokuda kwenzara- kugovera ivhu kuvatema- chirongwacheZIMASSET- kukosheswakwezvekudyaneutanomuZIMASSET- kukosheswakwezvivakwamuZIMASSET- kubviswa kwenzara

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroZvirunamutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa madimikira anofambirana nedudzirob) kuumba tsumo zvine udzamuc) kutsanangura zvizere mazwi omusambo akapihwa

GONA CHIShona 4TG.indd 174 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 180: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

175

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine madimikira• zvitaitai zvine mazwi angashandiswa kuumba tsumo

Maitirwo chidzidzo1. Vadzidzi vanopa madimikira avanoziva.2. Vadzidzi vanodudzira madimikira akapiwa pabhambiri.3. Vadzidzi vanoumba tsumo nemazwi akapihwa pazvitaitai.4. Vadzidzi vanonyora basa panguva yakatarwa.5. Vadzidzi vanotsanangura zvizere mazwi emusambo akapihwa nepapfupi.

Mhinduro dzinotarisirwa1. a) Kudya nhoko dzezvironda.

b) Rakacheka nyika.c) Kubayiwa moyo.d) Kudzika midzi.e) Kuva panyanga dzamushore.

2. a) Sango rinopa vaneta.b) Mvura yembambara tiza ichiri kure.c) Simbi inorohwa ichapisa.d) Mabasa kuwanda muzvere kurarira tsenza.e) Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.

4. NgatinyoreiZvinangwaPanoprera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvinoreva mazwi akasiyana-siyanab) kutsaura zvinomirirwa nemavara akapiwa

Zvokushandisa• dandemutande reruzivo• magwaro anotaura nezveupfumi hwenyika

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yezvezvironwa zveupfumi wenyika padandemutande kana

mumagwaro anotaura nezveupfumi hwenyika.2. Vadzidzi vanokurukura zvavawana kubva mutsvakurudzo.3. Vadzidzi vanopinda mumapoka voita basa ranhasi.4. Dzokororo yebasa ranyorwa.

Mhinduro dzinotarisirwa pamusamboa) (i) ZimbabweAgendaforSustainableSocio-EconomicTransformation

(ii) InternationalMonetaryFund(iii) Grain Marketing Board(iv) Cold Storage Company(v) ZimbabweAfricanUnionPatrioticFront

b) (i) Masvingo

GONA CHIShona 4TG.indd 175 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 181: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

176

(ii) Matebeleland(iii) Buhera(iv) Gokwe

5. Ngatiumbei mutauroMibvunzoZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura nzira dzinoshandiswa kuumba mibvunzob) kuumba mibvunzo zvine unyanzvi Zvombo zvingashandiswac) bhambiri rine nzira dzinoshandiswa kuumba mibvunzo

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanotaura nzira dzinoshandiswa kuumba mibvunzo dzavanoziva.3. Vadzidzi vanotsanangurirwa nzira dzakapihwa pabhambiri.4. Vadzidzi vanoendzesera kuumba mibvunzo vachishandisa nzira dzavakurukura nezvadzo.5. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.6. Vadzidzi vanotsanangura nzira gumi dzinoshandiswa kuumba mibvunzo vopa mienzaniso

yakakodzera.

6. Ngatishangazhikei pakunyoraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyora rodzapfungwa pamusoro pezvabvunzwab) kunyora detembo nenzira inotarisirwac) kutara mifananidzo yematura echibage

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvimiro zvezvinyorwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaongorore zvimiro zviri pabhambiri.2. Vadzidzi ngavakurukure zvavanzwisisa.3. Vadzidzi ngavanyore rodzapfungwa mumapoka vozopira zvavakokorodza.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi, umwe neumwe ari ake ega.

GONA CHIShona 4TG.indd 176 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 182: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

177

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kudoma mhando dzezvidyiwa nezvinwiwa zvavanofarirab) kutsanangura zvekudya kana kunwa kwakarec) kujekesa shanduko yavapo maererano nekudya kana kunwa kwavapo nhasi unod) kugoka ruzivo rwakawanda panyaya dzekudya nekunwa kwakare nanhasie) kuva nyanzvi pakutsanangura mutaurosiri nemusambof) kuva hodobori dzekunyora zvakasiyana-siyanag) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mhando dzekudya nekunwa kwakare nanhasib) kudoma zvakanakira uye zvakaipira kudya kwakare nanhasic) kujekesa pamusoro pekudya nekunwa kwavanofarirawo

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo inoratidza kudya kwakasiyana-siyana• zvidyiwa nezvinwiwa zvekare nezvavako zvinotakurika kuchidzidzo• zvinyorwa zvine chekuita nezvidyiwa nezvinwiwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapinde mumapoka mashanu kana kupfuura.2. Vadzidzi vanoongorora mifananidzo nezvidyiwa zvauya nemudzidzisi.3. Vadzidzi vanopihwa nguva yekukurukura basa ravapihwa.4. Vadzidzi ngavapihwe nguva yekupira zvavakokorodza.5. Vadzidzi ngavanzvere zvinyorwa zvine chekuita nezvidyiwa uye zvinwiwa.6. Vadzidzi vanokurukura zvakapihwa mumabhuku avo ekuverenga.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mhando dzezvidyiwa nezvinwiwa zvekare nezvavapob) kujekesa zvakanakira kana zvakaipira kudya nekunwa kwechivanhu nekwavapoc) kududzira mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso

Zvombo zvingashandiswa• mifananidzo yezvidyiwa nezvinwiwa

Maitiro echidzidzo1. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pezvidyiwa nezvinwiwa zviri pamufananidzo vachiburitsa

zvazvakanakira nezvazvakashatira.2. Vadzidzi ngavaverenge ndima chinyararire.

Chitsauko 36

Zvekudya nezvekunwa zveChivanhu nezvanhasi

GONA CHIShona 4TG.indd 177 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 183: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

178

3. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.4. Mazwi matsva ngaanyururwe agokurukurwa nezvawo.5. Vadzidzi ngapihwe nguva yekunyora mhinduro yenzwisiso panguva yakatarwa.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Bota (1)2. Mhunga, zviyo nechibage (2)3. Sadza roda usavi kuti ridzike. Usavi hungangova (3)derere, hove, mbeva, shiri, ishwa,

nezvimwewo. (2)4. Derere rinochekwa-chekwa roiswa mumvura yakafashaira pamwe nehundi nemunyu kuti

ripfave nekuibva zvizere. Rinenge richikurungwa kusvika raibva kuti risatutume. (2)5. Zvakare zvakaita semaheu zvaitogadzirwa nevanoda kuzvinwa asi mazuva ano kutotenga

zvakagadzirwa kare. Zvimwewo zvamazuva ano zvavakuwanzwa tsvigiri inokuvadza asikareko zvakaita semahewu zvainwiwa sezvazviri. (3)

6. Calcium, Protein neVitamin (2)7. Zvinoreva ndevo:

a) kuramba dzvuku huona jena: kusarudza wapihwa chinhu unenge uine chimwechiri nani (1)

b) kusaziva kufa: kurasikirwa nezvinonaka (1)murimac) hombarume: munhu anembiri yekuvhima (1)d) kunzwa parere mwoyo: kunyatsogutsikana (1)e) Musiyadzasukwa: munhu anonwa doro zvakanyanya (1)f) Murambadoro: munhu anoita hunhu hwakashata kana anwa doro (1)

8. Kutadza kufambisa ropa zvakanaka, urwere hweitsvo nemoyo. (1)9. PfupisoMudzidzisi batsiranai nevadzidzi kunyurura pfungwa huru nomwe kubva mundima.

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroZvirungamutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyurura nyaudzosingwi nefananidzob) kupa tsumo inoendereana nedudziroc) kududzira madimikira akapihwa

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvirungamutauro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanonyurura nyaudzosingwi nefananidzo kubva pabhambiri.2. Vadzidzi vanonyurura tsumo zvekare vopa dudziro yakakodzera.3. Vadzidzi vanodzokorora kuverenga ndima yenzwisiso yesvondo rino.4. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.

GONA CHIShona 4TG.indd 178 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 184: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

179

Mhinduro dzinotarisirwa a) papata – kuomab) kuramba yechidembo hunge uine yetsuro.c) Tsananguro yemadimikira:

(i) kuvaka muviri: kudya kunokudza mhunu nemazino(ii) tsuro ndisunge: kunakirwa chaizvo(iii) kuzviparira: kuzvitsvagira matambudziko(iv) kurovaguva:kuitabirarekudzosamweyawemufimumusha(v) kusaziva kufa: kurasikirwa nezvinonaka(vi) hupfumi hwedumbu: kudya kune utano

d) Vadzidzi vanonyurura fananidzo imwe chete.

4. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma madzitsi nemipanda yemazitab) kunyurura zvidudzira zviito kubva mundimac) kunyurura rebeso nekupa mazita adzo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mitauro yakabvunzwa

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoongorora bhambiri rine mutauro.2. Vadzidzi vanokurukura nezvemutauro wavapihwa.3. Vadzidzi vanopa madzitsi nemipanda inodiwa.4. Vadzidzi vanonyurura zvidudzirazviito mundima.5. Vadzidzi vanonyurura rebeso nekupa mazita adzo.

Mhinduro dzinotarisirwaa)Zita Dzitsi Mupandakunwa – nwa 15simba – simba 5zviupfu – pfu 7shupa – shupa 9 / 10mbeva – mbeva 9 / 10urimbo – rimbo 14panyaya – nyaya 16kumoyo – moyo 17

b)Chiito Rebeso Zita rerebesokufambirana –ir-, -an- Kuitira, kuitiranakukwatisa –is- Konzerokusanganisira –is-, -ir- Konzero, kuitirakuomeswa -es-, -w-, Nyanyiso, kuitwa

GONA CHIShona 4TG.indd 179 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 185: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

180

5. NgatitsvakurudzeiZvokudyaZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:• kutsanangura zvakawanda pamusoro pezvekudya zvakasiyana-siyana• kuziva kwakabva mawe mazita ezvekudya zvechivanhu

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo• zvitaitai zvine mazita ezvekudya zvakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanotaura zvavavekuziva pamusoro pezvekudya.2. Vadzidzi vanotsvakurudza zvekudya zvakasiyana-siyana padandemutande reruzivo voita

ongororo.3. Vadzidzi vanopakurirana zvavawana.4. Vadzidzi vanotsanangura zvavanoziva pamusoro pezvekudya zvine mazita akapiwa pazvitaitai.5. Vadzidzi vanonyora basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwa a) Muchirimo – Dzinoteyewa nezvikirimbani zvine dovi kana nzungu.b) Rakabva pamafuta akawandisa echipukanana ichic) Mazitadunhurirwa, (Vadzidzi vanoita tsvakurudzo yemamwe mazita umbiridzwa)d) Vakuru vaida kutyisidzira kuti vawane ivo madyiroe) Vadzidzi ngavape pfungwa dzavof) Kudya kwamangwanani, masikati nemanheru kune utano hwese.g) Vadzidzi vanoita tsvakurudzo.

6. NgatishangazhikeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:kutara mifanaidzo zvine unyanzvi kana kuruka nziyo nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine muenzaniso wenziyo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanokurukura zvavave kuziva pamusoro pezvokudya nezvekunwa.2. Vadzidzi ngavaongorore bhambiri rine nziyo yakanyorwa voita hurukuro yemanyorerwo ayo

uye pfungwa dzirimo..3. Vadzidzi ngavashangazhike pakuita basa ravo.

7. NgatisvakurudzeiMudzidzisi ngaape vadzidzi mukana wekutsvaga zvekudya zvakare vonamira pamabhambiri maviri akasiyana.

GONA CHIShona 4TG.indd 180 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 186: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

181

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kujekesa kuti kufambiswa kwemashoko kudiib) kuva nyanzvi dzekutsvakurudza nzira dzekufambisa mashokoc) kutsvaga ruzivo rwemutaurosirid) kugona kukavara vachitsigira pfungwa dzavo zvizeree) kuva nyanzvi dzekunyora nhetembo dzine chekuita nekufambiswa kwemashokof) kukwenenzvera pakunyora hurukuro inogutsa mukwenyi

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa nzira dzekufambisa mashoko dzavanozivab) kutsanangura zvizere zvinoitwa panzira idzic) kutsanangura nzira dzavanofarira pane dzose

Zvombo zvingashandiswa• zvinyorwa zvine chekuita nekufambiswa kwemashoko

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverenga zvinyorwa zviviri kana zvitatu zvine chekuita

nekufambiswa kwemashoko.2. Vadzidzi vanokurukura pamusoro pezvavaverenga vari mumapoka avo.3. Vadzidzi vanoita hurukuro iri mumabhuku avo ekuverenga.4. Vadzidzi ngavapihwe nguva yokupira zvavakokorodza.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti kufambiswa kwemashoko kuita seib) kudonongodza mhando dzekufambisa mashoko dzekare nedzanhasic) kutsanangura mazwi matsvad) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mifananidzo yedzimwe nzira dzekufambisa mashoko

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaongorore nzira dzekufambisa mashoko, dziri pabhambiri votaura zvadzakanakira

nezvadzakaipira.2. Vadzidzi ngavapihwe mukana wekuverenga ndima chinyararire.3. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.

Chitsauko 37

Nzira dzekufambisa mashoko

GONA CHIShona 4TG.indd 181 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 187: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

182

4. Vadzidzi ngavaverenge nekunyurura pfungwa huru vokurukura nezvadzo.5. Vadzidzi ngavapiwe nguva yekunyora mhinduro muchidzidzo.

Mhinduro dzinotarisirwa1. Ngoma, dandemutande remashoko nezvimwewo zviri mundima. (2)2. Ngoma dzaizivisa rufu kuvanhu –

Dandemutande remashoko rinobatsira vadzidzi pabasa ravo rechikoro. (2)3. Aisiyanazvichinderananechinengechichiziviswa.(1)4. Pamusoro pegomo. (1)5. Kunetswa navamwene. Zvaibatsira vamwene pakutsiurika vogona kurega maitiro avo. (2)6. Kuporeswa kwemwana anenge arwara.

Kunaya kwemvura. (2)7. Kuzivisa rufu kuvakarahwa.

Kusora muhondo.Kunokumbira vamwe varwi. (1)

8. Dzinoendeswa kuposvo nedzinofambiswa nemakombiyuta. (2)9. Mhinduro dzinobuda mushure mekungodzvanya chete. (1)10. Tsananguro yemazwi sekushandiswa kwaakaitwa mundima:

a) nhunha: zvichemo / matambudziko / zvinonetsab) ziendanakuenda: zvisina mugumo (1)c) misodzi: kunaya kwemvura (1)d) nyambo: nyaya dzinosetsa (1)

11. Mapepanhau ane chikamu chekushambadza mabasa, zvifambiso, dzimba nezvimwewo zvisipokumadzangaradzimu.

12. PfupisoVadzidzi vanonyurura pfungwa huru nomwe kubva mundima.- kufambiswa kwemashoko zvakasiyana siyana- basa guru rengoma pakuzivisa vanhu kuti vaende kwamambo- kufambisa mashoko kubudikidza nekutamba nenziyo pazviitiko zvekufara kana kusuwa- kushandiswa kwenhume kufambisa shoko rerufu kana zvirongwa zvehondo- kutaura nemidzimu kana paita zvinonetsa- kupfungaira kweutsi kuzivisa nezveungano- nzira dzavako nhasi uno dzekufambisa mashoko

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Mutauro usina kurungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroZvirungamutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura zvizere ndevo dzakapihwab) kunyora basa nenguva yakatarwac) kukurukurawo nevamwe mumapoka

GONA CHIShona 4TG.indd 182 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 188: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

183

Zvombo zvingashandiswa• mabhambiri ane zvirevo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi vanoongorora zvirevo zviri pabhambiri vari mumapoka.2. Vadzidzi vanokurukura zvinorehwa nezvirevo izvi.3. Mapoka anopakura zvaawana.4. Vadzidzi ngavanyore basa ranhasi chinyararire.5. Basa ranyorwa ngarikwenywe pamwe chete muchidzidzo.

Mhinduro dzinotarisirwa pazvirungamutauroa) kuridzwa kwengoma nenyanzvi (1)b) kutaurwa kana kunyorwa kwezvinofanira kuzivikanwa (1)c) vakwegura (1)d) kutaura nezvimwe zvausina kuudzwa (1)e) mubereki chaiye (1)f) zvichemo / zvinonetsa (1)g) kuwanda zvikuru (1)h) kunyanya kushandiswa nevazhinji (1)i) kuenda kunotaura shoko rerufu (1)j) mashoko akakosha (1)

4. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma nzira dzinoshandiswa kuumba mibvunzob) kukwanisa kuumba mibvunzo vachishandisa nzira dzakasiyana-siyana

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mibvunzo yakasiyana-siyana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi vanotsanangura nzira dzinoshandiswa kuumba mibvunzo.3. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoongorora mibvunzo iri pabhambiri votsanangura nzira

dzakashandiswa kuumba mibvunzo iyi.4. Mapoka anopakurirana zvaawana.5. Vadzidzi vanoita basa ranhasi.

Mhinduro dzinotarisirwaa) Hwidzazwi, kushandisa –su, -i, -ko, ko, rinhi, sei, -pib) Vadzidzi vanoumba zvirevo zvizere vachishandisa nzira dzadomwa.

5. NgatinyoreiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuratidza manyorerwo egakava

GONA CHIShona 4TG.indd 183 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 189: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

184

b) kupa pfungwa dzegakavac) kunyora rondero nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine chimiro chegakava

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo.2. Vadzidzi ngavaite ongororo yezviri pabhambiri.3. Vadzidzi ngavaite hurukuro yechimiro cherondedzero iyi.4. Vadzidzi ngavaedzesere manyorerwo egakava.5. Vadzidzi ngavaunganidze pfungwa huru.6. Vadzidzi ngavanyore rondedzero dzavo.

Cherechedzo:a) Basa ngarive rakachena richiverengeka.b) Zvirungamutauro ngazvishandiswe pakakodzera.c) Mhosho dzinotevera ngadzingwarirwe:• batanidzo nepatsanuro yemazwi• sungawirirano• zviperengo• bhii guru• zvimiso• nyora dzakasiyana-siyana• kushandiswa kwekatati (^)• kushandiswa kwechisungazwi• nezvimwewo

6. NgatishangazhikeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kuita mitambo yekuratidzira nzira dzaishandiswa kare kutumira mashoko

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidza vanokurukura nzira dzaishandiswa kare kutumira mashoko.2. Vadzidzi vanopinda mumapoka avo voita mitambo yekuratidzira nzira dzaishandiswa kare

kutumira nadzo mashoko.3. Boka rimwe nerimwe rinoratidza mutambo waro kuboka guru.

GONA CHIShona 4TG.indd 184 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 190: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

185

VavariroPanopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kujekesa kuti rudo chiib) kutsanangura mhando dzerudoc) kugoka ruzivo rwemutaurosiri nemusambod) kunyora nhetembo dzerudo vachishandisa zvidavadoe) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero yetsamba

1. NgatikurukureiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti rudo chiib) kutsanangura mhando dzerudo dzakasiyana-siyanac) kugoverana zvavakasangana nazvo muhupenyu maererano nerudo

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo• mapepanhau / magwaro erudo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaiswe mumapoka zvichienderana nekuwanda kwavo.2. Vadzidzi vanotsvakurudza nezverudo padandemutande reruzivo, mumagwaro nemumapepanhau.3. Mapoka anopakurirana zvaawana.4. Vadzidzi vanopihwa nguva yekunzvera zviri mumabhuku avo, ekuverenga.

2. NgativerengeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura kuti rudo chiib) kudonongodza mabasa evanhukadzic) kududzira mazwi matsva ari mundimad) kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo

Zvombo zvingashandiswa• zvitaitai zvine mazwi angangova matsva

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavapiwe mukana wekuverenga ndima chinyararire.2. Vadzidzi ngavaverenge nekuongorora mibvunzo yenzwisiso.3. Mazwi matsva ngaanyururwe agozoongororwa pamwe seboka.4. Vadzidzi ngavapihwe nguva yokupindura mibvunzo chinyararire.

Chitsauko 38

Rudo

GONA CHIShona 4TG.indd 185 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 191: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

186

Mhinduro dzinotarisirwa1. naamai kumwana / kukacheche (1)2. kutadza kudya nyama (1)3. muriwo, derere kana muchenje (1)4. kushanyarika, kuchema nekunamata (3)5. nekutenda Mwari (1)6. Zvinoreva mazwi:

a) kurimirana kumuganhu nenyama: Kusafarira kudya nyama / kutadza kudya nyama (2)b) mudumbu muchitambwa jerusarema: kukava kunoita mwana ari mudumbu / kupinduka

kwaanoita (2)c) kukurukura hunge wapotswa: kubuda munjodzi huru panobudirira mai vakazvitakura

kusununguka (2)d) pasina nguva serwaivhi woedzerera: kukambaira (2)

7. mana (1)8. Kupururudza, kutamba, kuimba, kuuchira, kuuya nezvipo. (2)9. Mwana anenge abviswa pamukaka / Mwana asisayamwe. (1)10. PfupisoPfungwa huru dzingangobuditswa:- kudya achirutsa nekuramba nyama achida derere- kutambura nekurwadziwa pakusununguka- kufara kwababa nehama dzekacheche- kutambura kwamai mwana arwara vamwe pamusha vachirara- kukura kwekacheche kubvira pakukambaira nekutanga kutaura- mwana ati kurei otamba nevamwe- mai vozororawo- rudo rwaamai rukuru runoyemurika

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

3. Ngatirungei mutauroZvirungamutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kunyurura nyaudzosingwi mundimab) kududzira nyaudzosingwi dziri munhetemboc) kutsanangura zvinoreva madimikira akasiyana-siyanad) kunyurura fananidzo mundima

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine zvirungamutauro.

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavadome nyaudzosingwi nefananidzo dzavanoziva nekuzvidudzira.

GONA CHIShona 4TG.indd 186 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 192: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

187

2. Vadzidzi ngavanyurure nyaudzosingwi kubva pabhambiri.3. Vadzidzi ngavatsanangure zvinoreva nyaudzosingwi dzavanyurura.4. Vadzidzi ngavadudzire madimikira zvizere.5. Vadzidzi ngavanyurure fananidzo kubva pabhambiri vodzitsanangura.

Mhinduro dzinotarisirwaa) mbu – u: kuchena

ne – e: kuchema kwekachechebhwai bhwai: kuramba kwemunhu akasvinurasekerere: kunyemwererasimu: kusimuka kekutanga nekukurumidza

b) (i) kuora moyo: kuregedza zvaunosiita(ii) kukangwa mate mukanwa: kushamiswa nechinhu(iii) kubata dumbu: kudya zvinogutisa(iv) kumera mapapiro: kufara zvikuru

4. Ngatiumbei mutauroZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kupa zvivakashure zvinotsanangurab) kunyurura zvisazitasingwi nekuratidza maumbirwo azvoc) kutsanangura kuti chindori chiid) kunyurura chindori nekuratidza maumbirwo acho

Zvombo zvingashandiswa• bhambiri rine mutauro

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavaburitse zvivakashure zvinotsanangura nekupa mipanda yacho.2. Vadzidzi ngavanyurure zvisazitasingwi nekuratidza maumbirwo azvo.3. Vadzidzi ngavatsanangure kuti chindori chii?4. Vadzidzi ngavanyurure zvindori kubva pabhambiri rine mutauro.5. Vadzidzi ngavaratidze maumbirwo ezvindori.

Mhinduro dzinotarisirwaa) ka – Mupanda 12b) iko, iwo

Chitsigisi + chiratidzamupanda + - o i - + - k + - o i - + - w - + - o

c) Chindori izwi rinoburitsa pfungwa yakazara pasina chiito.d) Havo, heko, hero, hoyo, ibasa

MaumbirwoChivakashure chechindori + Dzitsi rechindori

ha- + -ivohe- + -ivoi- + -basa

GONA CHIShona 4TG.indd 187 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 193: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

188

5. NgatitsvakurudzeiZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kutsanangura mabasa anoitwa nevanhukadzi kubva pakutakura nhumbu kusvika pakukura

kwemwanakujekesa zvakanakira basa ranaamai pakuyaruka kwemwana

Zvombo zvingashandiswa• dandemutande reruzivo• magwaro anotaura nezvebasa guru revanhukadzi pakuyaruka kwemwana

Maitirwo echidzidzo1. Mudzidzisi anoparura chidzidzo kuvadzidzi.2. Vadzidzi vanopiwa mukana wekuita tsvakurudze yezvekukosha kwevanhukadzi pakuyaruka

kwemwana, kubva ichiri nhumbu padandemutande reruzivo kana mumagwaro anobata nyayadzakadai.

3. Vadzidzi vanogoverana zvavawana.4. Vari mumapoka avo, vadzidzi vanoita basa ranhasi.5. Dzokororo yebasa.

Mhinduro dzinotarisirwa a) Munhukadzi mukuru.b) rekusunungutsa madzimai akazvitakura.c) VanaChiremba kana vanamukotid) huku, zvuma nezvimwewoe) Kumba kwemunhu anenge aine pamuviri kana kuti tumbwa asi nyamukuta aigara kwezvizuva

6. Ngatishangazhikei pakunyoraZvinangwaPanopera chidzidzo chino, vadzidzi vanotarisirwa kunge vave kukwanisa:a) kudoma zvidavado zvemunhetembob) kunyora nhetembo nenzira inotarisirwa

Zvombo zvingashandiswa• mienzaniso yenhetembo• bhambiri rine chimiro chenhetembo

Maitirwo echidzidzo1. Vadzidzi ngavayeuchidzwe manyorero edetembo akanangana nemusoro, pfungwa huru

nezvidavado.2. Vadzidzi ngavanyore nhetembo vachiedza kubudisa pfungwa dzerudo rwarehwa.3. Nhetembo ngadziverengwe kune vamwe vadzidzi vachigovana unyanzvi.4. Mudzidzisi ngaakwenye basa revana iri senzira yekusimudzira chido chevadzidzi.

Mhosho dzinoda kungwarirwa:• batanidzo nepatsanuro yemazwi• sungawirirano• zviperengo• zvimiso• nyora dzakasiyana-siyana• nezvimwewo

GONA CHIShona 4TG.indd 188 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 194: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

189

Vavariro Panopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kubata nguva yekunyora bvunzo vachipedzab) kutsanangura zvizere zvirungamutauro nenzira dzakasiyana-siyanac) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero ine udzamud) kupa mhinduro dzenzwisiso dzizere vasingadzure mibvunzoe) kuburitsa pfungwa huru dziri mundima nepapfupi

Bepa rekutangaChikamu A: Rondedzero

1. Zvinotarisirwa kurondedzeroMudzidzisi ngaacherechedze kuti vadzidzi vaita zvinotevera:- kutambanudza pfungwa huru zvizere- pfungwa yega yega mundima mayo- kusiya mutsara pakati sendima yetsamba- kushandisa zvirungamutauro pazvakakodzera- kungwarira mhosho dzebatanidzo, patsanuro, zviperengo, sungawirirano, kushanda kwevara

guru kana diki, kushanda kwechisungazwi, kushanda kwezvimiso, nyora nezvimwewo- Mudzidzisi ngaakwenye basa revana achishanda nepfungwa huru pamwe neuwandu hwemhosho

dzemudzidzisi.- kuwandisa kwemhosho kunodzikisa zvibodzwa zverondedzero.

2. Nzwisisoa) Musoro unobata zviri munyaya zvizere sokuti: Kusaziva kufa. (1)b) Muzukuru nasekuru (1)c) Rufu rwakakanganisa mhuri yaVaTinarwo yaigara murufaro nemurudo vasingazvifungire. (2)d) Vaifarira vanhu vose pamwe nekubatsira vainetseka (2)e) VaSenzeni naVaNdakaiteyi (2)f) Vakavigwa musoro chete muviri wese wakadyiwa nemakarwe. (1)g) Zvinonzi vaiva shamwari yepamwoyo kwete baba chete (1)h) Kuva mushamarari (1)i) Kufungisisa rufu rwemumwe wavo. Vakazorapwa kuchipatara chevarwere vepfungwa (2)j) Tsananguro yendevo:

(i) hushamwari nerukukwe: kugara munhu achirwara (1)(ii) kukoromoka kwegomo guru: kufa kwemunhu akakosha (1)(iii) afirwa haatariswi kumeso: kana munhu arasikirwa nevadikani vake zvinorema kumunan’anidza

pakuchema kwake (1)(iv) chako wega mukonde wesadza: vanhu vanobatsirana kan paita dambudziko (1)(v) nguva yemafuko:nguvayekuonekananemufiinoitwanehamadzepedyovachibvisamari(1)(vi) kurova gata: kuenda kun’anga kunobvunza chikonzero cherufu (1)(vii) vainge vanaya: kupora kwemurwere (1)

Chitsauko 39

Dzokororo yechitatu

GONA CHIShona 4TG.indd 189 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 195: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

190

k) PfupisoPfungwa huru dzingangopiwa.- kufa kwaVaTinarwo netsaona- kuwanda kwevanhu nezvekudya parufu- kurwara kwaMuchazvirega murume ashaya- kuenda kugota kuti vaone chaive chauraya VaTinarwo kwehama- kuenda Bulawayo kwaVaMuchazvirega naSenzeni mukoti- kupora nekudzoka kwavo nedzidziso yekuramba vachinwa mushonga

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7) Ndima imwe (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Pfungwa dzinoyerera (1)Zvose (10) [30]

Bepa rechipiri: Zvirungamutauro [20]Chikamu chekutangaMhinduro dzinotarisirwa1. Tsumo

a) Kukurukura hunge wapotswa.b) Ateyamarivamurutsvahaachatyikusvibamhapa.c) Kutsva kwendebvu varume vanodzimurana.d) Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga urema hwacho.e) Ndarira imwe hairiri mugumbo.f) Gengezha mukombe hazvienzane nekunwira mudemhe.g) Hona icho kuva vaviri.

2. Madimikiraa) Kurovera / kuputsirab) muromo wezasic) kufugad) guyo sembwae) kurumwaf) kudya magaka mambishig) kurova

3. Nyaudzosingwia) kusekererab) kusunga zvakasimbac) kuzarad) kutsamwa zvikurue) kudonha nemuromof) kushama / kuvhurika kwegonhig) kusvika

4. Musamboa) kupfimbanab) kutiza mukumbo

GONA CHIShona 4TG.indd 190 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 196: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

191

c) kushorad) kushuwirae) kunyengereraf) kushorag) kutiza mukumboh) kurumbidzai) kupfimbanaj) kuzivisa

Chikamu chechipiri:Mutauro1. Mupanda Chivakashure Zita

1 mu-/mw- murume/mwana1a Ø- tete

2 va- varume 2a va-/Va- vatete/VaDombo 2b a- amai 3 mu- mugoti 4 mi- migoti 5 ri- benzi 6 ma- mapenzi 7 chi- chitoro 8 zvi- zvitoro 9 N-/i- N’anga 10 N-/dzi- mombe 11 ru-/rw- ruoko/ rwana 12 ka- kaoko 13 tu-/tw- tusikana/twana 14 u- upfumi 15 ku- kuchema 16 pa- pamba 17 ku- kumba

17a Ø seri/Harare 18 mu- mumba 19 svi-/sv- svirume/svana

21 zi- zimbudzi [20]

2.a) (i) Kurovera(ii) Kuchemwa(iii) Kufambisa(iv) Kutyirwa(v) Kusekerera [5]

b) (i) -rov-(ii) -chem-(iii) -famb-(iv) -ty-(v) -sek- [5]

GONA CHIShona 4TG.indd 191 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 197: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

192

Bvunzo yekupera kwegore yekutanga

VavariroPanopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kunyora bvunzo vachipedza nenguva yakatarwab) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero ine udzamuc) kupa mhinduro dzenzwisiso dzizere vasingadzure mibvunzod) kutsanangura zvizere zvirungamutauro nenzira dzakasiyana-siyana

Bepa rekutangaChikamu A Rondedzero1. a) Mafashamu emvuraMutoo 1- ngaive rondedzero inotsanangura kuti mafashamu emvura chii- ngaiburitse zvikonzero zvawo- ngapabude matambudziko kuvanhu nemhuka anobva mumafashamu- ngapatsanangurwewo uipi hwemafashamu kunharaunda- munyori ngaaratidzewo zvinowanzoitwa kugadzirisa matambudziko anouya nekuda kwemafashamu- ngaapwewo zvingaitwa segadziriro yekuti matambudziko anounzwa nemafashamu arege

kuzokura mune ramangwana

Mutoo 2- inogona kubuda senyaya inojekesa zvese zviri pamutoo 1b) Nyora nyaya inodudzira chirevo chekuti, Kana wakabara, sekera mudundundu.

- ngaive nyaya imwe chete inodudzira kuti munhu ngaasafarira kuseka vamwe kana vawirwanetsekwende nokuti iye ane mukana wekuzopindawo padambudziko rimwe chetero

- munyori ngaaruke nyaya ine vatambi vanoburitsa chirevo ichi- ngaive nyaya imwe chete, kwete tunyayanyaya

c) Zvingaitwe nevechidiki kuderedza urombo munyika- vechidiki kuratidza avo vane mazera asingadariki makore gumi nemasere

Zvavangaite- kuve muzvikoro vachidzidza zvidzidzo zvinopa mabasa- kubatsira vabereki kushanda mabasa epamisha anopa mhuri pundutso- kuita mishandirapamwe inopa mari yekuzvibatsira nayo- kupinda muzvikamu zvebudiriro munyika sekurima nezvimwe- kuita mitambo yakasiyana-siyana inopa mari kwavari nekunyika yose- nezvimwewo

d) Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye- ngaive nyaya inoburitsa kuti kana munhu awirwa nedambudziko, ngaachiregera kuramba

ozvinetsa nekushungurudzika, asi kutotarisana nedambudziko racho- ngaive nyaya inorukwa ichiburitsa pachena dambudziko rinowira munhu, origamuchira

nekuita urongwa hwekuedza kurigadzirisa

GONA CHIShona 4TG.indd 192 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 198: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

193

- ngaive nyaya imwe chete kwete tunyayanyayae) Nyora hurukuro pakati pevarume vaviri. Mumwe anoti mutemo wekuti vana vasarangwa

wakanaka, mumwe achipikisa.

Anotsigiraanogonakuti:- vana vemazuva ano vave kutsigirwa nemitemo mitsva- vana vazhinji vanga vave kushungurudzwa nevabereki neavo vanovachengeta- kungoranga vana kuvarwadzisa panyama chete zvinobva zvakanganisa makuriro avo- mamwe marangiro anga okuvadza vana- nezvimwe

Anopikisaanogonakuti:- kusaranga vana kunovakanganisa makuriro avo- misikanzwa yevechidiki haiperi- havazovi vanhu vanoyemurika patsika pakukura kwavo- kuranga kudzoredzera vanotadza kwete kukuvadza- vana vanoteerera vabereki- mitemo yenyika inozowana vanotevedzera mune ramangwana- nezvimwewo

f) Nyora tsamba kumukoma wako arovera mhiri kwemakungwa uchimutsanangurira shandukoyavepo padunhu penyu makore ano.

- ive nekero imwe chete setsamba yekumuzivikanwi- urongwa hwemanyorero kubva pakero, zuva, kwaziso nemhedziso hutevedzwe

Shanduko dzingaburitswa- migwagwa mitsva yakagadzirwa- pave negawa idzva- misha mitsva yakavakwa- masango mazhinji aparadzwa nevanhu- zvikoro nezvipatara padunhu- magetsi ave mudunhu rose- nezvimwewo

Chikamu B NzwisisoMhinduro dzingatarisirwa1. Vaimusvora kuti akazviuraya nekuda kwemukadzi ane unzenza. (1)2. Kuwa kwayakaita kubva pamusoro pezambuko repaMutorahuku. (1)3. Vaive nemari zhinji uye vaive nezvipfuyo zvakawanda. (2)4. Runako rwavo, nyemwerero yavo, chimiro chavo. (Chero chimwe chete apa) (1)5. Rugare paVaMadzvamuse rwainge rwabva kupfuma yavaiwana kubva kugungano rekereke

yavo. (2)6. Zvakaitwa nevatambi:

a) Mufundisi Madzvamuse vaiyemurwa nevekereke yavo semuparidzi ane mukurumbira asivakachiva Mai Chiseko mudzimai wemuridzi. (1)

b) Mai Madzvamuse vaive mudzimai weruwadzano asi vakandorwisa Mai Chiseko. (1)c) Mai Chiseko vaitungamirira vaimbi mukereke asi vakachiva mufundisi vakaita nhumbu ivo zvari mudzimai wemuridzi. (1)

GONA CHIShona 4TG.indd 193 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 199: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

194

7 (a) yainge yakagarika zvikuru (2)(b) aisvora varume vawo sevanhu vakanyangara (2)(c) mukatikati memoyo wavo / mumafungiro avo (2)(d) ishuviro yavaive nayo isingazadzisiki (2)(e) pakapopotedzanwa zvakanyanya (2)

PfupisoPfungwa huru dzingabuda:- rufu rwaVaMadzvamuse pazambuko- kuwanda kwepfuma yamufundisi- unyanzvi hwamufundisi hwekuparidza- ruchiva rwamufundisi namai Chiseko- yambiro yamai Madzvamuse- bopoto nekurwa kwamai Chiseko namai Madzvamuse- kuzviuraya kwamai Chiseko

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina zvirungamutauro (1)Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

Bepa rechipiriChikamu chokutanga: Zvirungamutauro nemusambo yemutauro1. Madimikiraa) Kuteya nzeve / kuruma nzeve.b) Kuita pamuromo / kuve nepamuromo pasingamharwi nenhunzi.c) Kurovera matama pasi / kuseverana mumatama.d) Kutyora gumbo / kuita gumbo mumba, gumbo panze.e) Kuita musoro / kushaya musoro. (5)

2. Zadziso yetsumoa) Seka urema wafa.b) Kugocha kunoda kwaamai, kwemwana kunodzima moto.c) Kutenda cherima, kutenda auya nacho.d) Chiri pamuchena chiri pamutenure.c) Gore haribvi pakabva rimwe. (5)

3. Misambo yemutauroa) Anoshandiswapakukumburavanengevafirwa.b) Kureva kuti paita anenge akagumbuka zvikuru.c) Anoshandiswakutsanangurarufurwamambowedunhu.d) Mashoko ekunyaradza mwana apo anorwadziwa nekudonha pasi.e) Kureva kuti vave kudya zvekutanga kuibva muminda.f) Mazwi anoratidza kuti uroyi hwabata vekuushe, hahutongeki.g) Madaviriro evatana kana vabvunzwa nezveutano hwavo.h) Kureva kuti handizvo chaizvo, pane zvasaririra pakuita.i) Mashoko ekukumbira kuti ari kupopota achiregerera mumwe. (10)

GONA CHIShona 4TG.indd 194 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 200: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

195

Chikamu chechipiri: Dudziramutauro1. Mavakirwo Emazita

Chivakashure + Dzitsi - Zitaa) mw- + -ana - mwanab) ru- + -oko - ruokoc) (ri-) + -kaba - gabad) pa- + -muzinda - pamuzindae) ma- + -kumbo - makumbof) O- + -Garwe - Garweg) m- + -oyo - moyoh) zv- + -uru - zvurui) O- + -seri - serij) N- + -kereke - kereke (10)

2. a) Nzira ina dzinoshandiswa kuisa mazita mumipanda ndedzinoti:- Mazita anenge aine chivakashure chimwe chete, sokuti: mupanda 7 chi -, pamazita anoti:

chikova,chipenzi, chikoro.- Mazita anoreva zvimwe chete, sokuti: mupanda 1 unomirira mazita anoreva munhu mumwe

chete, sokuti: murume, mukadzi, musikana.- Zvichibva nekubva kwawo muushoma achienda muhuwandu hwawo, sokuti: mupanda 3

muti, mupanda 4 miti.- Zvichibva nedyidzano yawo nezvidudziramazita, sokuti: mupanda 11 rukova urwu,

mupanda 12, kakova aka. (4)b) Zita Chisazitasingwi Chiratidzi Chepedyochikoro icho ichi (1)murume iye uyu (2)rugare irwo urwu (1) kutaura iko uku (1)mweya iwo uyu (1)

3. Zvirevo ngazvitaridze chiito chacho charebeswa uye chakatarwa pazasi pacho.Muenzaniso: a) Ndiye wandakabatisa demo ini ndichitiza mbada.Panoda rebeso dzezviito mbiri kana nhatu, chirevo chiburitse chiito ichocho, sokuti:a) Ndizvo zvakabatanidzwa pamwe nezuro, zvichingodaro kusvika rebeso dzose dzakapiwa

dzapera. (10)

GONA CHIShona 4TG.indd 195 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 201: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

196

Bepa rekutanga Chikamu A Rondedzero 1. a) Munhu wandinoyemura munharaunda yekwedu

Ngapave netsananguro yezvinoyemurwa pamunhu uyu zvingasanganisira izvi: unhu, maitiro, chimiro, magariro, tarisiro yake muupenyu, zvaanoitira vamwe nezvaanoitirwawo, mararamiro ake nezvimwewo.

b) Kutiza mvura yembambara tiza ichabva kure.Ngaruve rungano runobuditsa zvinoreva tsumo iyi, inoreva kuti zvakanaka kugadziriradambudziko guru raunoziva kuti richasvika nguva ichipo. Rungano rwacho ngarwuwenegadziriro yedambudziko iri pachena, uye inoyemurika iri mugwara retsika dzaVaShona.Mudzidzi anogonawo kuburitsa matambudziko anowanikwa nokusagadzirira zvakakwana.

c) Nyora hurukuro pakati pevasikana vaviri. Mumwe anoti hurombo huri muvanhu ndohwekuzvipa,mumwe achipikisa.- ngaive hurukuro ine gakava rine udzamu.- ngavave vasikana vaviri

Anotsigiramusoroangataurazvimwezvezvinotevera:- Vamwe vanhu vanopedzera mari yavo muzvinhu zvisina maturo.- Vamwe vane nungo havadi kushanda saka vari varombo.- Vamwe havateereri mazano avanopihwa maererano nokupfuma.- Vamwe havateereri pamabasa vodzingwa.- Vamwevanorasikirwaneupfimihwavainahwovogumavavavarombo.

Anopikisaangataurazvimwezvezvinotevera:- Vamwe vanozvarirwa muurombo voshaya pokutangira senherera.- Vamwe vanodzingwa mabasa zvisina zvikonzero.- Vamwe vanoitiwa shanje vokanganisirwa mabasa avo.- Upfumi hwenyika hungangova hushoma zvotadzisa vamwe kuwana mabasa- Nezvimwewod) Upfumi hwenyika ino huri muvhu

Mutoo 1 Mudzidzi ngaajekese kuti zvinorevei kuti upfumi huri muvhu.Ngaaburitse zvinhu zvinounza upfumi hwenyika izvo zvinobva muvhu zvakaita sezvinotevera

nezvimwewo:(i) Zvirimwa zvakaita sefodya, donje, chibage, maruva, paprika, michero, maringazuva, mapfunde,

gorosi (koroni), nzimbe nesoya.(ii) Zvipfuyo: pane izvi ngaajekesewo kana kupinza pfungwa yokukosha kwezvipfuwo zvakaita

semombe, nguruwe, huku, mhou, izvo zvinowana kudya kwazvo kubva muvhu. Mhukadzemusango idzo dzinochengetwa munzvimbo dzakachengetedzwa dzichiunza mari yokunzekwenyika dzinowana kudya kwadzo kubva muvhu.

(iii) Miti inogadziriswa zvakawanda sezvivezwa inokura muvhu.(iv) Vanhu, vanova ndivo vanoshanda kuburitsa upfumi hwose uhwu, vanorarama nezvokudyazvinobva

muvhu.(v) Zvicherwa zvakaita semukute, marasha nemhangura zvinounza mari yekunze kwenyika

nezvimwewo.

Bvunzo yekupera kwegore yechipiri

GONA CHIShona 4TG.indd 196 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 202: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

197

Cherechedzo: Ngaanyatsoburitsa kuti zvese zviri pamusoro zvinounza sei, upfumi munyika.

Mutoo IIAnokwanisakupikisaachiburitsazvinotevera:- Panodiwa vanhu vane njere sokuti nyika dzose dzine ivhu asi dzimwe hadzina kupfuma.- Panofanira kuva norunyararo kuti upfumi hwenyika hukwirire nokuchengeteka.- Vanhu vemunyika vanofanira kubatana.- Panofanira kuva nokudyidzana nokutengeserana nedzimwe nyika dzakabudirira.- Vanhu vanofanira kunge vane utano hwakanaka kuti vagone kushanda.- Vanhu vanofanira kushanda nesimba.

Mutoo III- Mudzidzi anogona kubatanidza zviri mumutoo 1 nezviri mumutoo IIe) Nyora tsamba kushamwari yako iri kunze kwenyika kwairi kudzidza yakashaikirwa nevabereki

vose uchimupa mazano angamubatsira- Ngapave nekero imwe chete. Ngaape mazano anovaka anokwanisa kusanganisira zvinotevera:- mazwi okunyaradza nokumushingisa- ngaaenderere mberi nedzidzo uye adzidze nesimba- anogona kunamata nokuti anogona kuwana hama neshamwari dzokukereke idzo dzinogona

kumubatsira muupenyu hwamangwana- ngaasamhanyira zvekuroora kana kuroorwa asati apedza dzidzo yake- ngaarambe achidyidzana nehama dzekwababa nedzekwaamai pasina kumwe chete kwaakarerekera- ngaabatanewo nevamwe vana vomumhuri- ngaatsvageworubatsirokubvakuneveSocialWelfarenemamwemapoka- ngaazvibate chaizvo, kwete kuita semombe yemashanga. Izvi zvinobatsira kuti vanhu vose

vamude, kumuyemura nokuda kumubatsira- kana pane mari kana upfumi hwakasiyiwa navabereki ngaaronge pamwe chete nehama dzepedyo

kuhushandisa zvichazobatsira mune ramangwana- ngaasacherechedze, kutadzirwa kwaanoitwa nevamwe vanhuCherechedzo: Tsamba ngaipenderwe zvakanaka.- Mudzidzi ngaashandise mutauro unokodzerana nenyaya iri kutaurwa nezvayo.- Ngaanyaradze nekupa mazano chaizvo, kwete kuita zvedambe.

Chikamu B 2. Nzwisiso Mhinduro dzinotarisirwaa) Ndaizivei (1)b) Aivanerunakouyekuvanhuaitaridzatsikadzakanaka.(2)c) Vabereki mudzimba, vaiti aroorwe nevana vavo. (2)d) Tobias (1)e) Tsananguro yemazwi:

(i) musikana akanaka chose (2)(ii) akanaka pachiso asi asina hunhu (2)(iii) kusateerera achirairwa (2)(iv) kuzvara mwana wakevo (2)(v) pakawanikwa kuti Ndaizivei ndiye awa asingachaiti mwana (2)

f) Chisionekwi umhandara hwaamai (2)g) Vadetembi vaiva vagara nguva yakareba vasati vaita mwana (2)

GONA CHIShona 4TG.indd 197 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 203: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

198

h) PfupisoPfungwa dzingangopihwa nevadzidzi:- Ndaizivei aiva akanaka / runako rwepachiso- varume vazhinji vaimuda / kumuyemura- vabereki vaishuvira kuti aroorwe nevanakomana vavo- aiva akanaka asi asina hunhu / aiita zvechifambi akahwanda- Tobias akabva adanana naNdaizivei, akadzorwa asi haana kuteerera- Tobias akaroora Ndaizivei, vakachata,- vakagara vose makore matatu pasina mwana- vakaenda kunaana chiremba, Ndaizivei akawanikwa ariye aisaita mwana uye aitova nechirwere

cheshuramatongo.

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7)Ndima imwe chete (1)Mutauro usina kudimikirwa (1)Pfungwa dzinoyerera (1)Zvose (10) [30]

Bepa rechipiriChikamu chokutanga: Zvirungamutauro nemusambo yemutauro1. Tsumoa) -Wongotyakudonharopaiwewaichemeranyora

- Ndomene haichemedzi kana- Mazvokuda kurumwa nechokuchera / nechokudongorera kana- Mazvokuda kufa nemaronda enyora kana- Mazvokuda mavanga enyora. (1)

b) - Ruzambu kugara munyemba rwunoti ndava nyembawo- Zizi kurungwa munyu rinoti ndava hukuwo / Zizi kugara muhuku hunzi ndave hukuwo kana- Kayembana kumera munyemba hunzi ndava nyembawo. (1)

c) - Kure kwegava ndokusina mutsubvu- Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika / ndinofa ndasvika Kure ndokusina kwechiriunofa wasvika

- Mwana mudiki kubvuma rwendo rwake rwuri mukati Kubvuma rwendo kwemwana mudikihunge ane rwake mukati. (1)

d) - Chembere mukadzi hazvienzani nokurara mugota- Gengezha mukombe hazvienzani nokunwira mudemhe- Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara pasi- Aguramusuvaatovamwoyohazvinzanineagere- Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti. (1)

e) - Chomungozva chinodyiwa nowabata mwana- Kudya chomuzvere bata mwana wake- Kudya chomungozva hubata mwana (1)

f) - Chiri pachena chiri pamuchenure / pamutsvedu / pamawere- Wenhamondowenhamokufugagumbezerinotsva- Wegudzandowegudzakufugagumbezerinotsva. (1)

g) - Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba. (1)

GONA CHIShona 4TG.indd 198 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 204: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

199

2. Nyaudzosingwia) tiba

Thomas akarohwa chamatsenganzungu akabva ati pasi tiba nemuromo.b) cheu

Paakati cheu akabva aona houno mukono weshumbac) tsva-a

Takasvika paMbare kunze kwati tsva- a kusviba.d) tumbi

Rovesai paakaona zinyoka mberi kwakwe akabva ati tumbi kumira.e) papata

Pasi pakanga pakati papata kuoma.f) rezu

Paakabatwa nemhosva yokubata mwana wechikoro chibharo, aakazowanikwa akati rezukuzvisungirira pamushuku.

g) kwashuRunesu akati kwashu kumuka paakanzwa imbwa kuhukura pakati pousiku.

h) toroPayakaona papurisa asvika mbavha yati toro nenzira yemupata wegomo.

3. Madimikiraa) kudya danga: kuroodza mwana sikana kana kuroorerwa (1)b) kuisa maoko: kuuchira dare ramambo /kuuchira pakumhoresana (1)c) kubaira munhu zanhi: kupa munhu rairo kana yambiro inomubatsira kana achinge abvuma

kutambira (1)d) kupedza ura: kuguma kubereka vana nekuda kwekuti wakura . (1)e) kuisa muromo mumhino: kutsamwa /kushatirwa zvikuru (1)f) kudya marasha: kupopota /kupopota zvikuru /usingadzoreke . (1)g) kuita bete rawira mumukaka: kuenda kwaunoenda uchitarisirwa kukurumidza kudzoka asi

iwe wobva wanakidzwa nezveko zvokuti unokanganwa kwawabva (1)4. Fananidzoa) setsubvub) sembwa nzverec) semukonikoni /sembwa nzvere /serumbuswa /sembuswad) senguruvee) setsuro

5. Musamboa) Kutizira / kutiziswa - Musikana aienda kumukomana zvichifambiswa navatete. Kazhinji anenge

ava nepamuviri apo dzimweni dzenguva mukomana achingotsika tsika, musikana osengatwake otizira. Kutiziswa - vatete vomukomana / hanzvadzisikana ndivo vaizotora musikanawehanzvadzi yavo voenda naye muchivande. Kazhinji vaitiziswa vava nepamuviri / nhumbuisingaonekwi. Vaizodaidza kuti tsvakirai kuno, dzakorwa yekwenyu ikakuriwa atova muroorawekwaanowanikwa. (5)

b) Musengabere – itsika yokuwanana iyo yaiitwa pasichigare. Mukomana / murume aingohwandirawaanodamusikanaobvaamutakurakumhanyanayeakamubatamuromokuitiramhere.Aisvikomuvharira mugota rake. Zvaitora nguva kuti vagarisane asi vakuru vaizomunyengerera kusvikavaita mhuri. (5)

c) Kuganha – Musikana aingorongedza onogara kumucheto kwemusha wepamurume kana

GONA CHIShona 4TG.indd 199 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 205: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

200

mukomana waanenge achiva. Kazhinji kuganha zvaikonzerwa nekurumbidzwa kunenge kuchiitwa jaya iri nemadzimai, madzimbuya kana madzitete. Vaigona kurumbidza zvokuti “Dai udoko hwaidzokerwa ndaisva hangu ndaroorwa naRumbeu, mwana uyo akanaka huye anoshanda.”Mashokoayaaizoitakutimusikanaakwezvemukomana.Aimbozamazvishereketo,asiakasaonekwaaizoudzavatetevakechishuvirochake.Airongedzaoendakwemukomanaogarira pamucheto peruvanze. Paaionekwa, paizotumwa chembere, hohonwa dzemhuri dzomutora dzomubvunza. Vaizoita dare remusha, mukomana arehwa opuhwa musikana. Kazhinji airamba asi vakuru vaizomuudza kuti, “Mukadzi wekupihwa nevadzimu haarambwi.” Vaitozoroora chero zvazvo mukomana aizobvumirwa kuroora wake waanoda, uye anenge atova wokutanga. (5)

d) Kukumbira – Ndiyo nzira yasarira ichipo kubva kare. Vazhinji vari kuita zvokukumbira. Nziraiyi yakareba chose, asi zvikuru zvinoitwa kutumira munyai. Munyai anotanga kusvikira kunababavadoko navatete. Vanoudzwa masvikiro. Vatete vomusikana, ndivo vanenge vachishandidzananemunyai pabasa rinenge richiitwa pakukumbirwa kwemwana wehanzvadzi. Zvipeto zvosezvinotevedzerwa, zvichiitwa nomugwara razvo. (5)

Chikamu chechipiriDudziramutauro1. Chivakashure Dzitsi chi- - kosoro / -kosor-o mu- / mw- -enje Ru- / rw- -endo /- endo- o (ri-) -kumbo Ø- /N- /i-/ dzi- -njiva va- -sungwa /-sung-w-a ma- -iso pa- -si (ri-) -ano u- -ichi2. Vanyori vanofanira kunyora zvirevo zvakakodzera. Kana pasina chirevo hapana chinopiwa.

Ngavashandise rebeso dzataurwa chete kwete kuisa dzisina kubvunzwa pamubvunzo iwoyo.Rebeso / zvivanduriro muchiito a) Rovesa (2)b) Roveka (2)c) Roverera (2)d) Rovanisa /rovanidza (2)e) Roverana (2)

3. a) kushandisa /-ngani/b) kushandisa /-pi/c) kushandisa /-i?/d) kushandisa /-su?/e) kushandisa /-di /dii/f) kushandisa /sei/ngei/nemhaka yei /nemhaka hwai, ngenyi?/g) kushandisa /kani /kanhi/h) kushandisa /ko/- ko?/i) kushandisa /-ani?/j) kushandisa / nhai/

GONA CHIShona 4TG.indd 200 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 206: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

201

k) kukwidza izwil) kuredza izwi

4. a) kana, na-, uye (3)b) kwazvo, Nemari, nhasi (3)c) ha-, -sa-, -si-, -singa- (4)

5. a) ndini: chindori chiri pazvirevauwandu (2)b) uko: chiratidzi /chinongedzi chokure asi asi zvimwe ndezvepedyo (2)c) ipo: chisazitasingwi chebato/chemupanda zvimwe zvisazitasingwi zvomunhu (2)d) vangu: chirevamwene chiri pazvipauro (2)e) muziso: izita remupanda 18 asi mamwe mazita emupananda

GONA CHIShona 4TG.indd 201 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 207: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

202

Bvunzo yekupera kwegore yechitatuVavariroPanopera chitsauko chino, vadzidzi vanotarisirwa:a) kugona kunyora bvunzo vachipedza nenguva yakatarwab) kukwenenzvera unyanzvi hwekunyora rondedzero ine udzamuc) kupa mhinduro dzenzwisiso dzizere vasingadzure mibvunzod) kutsanangura zvizere zvirungamutauro nenzira dzakasiyana-siyana

Bepa rekutanga Chikamu A Rondedzero Vadzidzi vanosarudza musoro werondedzero umwe chete vonyora rondedzero dzavo nemazvo.Rondedzero ngadzive dzinogutsa dziine mutauro wakarungwa uye dzisina mhosho. Kuwandakwemhosho kunotapudza zvibodzwa.

Chikamu B NzwisisoMhinduro dzingatarisirwa1. Mwana ngaape zvinofambirana nedetembo. (1)2. Rairo (1)3. Kuteerera rairo yevakuru kwavaiita kare. (2)4. Kubudirira (1)5. Kuchengetedza umhandara, kugara achifara uye kuremekedza vakuru. (3)6. Kuteerera pakudzidza uye pakubvunza.7. KuUniversity (Chikoro chepamusoro-soro) (1)8. Kuzvidukupisa nekurangarira vabereki vako. (2)9. Yemudurikidzwa . (1)10. Tsananguro yezvirungamutauro:

(a) kuseura makotsi: kunyeya / kutaura munhu asipo (1)(b) kupfundira mvura mumuromo: kunyarara (1)(c) kutiruma nzeve: kuyambira (1)(d) mwana asingacheme anofira mumbereko: dambudziko rinoda kutaurwa kune vamwe

kuti ugobatsirwa (1)(e) rurimi kamoto kamberevere: kutaurisa kune njodzi (1)(f) chirere mangwana chigokurerawo: kuchengeta vana zvakanaka nhasi mangwana

vanokuchengetawo (1)11. PfupisoMudzidzisi ngaabatsirane nevadzidzi kunyurura pfungwa huru nomwe.- kuraira Tariro kuti ateerere dzidziso yevakuru- kuraira Tariro kuti azvibate achichengetedza mhandara- kuraira Tariro kuti agare achifara- kuirara Tariro kuti asaite makuhwa- kuraira Tariro kuti ateerere paanodzidziswa- kusimbisa Tariro kuti asanete kuchikoro dzamara asvika kuchikoro chepamusoro- kupa Tariro muyenzaniso waNyevero ainge agarika

GONA CHIShona 4TG.indd 202 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 208: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

203

ZvibodzwaPfungwa huru nomwe (7) Ndima imwe (1) Mutauro usina kudimikirwa (1) Kuyerera kwepfungwa (1)Zvose (10) [30]

Bepa rechipiriChikamu chekutanga1. Tsumoa) Manatsa mukanwa harahwa kurota ichiyamwa.b) Igangaidza mukwenyi mhezi yavavira mudumbu.c) Kwavakusakara kwedoo serisakambodyiwa nyama.d) Nzombe huru yakabva mukurerwa.e) Mueni haapedzi dura.f) Gavi rakabva kumasvuuro.g) Uswa hwenyati hwava mudumbu huri pamuromo inofa nahwo. (10)

2. Madimikiraa) kubata pasi: kushaya zvawanga uchitsvakab) kudya nhoko dzezvironda: kutambura zvikuruc) kunyura muchipfeko: kupfeka zvinoenderana nemuvirid) kukumbira gushe padzvinyu: kutsvaga kumunhu asina zvachosee) kurova guva:kuitabirarekudzoramufimumushaf) kubatira ura mumaoko: kutya zvikurug) kurara nezamu mumukanwa: kupusa (5)

3. Ndichingosvika ndakasvikosimudza mutsvairo ndokunyatsoubata ndikagotangana naro basasezvo mumba mainge makazara zvinhu pasi. Ndapedza ndakatora mutakura ndokutsamiramadziro ndikati ndozvibaya, ndoga ndaingonzwa huro ichirira. (5)

4. Musamboa) pamusoroib) nedzinoparadza / nematambudzikoc) nguva hurud) nyachidee) mangwanani ambuya / mamuka seif) maita basa tagutag) ndinokumbirawo mudzokorore zvakareh) titambire / tigachirei) mofamba zvakanaka / tinozoonanaj) madzoko / ndimi makanotibatira basa

Chikamu chechipiri1.

Chivakashure Dzitsimu- -sikanach- -ana

GONA CHIShona 4TG.indd 203 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 209: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

204

Ø- -shuremu- -tiØ- -tarurerari- -isori- -pudzi

rw- -odzizi- -kadzima- -tombohw- -ahwaN- -pasama- -inochi- -torobhova- -tete

(15)2. a) Chiratidzi chepedyo

b) Chipauroc) Chirevamwened) Chidudzira chiito chechomboe) Chirevauwanduf) Chidudzirachiito chenguvag) Chirevamweneh) Dzitsi rechiverengoi) Chiitopauroj) Mudzi wechiito, chirevauwanduk) Chiverengo (15)

3. a) /i-/ anoshanda nemazita nezvipauro zvemupanda 5, 9 ne10 sekuti: ibenzi, imombe, idzvuku,inhema. (5)

b) /ha-/ anoshanda nezviratidzi nezvisarudzi sekuti: havo,havano. (5)c) /ndi-/ anoshanda nezvisazitasingwi uye mazita emupanda 1a, 2a, 2b sekuti: ndini, ndiTinashe,

ndiamai. (5)

4. a) donzo rekuudzab) donzo rekuitac) donzo rekurudzirod) donzo regoneko / kwanisoe) donzo rezvanga zvichiitika panguva iyoyof) donzo rechishuwog) donzo rekutumah) donzo redudziramuitii) donzo renhevedzanoj) donzo rekutuma (15)

GONA CHIShona 4TG.indd 204 16/3/2018 12:17 PM

NOT FOR SALE

Page 210: Gona ChiShona 4 Gona ChiShona 4 - CPS

Rakaongororwa nokugashirwa nebazi redzidzo yePrimary neSecondary muna Kurume 2018

Danho rechina remudzidzisi

• rakanyorwa nenyanzvi uye hwereshenga dzekudzidzisa ChiShona• rakanyorwa richitevedza hwaro huri mubumbiro idzva rezvidzidzo zveChiShona zvesekondari (2015 – 2022)• rinofambidzana zvikuru neCPS Gona ChiShona danho rechina remudzidzi•• rinokupai tsanangudzo dzerumwe ruzivo rwamungange musina, kunyanya pane zvetsika nemagariro• rinokupai mazano okudzidzisa ChiShona akanatsopepetwa nenyanzvi zvinoita kuti kudzidza kunakidze• richakurerutsirai basa sezvo hurongwa hwaro huchikusiirai nguva yekuita tsvakurudzo dzekubatsira vadzidzi

Umhizha hwegwaro rino huri pakuti rinokupai:•• Zvinangwa zvezvidzidzo• Zvombo zvekushandisa zvingadiwa• Mafambisirwo ezvidzidzo

Nakirwai nekurerukirwa nebasa renyu.

...in class with you

GonaChiShona 4

Gona ChiShona 4

Muzondo G Choga C Muchakazi KFOMU 4

Bhuku remudzidzisi

4

NOT FOR SALE